Mumoyo nemupfungwa dzaPitirosi, aive achinzwa kusvotekana nevaviri vakanga vabva kugumbatirana. Zvinhu zvaanga asingade kuona pameso pake. Nechemumoyo Pitirosi aifara kuti vakanga vari murima, izvi zvaizoita kuti plan yake ibudirire. Dai vaiziva kuti zuva iri ndiro rakanga riri rekupedzisira kuonana vaidai vakaramba. Rudo rwaTozi nemukadzi wake hwaigara huchimusvota. Bundu raimubata pese pavairatidzana rudo asingazive waiti zvimwe airambidzwa kuroorawo wake mukadzi kana kuti pamwe Tozi ndiye ainge atora mukadzi wake, ruchingova ruchiva rwemurume. Aiti akafunga tsoro yaakanga aronga aifara. Ko aizivaka kuti kana Tozi angoenda chete yaizokwanisa kubuda bhobho ende hapana aizofungira. Zvaizikamwa naye chete zvaaironga. Kuregedzana kwakaita Tozi naMucha wake kwairwadza ivo vaviri. Vaya vaiti kushata kwezvimwe kunaka kwezvimwe vainge vaona. Pitirosi anonzwa kufara nekuda kwekuregedzana kwaiva kwaita vaviri ava, anobata bag re munin'ina wake vachitanga kufamba vari vaviri. "Mwana waamai kwavakuenda kwasiyana nekumusha kwauri kubva, unosangana nezvakawanda zvinoita kuti utadze kufunga mhuri yawasiya kumusha. Hatidi kushoresa vabereki nekuvaremedza mutoro unorema. Usakanganwa kuvacheuka. Iniwo ndiripo, ndinopota ndichitarisa mudzimai wako, hapana chinomuwana kana ini ndiripo mwana waamai vako." Akanga arimashoko amukoma wake Pitirosi, aitaura zvaibva mumuromo make hake, asi pachokwadi zvaisabva pamoyo. Tozi kudai akanga achiziva hurongwa hwaiva mumoyo mamukoma vake kudai asina kubvira abvuma kutsvakirwa basa raiva kure nemhuri yake. Mukoma nemunin'ina vanosvika panokwirirwa mota idzo dzakanga dzichibva Nyamapanda dzichienda Harare, guta guru renyika yeZimbabwe. Asi Tozi akanga achizosarira maMutoko ndimo maakanga achizosangana nevarungu vaakanga audzwa nezvavo namukoma wake. Pitirosi naTozi vakamira kwefew minutes, about 17 minutes apo vakagara pedo nesign yeKaitano Primary School. "Mukoma ndinovimba kuti muchandichengetera musha wangu zvakanaka. Hamungandirase zvakadaro muri mwana waamai wangu. Mhuri yangu ndasiya mumaoko enyu, hanzi afamba apota. Imi ndimi munoziva kwandiri kuenda nekuti kwakamira sei. Chose chichaitika ndinokumbirawo mundizivisewo. Moyo wangu hauna kugadzikana nerwendo urwu, asi nekuda kwekuti muripo ndoziva kuti muchachengeta mhuri yangu." Mashoko aya akaita Pitirosi angodaira zvenguva iyoyo kungofuratira akanga achimakanganwa oita tsoro dzake dzaive mupfungwa dzake iye. Tozi akaona imwe mota yakanga iri open truck diki-diki anoimisa anokumbira kunosiva paMutoko Center. Muridzi anobvuma kumutakura nekumuudza kuti akanga asingakwanise kupinda muCentral aizorova nehighway onomusiya panosangana nzira inobva muCentral neinobva kunotorerwa zvitupa munzvimbo yeMutoko, akatsanangurira mukomana akaedza kuda kumirira yazomusvitsa kwaida,ipapo Pitirosi akaramba, achimuti munhu aiva aka mumirira mberi kwaienda. Kukwira kwakaita Tozi. Pitirosi akaita seachabata denga Mangwanani aya, anodzokera kumba moyo uchiita kufara, apo vakanga vachigara mudunhu rekwakaNzara. Imba yake neye mwana waamai wake dzakanga dzisiri kure nakure zvadzo.anoona pfungwa yekuti aende kumba asina kusvitsa Shoko rekukwira kwaTozi kumudzimai vake zvaisaita. Anosiya mugwagwa unodzika kuenda paChikoro anotora vaiva kudivi rake rekuleft anofamba achisiya misha mitatu yaiva pedo neyavo, anosvika pamusha paTozi mudzimai akanga achangopedza kuwesa moto Mangwanani aya. ."aaaaa" bamukuru handina kuona masvika nguvai pano" "Ndasvika pavanenguva Mainini, ndanga ndichitoyeva mudzimai wedu" "Zvabamukuru zvakaoma asikana Kani, unoshaya kuziva chii" aiva mudzimai vaTozi akanga achitaura achisimuka paiva,mumabvi ake maiva mune madhaka anotanga kupukuta anofamba achienda muimba yekubikira umo anotora poto yaiva nemvura yekubikira bamukuru cup of tea. Bamukuru vakaramba vakayeva mudzimai we munin'ina wavo mafambiro aakanga achiita, mupfungwa dzavo vanozviudza mashoko avo ekuti apa ndakanga ndichizodya chete mfana zvakanga aenda kure ndinoita plan yemaths dzangu dzibudirire. "Ehe Mainini inzwai munzweka"vakadaro bamukuru vachitaurira pasi vakatarisa mudzimai vaTozi akanga akapfungama achikuchidzira poto nemvura yaiva pamoto. "Mati kudiii bamukuru" "Tozi zvaenda kudai" hamuone zvakanaka muite tumari twenyu twamuno tenga twunhu twenyu musamirira murume? "Bamukuru ini handina zvakadaro murume akati achaita zvose. Ndomirira kunzwa naiye. I can't do anything without tell my husband and handidi kuita zvekuti nditsamwise umwe vangu nekuenda kubasa tisina kuwirirana. "Mainini hamuende kubasa,honai zvandiri kuda ndongokupai mari chete. Nekubatana kwamakaita uku zvinovha zvaenderana hapana angaziva ndinenge ndaita bonde nemi, tingori vaviri pano hapana mwana- mwana arikwaMbuya vake. Ava vaive bamukuru vaitaura zvakaita Muchaneta avhunduke nemashoko aya, akafunga zvimwe bamukuru vakanga vachitamba chiramu naye, aive asingaziwe Pitirosi akanga achireva chokwadi chaibva pamoyo pake. "Bamukuru zvimwe tingatamba nazvo, kwete kutamba nomuviri vangu, unomirira kubatwa nekurara nemurume umwe chete kwete more than that. Bamukuru vakaswedera pedyo vachida kubata Muchaneta muchiuno chake, Muchaneta akakasika kuwiruka achinomira kure nabamukuru ava. "Bamukuru zvamuri kusimbirira neni, ini ndaramba handikwanise kuita zvamuri kuda. Kana iri mari madii kunotsvaka vasina kuroorwa kunze uko. Kwakanaka here? Hamuone ndiri mudzimai we munin'ina wenyu here.ivo baba wenyu vaMoyo nemurume wangu vakanzwa zvakadai havangati ndiri pfambi?zvamuri kuita zvekundipfimba muchiziva mumhuri muno ndakauya nekuda kwaTozi anova munin'ina wenyu. Uyu mweya rudzi vamakuda kuita. Kwenyu kushaya vanhu kadzi kunze uko here zvamunoda ini? Matadzanei kungoroora mugare nemudzimai muchifadzana pamadira, pane zvamunoda kundiita. Ndakatadza chii, kuuya mumhuri menyu?zvamunoti simbiri simbiri neni ndiri mudzimai wemunhu, ndinokuonai sababa kureva vatezvara wangu. Kana zviri izvo zvamakatsvakira murume wangu basa kuti musare muchindiita mukadzi munozvinyepera , ndakabva kumusha ndakarairwa mari yenyu isai muhomwe zvenyu. Pitirosi akazviudza kuti uyu ndichamubata ndikaita zvandinoda naye zvake zvaari kutaura zvekuti Tozi Tozi zvaiva zvimwe izvo..