CHAPTER 11 JEFF Zvandakaona mukoma vabuda vachienda ndakaona uri ivo mukana wangu wekubuda ndichienda kumashamwari angu. Zvinhu zvakanga zvakaminama kudivi kwangu. Hameno hondo yandakanga ndadai kutarisana nayo ndakanga ndichizoipedza zvaita sei chaizvo izvo. Ndakanga ndisina rimwe zano kunze kwekupfuudza mai vangu. Umwe moyo wakanga uchinditi buda pachena kuna mukoma wako uvaudze zvose zvakaitika kuna amai wedu. Handina kuona ndakasvika nguvai paiva nevakomana vandinotamba nawo Tofi naTadzi. "Vauya zvakare JEFF! Neziso rako rimwe chete iri. Haaa munhu iyeye akakukuvadza haumukanganwe zvako nokuti akakupa chivanga chehupenyu hwese." Kutaura kwavaiita ndainzwa kurwadziva nemashoko avo. Ini pachezvangu ndaisakwanisa kutaura kuti muzukuru wangu ndiye akaita zvakadai izvi. "Tofi! Handina kufambira nyaya iyi, nyaya yandafambira unoiziva iwe." Ndakadaro ndichiita kuchinja face ndichiisa yebasa. "Jeff shamwari! Kukuudza chokwadi ndisingade kukurevera nhema zvinhu hazvina kukumirira zvakanaka nokuti mukoma wako vanoda kuziva kuna mai wako zvakare. Isu takaita zvatakaita paya taireva nhema kuti Mai vako takaenda nawo kuchipatara. Kutaura chokwadi chose hatikwanise kukuudza nemuromo, asi zvinoda iwe pachezvako uzvionere pamhino sefodya nekuti moyo urikurwadza nozvavakaita izvi zvinonyadzisa." Kutaura kwavo kwakanga kwaita ndirasike chaiko, ndakanga ndichitevera. Kumashure kwavo apo vaipinda nemusango ini ndichipinda nemo zvakare kusvika tasvika paimwe nzvimbo yakanga iine churu. "Jeff Hama yedu! Ndinoti ruregerero kwauri nezvakaitika takaita izvi nekuda kusaver upenyu hwako taiva taona ijeri rakakura ravakanga waita. Asi naizvozvo tinoti apa ndipo pakarara Mai vako, izvi zvatakaita takazviitira iwe kuti usabatwe.." Ndakaita kupererwa nezvavakanga vachitaura, ndakanga ndichiramba kuti ndakanga ndatouraya mai vangu nekuda kwezvisina basa? Hongu dai ndakavaterera zvavaida zvose pasina zvinhu zvaitika izvi? Ndinotarisana sei nemukoma wangu adai kuuya uyu? Jessica akanzwa zvaitika izvi ndinoribuda here jeri racho. Ndakanga ndangosara ndiri ndega pamakuva aya zvekuti Tofi naTadzi wakanga vaenda ndaiva ndosara ndichitaura nemhepo yega yega. TAZVII ndakanga ndaita kupererwa nekufa kwakaita hanzvadzi yangu. Ndaiva ndisina mazuva maviri ndabva kutaura naye tichiseka iye achinditi ndizouye ndidye chibage chakanga chavakuoma mumunda. Handina kuziva kwakanga kuri kutoonekana ikoko. Chekuita ndipo pakanga pasina nokuti kana Mwari varonga hapana anoowanisa kuramba nokuti munhu anofa zvakasiyana. Umwe unogona uchityaira motikari inodhura zvakadii, asi kana rufu rwauya hapana chaunokwanisa kuita. Ndakati ndichisvika kumba ndakatambira neimwe iyi yakandikandisa Mapfumo pasi. Handina kuziva munin'ina wangu angaita zvinhu zvakaipa kudai kuda kuti parira ngozi iyi. Ndakaudza mashamwari ake kuti vasaenda naye kwaiva namhamha nokuti pfungwa dzake dzaitoda zvekuuraya sekuudzwa kwandakaitwa mukufamba kwandakaita. Iye akada kutaura nhema pamberi pangu haana kuziva chokwadi ndakanga ndava nacho chose chisina umwe wekubvunza zvake. Chinhu chaindirwadza vana vakanga vasara vari vadiki, vaizobatana nei? Idzo hama dzakasara dzinokwanisa kuvabata zvakanaka here?. Ndaizvibvunza ndakagara mubhazi kuenda kwaiva kwakaroorwa hanzvadzi yangu. Kubva zvakashaya handina kubvira ndakakusvika uku. Ndakaburuka bhazi kumazuva roda kupinda muna mai varo ndokutanga kufamba ndichienda nokuti hakuna vakawanda vaindiziva. Ndakati ndakusvika pamba paiva pakanyararwa ndakangonzwa mabhero emombe dzakanga dziri mumunda umu. Ndakarwadziwa nekuona chibage chakanga chakanaka uye ndakaziva chaiva chevazukuru vangu. Pandakafamba ndichida kunobudisa mombe mumunda nekuwanda kwadzaiva dzakaita. Ndakanzwa munhu achiti.. "Imi mukwasha? Mune shuwa kuti mungabva kwamabva muchisvika kubvisa mombe mumafuro madziri umu mune chokwadi." Akadaro mukadzi achiita kuchenama zvake. Ini handina kuda kutaura zvakawanda ndakangokumbira ruregerero pane zvandakanga ndaita, asi moyo vairwadziva kuona izvi. "Asi imi amai! Mune chokwadi kuisa mombe mumunda mune zvirimwa izvi? Madii matanga kukohwa pane kuita izvi munda wenyu here uyu kana ndewevamwe vanhu?" Ndakanga ndichida kuziva nezvazvo uku chokwadi ndaiva nacho uye munhu uyu akaratidza kusandiziva.. "Mukwasha izvo zvatova zvimwe zvamakubvunza. Madii kufamba muende nokuti handina mhinduro yenyu yekukupai kunze kwekuti muende kwamuri kuenda." Akadaro akanditarisa mukadzi uyu. "Ayewa amai! Ndangoti ndibvunze hangu. Kana mati ndifambe ndiende kwandiri kuenda ndinofamba ndichienda kupi ini kwandiri kuenda kwacho pari ipo pano pamusha pandinoda kuona vana wepano." Ndakaona mai ava vachiita kupererwa ini handina kuda kubuda pachena kwavari nokuti kuita kwavo kwakanga kuchindiudza zvakawanda kuburikidza nevazukuru vangu ava. "Aaah! Zvakaoma hazvo, chokwadi mwana mudiki avakutoita varume nezera rake iri? Manje ndinoda kuvaudza vana baba wake akajaidzwa kunge mai vake vanoroya ava." Vakanga vachiita kutaura zvakawanda zvokuti ndakanga ndavanechokwadi chose. Mbuya yakazobvisa mombe dzapedza kudya chibage ichi dzakaita svina yadzo imomo. Ini ndakavhura kahari kaiva muzasi memoto ndokuona mune mafunde akabikwa ndakaita kugara pasi ndotarisa zvaiva paground zvokuti ndakarwadziwa pakati pemoyo wangu. Hapana kuita nguva ndakaona pamba pachisvika vasikana vatatu ini hapana vandaiziva kana umwe chete zvake zvokuti ndakangoona kufanana naMai vacho. Vakasvika vakandikwazisa ini ndaiva ndakatarisa zvangu, ndakaona vakupakurirana ndokundisira ndakaramba kudya ndakaona vachipedza kudya izvi zvakarwadza moyo vangu zvekuti pavakandibvunza. "Baba! Madii maenda nokuti mukaonekwa muri pano ndinopinda busy ndichinzi vakudadana nevanhu." Akadaro musikana muhombe vacho, zvekuti kadiki ndiko kakatii. "Sisi Jessica! Munhu uyu arikuchema misodzi, zvakataura Mhamha nababa vari vapenyu kuti munhu rume habudise misodzi wani? Ticharara sei pano zviri nani tiende kwaSabhuku." Akadaro ini ndakavabata maoko avo. "Handina kuziva vabereki wenyu vakusirai nhamo kudai ini, hongu zvinorwadza izvi. Asi nerimwe remazuva muchafara, handina kuuya kuzorwa pano. Asi kuzochema hanzvadzi yangu zvichireva imi muri vazukuru vangu." Ndakadaro ivo vainge vaita kundimbundira vakuita kuchema neni ndakabudisa misodzi zvokuti pakasvika murume vandairangarira kare.. "Jessica! Chii chaitika kumunda umu vambotarisa here?" Akanga achiita kutadza kutaura neshungu nekurwadziva zvokuti ndakanzwa Jessica achivapindura kuti.. "Baba munin'ina! Hatina zvatingakwanise kuita zvose zvaitika izvi siyanai nazvo, vasiyei vaite zvavanoda nokuti varikuda isu tisawana chero chii zvacho ini handina dambudziko nazvo." Aita kutaura achichema zvainzwisa tsitsi. Ipapo ndakadzimura kuchema kwakanga kuchiita vaviri ava. "Tsano munofara here! Ndiri kuona mukurwadziva nokuda kuziva zvaitika mumunda uyu. Ndinokwanisa kubatsirai nezvaitika pano sezvo ndasvika kare." Ndakadaro ndichirondedzera chimiro chakanga chakaita mukadzi aiva anemombe dzadya mumunda. Kutaura kwandakaita hapana kana chandakasiya zvacho uye kurwadziwa nekushungurudzwa kwaitwa vana ava. Ndakanzwa vavakuti. "Munhu vamuri kutaura mudzimai wangu! Handizive apindwa nei chaizvo kusvika pakuita zvinoshoresa kudai izvi? Ndinoziva akawenga vana ava uye ini ndavakutya kufa nokuti pavakatsika pakuru. Ndavakuenda kwaSabhuku." Vakataura kudaro uye hatina kuda kusiya vana ava pamba apa takaenda nawo vose. Takasvika munhu ainzi Sabhuku akanga akatogara zvake mumba Make nemhuri yake. "Baba Tapiwa! Vadzoka zvakare ndinovimba kwakanaka zvakare." Aive Sabhuku akanga achibvunza. Jessica akatanga kubudisa dzihwa nemisodzi panguva imwe chete. "Baba! Muchiona kuuya nguva dzino mumusha menyu kuratidza zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Tinoziva kuti tinouya kunopotera kwamuri ndimi ziso rakaiswa muno mudunhu kuti mutarire hazviite tiende kure tichisiya imi. Nyaya iripo ndeye vana ava sezvamuri kuona havana rugare siku nesikati zvaro. Kuuya kwataita tine nyaya dzakawanda." "Chido arohwa nemwana vamukoma vangu akabva mazino maviri, hazvina kuperera imomo. Vaona vana ava havapo ndokutora mombe kudzisa mumunda dzapedza kudya chikafu chose kutaura kudai hapana chekuti vana vachakohwa ndosaka tauya kuno pamwe chete nasekuru wevana ava.." Vakanga vapedza kutaura ini ndakati ndakanga ndiine mubvunzo kubva kuna baba Tapiwa naSabhuku uyu. Ndakanzwa zvavakunziii......... End of chapter 11 Be blessed🙏🏿