CHAPTER 7 MAI TAPIWA Ndakanzwa kurwadziwa nemashoko akanga achitaurwa nemurume wangu. Akanga andibata bata. hongu handina kumubudira pachena, asi kuti zvaakanga ataura zvakanga zvandirwadza. Zvakanga zvasvika pakati pemoyo wangu. Ndakasvika pakubudisa misodzi kuchema nokuti ndakaona ndega kuti zvandakanga ndichida kuita izvi, hazvina kana kunaka. Hongu ini ndakanga ndiri nherera ndakanga ndisinawo baba namai. Ndakanga ndakawanikwa nemurume wangu ndisina baba namai akanzwisisa. Ini ndini ndavakutambudza vamwe vanhu zvakadai? kutambudza kwandiri kuita uku kwabva nekupi. Kurikuda kwemishonga yangu kwekuda kwekuromba kwandakaita here? Kana kuti. Ko, murume wangu akazviziva kuti ndinobata bata ndinopabuda zvakanaka here? Apa ndinobuda zvakanaka hre? Pamatambudziko andadai kupindana nawo aya. "Mai Tapiwa kana uchida kuti ini newe tiwirirane kurorana kwatakaita kuenderere mberi or kuti tigarisane zvakanaka . Siyana nenyaya yekuda kutambudza vana ava, vana ava vakatambudzwa kare munoda kuti vacheme kangani. Havasati vapedza kuchema vabereki vavo imi makutova tambudza. Ko, mupfungwa dzavo vanofunga chii kana muchivaona vachidai. Vanofunga kuti ndimi makauraya vabereki vavo. Kuti mukwanise kuvatambudza sezvamuri kuita izvi. Handioni iri pfungwa yakanaka yauri kuita nehama dzangu. Mukaramba muchidai, ini ndiri kuenda kumapurisa kana kuti ndiri kuenda kunoudza vana ava vaende kumapurisa. Vanotaura nezvazvo kana kutora peace order . Yekuti hamukwanisi kusvika pamba pavo kana padhuze navo." "Nokuti ndanzwa kuti iwe waenda kuna gogo vacho ukataura mashoko akashata pamusoro pavo. Siya gogo vachengete vazukuru vavo. Gogo vanoziva kukosha kwevazukuru vavo vanoziva zvinoda vazukuru vavo. Ko, iwe mutorwa zvako unopindira papi panyaya dzevana idzi. Ahuoni kuti, urikukanganisa ?nhasi kana mangwana ukafuma wakafa Tapiwa osara achiitwa zvese zvauri kuita vana ava unoona zvichiita here? Semuenzaniso kwauri iwe." Kutaura kwanga kuchiita baba Tapiwa kwakandirwadza. Ndakasvika pakuchema chaiko kutadza kuziva kuti ndakaitei. Ndakarwadziwa nekutaura kwavakanga vachiita. Panguva iyoyo baba Tapiwa vakapinda mumba vakagara zvavo vachikuchidzira moto. Ipapo mumba makaita runyararo kwenguva yakakura. Zvekuti ndakanzwa Tapiwa avakundibvunza kuti, "mhamha ndodawo kuziva kuti why sisi Jessica vasiri kuenda kuchikoro.? Sei musina kuvatora vauye vagare nesu pano pamba, nekuti ndanzwa baba vachiti ndibvunze imi. Ndimi munokwanisa kundipindura pane zvandiri kuda kuziva." Tapiwa akadaro ini ndakangotarisa baba vake. Avo vakanga vakatarisa pasi vakatsikitsira. Ndakashaya kana neminduro yemashoko akanga achitaurwa nemwanakomana wangu. "Tapiwa hazvisi rizvo!, Jessica achauya kana gogo vake vachinge vaenda kumusha kwavo." " Ok mhamha, kana zviri izvo. Seyi imi makati ndisatambe naye nokuti haasi munhu akanaka? Nokuti, ini ndinoona kuti, Jessica munhu akanaka handioni zvakaipa paari. Izvezvi ndanzwa kuchikoro uku nekubvunzwa nevamwe vake pamwe chete nema teacher kuti, ko, anouya rinhi." Ipapo ndakapererwa nokuita kwemwana wangu, ndakashaya kana minduro yekumupindura kunze kweku. TOFI zvakanga zvaitwa neumwe wedu zvakanga zvisina kururama chaiko. Isu vamwe tinotoshuvira kuva nevabereki wedu pedyo patiri apa, asi nekuda kwaiye musiki akaita tiparadzane nekuda kwemazuva avo ekurarama akanga akwana pano panyika. Zvinhu zvakaitwa naJeff zvinhu zvinoshoresa, zvinoita munhu abve chiremerera chaicho Ndakaenda kumba kwavo makuseni ndichiona ropa raipinda mumba ari madrop ndakaziva zvakanga zvaitika ndakapinda mumba ndokuona mai vakafungwa negumbeze uku vachiita kugomera iye akarara zvake akanga aputa idzo mbanje dzake. Moyo wangu vakarwadziva kusvika pakudana Tadzi akauya nekukurumidza tikaendesa Mai Jeff kuchipatara uko vakasvika nekuiswa muicc room vaiva vachinzi vakuvara machances ekurarama akanga ari 50-50. "Man! JEFF hafanirwi kuziva kwataunza mai vake kuno, nokuti akazviziva anogona kuvapedzisa ndine tarisiro yekuti vanogona kurarama ndizvo zviri kutaura pfungwa dzangu nemaonero angu Tofi." Akanga ari umwe vangu ainge achitaura neni. "Chauri kutaura ichokwadi hama nokuti panonga pane zvakaitika chete ndinomuziva Jeff kana achinge arova mbanje haone kuti munhu uyu akamira sei tarira anga akuda kuuraya mai vake. Zvoti sisi vakafa manje manje ava kuda kuuraya mai vakamubereka zvinobuda here?" Ndakadaro ndichitaura naTadzi tavakuenda kumba. Takasvika shasha ichiita kushaya zvekuita tikamuudza zvaiva paground, Asi kwete kwaiva naMai vake. Hatina kugara nokuti takanga tichidza kudzokera kwataiva tabva kuchipatara. Takati tirikufamba kudaro, ndakanzwa Tadzi avakunditi.. "Tofi shaaaa? Hakuna kunaka tikada kushandisa nzira iri straight iyi. Tarira man Jeff vari kutironda matsimba kumashure uku." Kutaura kwake kwakaita ndiite sendinoda kusunga tambo dzebhutsu dzangu. Uyu Tadzi akanga achiramba achienda nerwendo ini ndasarira kumashure ndakakotama ndokuisa maziso angu kumashure ndikaona baba vachiita kuhwanda nemiti vachitevera. Ndakasimuka ndokumhanya kwaiva neumwe vangu zvokuti takaudzana kuti ngatishandise imwe nzira tikwanise kudzoka kumba iye tione akanga achita kuenda kupi. Patakatora imwe nzira yakanga ichipuura nepane mamwe makuva ndipo takasangana na...... End of chapter 7 No likes, no comments and no book rinouya.... Be blessed 🙏