Pakaita nguva, hours kuti moto waibvira pamba paMucha uzoonekwa. Vanhu vakatanga kudeedzana deedzana ikava batai batai vanhu vachiedza kumhanya kunodzimura moto. Vane mashizha, vane ma bucket emvura, nevamwewo vaingodzungudza misoro vakatarisa. Pitirosi akasvikawo pamba apa akapfeka mabhachi semurwere oda kutandadza. Chaunga chainge chazara pamba paMucha vachibatsirana kudzima moto uyo wakatora nguva kudzima. Mudhuri wainge wadonhera mukati zvekuti vanhu vainge vongorwira kuti vabudise mutumbi kana waivamo. Pazvainge zvasvika chero nesvava yemwana yaionawo kuti hapana chipenyu changa chichabuda. Mapurisa akafonerwa ayo akazosvika nenguva dzavaida havo vanhu vapedza kudzima moto. Kusaziva kuti vainge vatadziswa nei kusvika panzvimbo nenguva kudaro. Utunga hwainge wotsvuka panguva yavakasvika ndokutanga kunyepera kupfeka zviso zvebasa vachitaura zvirungu zvekunyepera hanzi "police case." Mutumbi waMucha wakabudiswa mumba muya ndokuradzikwa pachivanze uyo wainge woita kunge nyama kuibva ibva. Zvairwadza nekusiririsa. Waisatarisa kaviri, ukabvapo uchiri kwaye. Zvaitoda vane hana nhete. Kana vari sanamai vakambobara vainzwa ura hworwadza nekuti zvaidzimba kuona. Vana vakatodzingwa panzvimbo iyi nekuti mapurisa ainge otyira kuti vanogona kuzova traumatized kweupenyu hwese. Mucha ainge afa rufu rwairwadza zvaionekwa nemunhu wese. Waiti ukada kudzamisa pfungwa kusvika pane zvaangeka anzwa kusvika azomira kufema wainzwa nemisodzi yoerera. Rufu rwekutsva rwagara harusi rwekutamba naro. Pavanhu vese vaivapo umwe neumwe ainge ongofunga zvake asi hapana aiziva chaicho chainge chaitika kunze kwaPitirosi. Iye ainge ati tsiki tsiki zvino achingosvimha misodzi. Kwakasara kuchena raini rese raziva nezvekufa kwemuroora wekwa Moyo. Vaizviti vanoziva nyaya zvikuru vainge vatotanga makwahi kwahi. Vamwe vakati ndiPitiros akanga afunga kutsipika nyaya yake yekubata mukadzi wemunin'ina. Vamwewo voti pamwe iye Mucha ainge akutya kufumurwa zvitadzo zvake ndokuzviuraya. Vamwe vakati nyambisirwa pamwe pane muvengi aiva apindawo mumusha wekwaMoyo. Vamwe vaida kuita sevanofunga vakati zvimwe light re paraffin rainge rakanganikwa rachipfuta moto ukabatira pajira imba ikapfuta. Yaiva batai batai. Mapurisa akazotanga kutora ma statement kune vashoma vainge vachinzi ndivo vainge vatanga kusvika pamba apa. Apedza chitunha chaMucha chakasengwa kuendeswa kumortuary uko vaiti vaizondoongorora kuti aiva iye here zvemachokwadi. Vakavimbisa zvakare kuzodzoka vachiferefeta nyaya iyi asi veruzhinji vaiziva havo kuti kwaingovawo kuwawata kwemuromo. Ko hauzarirwi nerwizi zve. Makunakuna ainge anguri aitika munharaunda nyaya dzacho dzichingoperera mumhepo pasina chabuda. Vazhinji moyo yavo yaidzimbikana nekuti vaiziva kuti zvatoperera ipapa. Hapana aizozvitsvaka uye mhondi iyi yaingozosiiwa isina kubatwa. Zvaidzimba moyo. Vamwene vaMucha vaipukuta misodzi vachizama kufonera mwana wavo zvekare, Tozi. Dzaingova shungu asi vaiziva havo kuti yaisambopinda phone yacho. Vainge vasingachazivi kuti vofunga zvipi. Vakatarisa Rudo waiva pamaoko pavo moyo wavo ukadzimbirwa. Muzukuru wavo ainge atova nherera sedambe, vanhu vakarivara. Ainge achazokura asingazivi mai vake. Ndangariro dzakadzoka shure vofunga musi wavaida Mucha ambotora mwana awane anovaraidza. Moyo wavo wakawedzera kurwadza vakufunga kuti zvimwe pamwe dei muzukuru wavo atotsvirawo mumba namai vake. Pamwe Muchaneta aitonyumwa kuti pane zvichaitika. Vakazama zvakare number dzaTozi dzikaramba zvekare kupinda. Panguva iyoyo murume wavo anosvika pavari achitora muzukuru Rudo ndokumubata. Mai vake vainge vafa. Vainge vatsvira mumba. Kuti vainge vapisirwa kana kuti vainge vazvipisira hapana aiziva asi muroora wavo ainge atsvira mumba. Vainzwa bundu raiva rakati ndii pamoyo pavo. Vaizoipira seiko kumusha kwaMucha? Vaindoitanga vachiti chii kuvakarahwa? Sekunzwa kwavaiva vakaita, Mucha aiva nehadzvanzi dzaidya marasha, dzaipenga samare. Tozi aiti akange akapiwa vanga pagumbo neimwe yehadzvadzi dzaMucha mushure mekunge amumitisa ari mwana wechikoro. Vaindozvireva vachiti chii? Vachiti Mucha wavo aiva akaita sei? MaHungwe, zidzvuku dzvuku ravo ravainge vakakonyedzera kuti ngarichengetwe zvakanaka apo vainge vauya kuzoona paiva nemwana wavo. Vakatura mafemo nekugumirwa. Aya ndiwo aiva mashura zveaya. Ko iye Rudo vaimuti mai vake vakaendepi kana akura. Ko iye Tozi wacho vaizomuti mukadzi wakw akaita sei. Murume mukuru akapukuta maziso achinzwa misodzi ichiswinya mumaziso. Murume haachemi. Tozi aida mukadzi wake, izvo vaizviziva. Paizodyarwa chinomera here pamusha pavo naTozi? Vaizoitanga vachiti chii? Vakatarisa Pitirosi, mupfungwa dzavo vaifunga zvakawanda asi matangiro vaiva vasina. Ndivo vaiva baba vaPitiros and hakuna baba vangati havazivi mwana wavo. Vakadzungudza musoro vofamba kubva pane vanhu kuti vachitanga kufonera fonera vanasikana vavo vachivazivisa zverufu. Vainge vakapiwa vana four, two boys and two girls. Tozi akati akagara achizvipukuta pukuta kumeso kwake. Akangoita semunhu anzi vhuu nezigope raasina kunzwisisa kuti rabvepi akazviona otorota. Panguva iyoyo Muchaneta akauya pameso pake ndokumuti padama pwaaa nembama. Akavhunduka achitomuka achimuka. Hana yake yakatanga kubika mananga nechiitiko ichi. Munhu aiziva chivanhu and izvi aiziva zvazvaireva. "Mucha no please..." Akataura ega achibata musoro. Akatanga kunzwa muviri wake seuri kutsva seuri kutonhorwa. Ainetseka achida kuedza kunzwisisa kuti chii chaiitika. Sekuziva kwake ainge akasiya mukadzi wake ari mutano asingarwari. Imwe pfungwa yakada kumusimbisa ichiti, pamwe kuda mukadzi wake aiva akamutsamwira nekusafona kumuudza kuti ainge akafamba sei kwaakait. Imwe ikamboti pamwe kuda kunyanya kumufunga kwaari kuita asi moyo wake waitaura zvawo izvo zvaairamba kutambira. Tozi akanzwa mutsindo wakamuvhundutsa apo paakanga ari painge pasvika vanhu. Aiva makurume maviri akasimba simba, umwe wacho aiva akazara ma tattoos muviri wese. Vaifemuruka vanhu vaya vachivanda vanda vari pasi pebridge paaiva. Umwe wacho aiita sewechidiki aiita achibuda achidongorera panze. Painge pasina ataura neumwe munguva yese iyi kusvika uya wema tattoo azoti. "Ko ndeipi?" Inzwi rake raiva rakakora zvaipinza chando. Tozi akadavira achiti, "makadii henyu?" "Haa bho." Akadeedzera kune umwe wake achiti, "how far?" Umwe wacho ndokudaira achiti, "kunenge kwachena uku. Rega ndifone ndinzwe kuti team radii." Tozi ainge angotarisa apo murume waaiva agere naye akatungidza fodya yake ndokutanga kusvuta. "mukati hadzisi mhondi idzodzi?" Tozi akazvibvunza mumoyo make. "Ko asi unogara pano?" Murume uya akabvunza. "Ehe hangu, for the mean time." Akadzvova achiseka murume uya ndokuringa ringa pavaiva kwava kuti, "wakakwana, inzvimbo inogara munhu here ino. Unonzani?" "Ndonzi Tozivei." "Izita here iroro? Ko ichi chii?" Apo aitendeka zvimafufu zvechingwa zvaiva muchipepa. Tozi akaramba akanyarara nenyadzi, zvaitoonekwa kuti zvainge zvanhongwa kumabin. Machengetedzero acho airatidza kuti zvichada kuzodyika. Mukomana aiva ari kunze kwebridge uya akadzoka achiti, "hanzi kwachena, team ratobaya kudheni, ngatipindire." Uya aiva asara naTozi akagutsurira mudoro ndokutarisa Tozi. Akabudisa chipepa muhomwe ndokunyora number dzake. Apedza akabudisa $50 ndokupeta nekapepa kaya kwava kutambidza Tozi. "Ndinonzi Jimmy, kana kuti Jimalo. Call me if you want to change your life, kana street kid chaiyo haisviki pane zvauri izvi. Tsvaka pekugara, apa panokwana rent nechikafu, nesipo ugezewo uri kutonhuhwa." Vapedza vakabva vatanga kumhanya vachienda. Tozi akarohwa nehana nezimari raakanga apiwa iri, akanga ava nenguva asati ambobata mari yakakura kudaro. Akanzwa mufaro mukuru uchizara maari. Chinhu chaakatanga kufunga ndiMucha, hope dzakange asangana nadzo dzaityisa. Asisaziva kuti dzaiva hope here kana chiratidzo. Akasimuka ndokutotanga kufamba achibuda pasi pebridge. Chaakatanga kufunga kutsvaka munhu angamupa foni oisa etym ofona kumusha saka akananga pamusika. Akakumbira vamwe mai vaitengesa ma etym kuti atenge ivo vaise mufoni mavo awane kufona. Akati apiwa foni iya ndokufonera Pitirosi, achinamata kuti dai akasakata futi. "Hello." "Hello mukoma, ndini Tozi." "Mhorozve Tozi, ndini Tobi, mukoma vako havasi kunzwa mushe havakwanisi kutaura. "Ko vaita sei, ndinokumbirawo kutaura naMucha." Tozi akataura nyaya yake nekukasira semunhu akumbira phone. "Kuno hakuna kumira mushe munin'ina wangu, kwira bus izvezvi uuye kumusha." Tobi akadaro. "Ko chiizve, imboitai nditaure naMucha." Tozi akadzokorora. "Unozotaura naye wasvika, wava kutopedza nguva kwira uuye." Zvakamunetsa kuti zvairevei asi akazoti, "horait. Regai ndigadzirire ndiuye mangwana." "huya nhasi Tozi, mangwana kwatova kure tanguri tatozama kukubata. Kwira nhasi. Ndiyo number yako here?" Tobi akabvunza. "Aiwa ndakabirwa phone." Tozi akapindura hana ichirova. "Hoo, ahh zvakaoma. Chikwira uuye." Tobi akadaro ndokukata foni. Hana yaTozi yakawedzera kusagadzikana. Akatarisa paiva nenguva ndokudzosera mai vaya phone yavo achivatenda. Akafamba ndokutsvaka paitengeswa hembe kuti awane zvekuchinja. Akatenga nedress remukadzi wake neraRudo. Akatenga kabag ndokukanda imomo. Akatenga sipo nemafuta kwava kudzokera kubridge kunotsvaka pekugezera. Achipedza akapfeka hembe dzaakanga atenga ndokubereka sachel yake iya ndokupinda paroad. Hana yake yairova asi aingozvisimbisa semurume. Transport yakati netsei asi akazoiwana hake. Panguva yakakanga ava kusvika Tozi pamba pake akatanga kuona kuungana kwevanhu. Zvakamunetsa achibva afambisa kusvika chiso chake chati mhaa paimba yaairara nemukadzi wake. Akapukuta maziso achiwedzera kufambisa, achishaya kuti zvaifamba sei. Paainge oda kusvika muchivanze mai vake ndokuikwetsura mhere vachizomutambira. Vakadzi vemuraini vakatanga kubata apo mai vaTozi vaingodeedzeda kuti "Muchaneta kani!!! Muchaneta hakuchina kani mwanangu! Mucha wadarireiko? Yuwii kanii, mwana wako ndomuudza kuti chiiko ini!!" Zvimwe zvacho zvainge zvoita kunge maungira kuna Tozi uyo akatanga kusunda vanhu kuti vasamubata achindomira paimba yavairara. Moto wainge usati watonyatsa kudzima. Akabatanidza nehope dzaainge arota Muchaneta achimupa mbama. Akatanga kunzwa kupera simba satchel yaaiva nayo ichidonhera pasi. Zvishoma nezvishoma akatanga kudzwira manzwi evanhu kure apo akatanga kuona nyeredzi, teverere rima ndiye pasi diii. Kupera kweEpisode 4