CHAPTER 1 "Jeff! Mwanangu, zvaunoita ramba uri pikiri nemwana mudiki akadai pakazara vanhu kudai unoona zvinobuda zvakanaka here? Hunhu rudzi rwaita utaure zvakadai ive uchiona vanhu vachiri kuchema vashakabvu ava? Iva nehunhu kwahwo mwanakomana vangu" ava vaiva Mai Chavha wakanga vachitaura nemwana komana akanga asina mukanwa kutaura mberi kwevanhu apo vanhu vaiva vachironga zvingabatsira vana vaiva vasara vari vadoko ava. "Mhamha! Zvamunotaura ndinozvinzwa kwazvo, Asi iye muzukuru wenyu haana muromo anondipindura zvaanoda hake? Anoziva ndiri sekuru vake here ini?." Akadaro Jeff achiita kuwiruka nehasha achiita kunge achada kurova mwana vasisi vake vainge vafa mushure mokunge vakundikana kubira mhiri kwerwizi vachida kuenda kurufu rwashamwari wavo mhiri kwanyamuzizi kunova iko kunonzi kuhudya. Baba naMai vaJessica wakanga vatorwa nemvura munguva imwe chete vakabatana maoko avo, apo vaida kuyambuka vasati vaziva kunobva rukova kwakanga kwanaya mvura yakawanda ivo nekuona mvura yamira kunaya vakaona iri iyo nguva yakanaka kuenda kunochema umwe wavo mhiri kwerwizi urwu.nyamuzizi akanga ane mvura yaidarika mumabvi zvokuti vaviri vaiva vakabatana maoko vachiyambuka vakatarisa kunobva mvura. Havana kuziva mvura iyi yakanga ichiwedzera zvishoma nezvishoma zvokuti pavakaona wave pakati perukova uku mvura yakusvika mumabendekete avo vakaona pasisina raramo yavo. Murume akaedza kuda kufambisa achikwezva mudzimai, asi nokuda kwekuti pane danda rakasvika kurova murume mumusoro ndokukuparara kwakaita vaviri ava. Vaiona chitiko ichi havana kukwanisa kupinda mumvura nokuda kwekuwanda kwayakanga yakaita. Umwe wevaiona izvi akati iye.. "Vanhu ava vatotorwa nemvura takatarisa here? Kuti vangarasirwa kupi nayo mvura iyi?" Uyu akanga ari umwe murume aitaura achibata bata trouse raiva akapfeka apedza akatanga kutevedza rwizi kudzamara asvika paisangana rwizi ruiri uhwu ndipo akaona mudzimai akarasirwa nemvura kwakuzoti murume zvakare. Kufa kwevaviri ava kwakarwadza hama neshamwari dzavo. Kuburikidza neVana vakasara vatatu ava neumwe akanga achingo bviswa pamukaka aiva nemwedzi misere zvake. Mwana wekutanga vaMai nababa Jessica, akanga ari Jessica aiva nemakore gumi nerimwe ekuzvarwa kwake uyo akanga achizosara nevana vaviri vaiti. Chido aiva nemakore mashanu koita uyu mudiki akanga achinzi Chipo aiva nemwedzi misere achangozvarwa. Mushure mokunge vaviri vachengetedzwa, hama dzakaramba kusara nevana ava nokuda kwekuti vaiva vachiti havana chekuzovapa zvakaita izvo kuti Jeff atange kunetsana nemwana vasisi vake Jessica. "Sekuru Jeff! Munoda kundinyararidza ini ndakazvarwa ndine muromo wekuti ndingokwanisa kutaura here? IMI madii kunyarara kana zviri izvo. Munoti kwedu kusataura kuda here kana tiri kutochema nhamo dzatadai kusirwa nevabereki wedu? Imi kana musingade tichengetwe naMai wenyu hazvina basa nokuti mombe nhatu idzi dzinotichengeta chaiko kusvika patinenge tsika, hakuzi kuda kwavo uye ndiyo nzira yavanenge vakanzi vachafa nayo. Kudai muri umwe munhu manyarara zvenyu nokuti hapana chamunoziva imi. Kudai maiva nemukadzi nemwana maiona kukosha kwakaita mwana but any way vabereki wedu ndozvavatisira izvi kuti tingoona nhamo iyi yadai kutanga izvezvi. Nehutsinye hwenyu hamungakodzere kugara nemukadzi zvachose." Akanga achitaura mwanasikana apo akanga akabata mwana mudiki mumaoko ake ipapo hama dzababa vake vanabamukuru nevanin'ina vababa vake vakatanga kumuudza kuti..... "Jessica! Vabereki vako vainge vasina kukuudzai nezvekuti mombe idzi dzichaita sei here? Wakanga vasina kana kapuru zvako uye idzi dziri kuenda kunobhadhara maroora sezvo baba vako vainge vasina kupedza kubvisa pfuma." Vaitaura baba mukuru vachitsinhirana naJeff. "Hazvina hazvo mhosva zvamuri kutaura izvi? Kunyangwe mukatora zvose zvakasara izvi zvinova zvakasiwa nevabereki wedu hatina basa nazvo as long tichigara zvedu pano pamba? Tichawana avhabatsira nokuti vabereki ndizvo zvavatisira izvi. Sekuru Jeff Maita zvenyu nerudo rwenyu urwu uye hatizi kuuyakusodya chikafu chsmunotenga imi. Tichasara tichidya chakarimwa nevabereki wedu chiri mumunda umu kana chichinge chapera tichaenda kwavari ikoko kunyika isingadzokwe vachatibatsira." Mashoko aya akataurwa akabata mbuya vaJessica uye moyo vairwadza kuenda vasmchisiya vana ava vanobatana nei chaizvo nezera ravaiva naro iri. JESSICA ndakarwadziwa ndichinzwa mashoko akanga achindirwadza pamoyo pangu. Handina kuzvibvuma zvaiva zvaitika izvi? Chekuita ndipo pakanga pasina uye nenguva yakanga yaitika zvinhu izvi nenguva yavakabva pamba mvura payakamira kunaya. Handina kuziva mashoko avakataura vabereki vangu akanga ari ekuonekedzana nawo aya. "Jessica mwanasikana! Pamwe tinogona kutadza kudzoka nhasi unotorara nevana ava usaenda kumwe kunze kwekurara pamba pano zvavadai vatokura mwanasikana. Tikasadzoka tinouya makuseni Mangwana nababa vako." Ndaiti ndikamarangarira mashoko aya ndaibudisa misodzi zvekuti ndakasvika pakubuda panze painge pachitaurwa. Ndakabuda nevana wamai vangu vaviri ava. "Ndozvamatisira here izvi! Tichanyaradzwa nani zvamatisiya munguva yakaoma kudai? Ndozvamasarudza here Mai nababa kundisira mutoro wakadai uyu. Ndinovapei vana vadiki ava? Ndinovasira ani ndichida kuenda kuchikoro." Ndaiva nemubvunzo yakawanda yakanga ichida mhinduro apa ndega ndaoatoona kuti ndakanga ndisina tarisiro yekuti ndichaenderera mberi nechikoro zvakanga zvatovharana ndiri grade 6 iyoyi. Ndaisovasiya nani vana ava. Ndakasvika pakuchema ndikazonyaradzwa naMbuya wakanga vachindisimbisa uye ini handina kuona pane kwataidiva nokuti mbuya vakangoti vachaenda nesu kana Jeff aramba vanosara neVana ava vaviri ini mdodzoka kuno, Asi vakati hama dzababa ndidzo dzaizokohwa zvirimwa vogara nazvo isu taipota tichinotora ikoko kana tisina chekubata. Pasina nguva ndakanzwa sekuru Jeff vakunditi... End of chapter 1 Ngatisanganei tione munext munei.. 🙏🏿be blessed 😘