CHAPTER 16 MAI TRISH zvakauya mumusoro mangu zvaiva zvakawanda kuburikidza nezvakanga zvaitika kuna Jessica manheru aya. Ndakatadza kana kuzvidzora mushure mekuzvirangarira kuita kuona kari kavision kaiva kachiitika kusvika pakubudisa misodzi zvokuti ndakasvika kakudzamisa pfungwa nendangariro pamwe chete. " Kuti! Baba Trish vanechekuita nezvaitika izvi here? Why vasipo pano pamba ini ndavasiya varipo vangadai vaenda kupi? Mari yavarikunzi vakaonekwa vachitambidzwa nababa Kelly yaiva yei." Zvese izvi zvakanga zvichiuya mukati mepfungwa dzangu zvekuti handina kuona vakasvika nguvai ini. Ndakaona mutsoka mavo musina shangu zvakandinetsa. Ipapo ndakatanga kupukuta misodzi nokuti ndakanga ndisingade vazive zvaiva zvaitika kuna Jessica. Ndakanzwa murume wangu ava kundibvunza.. "Kwavabva kwakanaka here kunoita usvike nekuchema kudai? Ndiani afa zvaunochema kudai Mai Trish." Ini kuti ndivaudze zvakanga zvisingakwanisike nokuti zvinhu izvi maitikiro azvo anondirwadza uye kuona murume vangu arimo munyaya idzi. "Baba Trish! Murikubva kupi manheru ano aya musina bhutsu mugumbo." Apa ndaiva ndazvipira kubvunza. Ko, kwaiva kusiri kufa ndekupi nokuti hapana kwaiva kusiri kufa zvose zvakanga zvakangofanana chete.. "Haunganzwisisa mudzimai kana ndikakuudza nezvazvo kwandanga ndiri. Unoona ndanga ndaenda kunoona kamupurisa ako kuitira zvinonetsa mangwana nevana ava uye kuramba kwaita Jessica kugara pano kwatibatsira kubva mumamwe matambudziko edu atinosangana nawo." Kutaura kwavo kwakaita ndirambe ndakanyarara ndikati ndichavabvunza Mangwana kwakachena. Ndakapinda mumba nekupinda mumagumbeze ndokutorara hope chaidzo. Kunze kuchienda ndaifanirwa kunosangana naBaba Tapiwa tichionesana tingaite sei tikwanise kubvisa vana ava munhara unda iyi. Ndakasangana nawo tikakuru kura ndokuona zvakakodzera kuvaendesa kwaiva nemunin'ina wangu Tambudzai akanga achishanda paMutoko. Taifanirwa kuvakwidza bhazi kuti azovagarire.. Ini handina kukwanisa kuperekedza ndakadzokera kumba ndiri munzira ndakasangana nevakomana vatatu avo vakati.. "Mhamha makadii zvenyu? Tinokumbirawo kubvunza tinoda kuona musikana anonzi Jessica akafirwa nevabereki vake ini ndinoitwa Brendon, uyu umwe anonzi Tofi, asi zita rake anonzi Tofirei zvake... Koita uyu anoitwa Pardon." Akadaro mukomana umwe akanga ari pedyo neni aiwa achiputa mbanje yake iyo yakandikanganisa ndikatanga kukosora.. "Mukwasha! Madii mamira kuputa mbanje yenyu iri kundikanganisa." Ndakataura ndichidaro handina kuziva ndaiva ndazvisikira moto muziso chaiko ndakaerekana ndabatwa huro hwangu ndakuita ku.............. MAI TAPIWA Ndakanga ndine imwe tsoro yandakanga ndinayo. Uye ndakarwadziwa kuti mwana weshamwari yangu opinda panguva yakaoma Kelly. Ndakaona kuti mwana uyu akanga akuda kuenderera ndaifanirwa kufunga imwe tsoro yangu yandanga ndinayo. Tsoro yandanga ndafunga yakanga isingakwanisi kumuregerera yakanga isingarambi. Ndakatuma munhu kuti anomurepa kana achinge amurepa omuuraya. Ndizvo zvandakanga ndichida oenda kuno murasa kurwizi. Zvekuti haafi akaonekwa zvachose body yake. Kana ivo baba Tapiwa vakatozvishaya kuti munhu uyu chii,chaari kunyengerera chaiko. Ini ndakanga ndichiziva kuti chifumi chamangwana ichi murume wangu arikuenda. Kwaari kuda kuenda kwaMurehwa pane zvaanga achida kunoita ikoko. Ini handina kuda kumungwadza kuti azive kuti rwendo rwake ndakanga ndaruudzwa kudhara kuti, arikuda kuenda kunoita nezvei. Izvi ndakaita kuti asazviona kana achinge aenda ikoko madhiri ose anenge ava bho. Murume wandakanga ndatuma akanga achiteera sezvazviri. Uye zuva iri ndakaita kurara ndine mufaro vakaita kuzadzwa mumoyo ndaiti baba ava vakaura rwendo runo. Chakandinetsa ndichekuti kwaiva kwava kuma past 8 dzema nheru apo murume wangu akangoti arikunzwa mudumbu. Akabuda achiita kumhanya achienda kutoilet. Ini nechemumoyo ndakangoti tichaona kuchawira tsvimbo nedohwe. Nokuti zvinhu zvako zvese zvava padhuze uye tichaona kuti kana waenda uku vana ava uchavaona sei. Uchazongonzwa kuti ava makuva chete. Nokuti zvandiri kuronga hazvifi zvakaenda mudondo zvamuchose. Kubuda kwaakaita ndakasara ndikarara, asi munhu haana kudzoka sezvakandinetsa. Kuti iwo mudumbu umu! mudumbu rudzii unoita kuti munhu aite gore rose ari kuchimbuzi. Asingadzoki ndakafunga kuti pamwe aenda kuno rara muroom mai rara Tapiwa. Ndakatarisa muimba mairara Tapiwa ndikaona hamuna, muimba yekubikira hamuna. Ndakaenda kutoilet ndakawana musina kana munhu zvachose. Nemataigezera makanga musina munhu. Izvi zvakaita kuti ndirohwe nehana nokuti chingava chiri chii chaitika ichi. Ndakadzokera kuno rara ndakanga ndisisina kugadzikana mupfungwa dzangu. Nokuti ndakanga ndichida kuziva munhu aiwa arikupi. Nokuti, rwendo rwake taiva tamugadzirira kuti, akwanise kufamba zvakanaka. Asi ichi chaitika handichazivi kuti chaiva chava chii. Ndakasvika pakubatwa nehope ndikarara kunze kuchiedza ndakaenda kuno sangana nemurume uyu. Wandakanga ndichifanirwa kusangana naye ipapo ndakashamisika kunzwa kuti, atadza kuita zvanda kanga ndamutuma. Zvinova zvakandirwadza zvisingaiti nokuti, ndakanga ndisina kutarisira zvakadai. Ndakaita kubaikana chaiko, asi ndakati hazvinetsi. Ndakamuudza kuti, "horaiti sezvo iwe zvawatadza wakatadza kumuteera here? Zvawakaona kuti, aperekedzwa nemudzimai waSabhuku?. Nokuti mudzimai waSabhuku handioni anedhiri nokuti arikutoedza kuvanyengerera kuitira kuti tikwanise kupinda mavari. Uye handioni pane chakaipa wakatadza kuvateera kumba kwavo here? Ukaita izvozvo nokuti ndinofanirwa kuita zvinhu izvi nekukurumbidza pasina dambudziko." "Nokuti simbi inorohwa ichapisa. Ukada kuzoirova yatonhora zvinhu zvinoenda mudondo." Ndakadaro ndikanzwa avakuti "Mai Tapiwa" handidi kukunyeperai,ndaedza zvose zvandinokwanise kusvika pamba apa asi ndapererwa. Nokuti zvandaona zvacho kuti ndikuudzei muno kwanisa kuzviramba. Ndaona murume wenyu akarara padoor kuti, ndipinde zvakanga zvisingaiti. Nokuti zvaizotora kunetsa ayizondiona ndiri mukati ndozoita sei. Zvamati murume wenyu nhasi anerwendo hazvina hazvo kuipa nokuti ndiro zuva randichaona kuti ndingaite sei, kana ndichinge ndapedza kuita zvandinenge ndaita hazvinetsi imba yavari kugara iyi. Ndiye huswa ndinosiya ndavapisira mukati zvose zvofamba zvakanaka. Hapana kana anofungira kana Sabhuku chaivo havafungiri. Nokuti Sabhuku chaivo ndakanzwa kuti vana ava vakaramba kugara kumba kwaSabhuku. Zvinova zvakavanetsa uye manheru vakanga vaenda kunotaura neumwe mupurisa wedu uyu asina zvinobatsira uyu. Uye ishamwari yangu. Ndiye andiudza kuti achauyiswa kuti ange achiongorora vana ava kuti hapana ari kuvatambudza here?. Ndiye arikuita nyaya yekuti vasashungurudzwe. Uye mumwe munhu anofanirwa kuti adzikamiswe ndiSabhuku. Hongu! toziva kuti anofarira doro, asi anofanirwa kudzikamiswa kuma shops kwaanoenda uku. Kungotenga doro kana kumupfuudza kumuisira muchetura mudoro. Zvinenge zvakanaka kuitira kuti madhiri edu abve asununguka. Nokuti tikatadza kupfuudza Sabhuku hapana zvatinenge tichiita. Murume wenyu baba Tapiwa hapachisina zviripo nokuti vakangobvuma chete kuenda zvinenge zvava munzira yakanaka. Uye handifungi kuti mai Sabhuku vakataura nezvazvo kuti ndizvo zvakanga zvichida kuitwa mwana izvi." Kutaura kwemurume uyu ndakaona kuti akanga achirevesa. Ndakati iwe ita zvingakwanisa kuita. Asi kuti upisire vana ava mumba hazvingaiti nokuti vanogona kufungira isu vanhu. Nokuti dhiri iri ndini chete ndiri kuri ziva hakuna mumwe ari kuriziva kunze kwako iwe neni chete. Uye kana ari murume wangu hazvinetsi ndichatamba naye kusvika zvanaka. Ndakadaro ndika kuparadzana kwandakaita. Ini ndakadzoka kumba ndakasvika ndichiona baba Tapiwa varipo. Handina kutaura ndakango bvunza kuti. "Ko, nayi murume wangu? wakarara kupi manheru." Haana kutaura akangoti akanga aenda kunooneka vana uye akatadza kudzoka kumba. Nokuti nguva dzaiva dzaenda akasarudza kuvata ikoko. Ndakangoti nechemumoyo ndakati unofunga kuti inini ndini ndino bvuma kunyeperwa here? Ini ndichiziva ndava kuziva chokwadii chese. Chiri kuitika pauri, nhasi ndiro zuva rako rekupedzisira kuonana nevana ava. Murume wangu akatora bag rake. Ndokubuda pamba akaoneka zvakanaka uye akasiya ati "Tapiwa ndiri kudzoka mwana wangu uye handisi kutora nguva. Ndinovimba kuti ndichagara ikoko mazuva maviri ndodzoka kwamuri kuno. Handisi kutora nguva yakareba kugarako." Akadaro murume wangu achitora bag rake ndakada kumuperekedza asi akaramba. Kubuda kwaakaita pamba handina kuona kuti akafamba sei. Uye ndakafonera mukomana uya ndikati izvezvi unofanirwa kuchirinda mwanasikana uyu. Asi ndakashamisika kunzwa achitaura kuti Jessica nevana vamai vake kutaura kwandiri kuita kudai handisi kuvaona. Uye ndakapedzisira kuvaona vachiperekedza murume wenyu. Baba Tapiwa handizivi kuti vaenda kupi. Nokuti vakanga vakatakura mabag akawanda handizivi kuti, mabag avaiva vakatakura akawanda vangava vaenda kupi. Izvi zvakaita kuti ndipererwe. Hapana kuita nguva ndakaona murume wangu adzoka. Asina bag akazara madhaka akati iye akanga asangana netsaona. Uye akwanisa kubuda asi paarohwa pacho atadza kuona kuti vana vanga vachimuperekedza kuti vafamba sei? Uye haana kukwanisa kuona kuti vari kupi. Izvi zvakandinetsa kuti, murume uyu angadai ateera vana ava. Zvakandinetsa chaiko nekudya moyo wangu. Zvekuti ndakasvika paku.. End of chapter 16 BOOK KUBVA PACHAPTER 18 ONSALE KWASARA CHAPTER IMWE CHETE KUTI FREE CHAPTER IPERE UYE VANODA KUENDERERA MBERI MUTENGO NDEUYUπŸ‘‡πŸ½ Botswana buy Artym yeMascom p15 Mozambique buy airtime yeVodacom 80mt Zim side 800rtg ecocash or airtime $ moisa panumber idzi 0777650455 S.A buy vouchers nemari iri pasi R15 BLU VOUCHER,KAZANG VOUCHER,OTT VOUCHER OR 1FOR YOU S.A VANOKWANISA MAAIRTIME R20 VODACOM ONLY MOUYA NESCREENSHOT PANUMBER DZANGU IDZI +27676644458. THANKS FOR UNDERSTAND GYZπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌ