CHAPTER 12 TAZVII ndakanzwa Sabhuku voita kutura mafemo kuratidza vakanga vapererwa nezvekuita chaiko. Ndakanzwa vakuti.. "Baba Tapiwa! Ini zvamataura ndazvinzwa chose uye nyaya iyi ihombe kwete diki nokuti nyaya yokushungurudza vana vakaita seava inyaya hombe kwazvo, asi parizvino regai tiende tinoonesane tiri kumba kwaBaba Kelly ikoko." Akadaro achitora hwashatu dzavo kuti vakwanise kuisa mugumbo.. Ipapo ndakatarisa vana wehanzvadzi yangu ndikaona vakanga vakapfeka mapata pata aiva avasungwa newaya. Ndakanzwa tsitsi chaiko kuti shuwa nherera inoguta musi unofa mai wayo here. Hatina kutora nguva taiva tasvika pamusha patakanga tichienda uye ndakaona mukadzi uya wekuisa mombe akanga arimo mumba umu. "Ndazvitaura ini kuti ndiko kwazvichasvika chete! Manje unofira mujeri chete murume uyu hanyare kuda kubata mwana chibharo here." Akanga achiita kuhumana mukadzi uyu zvokuti vanhu vakatadza kuziva chaitora nzvimbo. "Mai Tapiwa! Munorevei zvamuri kutaura imi?" Uyu akanga ari baba Kelly ainge achibvunza mukadzi uyu ndipo ndakaziva zita remwana vake zuva iri. "Bamukuru! Ndiri kureva murume akamira pamberi pedu uyu! Munoti zvinhu zvake zvinhu rudzii zvisina matyira ekuda kamwana kakadai aka? Iro zidhara rose ronoti muzvitiyo kwakanaka here kuita kuti Jongwe muzvitiyo kudaro." Akataura zvakawanda vanhu vakanga voita kunyarara chaiko kusiya kwaSabhuku akadzimura nyaya iyi. "Mai Tapiwa! Ndinovimba muri kurasika pakutaura kwamuri kuita nokuti murume uyu hamuzi kuziva ndiani vamuri kutaura naye. Kudai muri mumwe mamboti nyararei zvenyu nokuti handizvo zvatafambira pano." Kutaura kwavakaita Sabhuku vachida kunyararidza Mai Tapiwa. Mukadzi uyu ndakaona kuti zvakanga zvisiri zvega kupindura kwaiita kwakandiudza akanga ane paive akatsika chete. "Munondinyararidza kuti zvidii? Anouya kuvana ava munguva dzemanheru hanyare here isu tinochengeta vana ava iye oda kuita zvaada." Haana kupedza kutaura ndakanga ndamubata muromo nokuda kwemashoko ake. "Amai you mean mune care nevana ava handiti?" Ndakadaro ndichibvunza. "Hongu! Vana vangu ndakavatarisa ava." "Kana vari vana wenyu! Why kuparadza zvirimwa zvavakasirwa nevabereki vavo? Mune moyo here Mai IMI kana munotori negodo rehuroyi chaihwo? Ndauya pano nokuti ndiyo nyaya yandafambira ndinoziva hanzvadzi yangu yaiva munhu akanaka kwazvo uye ane Rudo nevamwe, kusiya kwakaita vana ava vari vadiki haana kureva kuti muvatambudze imi muri kuzvinzwa here. Ndinoda mundiudze nhasi pandigere pano kuti muri kuzviitirei zvekunetsa vana ava? Zvamaisa mombe dzenyu mumunda vana vachakohwa nekubatana nei. Imi muri kudya chikafu chakanaka. Ko, nherera idzi muri kudzicheukawo here." Ndakataura ndaiva ndakuita kunzwa hasha kana yakanga iri mishonga yake yaimupa zvose izvi takanga tichizopedzerana nokuti ndaiva ndanzwa mbiri yake kare. Mukadzi mukuru akashaya kuziva oita sei nemashoko andakanga ndataura aya, zvokuti ndakanzwa baba Tapiwa votaura. "Mukoma! Musashamisika muchiona kuuya pamusha penyu nehusiku kudai. Ndakataura ini kuti kana muchida kuona divi rangu batai vana ava zvisiri izvo uye ndinovimba mava nemhinduro yangu nokuti ava vagere apa vana wenyu zvakare havana kusiyana naTapiwa, Kelly and Priscilla zvavo. Munosvika kupi muchida kuvatambudza? Moyo yenyu yakaita sei nhasi mavakuita zvisina kunaka." Akataura achiita kutadza kubudisa mazwi nehasha zvokuti mudzimai vacho akada kutaura akangoudzwa inzwi rimwe chete. "Iwe mai Tapiwa! Ndiri kutaura nemadzikoma angu aya kwete iwe. Vava kushaina nhasi nokuti vagarika? Usada ndidzokere kwavakabva uye nguva yako yekuti ndikubvunze ichasvika parizvino ndiri kuda hama dzangu idzi. Kana zvichikodzera imi madzimai hamuna rudzi Jesu zvakanaka mubude panze muno ndinoda kusara nehama dzangu idzi pamwe chete naTapiwa, Jessica nevanin'ina vake newe Kelly zvakare." Apa akataura akanga aita kutsvukisa ziso murume mukuru zvokuti kwaiva kwasara neni nehama dzake pamwe chete naSabhuku. "Hama dzangu! Zvakanaka kuti mukwanise kunzwanana pachezvenyu nokuti mashoko arikutaura makukutu chaiyo aya ini handikwanise kupindira nokuti makatanda botso imi mumhuri yenyu. Kutaura kudai ndinoda kutanga kutaura nenyaya yevana kushungurudza kwamuri kuvaita uku. Iwe baba Kelly ndakakuti gara nevanin'ina vako pasi vakakwanisa kuzviita? Ukatendera mwana wako kurova umwe mwana iwe sababa vakatora matanho api zvavakaudzwa nezvazvo." Kubvunzwa kwaakaitwa akaratidza kupererwa nazvo. "Sabhuku ini ndakuita kunge ndinopindira nyaya iyi. Ndaida kuziva kana ivo vachiona, kuchengeta vana wevafi ava kuchinetsa ndiende nawo nokuti handione pane chekuti vana ava vagare mumhuri mavo vachifa nenzara zvakadai izvi. Moyo wangu aungafare kuvaona vachichema kudai sezvavari kuita izvi. Ndikuda dudziro kubva kwamuri." Ndakadaro ndakanzwa baba Tapiwa vakuti zviri nani izvozvo nokuti hapana anoda vana ava kusiya kwangu ndega . "Ini handibvumirane nazvo nokuti vana ava iropa redu kwete renyu imi! Hazvingaite kuti imi motora vana isu tiripo vabereki vacho kushaya respect kwamuri kuita uku." Akanga ari baba Kelly aitaura. "Kana muchiti muri vana baba chamakaita kuvana ava ndechipi nokuti vari kuita kudya nhoko dzezvironda kutaura kudai? Moyo yenyu inofara muchiona vakadai? Zvose zvamakaita ndiri kuzviziva uye ndakamirira nguva ikwane zvayo muone." "Ndataura zvakanaka, asi imi kana muchida kusara nevana ava muzive zvinhu izvi. Ndikanzwa muri kuvashungurudza kana kuvanyima chikafu. Ndinoda zvirimwa zvidzokere kwavari handidi kunzwa anorova mwana kubva pamuri mose kana kushungurudza ndikangonzwa kudaro muchaona zvandichaita kwete zvekukusungisai, asi zvichakurwadzai nokuti hanzvadzi yangu yakatambura payakazvara vana ava. Kana mune zvimwe zvekutaura taurai tione nokuti pamuri mose hapana anogara nevana ava kunze kwekuti vachagara kwaSabhuku vana muchida kuvapa chinhu munotanga maona Sabhuku. Chekupedzisira zvakare handidi kuona madzimai enyu achiswedera pedyo nevana ava uye mumhuri menyu mune rubata bata ndichachibvondora manje manje nokuti hakuna munhu anofa rufu rusiri rwaMwari kana akaisa zvinhu pane mwana wanai vangu azvibvise." Ndaiva ndarwadziva zvokuti hapana akataura kunze kwe.... JESSICA Baba Tapiwa vakanga vasarudza kumira nesu nguva zhinji. Mwana wamai vangu akanga arapwa dambudziko ini zvakanga zvisina kupera ndakanga ndichida kumuita kanyama kanyama ndakanga ndatomuongorora ndikaona asina maoko chaiva nacho kuda kushandisa zvinokuvadza chete.. Sekuru vakanzi vambomira kwemazuva matanhatu vanhu vachitaurirana wemhuri iyi. Zuva ratakaenda kumba kwababa Kelly hakuna munhu akanga achitambira pedyo nesu and musi uyu rakafara kudya zvinhu zvatakapedzisira kudya vabereki vachiri vapenyu. Ndakaudzwa nezvekurohwa kwagogo uye kuti vaive muchipatara ndakanzwa tsitsi zvekuti ndakasvika pakuvenga sekuru Jeff nekuita kwavo uku. Ndakaudzwa kunzi vana ava ngavasadye chikafu chavasina kuziva kwachabva nokuti mumhuri medu pane ruvengo ruripo nokuti pane zvatisingazive zvinoda kuitika. Ndakatanga kusuwa nekutaura kwavo. Ndakabuda ndichida kuenda kurwizi ndisina kure kwandakanga ndasvika ndakasangana naKelly akatakura chigubhu. Ndakachiwisira pasi achidonha nekuko akasimuka achiita kupopota achiuya kwandaiva zvokuti ndakangosimudza ruoko rwangu ndichihuregedzera ruchinorova muromo achiita ku.......... End of chapter 12 Be blessed 🙏