CHAPTER 17 TAZVII ndakapererwa nokunzwa zvinhu zvakaita seizvi . Ndakanga ndatarisana nematambudziko akawanda nokuti ndakanga ndisisaziva zvekuita kuti ndidzokere kwandaiva ndakanobatsirwa ndichisiya mai vangu vari muhutano hwakadai zvakanga zvosingaite. "Tofi newe Tadzi! Ndimi shamwari yaJeff mungaite ruzivo rwakakwana kuti akanga achida kuurayira Mhamha chii?"ndakadaro misodzi ichiita kubuda uku Jeff akanga apukunyuka kubva mukusungirirwa kwaiva akaita kana simba rakaita paive achida kugerwa rasta rake. Rakandishamisa kuona achikunda vanhu vatatu zvakadai. Ndakaudza vakomana kuti vasamutevere uye ngavamusiye akadaro. Ndakanzwa Tadzi ndiye akanga achinzwanana naye kupfuura Tofi.. "Mukoma! Kudai muri mumwe munhu maita izvi nokuti munin'ina wenyu zvatiza kudai anogona kunouraya mwana wehanzvadzi yenyu yekushaya iyi. Nokuti ndiye akamubvisa ziso risingaone iri. Ndakamunzwa achitaura ega ndinoona kuti ndizvo zvari kuda kuurayira mai wenyu izvi. Ndinovimba zvavamuka kudai vachataura chokwadi." Kutaura kwakaita ndakarohwa nehana uye kuona baba Tapiwa vasingakwanise kupedza kana kuchengetedza vana ava nokuti mhandu dzakanga dzawandisa chaiko, ndaifanirwa kuita plan nekukurumidza zvinhu zvisati zvaenda nepamwe nokuti zvikanonokerwa ndino chema chaiko. "Brendon, Tofi motora muface wenyu Pardon moenda kwakaroorwa sisi vangu, asi musazviratidze pachena kuti murikuda kupa help kuvana ava nokuti mungafa masikati machena ndinoona ndiko kwaenda Jeff uyu chete. Kuna mai ava ndakakwanisa kutora mupikicha zuva randabvako uye ndivo teverai vane zvavanoziva nekushungurudzwa kurikuitwa vana ava mari yemuripo ndichakupai zvangu." Ndakadaro ivo havana kuda kupedza nguva vakatoti vakupinda munzira kuenda ikoko. Ndakapinda maiva naMai vangu vainge vakavhura maziso uku Chiremba aive arimo mukati umu. "Chiremba! Mai vangu vakunzwa sei uye hazvina kuaffect pfungwa here?" Ndakadaro ndichida kuziva nezvazvo. "Baba! Kutaura chokwadi Mai vako vakarasa memory zvokuti kuti idzokedzane zvichatora nguva hombe nekuda kwekurovera kwavakaita uye zvakutoda munamato vakasimba nokuti vakasike kupora." Ndakapererwa kuita kushaya zvekuita. Nechemumoyo ndakazviudza kuti, Jeff uchafira mumaoko angu uku maziso aive aita kutsvuka ndakuita kutadza kuziva zvekuita zvekuti ndakarova pamudhuri nechibhakera ndichivhanda..... BABA TAPIWA Ndaiva nemufaro ndichiti ndiri kuoerekedza vana kuenda kwaiva kwataurwa izvo ndakanga ndisingaziwe kune vari kutevera matsimba edu mukufamba kwatiri kuita. Patakati papinda muchirwizi takuda kukwidza mukwidza kubva muchirwizi chaive nemiti zvokuti hapana akanga achikwanisa kuona zvaiva umu. Mberi kwakauya varume vatatu vakabudisa mapanga ndokuti todii ndakatendeuka ndichida kudzoka kwataiva tabva nevana. Handina kuziva kwakanga kune vamwe varume vatatu zvakare ini ndakarohwa chibhakera padama ndokubuda ropa ndichibaiyiva pagumbo nebanga. Ndakarohwa kupedzisira ndaita kurukutika ndiri ipapo ndaita kuona zvakawanda kumeso kwangu uku ndakanga ndisisina kana simba zvaro. Ndakazopepuka ndichiona ndiri ndega nemabag evana aiva pedyo neni. Ndakabudisa misodzi handina kuziva zvinhu zvingasvika pakuitika seizvi zvokuti ndakaona kuti ndaiva ndatrust munhu zvakanyanya ndizvo zvaita ndipindane netsekwende iyi. Ndakabatsirwa neumwe murume akasunga ronda rangu ndokuzvimanikidza kufamba kudzokera kumba ndakasvika Mai Tapiwa varipo vaida kuziva zvakawanda. "Baba Tapiwa! Manga muchienda kupi nevana imi tarirai zvamaitwa munoziva pamwe ndiye aita murohwe nokuti varikuda mufe Tapiwa naivo vasare vachigarika.?" Ndakaramba ndakanyarara kunze kwekunyepa uye ndakaona kuti vanhu vaiva vatora vana vainge vasiri vatumwa naMai Tapiwa uye kwaenda vana vari safe nokuti ndanzwa izwi raTsano Jeff pavarume ava. Ndakanyemwerera ndiri ndega zvokuti ndaishaya kuziva zvaiva zvoga here. Kubuda kwakaita Mai Tapiwa ndakafamba ndichiti ndirohwe nemhepo ndokusangana naMai Trish vaive vane varume vatatu maziso akanga akatsvuka sechiropa zvakandinetsa, uku chiso chamai Trish chaive chisina kana mufaro zvacho uye ndakaona kuti kureva nhema kwavari ndiyo yakanga iri iyo solution yakanaka. "Baba Tapiwa! Zvamakuvara wani?" Akadaro achida kundibata ruoko, asi vakatadza vakasundidzirwa kwakadaro. "Baba! Don't trust this lady. Ane chekuita uye tauya kuno nekuda kwaJeff anogona kuuraya vana wehanzvadzi yake iyi.." pakataura izvi ndakaona misodzi yakuita kubuda ndakuita kutadza kuziva zvokutaura ndakungobudisa misodzi yangu chete. Zvandakanga ndanyepera kuita kunge vana vaenda dzaiva pfungwa dzekurota chete ndakaita kupererwa kusvika paku.... MAI TAPIWA ndakatarisisa murume vangu kumeso kwake ndaida kuona kana akanga achireva nhema. Ndakabvuma ndaona chironda chakanga chiri mugumbo make handina kuziva aiva aitwa sei. Kutaura chokwadi kubva zvatapfuudza hama dzake zvemurume uyu ndakanga ndisisatomude zvachose nokuti zvaiva achiita akanga asina kana nguva yakakwana neni. Aive akuipedzera kuzvivana izvi. Ndakabuda mumba ndokuenda kwababa Kelly nokuti ndaida kuvaudza zvakanga zvaitika izvi. Handina kunonoka kusvika ipapo Mai Kelly vaive vasipo pakanga Pana Kelly ega nababa vake. "Mainini! Kwakanaka here kuita kuuya musina bhutsu mugumbo?" Vakadaro baba mukuru vachindibvunza ini ndakatanga kubuda misodzi yangu yenhema zvayo. "Bamukuru! Zvemwana wamai wenyu ndazvitadza ini. Baba Tapiwa havana kurara kumba uye vakarara naJessica handichanzwisisa zviri kufamba sei nokuti Jessica haana kutaura akanga achida kurepwa nhasi omuka achionekwa ana baba Tapiwa uku vauya vanechironda pagumbo hameno vana vavaisa kupi." Ndakadaro ndichitaura nezvimwe zvokuti taiva takufunga kuenda kumapurisa ndiyo nguva yakanzi naKelly. "Mainini! Sei, muchifarira kuuya pano pamba kana Mhamha vasipo pano? Munenge muchidei uye muchiitei nadaddy? Munonyepera kunge muri kutaura zvekubatsira. Munoziva ndakura ndavakuziva zvose here?" Ndakatoona kuti mwana uyu akanga achida kugwara nhema pamberi pababa vake. Ndakaona baba vake havana kubvira vaterera mashoko ake akanga achitaura ndokuenda kwasabhuku takavazivisa uye hatina kuona Mai Trish pamba apa. Sabhuku vakatuma munhu kunodana mapurisa sezvo pamakosa nepataigara paiva pasiri kure nakure zvokuti ungatora nguva yakakura kufamba. Mapurisa akasvika aiva aripo 4 ndokupinda munzira tichienda kumba kwandaiva ndabva tose nasabhuku. Takasvika kumba tichiona pane vamwe varume vatatu uku pakanga pana mai Trish vachiita kunzwisa tsitsi. Baba Tapiwa vaiva vakagara nechekuko. "Baba Tapiwa! Handina kuziva uri kunyengerera kugara nevana iwe uchiziva unoda kubata chibharo manheru vakaonekwa iwe uchida kubata mwana chibharo nhasi vaonekwa uchipinda muchirwizi nevana kubuda kwako nawo hakuna kuonekwa zvachose. Hama dzako dzaona zvakakodzera usungwe uende kuchizarira umirire kutongwa kwemhosva dzako." Vaiva Sabhuku vaitaura ipapo vakomana vatatu ava vaiva vari mubishi Bishi kuputa mbanje dzavo mberi kwemapurisa. "Imi vakomana mune mhosva zvakare yekuputa mbanje dzisingatendedzwe." Akadaro umwe mupurisa ini mumoyo ndakanga ndichifara... "Mukoma! Kana muchiti isu tine mhosva yekuputa mbanje iyi? Mhosva yacho iri papi nokuti pano pamba pedu zvakare imi ndimi mutori nemhosva munoterera makuhwa muchitadza kutevera nyaya sezvairi.. kana muchida kundiziva zvakanaka ndinonzi Brendon. Ini nditori mukuru kwamuri kana muri umwe munhu nyararai kana muchida basa renyu." Kutaura kwaita murume uyu kwakandinetsa kuti ainyanya kutembei chaizvo. "Mukwasha! Nyararai pano pamba pangu nemurume uyu kwete penyu." Ndakadaro ndaita kushatirwa chaiko ndakanzwa baba Tapiwa vakuti.. "Mai Tapiwa! Ini handina kuramba kuenda kuchitokisi, asi chandinoziva handina mhosva musare muchiita mabasa enyu. Hongu! Vana vatorwa mumaoko angu ini ndichanotaura mberi sezvazviri izvi." Akadaro achiita kunzwisa tsitsi ini handina kana kubvira ndamutarisa. "Hoo! Ndimi Mai Tapiwa imi? Zvamunoda kusungisa murume wenyu wani asina mhosva ? Ko, imi mapurisa makubvuma kuudzirwa pamabasa enyu kuti zviite sei nokuti uyu murume haana mhosva hanga repa mwana vake hazvingaita izvozvo nokuti ini ndiri pano ndinomupupirira kana musina dzimwe nyaya fambai muende hapana munhu arikusungwa pano. Imi Sabhuku mutambe makachenjera nokuti mazuva enyu avamashoma panyika uye what your step paunonga vatsika pose nokuti havazi vose varikukufarira...." Akataura zvakawanda ini ndaiva ndakuita kutya chaiko nokuda kwemashoko ake. Imi munonzi baba kelly! Hama yaJessica? Before mapurisa asati aenda ndinoda kukubvunzai kuti anemhosva ndeupi anoda kuuraya vana neanoonekwa achibuda mumba achida kubatsira." Akadaro achiita kuputa fodya yake kumeso kwaiva kwaita kuchinja ipapo ndakangoerekana nda...... End of chapter 17 Vanoda kuenderera mberi ndibatei apa 👇+27676644458 S.a 15rand Ott, KAZANG voucher, Blu voucher,1 voucher or 20r Vodacom airtime. Mozambique tengai Vodacom ye80mt BOTSWANA tengai airtime yeMascom P15 Zimbabwe $airtime Mouya nemascreenshot apa +27676644458