CHAPTER 15 Jessica Ndakaona munhu rume akanga akavhara kumeso kwake apa ndaiva ndakuita kutadza kuziva zvekuita iye akangondibata zvine simba nekuvhara muromo vangu.ndaiedza kuda kupukunyuka mumaoko aya nekuda kuedza kuchema pamwe vanhu aikwanisa kundinzwa. Asi ndakanga ndichiita kuzvinyepera chaiko zvokuti ndakatanga kuzvuzvurudzwa kana kunzwa tsitsi munhu vacho apa akanga afunga kuda kundibata chibharo. Kunzwa kwakaita munhu akanga achidana akandisiya iye akapinda nemuchirwizi ndokutiza zip yake yaiva yakavhurika. Ini ndakanga ndoita kuchema uku hembe yaiva yabvarurwa zvino zvaita ndinzwe kurwadziwa. Ndakaona akanga ari mudzimai vaSabhuku akanga asvika. Ndakamutenda kusvika kwatakaita kumba nokutaura nyaya yacho yakanga ichiitika. Ndaitadza kuziva chavanoda chii? Mombe vakatora nezvimwe zvose kubva kumudziyo. Chavakanga vachivavarira ndaichishaya. Mai Trish vakaenda ndokusara naBaba Tapiwa vakati vakuenda zvokuti ndakaita kuvhara nekutya. Ndakarwadziwa nokururara tisina kudya nevana wamai vangu. Zvokuti ndakanga ndichingochema husiku hwese zvainzwisa tsitsi. Ndakasvika pakubatwa nehope ndokurara. Ndakakasika kumuka ndokubuda panze. Ndakapererwa pandakavhura door ndichiona munhu aiwa akarara akaita kuzvipeta zvokuti ndakaona vakanga vari baba Tapiwa vakaita kurara vasina gumbeze zvainzwisa tsitsi.... MAI SABHUKU Ndakarwadziwa nekuita kwamai Kelly.Mai Kelly yaiva iri shamwari yangu chaiyo kwete zvekureva nhema. Taibva kumaraini kumwe chete ,asi zvavakanga vachiita zvinhu zvisingaiti.Nokuti hunhu hwavo hwavakanga vachiita. Waiva hwekufurirwa namai Tapiwa nokuda kwekuita zvinhu zvisina kunaka. Hongu ini ndakanga ndichinzwira ava vana vakanga vakasiyiwa vari vana vadiki. Ndakanga ndichidawo kupindawo muchikwata chavo asi,ndakaona kuti,hazvina zvazvinondipa. Mwari vanonditonga neniwo ndine mwanasikana mangwana vanozondiona ndichiita zvakadai izvi.Ko, ini ndikazofawo nemurume wangu vana vosara vachiitwa zvakadai nehama dzemurume zvinobuda zvakanaka here?Ndakaona zvisinga kodzeri.Uye ndakaona kuti,ndikasiya kunge ndiri kuside ravo zvinenge zvakanaka. Ndini ndinenge ndichinoudza vana ava zvinenge zvichiitika.Zuva randakasvika ndichiona murume wangu. Baba Trish ayina Jessica ndakarwadziwa uye ndakaona kuti,hazvingaiti kuti,afambe ega kunze kwadoka. Ndakamuperekedza- kumuperekedza kwandakaita ndichinomuya mbutsa chirwizi. Ndakamuudza kuti chimhanya uende kumba. Sezvo kunze kwasviba ini ndakati ndichidzoka ndakasangana nemurume ayiva akavhara kumeso kwake, murume uyu handina kumuchenesa. Hapana kuita nguva ndakatanga kuteera kumashure kwemurume uyu. Nokuti ndakanga ndisina kumuchenesa. Ndakanzwa mhere mhere, ipapo hana yangu yakarova. Nokuti ndakanga ndichiteedzera zvakanga zvichireva hana yangu ikarova. Ndotoziva kuti kune chinhu chinenge chichida kuitika. Chihombe zvakaita kuti ndimuteere pandakateera. Ndakaona zvaakanga achida kurepa mwana. Izvi zvakandirwadza ndakango nhonga dombo. Nekuti ndakanga ndiri nechekure ndokukandira ikoko. Kupotsera kwandakangoita murume uya akangotiza. Akadaro bhurungwa rake risati ranyatso kwira. Ini ndakasvika ndokubata mwana akanga abvarurirwa hembe yake. Yaaiva akapfeka ava kungochema misodzi yangu yakatanga kubuda. Nokuti zvose izvi ndinoziva kuti ndiyani akanga achizviita. Ndakamutakura ndikaenda naye kumba. Vamwe vana vacho vadiki vaiva varara. Uye ndakatoona kuti apa hapachina kunaka. Hapana kuita nguva ndakaona baba Tapiwa vaiita kunge vafemerwa. Ndakataura navo baba Tapiwa. "Zvakanaka zvakanaka! pano pamba hapachina rugare nokuti vana ava vakaramba vari pano panoitika zvimwe. Nokuti vanhu vese vari kuedza zvose zvavanoda uye. Vanhu vari kuita zvese izvi ndiri kuvaziva. Musazobudisa gure iri imi itai zvinhu zvenyu chinyararire. Uye rwendo rwenyu imimi baba Tapiwa itai kunge musisadi kuenda. Nokuti rwendo rwenyu rune guva mukati rufu. Uye vari kuda kukuitisai tsaona. Kana muchinge marema hamuchakwanisi kucheuka vana ava. Kana kushandira vana ava izvo zvavari kuda edzai kuavoider izvozvo." "Musaita kunge manyumwa imi nyepedzerai kunge marongedza zvinhu moita kunge maenda. Asi hamuendi munozodzoka monyepera kuti zvinondibatsirei kuenda ikoko. Kuda kubvunzira ivo vanhu vakafa kudhara. Nokuti chandinoziva ndichekuti bamukuru venyu. Vana mukoma venyu nemudzimai wenyu ndivo vari pamberi. Ndozvakare varipamberi pakuuraya vanhu ava. Uye zve Jessica uyu nevanin'ina vake vari panguva yakaoma. Nokuti zvinhu zvavari kuronga zvihombe. Ini ndichaedza kumira nemurume wangu. Asi murume wangu musanyanye kumuchenesa. Nokuti ndakatotenda mwari kuti Jessica akaramba kuzogara kumba uko. Nokuti pane zvakanga zvarongwa murume wangu akapihwa mari zvandakanzwa nemwana wangu,achitaura kuti,baba vapihwa mari nababa Kelly. Vanga vachitaura zvakati nezvakati. Kana muri vamwe tsvakirai vana ava. Kwekuti vaende kusiri kuno uku uye musiri muvillage muno nokuti,muVillage munomu mazara mabhinya asina moyo chena nenherera idzi. Ini zvinondirwadza kutambudza nherera idzi nekuona misodzi yenherera zuva nezuva. Zvinova zvinondirwadza izvezvi kudai ndisina kumhanya apa kudai mwana aitwa zvimwe. Arepwa kana kuuraiwa zvinhu zvinoshoresa nekuti anoshorwa ndimi vana baba nokuti matadza kuchengetedza vana ava. Mashoko akataurwa naSekuru vacho ndinomateerera. Ndakamabatisisa chaizvo. Uye vanhu vakawanda vari kuitwa izvi vari kuda kuuraiwa, uye naSekuru vari panguva yakaoma zvakare. Kunyanya gogo vako iwe Jessica naSekuru vako Tazvii. Nemi baba Tapiwa pamwe chete newe Jessica muri panguva yakaoma." Ndakadaro ndakuita kubudisa misodzi nekurwadziwa. Ndaiva ndaita kubayiwa panyama nhete nokuti ndakanga ndichivaona sevana vangu. Kuenda kwandakaita ndichisvika kumba ndakapererwa kuona murume vangu asipo pamba husiku uhu.... TAZVII Kubva kwandakaita kumusha kwaiva kwakaroorwa hanzvadzi yangu. Ndichidzokera kumba uko kwandaida kusvika ndichienda kuchipatara . Kwaiva kuna mhamha moyo wangu waiita kurwadza kushaya kuziva kuti, Jeff ayiva apindwa nepfungwa yakaita sei shuwa. Yekuda kuuraya mhamha kudaro. Kuda kutiitira ngozi mumusha icho chakaita kuti, asviki pakuita zvinhu zvakadaro chii? Yaiva mibvunzo yaiva mupfungwa dzangu yose iyi ndiri munzira kuenda kumba. Asi mibvunzo yose iyi hapana ayikwanisa kundipindura. Apa dzimwe pfungwa dzaiva kuma shure kwandaiva ndabva kuti saka vana vasisi vangu vachasvika kupi vachirarama hupenyu hwakaoma kudaro. Nezera ravo shuwa ndaiita kurwadziwa chaiko. Nokufa kwehanzwadzi yangu nokuti, nhamo yaakasiira vana vake yakakura chaiko. Ndakatoona kuti, kuhama dzababa vavo vana ava. Hapana kana anovada kunze kwabamunini vavo baba Tapiwa vega. Vamwe vese havana basa navo vanotoda kuti vatambure chaiko kana kufa kuti, moyo yavo ifare. Kana ari semudzimai wababa Tapiwa ndakatoona zvangu kuti, haasi ega pane zvaanazvo zvinoita kuti, aite zvaari kuita izvi. Asi ndakazviudza zvangu kuti, zvichapera nerimwe zuva chete. Kufamba kwese kwandakaita handina kuona kuti ndaiva ndasvika kumba kwamhamha nguvai nekuti, ndaiva mudziva rendangariro chairo. Ndakasvika nekusiya kabag kangu ndokutoenda kuchipatara . Ndaida kunoona mhamha kuti vandiudzewo kuti, chii chakaitika. Ndakati ndichisvika kuchipatara ndakaona shamwari dzaJeff dziriko. Vakabva vauya pandaiva ndiri tikamhoresana hedu nekuvabvunza kuti, mhamha vakanga vari sei. Asi zvinhu zvava kandiudza ipapo zvakandipedza simba chaiko. Kushaya kuziva kuti, chii chaiva chapinda Jeff shuwa. Kuramba achida kuteererana namhamha achida kuvauraya chavaiva vamutadzira chaimbova chii chaizvo. Ndakaita kunzwa kubayiwa pakati pemoyo chaipo nokuti vanhu vese vandinoda ndivo vari kuda kungoramba vachindirasikira vese shuwa. Ndakaita kushaya zvekuita chaiko ndakatoona kuti, izvi hazvisi zvega chete. Ndakabva ndarangarira mashoko emuzukuru wangu Jessica ayiva mwana, asi zvimwe ayifunga semunhu mukuru chaiko. Paakataura kuti, Jeff anoda kubatsirwa ayitaura chokwadii ndazozviona ikozvino. Nokuti zvinhu zvaari kuda kuita izvi hazviitwi nemunhu akakwana chaiko. Pane zviri kuitika chete vanogona vari maivaya vari kuita zvese izvi. Kuti vana ava vashaye anomira navo kana kuvabatsira. Ndaifunga zvese izvi ndakagara pasi chaipo. Nokuti simba rekumira ndaiva ndisisina nekuda kwezvinhu zvandaiva ndanzwa apa. Ndakazosimuka zvangu ndakupinda mukati kunoona mai vangu. Pandakapinda maiva namhama ndakawana vakarara asi vairatidza kuti vambochema. Ndakanzwa moyo wangu kupisa chaiko nokuti ndaisada kuona mai vangu vachishungurudzika. Kana kutambudzwa nemunhu ndiripo. Ndakasvika ndikagara padhuze navo ndakavatarisa ndaisada kuvamutsa nekuti ndaiziva kuti vaiva mumarwadzo. Ndaida kuti vambozorora, ndakazobuda hangu ndakuenda panze paiva nevakomana avo vaiva vakasunga. Jeff mushure mekunge vamuwana achida kuuraya mhamha. Apa chakanga chasara ndaida kutsvaka kuti, ndingabatsira sei Jeff pazvinhu zvaari kuita izvi. Ndaiwana kupi munhu anokwanisa kumubatsira muno. Nokuti, ndikamusiya akadai anopedzisira auraya amai chete. Tikaunzirwa ngozi mumusha. Ipapo ndakaona imwe Shamwari yevakomana ava yakanga ichinzi Brendon akauya nechigero akati... "Tofi newe Tadzi! Zviri pamunhu uyu hamuzi kuzviona mirai ndikuratidzei kuti rasta iri ndiro ririkumupa madhimoni aya." Akadaro achibata musoro waJeff achii... End of chapter 15 Stay tuned.