Chapter 10 BABA TAPIWA Zvakandirwadza chaiko, ndakabata musoro wemwana ndikanzwa uchiita kupisa. Zvekuti ndakanzwa tsitsi nezvandakaona nemeso angu. Jessica haana kana kundibudira pachena kuti, chii chakanga chaitika pakati pake namai Tapiwa. Handina kuda kumirira mhinduro yezvakanga zvichitaurwa naJessica. Ndakangosimuka pandakanga ndakagara padhuze nevana . Ndotanga kufamba ndichienda kumba, hazvina kunditorera nguva yakakura kusvika. Kusvika kwandakaita kumba ndakawana mudzimai wangu akagara achidya sadza zvakaita ndinzwe hasha. Kwandabva ndaona vana vachidya mapfunde? izvi zvakandirwadza. Zvokuti ndakasvika ndikarovera ndiro kwakadaro yaiva nesadza, sadza rose richienda mavhu zvese nemuriwo. Izvi ndakazviitira kuti anzwe kurwadziwa, anzwe kurwadza kwavo. Sekurwadziwa kuri kuita Jessica. Handina kumira akangonditarisa neziso rinotaura.Akaridza tsamwa ndichipinda mumba. Ndichiti ndinotora mari,asi handina kuiona pandakanga ndaiisa. Zvakatondirwadza chaiko mukati memoyo wangu. Asi handina zvandakakwanisa kuita. Kunze kwekubuda panze. " Saka imi mai Tapiwa! haudii kuudzwa muchinzwa? pane zvose zvauri kuita. Pane zvose zvandakataura, unoda kudzokera kumusha kwenyu handiti....? Ugadzirise zvinhu zvako zvese. Vana ava vanei nezvekuita nezvawavaita izvi. Vauya kuzokumbira hupfu wakuvarasira. Zvakanaka here izvozvo. Uchadzidza rinhi? vakasiyaneyi nevana vako. Chikafu ichi ungatonyima chikafu chekuti uchipedza kudya wakutonochirasa kutoilet. Ndochaunga nyima kudaro. Uri munhu akaita sei anongozvifungira iye pachake asinga fungiri vamwe. Wambotarisawo here? Kuti chii chiri kuita uite izvozvo. Mweya wegodo here? Mweya weutsinye here. Kana kuti chii. Kuvengana kwako nevabereki vevana ava hazviiti kuti uvengane nevana ava. Vana ava vanei nechekuita nevabereki ava. Vana ava havangafira mhosva dzevabereki vavo. Ndizvo zvaunofanirwa kuziva izvozvo. Izvezvi watora mari yangu waenda nayo kupi? ndiri kuida mari iyoyo. Ende uende unoudza shamwari yako kuti, handidii kukuonai muri mese nokuti ndikakuonai muri mese basa renyu nderekuita makuhwa nekufurirana kuti muitire vana ava hutsinye. Izvi ndinoda kukuudza kuti zvipere nhasi, zvikatadza kupera nhasi muzive kuti, mukaramba muchizviita zvekushungurudza vana ava vasinei nechekuita nezvakaitwa nevabereki vavo muchafira mujeri. Ende ndimo mamuri kuzofira mujeri. Zuva muchariona kana muchinge mabuda mujere, ndokunge wabuda mujeri macho urimupenyu. Bata mashoko angu andataura aya. Mai Tapiwa chinja hunhu hwako, dai wanga uri umwe watochinja zvinhu zvichakanaka nokuti, ukatadza kuchinja uchaona ma true colours angu. Serwaivhi kuti ndakamira sei, kunyarara kwandakaita hakusi kupusa.Asi ku avoider kutaura iwe woda kutora mukana iwoyo. Nokuti ndakanyarara ndinenge ndichiona mafambiro ako ose." Ndakadaro ndichiudza mudzimai wangu. Zvokuti ndakasiya ndaridza tsamwa ndichibuda ndichienda kumba kwamukoma, ndakanga ndichida kuona iye mwana akanga arova Chido uyu. Ndakanga ndichifamba, asi pfumgwa dzangu dzaiva kure. Nokuti ndaiva ndashungurudzika chaiko. Hapana hama kana yakanga yakuda kumira neni. Kunze kwekuti ini ndakasarudza kumira nevana ava. Chinhu chakanga chakakosha chekuti ndisarudze kumira nevana ava. Pane kuti nditeerere hama zvadzaitaura zvinoita kuti zvizoviringa hupenyu hwevana ava. Kusvika kwandakaita pamba pamukoma ndakaona Chido naJessica varipo pamba apa, ndakatoshaya kuziva vakanga vasvika nguvai. Chido maziso ake akanga achingobuda misodzi achitadza kutaura. Munhu aitaura ndiJessica uyo akangaa chipopota . Achidaidzira kuti, "Kelly arikupi? ngaabude ndinoda kumuona izvezvi ngaabude tipedzerane isu pachezvedu vakuru." "Kwete kuda kurovera mwana zvinhu zvisina kana nebasa. Ungarovera mwana chikafu chekuti unochidya wapedza kuchidya wonochirasa kutoilet. Ndochaanga murovera ichocho kuti, achikumbira chii. Kudai anga achinzi achibvuta kaa. Manje nhasi ndoda kukuratidza pamberi pevabereki vako." Akanga achidaro pamberi pamukoma vangu avo vakanga vachimubata kuti asapinde mumba. Kuona kwava kandiita vakanyepera kuda kuratidza kunge vaiita zvakanaka. Asi ini ndakanga ndanzwa zvese zvaitaurika nekuona zvese. Ndakangosvika ndikati. "Mukoma zviri kuitika ndazviona zvose. Kana muchida kuti, ini nemi tiwirirane mwana wenyu ngaabude panze. Apa ataure zvese zvaitika. Haungaroveri mwana kuti akumbirirei chikafu.? Chikafu chekuti nhasi kana mangwana unogona kungofa ukachichisiya. Wapedza kudya unoenda kutoilet kunochirasa. Ndicho chaanga rovera umwe mwana here. Ichocho tarisai mwana uyu mundiudze kuti zviri kukufadzai kumuona akadai here? Kuona kumeso kwake kune misodzi yakadai. Mwana ane 6 years anoziva chii. Chaano roverwa chii, chaanotambudzirwa chii.? Moyo wenyu urikufara nokuti, ndizvo zvamanga muchida. Ivo vashakabvu kwavari ikoko vanofara here? Nezvamuri kuita vana ava zvinhu. Zvinhu zvinoshoresa kwazvo. Uye zvinokubvisai chiremerera izvi. Kana matadza kugadzirisa nyaya iyi ndiri kukupai mazuva matatu ikuti mutaure nemhuri yenyu. Mukatadza kutaura nemhuri yenyu. Mukatadza kurapisa mwana uyu. Ndichaenda naye kuchipatara ende kuchipatara ikoko vachada kuziva kuti chii chakaitika ndichataura zvose. Zvokuti imi kana mwana wenyu achaenda kunovharirwa. Kuchizarira monzwa kurwadza kwazvinoita uye moona kuti kutambudza umwe mwana kwakaipa. Hakuna kunaka." "Kuva nherera haisi nyore. Tose hatina kusarudza kuva nherera. Ivo vabereki vacho vakanga vatoriwo neshuviro yekuda kuchengeta vana vavo kusvika vayaruka. Ivo vana vaivawo neshungu dzekuti vabereki vavo vavaone kusvika vakura. Asi imi mavakutora mukana iwowo wokuvaita zvese zvamunenge muchida nokuti dzava nherera. Ndizvo here? Kana iko kuchurch kwamunoti munoenda. Muchiita zvakadai hazvisi zvinhu zvinorwadza here? Zvinosvoresa munopfugama muchiti Mwari! Mwari!. Makapfeka magemenzi makachena muchiti tiri kunamata Mwari. Munonamata Mwari upi wacho imi muchiita hutsinye hwakadai?. Hutsinye husina kufanira munoti ivava vana ivava. Kuchema kwavo misodzi yavo ichibuda kunonakidza here? Zuva nezuva vangova vanhu vekuchema. Muri vanhu vakaita sei vanongoda kuchemedza vana ava. Kuda kwavo here kusiiwa vari vadiki. Zvavasiiwa vari vadiki kudai. Imi ndimi manzi musare muchivatarisa? Ndiyo sara pavana here yamuri kuvaita iyi?. Mwari anezvaakazviitira izvozvo. Ane zvaakaitira kutora vaviri ava zuva rimwe chete. Asi imi hamuna kunzi sarai muchishungurudza vana ava. Ndizvo here? Mukoma zvamuri kuda izvi. Ndizvo zvamandidanira kuzondiudza makuseni here Izvi? kuti ndisiyane nekuyamura vana ava. Tarirai vana ava zvavaita. Izvezvi ndabva kumba kwavo zviri kukufadzai kuti, vana vanodya mapfunde akabhoiliswa akaiswa salt imi muri kudya zvinofadza. Kubudikidza nekuba hupfumi hwevabereki vavo. Mune chokwadii here?" Ndakadaro ndichitaura zvakawanda. Ndavakuita kuchema chaiko. Hongu! ndaiva ndava murume mukuru, asi ndakanga ndakurirwa ndakanga ndakuita kubudisa misodzi nekuti zvinhu zvacho zvakanga zvisisa varaidzi. Kuona vana vachitambudzika. Ini ndakanga ndazvipira kana vachinge vachizondiuraya. Ndinenge ndichizozvigamuchira nokuti chekuita ndakanga ndisina. Ndakatozvipira ndakasvika pakubata Vana ava ndokuvaudza kuti "handei kumba, pano hapana chekuita. Hapana chekumirira pano," ndakadaro ndichibata Jessica uyo akanga akabereka mwana Chipo. Uyu Chido ndakanga ndaita wekubereka chaiko. Zvakanga zvichindirwadza nemararamiro akanga akuita vana ava. Ndakada kumboenda kumba, asi ndakaona kuti zvinhu zvakanga zvisingaiti. Kunze kwekuti nditakure mwana uyu ndiende naye kuchipatara anorapwa. Zvinhu zvichakanaka. JEFF mbanje dzakanga dzandiparira idzi. Kuudzwa kwandakaitwa neshamwari dzangu nezvekuendeswa kwamhamha kuchipatara kwakandirwadza uye kushaya kuziva ndakanga ndichizoudza mukoma Tazvi ndichitiii? Ndakati kuzvigona kuenda kunopedzisa mai vangu pasava nezvinozonetsa kana anofungira ndini ndakavauraya ndikadaro ndinenge ndasunungurwa mujoko reuranda. Ndakatevera ndichiita kakahwanda ndiri kumashure kwavo. Hapana kuita nguva ndakaona vaviri vatora kanzira kuenda nemusango ndakazvishaya ndokutevera imomo. Ndakanga ndakutevera mhepo yega yega pakanga pasisina vanhu vainge vaenda. Ndakatanga kukwezva makumbo angu ndichidzokera kumba. Mumusoro ndaingokwiza kwiza rasta randaiva naro ndiro rakanga richipa ndiite zvisina kunaka izvi. Kusvika kwandakaita kumba ndakaona madoor akavhurika. Ndakatadza kuziva akanga ari ani aive amavhura madoor aya. Pandakafamba ndichinhonga simbi kuda kuti ndiende mumba ndakaibata. Ndakaona mukoma Tazvi vachibuda mumba chiso chavo chaive chakaita kusuruvara ndega ndakaziva nyaya yacho. "JEFF! Zvavakaita ndazvinzwa uye pandiri kudzoka kubva kunobata maoko kuhama dzana tsano baba Jessica ndinoda undiudze zvakaitika handizi kuda kunzwa zvinyaya zvisina basa nokuti ndingakuuraya chaiko." Kutaura kwavo kwakaita ndizive nyaya yandakanga ndatadza. Vakabuda vachienda zvavo ndikasara ndiri ndega ndichiita kushaya zvekuita kana pekutangira. Umwe mweya wainditi tevera vakomana ubopedzise kuuraya zvipere nokuti zvinokupinza panjodzi ukapedzisira wava mujeri... Pfungwa iyi ndakaifarira zvekuti ndakabva pandaiva ndasiyiwa ndiri ndichienda ku.... End of chapter 10 Ngatione kuti baba Tapiwa naBaba Kelly vachanzwanana here? Tazvi zvaari kuuya uku achasvika achiona vana wehanzvadzi yake vachitambudzwa achaita sei.. Let's find it muchapter 11.. Be blessed and don't forget to like and put comments as well....