CHAPTER 13 UNEDITED.... JESSICA Pandakaregedzera ruoko rwangu. Ruchienda kuno rova muromo vaKelly ruchibatanidzira nemhino. Munhu akamboita kanguva akakotama ipapo. Akamuka achida kundirova. Asi ndakanga ndine shungu dzakanyanyisa kudarika dzake. Nokuti zvakanga zvandirwadza kuti, iye angarova mwana wamai vangu. Pasina chaaiva aita,hongu! akanga arimukuru. Asi shungu dzandakanga ndinadzo. Ndakanga ndisinga tarisi kuti, munhu uyu muhombe kwandiri.Ndakamurova apedza akandihaka ndokutanga kukikirisana. Takadaro, asi ndakamukurira simba nokuti ndaiva nemuviri muhombe. Hazvina kunditorera nguva kumuwisa pasi ndikatanga kumurova. Zvakasimba pandakaona kuti panapa anzwa hembe yake ndakaibvarura. Kelly haunga rovi mwana wamai vangu zvakadaro. Nhasi marwadzo auri kunzwa panapa ndiwo akafanana nezvawakaita Chido. Inde kubva nhasi ndatokuvenga zvisingaiti.Ende handitodi kukuona pedyo nevana vamai vangu zvachose. Ndakadaro ndichimubvarurira hembe yaaiva akapfeka. Zvokuti ndakasiya mikaka yake yose yava panze. Ndakanga ndichinzwa kuti, panapa ndiri kunzwa shungu dzakanyanyisa. Dzekuda kumurova ndakamuudza kuti, kana zviri izvozvo zviri kukutuma kana wakuona dundundu rako kuti, rakura. Ungarovera mwana wamai vangu chikafu. Ende uende unoudza baba vako namai vako, kuti ndakurova nhasi. Handina kana dambudziko nazvo zvava chandiita izvozvo. Ndakadaro ndapedza ndakamusiya akabva amuka ndokutanga kutiza achimhanya achienda. Ndakasara ndikatanga kuseka zvangu. Kana nekurwizi kwacho handina kana kuzokuenda. Ndakabva ndadzokera kumba. Ndichisvika Sekuru Tazvi vakanga vakagara vachitotamba zvavo naChido pamwe chete naChipo. Vakandibvunza kuti, ko zvawati uri kuenda kumvura wani hauna kudzoka nayo mvura zviri kufamba sei? Chinguri takamirira mvura nanhasi hausati wadzoka. Uye huya ugare apa ndinoda kubvunza kuti, zvandakaita zvinokuitirai here? Nokuti handioni kuti, ndakaita zvakanaka kuti munosara kwaSabhuku. Nokuti mukasara panapa munogona kusara muchiitwa zvimwe zvinhu. Zvisina kana kunaka. Ayiwa Sekuru tinenge tichingoona, asi kana ivo Sabhuku vakanga vasinga revi nhema. Nokuti munhu anokwanisa kutiona. Ndivo Sabhuku pamwe chete nabamunini baba Tapiwa. Ndochete vanhu vanotiona sevanhu vamwe vese vasara vanonyepera kuda kutinzwira tsitsi kana vachinge vaona vamwe vanhu. Vanenge vachida kuratidza kunge vakanaka asi ivo vasina kunaka. Zvinhu zvakaipa uye handioni chakaipa nokuti, kwamuri kuda kuti, tiende uko. Ndogona kunzwa nevana vaSabhuku vacho tikawirirana. Asi ndisinga zivi mudzimai wavo. Ishwamwari yamai Kelly vano nzwanana zvisingaiti. Vakasafurirwa chete namai Kelly kuti, handinga gariko nokuti ndizvo chete zvandiri kutya . Moyo wangu uri kurwadza nezvakaitika kuna gogo asi ndiri kuona kuti zviri pana Sekuru Jeff hazvisi zvega. Pane zvinhu zviri kutoitika pavari. Sekuru vabatsirei Sekuru Jeff . Kana zvichibvira mobvisa zita ravo ndiro ririkuvapa zvese. Nembanje dzava noputa ndidzo dziri kuvakanganisa. Kuti isu tiende hazvingaiti nokuti, imi muchadzokera kumhuri yenyu. KuMozambique isu tosara naSekuru Jeff handioni zvichiita nokuti vanogona chero kuzondibata chibharo. Ndasara ndiri ndega ndinozviudza ani uye anokwanisa kuzvitenda ndiyani izvozvo. Nokuti Sekuru Jeff havandioni semunhu vakatondivenga chaiko. MAI TAPIWA Zvinhu zvanga zvaita manyama amire nerongo kutaura chokwadii. Ndakanga ndakushaya kuziva kuti ndoita sei. Makuseni seni ndichimuka ndakatombo mukira kumbopinda mumasango. Kuda kunzwa kuti chii chiri kuitika. Ndakanga ndakanganisa mhiko here? Dzandakanga ndakapihwa naSekuru. Ndakaenda kun'anga kwandakaenda yaikwanisa kundibatsira. Nezvese kundiudza nezvazvo. Kusvika kwandakaita kun'anga ndakasvika n'anga yakanga isingafari . Muzukuru zvawauya kudai zvanaka nokuti, zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Zvinhu zvakaita kuminama chaiko. Ndiri kuona dambudziko pamberi apo asi dambudziko pasvika munhu akatakura kudarika imi. Uye ari kuona zvese zvakaitika asi ini kuti, ndikwanise kumuita ndaita mutete handina zvandinga kwanese kuita. Asi ndiri kuona kudeuka kweropa. Kuchazoitika pakati penyu nemhuri yenyu. Dai muri umwe matokasika kuita zvinhu zvangu nekukasika nokuti, ndiri kuona kuti, ukada kuenda dhareti ukuku waukwanisi kubudirira. Asi zvatingaite ndiri kuona uyu munhu. Vana vemufi ava vakafirwa pane mwana uyu wenumber 2 uyu ndiye wandiri kuona kuti, ndiye anokwanisa kuchinja. Anokwanisa kungopandukira vamwe vese. Ndiye wandiri kuona kuti tikakwanisa kushandisa uyu. Tikaisa zvinhu zvese paari tinokwanisa kuita. Nokuti uyo rastar uyo handioni zvichibudirira. Nokuti kutaura kunoku akwanisa kuona kuti vakomana vangu vari kundinyepera kuti, mbuya vafa. Asi ndakwanisa kuti akwanise kuona kuna mbuya. Izvezvi aenda kuchipatara asi, nekuda kwekuti vakomana vamusvikira ikoko vakamutora. Vakabuda naye panze vakamupa mbanje dzisingaiti vaita kuti, adhakwe. Vakasvika pakumusungirira. Ndizvo zvandiri kuona, uye ndiri kuona murume wako arikuda kuonesa arikuda kivhura maziso zvakanyanyisa. Asi ndiri kuona kuti timupe zvaanoda. Kutaura kwaSekuru ava ndakanga ndachiita kupererwa chaiko. Nekuti, handina kuziva kuti hanzvadzi yamai Jessica yakarema kudarika ini. Uye ndakabvunza kuti, nai Sekuru kana muchiti munhu akatakura murikuzama kureva kuti kudii? Kutakura kwekuita sei nokuti kutakura kwamuri kutaura kwakawandisa. Ndakadaro ndichibvunza sekuru. Sekuru vakatanga kunditi muzukuru zvandiri kuita panapa haasi mafanizi. Nokuti uyu munhu uyu arikufamba. Kuda kuona zvose zviri kuitika asi, paari kuenda munhu ari kumubatsira muhombe kudarika ini. Ini ndaita mwana mudiki nokuti haana kupihwa minduro akangonzi hanzvadzi yako nemurume wake vakaurawa nevanhu. Asi paudzoka ndichataura zvese zvakaitika. Kuuya kwaakaita uku auya kuita kwaari kuita uku ndaona pazodeuka ropa asi, mukudeuka ropa kuchaitika apa kumberi uku ndaona matambudziko makuru. Nokuti, zvichanetsa hongu vamwe vachapera kufa. Apa pasina mhaka asi pachaita musikana achauya achatambudziwa nekuti sipiriti yemusikana uyu yakanaka. Ivo vafi havana kana dambudziko nokuti takatovagadzira kudhara. Hapana chiri kuitika havakwanisi kudzoka. Ndakafara nemashoko aSekuru ndikati ayiwa Sekuru zvamunoona zvichiita kuti, vadzikamiswe vese vane dzungu ava. Uye kushandisa mwana uyu ngatimusiyeyi atikurei. Pari zvino tichamboti nyararei sekutaura kwamaita. Tombonyarara kusvika mwana uyu asvika kana pa9 years ndipo patotanga kuita kuti, arwisane nasisi vake. Nokuti tikada kuzvitanga izvezvi anofungira kuti, pane zviri kuitika. Kana baba vekwangu ava vachinyanya kuonesa itai zvinoita kuti zviite. Nokuti ini ndaneta chaizvo vari kuronga kuda kuenda hameno kwana Murehwa ikoko. Kunotarisa kuda kuona kuti, chii asi ndino vimba kuti, musavauraye nekukasira. Asi ndinongoda kuti, varwadziwe chete ndozvandiri kuda kana vachinge varwadziwa. Kana kuvarovesa nemota kuti vangodyoka kana kugurika gumbo. Vatore mazuva akawanda vari muchipatara. Zvinhu zvinenge zvakanaka. Isu tichironga kuti todii. Ndakadaro ndikabvumirana naSekuru. Zvekuti ndakasvika pakudzokera kumba. Kusvika kwandakaita ndakasvika ndikaenza kuda kuita munhu kwaye kumurume wangu. Kunyatso farira vanhu ndakazobuda ndichienda kwana bamukuru ndikakumbira ruregerero. Pane zvandanga ndakaita asi ndakavatora pavo vega kuti, tibude panze. Ndikataura navo ndikati madhiri aya arikubudirira asi anoda nguva. Kuti anyatso budirira nokuti izvezvi dambudziko ririko nderekuti varikoona zvakanyanya saka tofanirwa kumboita nguva. Tichiona kuitira kuti vafafungire zvakawanda. Ndakadaro asi hapana kuita nguva pakabva pazvika mwana wavo Kelly. Uyo akanga akaita kuzvimba kumeso akazara madhaka. Hembe dzake dzese dzakaita kubvarurwa. Mazamu ose akanga aripanze. izvi zvakatikatyamadza kuona zvakadai zvokuti iye akangoti... End of chapter 13