CHAPTER 6 JEFF Ndakaona maoko angu aita kuzara ropa rega rega. Panguva iyi mbanje dzaiva mumusoro ndakanga dzakanga dzapera zvino ndavakushaya kuziva ndoita sei zvino. Ndakavatakura kuenda nawo mumba ndakasvika kuvafungidza negumbeze ndokugara zvangu padivi nawo uku ndichimona imwe mbanje mumaoko. Ndakapedza kusunga mbanje ndakatanga kuiputa ndiri pedyo nawo uku ziso rangu raiva raita kutsvuka sechiropa ndavakunzwa kuti mbanje dzavamandiri umu.. "All it's your fault MHAMHA! Kudai musina kubvuma kushandiswa pasina zvese izvi. Tarirai kwazvakusvitsai manje." Ndakanga ndichitaura ndega, pamwe pacho ndaiita ndichiita kuseka chaiko zvekuti ndakabatwa nehope ndokurara mumba umu. Ndakazomuka nokuda kwekunzwa kunge munhu akanga achitaura zvakaita ndiite kuvhunduka, ndichimuka kubva kuhope. Ndakabuda panze ndokutanga kutenderera apa mbanje dzainge dzapera mumusoro dzisisimo zvakaita nditange kutsvaka Mhamha nokuti ndakanga ndichiziva vainge varipo. Ndakapinda mumba ndokuona magumbeze chete chete pasina munhu mdakatanga kubudisa misodzi ndiri apa ndakurangarira zvakanga zvaitika zvose kubva Mhamha vachisvika nezvavakataura nekuvasaidzira kwandakaita. Ndakatanga kuzvitongesa nekuzvibvunza mibvunzo yakawanda panguva imwe chete. Hongu ndakanga ndazviparira chaiko kusaidzira Mai wakandibereka ini. Ndakanzwa kurohwa mabendekete angu. Ndakatarisa ndikaona akanga ari Tofi aiva naTadzi. Vaviri ava wakanga vachiita kusekerera handina kuziva chakanga chichivapa kuti vakwanise kuseka chii? Ini ndakanga ndiri panguva yakaoma. "Man! Ndiri kuziva uri kutsvaka Mai vako but zvavaita izvi zvakaoma hazvo kusvika pakurova mubereki vako. Izvozvi chitarisa mbanje dzapera ra mumba tikatora Mai vako iwe urere zvako tikakusiya. Kutaura kudai Mai vako condition yavari Haina kunaka nokuti vari pacomma chaipo nokuda kwekuti simbi yavarova yakavakanganisa zvakawanda.* Mashoko aya akaita ndinzwe kurwadziva zvakanyanya nokuda kwezvandakanga ndaita izvi. Hameno ndaizviudza ani zvazvadai izvi... MAI TAPIWA Pandakabva kumba, ndakabva ndasangana nagogo vaJessica ndakaenda kumba. Ndichisvika ndichiona baba Tapiwa vakanga vasipo. Ndakabvunza Tapiwa kuti baba vako, varikupi? Haana kukwanisa kundipindura mubvunzo wangu kunze kwekungokwindimara chete. Zvinova zvakandirwadza kuti, ko mwana wangu ayiva aita sei. Chaizvo akanga achinja hunhu nenguva diki diki iyi. Nekuda kwaJessica waakanga achitamba naye uyu. Ndakakopinda mumba ndikambogara gara ndokuenda kumba kwabamukuru. Uku kwandakasvika bamukuru vakaita kutsamwa handizivi kuti, vakanga vakatsamwa neyi. Kusvika kwandakaita muruvanze vakabva vati "mainini zvamauya zvanaka. Nokuti murume wenyu arikuda kuonesa zvakanyanyisa. Saka imi tofanirwa kuita dhiri iri tichakokorodza vamwe vese vehama toonesana. Uye tichinje maitiro, nokuti maitiro atiri kufunga zvava munzeve dzaSabhuku. Anokwanisa kuti vana avo vazvizive vanokwanisa kuenda kunotaura kumapurisa ." Ipapo ndakati, "ayiwa Jessica haana pfungwa dzekuenda kumapurisa! pfungwa dzake dzichiri dzemwana. Isu ngatitoreyi zvose zvatakataura nokuti havana kana simba. Kana vari gogo vacho hazvina basa mhepo dzatakatosimudza zvakatoita. Zvokuti pavachaenda kumba kwavo vachasvika vachiona zvinhu zvakachinja ikoko." Ndakadaro ndichizvininipisa ndichitaurira bamukuru. Bamukuru vakati ayiwa munenge magona chaizvo zvamaita izvi. Ndizvo zvandanga ndiri kutofunga izvezvi hapana kuita nguva kwakanga kwati dokeyi ndakaona Jessica achisvika nevana. Vamai vake vakanga vari vatatu ndakamubvunza kuti, ko nayi mwana iwe wakufamba nehusiku nevana ava kwakanaka here? Ipapo haana kukwanisa kundipindura kunze kwekundipindura mashoko anorwadza. Akaita kuti, ndirwadziwe chaiko akaita kuti, ndizive kuti, zvose zvandakanga ndataura akanga azvinzwa uye akanga aripanze akangaazvinzwa zvose. Ndakarwadziwa chaiko uye babamukuru vakaratidza kupererwa vakamubvunza kuti, "Jessica akuudza izvozvo ndiyani? Mashoko ako akuudza iyeye mashoko iwayo ndeenhema. Haangave echokwadi hapana zvamuri kuda kutorerwa imi zvinhu zvenyu zvose zvakasiyiwa nevabereki venyu ndizvenyu." Ndakadaro ndichiita kubvunda chaiko. Kana akanga asina kuudzwa nababa Tapiwa ndiani angamuudza zvakare nokuti mbuya vacho handifunge kana vasvika kuonana nawo. Ndakatoona kugadzira mwana uyu asataure muromo vake zvakanaka nokuti ini pachezvangu ndipo pamusha wemishonga hakuna anoda kuenda mberi kwangu zvisina tsarukano zvayo. "Kana muri imi mai Tapiwa nyararai zvenyu nokuti ndakunzwai muchitaura kurwizi uko namaiguru mai Kelly! Kana ndichireva nhema motaura." Akadaro ini ndakanga ndapererwa nekuita kwake . Ndakanzwa avakuti kuna baba mukuru vake. "Baba mukuru! Muchiona ndauya kudai, handiti ndimi mukuru pane wese sezvo ndauya kwamuri kudai ndauya kuzogara pano munyatsoita zvamuri kuda zvose hapana chatiri kutya nokuti makauraya vabereki wedu vakatisiya tiri vana kudai zvino zvavatisiya kudai tauya kwamuri sababa. Ndinoziva mune chekuita muri kuda zvose kubva kuzvirimwa kusvika kuzvipfuyo, ndinoti toraizvenyu zvose isu hatina kana basa nokuti ndizvo zvakaita vabereki vatisiye hazvina hazvo mhosva. Imi muchiona vari vana wenyu vane chimiro ichi munozvitambira sei? Moyo wenyu haurwadze here kutambudza nherera yakaita seni kudai? Takanyanya kutadzei chaizvo? Ivo vabereki vakatadzei zvinoita isu titange kuripa mhosva dzevakafa idzi.?" Akataura zvakawanda zvokuti ndakanzwa baba mukuru vavakuti..... "Jessica! Zvauri kutaura inhema hakuna anoita zvakadaro kwamuri. Hapana arikutora hupfumi hwevabereki wenyu nokuti zvose vakasiira imi vana vacho. Kudai takanga tichida kutora takatora kare kare, asi nokuona mhuri dzakasiwa nemunin'ina vangu." Pavaitaura ndakanga ndichitoona kuvharwa kwevana ava. Havana kuzoenda kumba kwavo zuva iri vakarara pamba pabamukuru wavo. Ndakaoneka ndokuperekedzwa nababa Kelly .. "Mainini! Musataura zvinhu zvisina kunaka pamberi PEVANA ava. Imi zivai zvatakataurirana chete." Vakadaro ini nekuona tsoro dzakanga dzichinonoka kuita zvatakanga tichita dziri kumashure chaiko. Ndakazviudza ndichaita dzangu tsoro. Kudzokera kwakaita baba Kelly ini ndakatanga kufambisa ndichienda kumba zvangu. Ndakasvika baba Tapiwa varipo vakaita kutsamwa handina kuita basa nazvo ndakasvika nekungovabvunza ndisina kana kuvakwazisa chaiko. "Mai Tapiwa zvauri kuda kuziva zvose yes ichokwadi ndaenda kwasabhuku ndaida rubatsiro nokuti imi muri kuda kutambudza vana ava. Why usingafunge chaiko kuda kutambudza vana ava? Imhosva here kusiwa vari vana vadiki kudai zvinoita mutore mukana wekuda hupfumi hwavakasiirwa uhu? Enyu maoko haana simba rekushanda here sezvaita vashakabvu Ava zvamunoda kudya zvevarefu ini muri vapfupi?" Murume mukuru akataura zvakawanda kusanganisira nezvekuti ndiurayei zvenyu ndiende kwakaenda vamwe zvakandirwadza kusvika ndapindura nezve..... End of chapter 6