VaRoma 8: 17and 18 17 zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwa vo pamwe chete naye. 18 Nokuti ndinoti matambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. CHAPTER 8 @facebook@page@Patrick stories@.... BABA TAPIWA Zvinhu zvakanga zvakaoma, ndakanga ndichiona kunge zviri nyore. Asi zvakanga zvisina kumira zvakanaka. Ndaiti vana ava vachanyarara, asi ndakatoona kuti simba ravanaro rakanga rakanyanya kudarika rataiva naro. Dzose tsoro dzakanga dzaenda musango dzose. Handizivi kuti ndotangira papi nezvazvo zvichibvira naiyeyu munin'ina wedu. Akanga aenda kwaSabhuku kuno taura kwasina kuswera ini ndokudanwa kwandakaitwa kwaSabhuku, ndikaenda apa zvinhu zvakanga zvisina kumira mushe kudivi kwangu. Apo Sabhuku vakanditi, "iwe baba Kelly! zvauri kuda kuita nevana ava. Kana kutambudza vana ava mangwana zvichazokupinzai pajodzi. Kudai muri vamwe masiyana nazvo zvichakanaka?.... Haisi tsika yakanaka kuti munotora hupfumi hwasiyirwa vana ava nevabereki vavo, madii kushanda zvenyu? masiyana nezvevana. Tarirai vana ava vachiri vadiki?, vanotoda rubatsiro kubva kwamuri. Zvino kana imi muchitanga kuvatambudza vachiri vadiki kudai vanofunga chiii? Mupfungwa dzavo vanokugamuchirai sababa here? Muchiita zvakadai mamboona muri kugona kana muri kukanganisa? Ini hangu kuona kwangu handioni zvakanaka. Vana ava vanoda rubatsiro kubva kwamuri nokuti vabereki vavo havana kusarudza kuda kufa. Vachisiya vana ava vari vadiki. Asi nokuda kwekuti vakakurirwa nemvura yakanga iri murwizi vakatorwa nemvura kwaisava kuda kwavo." "Chivimbo chavo chaiva chokuti vachengete vana vavo, kuti vakure vachiona vabereki vavo. Asi imi zvamava kuvaita izvi . Kuvatambudza kwamuri kuita uku hakuna kunaka. Ko, kudai muri vamwe mavatora mavachengeta magara navo. Hongu! gogo vanokwanisa kuenda vana vanosara vari vega. Ko, vana ava vakatadza kana kuzvibikira kana kutsva vachida kuzvibikira imi muripo zvinokufadzai.? Zvinhu zvakanaka here? Musateerere mashoko emadzimai enyu. Madzimai enyu ngaasakuparadzaniseyi nemhuri dzenyu. Pakati perudo renyu nevana venyu nehama dzenyu. Ini ndiri kutaura ndakamira saSabhuku wenyu." Akanga ari Sabhuku akanga achitaura. Mashoko avakataura akandibata bata handidi kureva nhema. Ndakatopererwa chaiko ndakadzoka kumba ndakasvika ndikaona vana vakuoneka vakuda kuenda. Ndakabva ndavati, "Jessica mwanangu! zvauri kuda kuita kuno gara kumba kwevabereki vako nevana ava hazvingaiti." "Handioni zvichiita kuti ugare nevana ava, dai wandisiyira vaviri ava. Sezvo Chido achiri mudiki haanga kwanisi kuti aenderere mberi nekuchikoro anozotanga gore rinouya." Ndakadaro ndichitaura naye, asi akanga asina kundipindura handizivi kuti pfungwa dzake dzakanga dziri kupi. " Babamukuru zvamuri kutaura izvi pano takauya tikarara nenzara? makatipa chikafu chamakasiya. Isusu tisu tinongoda kudya makoko anenge asiyiwa nevamwe sembwa here.? Ikodzero yedu tinodawo kudya chikafu chakanaka. Isu zvekugara pano hatidii nechikonzero chokuti hamutioni sevana vemunin'ina wenyu. Hatina zvakawanda zvekutaura kunze kwekuenda kuna gogo vedu vatasiya kumba." Vanasikana vakabatana maoko vachienda. Ndakangosara ndakabata muromo. Ndakanga ndawandirwa nezvekufunga nemashoko akanga achitaurwa nevana ava. Ndoshaya kuziva kuti wakanga vamawana kupi. Izvi zvakandirwadza mukati memoyo wangu. Hapana kuita nguva ndipo pakauya Mai Kelly vakasvika vachiti "baba Kelly! zvamuri kuita izvi hazvina kufanira . Siyai vaende, handiti kuramba kureva kuti vanozvigona vasiyeyi vaende kana vatamba nhamo vachadzoka vachikutsvakai. Tarisai muone hama dzamai vacho dzakavaramba kare, so gogo havakwanisi kuvatakura vachienda navo." Mashoko akataurwa nemudzimai ndakatadza kuziva zvakanga achida kureva ini. JESSICA Pandakabatwa nehope ndikarara ndokapepuka. Pandakamuka ndakatanga kurangarira zvandakanga ndanzwa zvaitaura namai Kelly naMai Tapiwa. Zvakandirwadza mukati memoyo wangu zvekuti ndakambochema kwenguva. Ndichirangarira mafiro akaita vabereki vangu, nguva imwe chete apo vakatorwa nemvura. Ndakaona kuti zvakanga zvakarongwa. Ndakanga ndichiri mudiki pakupfungwa, asi ndakanga ndava nepfungwa. Ndakachema chaiko kusvika pakuti "ndizvo zvamakatisiyira here izvi? Vabereki zvamatisiya kudai tichaonekwa nani.? Zvamatisiya kudai ndiyani achatida, achatinyaradza patinochema? Zvamatisiya kudai ndiani achationawo sevana vake munhu wese hapana anoda kugara nesu. Munhu wese arikungotaura zvake, chavarikuda ipfuma yamakatisiyira nezvirimwa izvi. Chokwadi ndizvo zvamatisiyira kuti tigoona nhamo here? Kutisiyira zvirimwa izvi zvisina kana zvazvinobatsira? Sei, vanhu vachidaro kukuurairayi kurima kwenyu. Kushanda kwenyu ndiko kwavanga kuurairai here? tichanyaradzwa nani chaizvo Zvamatisiya tiri vana kudai? Tichararama sei? Hongu! gogo vane moyo murefu,asi sekuru Jeff havadi kutiona." "Tichararama sei? ndichapedzawo chikoro here? Sekushuvira kwandanga ndichiita nokukuvimbisai kwandakanga ndaita kuti kana ndichinge ndakura ndichaenda kubasa ndotanga kukuchengetai.Zvino ndochengeta ani zvamatisiya kudai.? Ndichatongochengeta vanin'ina vangu ava. Kuti vakure vachiziva vasave vanobvuma kufurirwa nevanhu nemashoko akashata." Ndakarwadziwa moyo wangu zvokuti Chido akamuka ndakatora Chipo ndokubuda ndokuenda. Gogo handina kuwaona kuti wakanga vari kupi. Pandanga ndakubuda ndakavaona vakamira naMai Tapiwa. Ndakatofunga kuti vese vanerimwe handina kuziva mashoko avakanga vachitaura ikoko. Ndakabuda ndikaenda kwababa Kelly. Ndakanga ndichida kuvaudza mashoko anorwadza, asi ndakakurirwa nekuchema misodzi yangu yakatanga kubuda zvekuti panguva iyi ndakatanga kuchema ndichitaura ndega. Nechemumoyo kuti "Ishe tinzweiwo kuchema kwedu? tiri nherera dzisina mutariri? tasiiwa tiri vadiki kudai.! Tichengetedzei kubva kune avo varikuda kutirwisa hatina mhosva yatakatadza isu varanda wenyu. Chokwadii toripa mhosva dzevabereki vedu here? Takatadzei chaizvo zvinoita muite zvakadai izvi.? Hatina basa nazvo chero vakatora zvese." Ndakatanga kubvunza baba Kelly zvakawanda, asi havana kukwanisa kupindura. Takarara apa zuva iri mangwana tikamuka tichidzokera kumba. Ndichisvika ndakawana gogo vasiko zvakandirwadza. Pakapera mazuva maviri apa takatanga kugadzirira kuenda kuchikoro. Asi wekusiyira mwana kana naiye Tapiwa wacho ndakanga ndisisadi kutaura naye. Ndakango muka ndikagadzirira Chido naChipo wacho ndakati, kana tichizodzingwa ndaidzingwa zvangu. Nokuti ndakanga ndichida kupedza grade 6ne7 yangu. Hapana akanga achitiona. Zuva nezuva yakanga iri misodzi pandiri. Ndairangarira kuti zvatakanga tasiyiwa, asi hapana chandaikwanisa kuita kunze kwekuzvigamuchira zvakanga zviripo. Mwari ndivo vachaita kuda kwavo kurarama kwatiri kuita nekuchema kwatiri kuita. Mwari vachanzwa kuchema kwedu. "Sisi Jessica! ini handioni zvakakodzera kuti tiende naChipo! tadii tanomusiya kushamwari yamhamha uko. Ini ndokasika kudzoka ndodzoka ndomutora nokuti imi murege kuenda kuchikoro hazviiti. Ichokwadi here? Kuti babamukuru vanga vachirevesa kana kuti vanga vachireva nhema." Akadaro Chido, Ndakashaya kuziva kuti ndopindura mubvunzo upi. Babamukuru vanga vachireva nhema ndakatanga kubudisa misodzi ndokugara pasi ndakaisa vana vamai vangu pamakumbo ndakabata Chido ruoko rwake. Ndakatsikitsira musoro vangu pasi ndakatanga kuchema. Umwe moyo wakambofunga kuti enda kwagogo, asi zvakanga zvisingaiti. Nekuda kwezvandanga ndaita sekuru Jeff. Ndakachema kusvika shungu dzapera. Ipapo ndipo ndakaona imwe plan yakauya mupfungwa dzangu zvekuti ndakaerekana ndavakubvunza Chido kuti....... End of chapter 8 Be blessed🙏🏻