Chapter 14 Unedited BABA TAPIWA Ndakanga ndichiita kurwadziwa mukati memoyo wangu. Nekushungurudzwa kwaiitwa vana vamukoma vangu ava. Zvinhu zvaiitwa namai Tapiwa ndaishaya kuziva vaitemba chii. Ndakanga ndakutotya kuuraiwa sezvakaitwa mukoma. Nokuti kufa kwavo handina kukuchenesa ini kubva vafa zuva rimwe chete nemudzimai wavo shuwa. Kusiya vana dzava nherera saka ndakaona kuti, mai Tapiwa nehama dzangu pane pavakatsika chete. Nokuti mai Tapiwa vakanga vasisateereri ndikavaudza ndakavaudza kuti, vasiye kushungurudza vana ava. Asi ivo ndopovotora mombe kunodziisa mumunda mune zvirimwa kuti, dzidye zvavo. Ndakaona kuti zvaisava zvega izvi. Pane zvavaitemba nazvo chete.Zvakandirwadza, asi chekuitawo ndakanga ndisina nokuti mombe dzanga dzadya chibage kare mumunda. Kuona kwandakaita Sekuru vana Jessica vaiva vauya kuzoonawo vazukuru vavo zvese nekuzobata maoko hanzvadzi yavo. Ndakaita kupererwa chaiko vachitaura nyaya yekudya kwaiva kwaita mombe. Zvese nezvataurwa nemudzimai wangu. Ndakabva ndavati tiende kwaSabhuku kuno vapira nyaya yacho kuti, vaone zvekuita nekuti neniwo ndakanga ndapererwa nekuita kwevanhu ava. Takaenda kwaSabhuku tikavaudza nyaya yose kana ivowo vakaratidza kupererwa chaiko. Pavakati tonotaurira kwababa Kelly takaendako tese. Ndokusvika mai Tapiwa variko vakatanga zvavo kuda kutaurisa vachiudza tsano. Zvinhu zvisina basa vachisiya kutaura nyaya yavo yavaita. Ndakavashaira pavo mai ava kuti, ayiwa munhu akaita sei asina nyadzi kana zvake. Ayingotaura zvaada asiri kuziva kuti arikutaura nani. Ndakaita kunzwa hasha chaiko, asi ndakazvidzora. Mai Tapiwa ndakazoona vapusa zvese nekunyara mushure mekunge tsano vataura kuti vaiva hanzvadzi yamai Jessica. Mukadzi mukuru akaita kunyara chaiko nekuda kwemashoko ake. Ndakazotanga kuudza mukoma zvataiva tafambira. Apa ndaiita kutaura ndine hasha mai Tapiwa vakada kupindira ndikavaudza ka1 vakabva vanyarara . Munhu wepi shuwa anoda kungopindira nyaya dzemumusha mevanhu iye arimutorwawo zvake. Anopinda papi panyaya dzemumusha medu. Ndaiita kurwadziwa chaiko zvese nekuzvishora nekuroora kwandakaita. Munhu akaita saMai Tapiwa asina kana moyo nevana veumwe. Apa iye munhu akukanganwa kuti ndakamuroora achitambura zvake achiita kunzwisa tsitsi nhasi ndiye akubata vana vamukoma wangu nekuseri kweruoko kudaro. Ndaiti ndikarangarira izvozvo ndaiita kunzwa moyo wangu kupisa chaiko. Takazotaura zvataiva tafambira nekuonesana pamusoro pevana . Tsano vakataura zvekuenda navo asi, mukoma vakaramba. Kuita sekuti kwaiva kuvada vana vacho ivo vachingoda kusara vachivatambudza chete. Ini ndaiva ndisina zvekutaura zvakawanda ndaida kumirira kunzwa kuti vachati chii. Pakazotaurwa kuti vanogara kwaSabhuku ndakaona zviri nani. Nokuti uko vanogona kugara zvakanaka. Pasina anovatambudza ndisinga zivi mudzimai wavo Sabhuku kuti achagona kugara navo here?. Nokuti vanhukadzi ndivo vanedambudziko kunyanya pavana vasiri vavo. Handizivi kuti vakaitwa sei kana kuti, chii chinorwadza kugara nemwana asiri wake. Ndoshaya kuti anenge achiona kusiyana kwavo nevake papi nokuti vese vanenge vari vana. Ndakangoti ndinenge ndichiona zvangu kana vatadza kugara navo ndinenge ndichiona zvimwe zvekuita neniwo. Nokuti chandisingadii kuona vana ava vachitambudzwa ndiripo. Izvo kana zviri nani kufa hangu ndichirwira vana ava. Ndaifunga zvese izvi ndiri munzira kuenda kumba. Mushure mekunge taparadzana navamwe tichibva kwa baba Kelly. Mai Tapiwa handina kuda kutaura navo ndaingofamba ndakanyarara ndichiita fungira mumoyo rwendo rwembwa. Ndakasvika kumba nekuvata, asi hope dzacho hadzina kubata nekuda kweshungu dzandaiva nadzo. Ndakazovata kunze kwakuedza chaiko. Panda kamuka makuseni ndakamuka mai Tapiwa vasipo. Ndikabuda panze vaisavapo zvakare ndakashaya kuziva ayiva amukira kupi makuseni akadai. Ndakazvigarera zvangu panze, ndakagara zvenguva yakakura chaiko kana kuona munhu. Ndagara ndakanganwa ndipo pandakaona vachisvika hameno kwaibviwa. Vakada kusvika vachizviita munhu kwaye, asi ini ndakanga ndisina zvangu nguva yekutaura zvakawanda navo. Kunze kwekungonyarara. SABHUKU Ndakanga ndapererwa chaiko zvese nekushaya zvekuita nekuda kwenyaya yevana vaishungurudzwa avo. Chinhu chainyanya kundirwadza vaishungurudzwa nehama dzavo. Kunyanya baba Kelly ndoshaya kuti, mweya rudzii chaiko waiva wamugara kuita zvinhu. Zvino shoresa kudaro ndaishaya kuti, ruchiva here? Kana kuti, igodo rinovatuma kudaro. Kana kuti, kufurirwa nemukadzi. Asi, kana ari mukadzi haafanirwi kurasiswa ropa rake nemukadzi. Umwe munhu wandaishaya kuti, ayitemba neyi ndimai Tapiwa mukadzi uyu anoratidza kuti, zvaanotemba nazvo zvekuru chaiko. Nokuti zvinhu zvaanoita hazviitwi nemunhu ariega kana,Pane paakatsika chete. Ndainzwira tsitsi baba Tapiwa kuti, vanogara sei nemunhu akadaro shuwa apa haana kana nyadzi zvake mukadzi wacho. Anotaura zvaanoda haatarisi kuti arikutaura nani. Ndakaona kuti izvi hazvisi zvega chaiko ndakanzwa kumutya mukadzi wababa Tapiwa. Asi semunhu waSabhuku ndaitofanirwa kuona zvekuita kuti, ndinga batsirawo sei vana ava. Nokuti kuhama dzavo hapana ayivada kusara kwababa Tapiwa vega. Zvino nezvandaona pamukadzi wavo havangazvikundi vega vanotoda mubatsiri. Pandakabva kwababa Kelly ndakaenda kumba asi pfungwa dzakanga dzisisiri panzwimbo nekuda kwehupenyu hwevana ava. Ndaitoda kusvika ndichitaura nemudzimai wangu pamusoro pevana ava kuti, ndivatore ndogara navo zvangu. Sekutaura kwaSekuru vavo nokuti, kwavari kugara uko vari vega hakuna kunaka chaiko. Vachiri vadiki vana ava vanoda munhu mukuru anovabikira zvese nekuvatarisa. Jessica Ndakaita kupererwa chaiko nokuti sekuru vainge vati mangwana vari kudzokera pane zvavakanga vachida kumhanyira kunyanya kunoona mbuya vakanga vasinganzwe zvakanaka. Kusara kwatakaita handina kuenda kwaSabhuku ndakaramba ndiripo pamba sezvo mazuva aya pakanga pasina munhu akanga achitishungurudza zvake. Rimwe zuva ndakasangana naBamukuru vakandibvunza chandaive ndarovera mwana vavo ini ndakangoti. "Bamukuru! Kutaura chokwadi chakaitika ndakanga ndichitozvifambira mwana wenyu kwakuya achida kundisaidzira, asi zvakaenda nepamwe ndokutanga kurwa tose kusvika iye atiza." Ndakadaro ndakaona Bamukuru vandibata ruoko rwangu ndokundizvizvurudza kusvika kumba kwavo. "Kelly mwanangu huya kuno tione." Vakadaro vachiita kufinyamisa meso avo. Ini ndakanga ndoti kwaitikei zvino uku. "Imi vaviri ndiri kuda kupedza kurwa kwamuri kuita nhasi chaiye. Iwe Kelly haukwanise kukura vakaita sei heee." Vaitaura vachimubaya baya neminwe yavo. Hapana kuita nguva Mai Kelly vakasvika pamwe chete nemudzimai vasabhuku naMai Tapiwa zvakare. "Baba Kelly! Zvaita sei kurova mwana wenyu nekuda kweikaka Kane makuhwa aka heee?" Vakadaro vachivabvunza chaitora nzvimbo. "Pandinoraira vana iwe usapindira... Ukuzvinzwa here? Pano pamusha panoti ini kwete iwe. Zvinokufadza kuona achishingurudza umwe mwana? Ko,ini ndikafa nhasi kana mangwana anosara achidiii?" Ndakaona kutsamwa kwavo zvokuti ini ndakabuda ndokuenda ndichivasiya varipo zvavo. Ndakazoti kumazuva rodoka sezvo Chido akanga achitamba naChipo ndakaenda kwaSabhuku uko ndaida kuvazivisa kuti takanga tavakugara zvakanaka uye ndaisakwanisa kuzogara kumba kwavo ini. Havana kuramba nokuti vaive vasirwa imwe mari naSekuru Tazvi yaizokwanisa kuti batsira mberi uku. Ndakaoneka ndavakuda kuenda ndiyo nguva yakasvika Mai Jean mudzimai vasabhuku. "Jessica! Unofamba nehusiku hwakadai nerima ririko iri kwakanaka here rega ndikuperekedze ndikuyambutse chirwizi ichi." Vakadaro vachipinda mberi kwangu. Ndakafamba nawo vachindiperekedza kusvika vadzoka. Ndakatanga kufambisa kuenda kumba, asi ndakanga ndichinzwa kuti kumashure kwangu kwaiva nemunhu akanga achinditevera. Ndaingocheuka cheuka ndipo ndakagumburwa, ndokubuda ropa zvokuti pandakati ndiwedzere kufambisa ndakanga ndakanga ndato..... End of chapter 14 Be blessed🙏🏿