CHAPTER 2 JESSICA ndakanyatsosimudza musoro vangu zvakanaka naka, apo ndakanga ndakagara naMbuya vangu kuseri kweimba yekubikira. Ndiyo nguva yakasvika sekuru Jeff vachitaura zvavo zvekupenga, vaifunga ndinotya mashoko avakanga vachitaura here ini. Kana vaiva vasingade kutichengeta hazvina basa ndinochengeta vana wamai vangu ini, ndinotadza nei kuvachengeta kana ndichiziva zvingu nokuti ndinoziva munhu akangofirwa nevabereki vanhu vanoda kushandisa advantage yekuti tafirwa saka hakuchina kwatichawana chinhu kana munhu achatibatsira kunze kwrkunyengerera ini mweya vacho vabereki vakandidzidzisa kushanda ndichiri kamwana kudai handina kunzi ndichanyengerera munhu. "Sekuru Jeff? Zvinobuda pamuromo penyu munotanga mazvifunga here kana munongoerekana marutsa zvenyu? Nokuti mashoko amuri kutaura aya handione achienderana nezvamuri izvi." Ndakadaro ndaita kusimuka chaiko mwana ndaita wekusiya pasi paiva naMbuya. "Mhamha! Munoona kamuzukuru kenyu akakaaa?" Akadaro achindinongedza neminwe vake. "Sekuru Jeff! Musati kamuzukuru, itai kuti muzukuru kwete zvamuri kuita izvi? Makauya kuzochema hanzvadzi yenyu here IMI? Kana makatoouya kuzoona kuti ndiani asara nesu pano nekuti hunhu hwenyu hunoratidza hamuzi hanzvadzi yaamai vangu kudai maiziva ndisisi wenyu musingaite zvinoshoresa kudai. Mungadai muchiita zvinofadza chose but handingakupai mhosva nokuti ndinoziva kuti kunetsana nemapenzi akaita semi kupedza nguva yangu ini ndichiziva zvazviri." Ndakanga ndoita kutaura zvandinoda kwaiva kusafa ndekupi ivo wakanga vabuda wega pachena nekuda kwekuoneka macolor avo kwandiri saka ini ndaitovaratidza chibhadhiti chacho zvakare. "Jessica! Vaguta kunyarwa manje iwe, unotaura neni zvakadai unoziva ndiri sekuru vako here ini?" Akataura achiuya kwandaiva ini ndakanga ndichidzokera kumashure zvishoma nezvishoma ndichivapindura. "Imi vaJeff zvakare kana muri sekuru vangu munoziva ndiri mwana vaSisi wenyu here? Uye husekuru hwacho huri papi kana imi musingafarire mwana vaSisi wenyu? Angakuremekedzai sei muchishaya hunhu pamberi pake?" Ndaitaura ndichidzokera kumashure zvokuti pakasvika Chete achiona ndaida kurohwa. Akamhanya kunoruma sekuru Jeff patsoka ichitanga kubuda ropa zvokuti sekuru Jeff vakabata Chido vachimurova mambama maviri akaita awire pasi. Ini ndichiona izvi ndakarwadziwa chaiko nokuti ndakanga ndisingade kurasikirwa zvakare nevana vaMai wangu kana kuona munhu akanga achivarova ndakatarisa. Ndakaerekana ndanonga dombo ndokurova sekuru Jeff naro nechepahuma apa zvekuti vakatanga kubuda ropa ndakati hazvingaperera ipapo ndakatora simbi ndini uyo mumusoro nayo nekurova zvakare kumusana ndadaro ndakaenda paiva padonhera Chido akanga obuda ropa zvino. Moyo vangu vakarwadziva chaiko kusvika pakuchema, chokwadi ivo mutoro uyu zvavatanga tichiri takadai kani tinosvika kupi chaiko. Pandakaona sekuru Jeff vamuka vabata simbi iyi ndakatoziva pangu paigona kundipera zuva iri. Ndakabvuta mwana aiva pana mbuya ndokumuisa kumusana ndikabata Chido ruoko ndini uyo nemuchibage chaiva pamba kutiza nevana wamaiai vangu tichipinda nemugoronga rekamwe karwizi ndokukatedza nekwakanorasira mvura kudzamara taona tavakure ndipo ndakagara paiva pakati hwandei ndokuisa vana wamai vangu pasi ndikatanga kupukuta Chido ropa rakanga richibuda paari. Ndakaona kudzokera kumba kusina kunaka nokuti handaiziva zvakanga zvichizoitika uku. Pandakanzwa kuti tsoo! Kumashure kwangu hana yakaita kurova kuti pano taperera Kani. Ndakatarisa ndikaona akanga ari...... MBUYA VAJESSICA (MAI JEFF) Ndakarwadziwa nekufa kwakaita gotwe rangu iri. Handina kunge ndakatarisira angafe zuva rimwe chete nemurume vake Petros. Chekuita pakanga pasina kutonga kwakanga kuri kwaMwari apa ndaiva ndangosara nevana komana waviri Jeff neumwe mukomana mukuru akanga achinzi Tazvi aiva ari kuMozambique ndikokwaishanda nekugara. Tarisai akanga asiya vana vari vadiki zvekuti moyo vangu vakarwadziva kuona nechimiro chaiva nevana ava. Iye Jessica kuva nepamuromo ungati pane zvari kutemba ndakatoti regai ndisiyane vapedzerane sekuru nemuzukuru zvekuti paakabvuta mwana ndipo ndakaona Jeff achiita kunge anga akuvara ziso. "Maona kamuzukuru kenyu? Kanoda kundiuraya sezvakaita vabereki vako manje ini ndini ndinoda kumuuraya kwacho hangaite zvakadai pandiri ini." Aitaura achidanidzira uku akabata ziso raiva rakurava pamusoro peziso paibuda ropa kuzoti mumusoro raiva raita kuzara chaiko. "Mwana wemunin'ina wenyu ari kupi? Mazviona zvandiri kurambira kumuchengeta mozoti hee ndakaipa ndinonga ndichiziva zvandiri ini." Ndakasvika ndikabata Jeff ruoko kwakuenda naye seri kwemba. "Jeff! Zvavakuita hazvisirizvo izvi mwanangu. Kana hanzvadzi yako kwairi haifare nazvo zvaitika izvi better ubve pano zvisati zvashata nokuti hauzive vana ava vaenda kupi chaiko, pamwe vaenda kumapurisa zvee." Ndakadaro ndatoona kuti ndisadai vana vairara musango ivo wakanga vachiri kuchema vabereki wavo. "Mhamha! Ndinoda kupedzerana nekamuzukuru kenyu kanoita kunge kakatemerwa nyora aka. Tarirai zvakandiita musoro vangu ini Jeff kurohwa nesimbi nekamwana kandakaona kachizvarwa ndikabvisa manapi kavakundiita zvakadai? Ndichakadzokera for now regai ndiite zvamataura, ASI musauya netsikidzi idzi kumba nokuti hakuna chikafu chadzo chekudya dzinopera kufa makatarisa uye kana muchida kushaya support zvakare uyai nawo." Aive achiita kutaura zvinorwadza chokwadi angaudza vana vaSisi vake kuti tsikidzi here. Ndakanga ndapererwa zvekuti ndakadzokera mumba maiva nevamwe, Asi paiva neumwe munin'ina vaPetros akanga asimo ainzi aenda kumba arikudzoka. "Ndati nditaure nemi nokuti ndinoziva ndimi muchasara muri ziso kuvazukuru vangu ava. Mombe dzandaiti ndichatora hazvichaite nokuda kwekuti ndinenge ndichiitira vana ava hutsinye ndinonga ndashaya hunhu nokuda kwekuita izvi." Ndakataura misodzi ichiita kubuda ndipo ndakanzwa Bamukuru vacho vakunditi... Baba Tapiwa (Tadzi) Zvakandirwadza zvakaita mukoma wangu kufa zuva rimwe chete nemudzimai vake. Izvi hazvina kunzi zvaiva zvaMwari kwaiva kuri kusaidzirwa mhepo chaiyo yakanga iripo iyi. Vakaita izvi, vaive vachida zvirimwa nehupfumi vakaona zvakakodzera kuti vanzi vaenda nerwizi ivo vasina. "Baba Tapiwa? Panzvimbo zvekuti ufare wava kusuwa chiii?" Aiva mudzimai vangu akanga achitaura neni ini ndaiva ndarwadziva nechitiko ichi. Chokwadi vanhu vangatadza kurima zvavo voda kudya zvavasina kurima izvi? Ko, vana ava vanosara nei kana vanhu vavatorera zvose. Ndakaona kuti izvi ndikada kuita pikerere ndaigona kupfuudzwa zvakare zvaiva nani ndiite kunge ndinobatana nevamwe uye izvi mudzimai aisafanirwa kuziva zvandaironga ndaisamunzisisa chaiko. Ndakanga ndiri mumba ndikanzwa mhere mhere vanamukoma vakati siyai zvipedzerane kana vauraya kamwana aka zvedu zvinenge zvaita ini nekuona Jessica aiva ari zera remwanakomana vangu Tapiwa ari mashamwari zvakare ndakangoti ndirikudzoka regai ndiende kumba pandakaona achitiza nevana ndakanzwa tsitsi ndokumhanya kumba ndikati kunaTapiwa.. "Tapiwa mwanangu! Ndiri kuda rubatsiro kubva kwauri zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye promise me kuti hapana anofanirwa kuziva izvi kunze kwangu ini newe chete nokuti zvikazirikanwa nevamwe kunyanya wefamily tinopinda ma1 nazvo." Ndakadaro ndichimuzevezera munzeve dzake ndikanzwa oti... "Daddy! Ndinoziva muri kurwadziva kana neni kufa kwabamukuru kuri kundirwadza nokuti Jessica hachakwanisa kuenderera mberi nechikoro, ndinoona zvakakodzera kuti nditaure nateacher wedu akwanise kuwana rubatsiro akwanise kunyora grade seven next year." Akataura achinzwisa tsitsi ini ndakanga ndamuraira akatevera Jessica nehembe kwavaiva vaenda pane kwandaida vaende vodzoka kana mhiri zhonga ichinge yapera iyi. Ipapo ndakadzoka kune vamwe ndakasvika kunzwa vachiti vaiva vapedza apa mombe dzaiva dzavakusara ndakarwadziva nokuti dzaizodyiwa nevakagwara zvavo kuti ndisimudze musoro ndakanga ndaita umwe chete, asi zvinorwadza izvi kuburikidza nekuita utsinye. "Zvamataura zvakanaka, zvanga zvakadii kuti vatore vana vacho vanogara nawo mwedzi mitatu yavari kutaura zvavo." Ndakataura ndikaona ndatariswa neziso raitaura ndakaenda panamukoma ndikavazevezera munzeve. "Ndaitira kuti panopera mwedzi mitatu tinonga tapedza kukohwa tikashayana zvose hamuone zvichiita here." Ndakadaro ndikanzwa rume ravakuti. "Yeah unokasika kufunga mufana iwe uye zvakanaka." Ndiko kuzevezerana kwatakaita kudai vaiziva zvaiva mufungwa dzangu, wanga dai vasina kubvumirana neni nokuti ndakanga ndichifunga ku....... End of chapter 2 Very sorry Hama dzangu kune vari kuti ndapinda mumunda, ndinoziva zvinodzimba moyo zvakare uye ndinoda kunzwa nemi kuti ndosiya kana ndoenda mberi. Taurai makasununguka musatya nokuti ndapinda mumunda. My WHATSAPP number +27676644458 Be blessed🙏🏿