CHAPTER 9 JESSICA "Chido! Iwewe vati unoda kutangawo kuenda kuchikoro mangwana? Zvakanaka zvaunoda izvi uye baba Kelly vatii zvose zvatiri kuda tinouya kwavari sezvo vabereki wedu vakafa vasina kupedza kubhadhara mari yechikoro pamwe chete nekutenga mauniform nemabook edu." Ndakanga ndichitaura nemwana wamai vangu Chido. Ipapo Chido akandipindura achiti... "Sisi Jessica! Kuti tione vanotida zvose nekutiitira zvinhu tinofanirwa kuvaudza zvose nekuti mumba hamuchina kana chikafu umu. Sekuona kwangu mwana tinogona kumusiya ikoko kana vachinge vatadza kumuchengeta totangira ipapo." Akanga achitaura, asi ini ndakanga ndichirwadziva nokuti zvakanga zvisingaite kuzvisasika mukanwa meshumba chaiko. Ndakarambirana nepfungwa yake yakanga ataura iyi ini ndaiva ndine amwe mafungiro angu, Asi akanga asingakwanise kushanda nokuti ndikaudza Chido akanga achiri mwana mudiki aitadza kuzvinzwisisa chaiko. Ndakasiya Chido naChipo vachitamba ndokufamba ndichienda kumba kwababa Tapiwa ndaiva ndakabata kagaroni kadiki kekunokwereta hupfu hwekuti ndibikire vana wavane chekudya. Ndakasvika paiva pana Tapiwa naMai vake. "Maswera sei Mhamha." Ndakavasweresa ndichiratidza kuva netsika kwavari.Asi ndakanga ndashaya kuziva kutadza kwangu kwakanga kuri papi chaipo. "Iwe mwana! Usanditi Mai vako, handizi amai vako ini vanzwa. Ugare uchiziva izvozvo kubva nhasi. Handina mwana akaita sewe anongoramba ari kumarinhi zuva nezuva unotadza kugara kumba kwenyu here? Mai vako vari pachuru apo." Vakanga vachitaura mashoko aya, zvekuti pandakada kuvapindura vakanga vodana mwana wavo Tapiwa uyo vakatuma kurwizi ndikaziva pane zvavakanga vachida kutaura, asi zvaisaita vataure mwana ari pedyo vaitya aizonzwa. "Mai Tapiwa! Ndauya pamba pano kuzokumbira hupfu kumba hakuna chekubata kuuya kwamuri kudai ndatoperererwa nokuti ndimi muri pedyo." Ndakataura ndikanzwa voridza chikwe vachirovanisa maoko avo. "Jessica unoshura chaiko iwe mwana? Ini ndini vavakanzwa ndinoita basa rekupa vanhu vakafirwa nevabereki chikafu here? Pamusha pano ndipo pavakugoverwa upfu? Mafa here zvamuchiri kufamba kudai? Unoti ivo mai nababa vako vakakusiyai vaiziva nyaya dzavo uye pano hapana chekukupai fambai muende amai." Kutaura kwavakaita nezvevabereki vangu kwakaita ndinzwe kurwadziva kunzwa shungu dzose dzichiita kuuya nehasha. Ndakaedza kuzvidzora panguva iyi zvakatadzika ndakaerekana ndopindura. "Mai Tapiwa! Kunyarara hakuzi kupusa zvako! Vakafa vari kupinda papi pakukumbira hupfu kwandaita uku? Wenyu moyo vakaita sei unonga vakaoma sedombo kudaro. Mwana wenyu anoziva ndihwo hunhu hwenyu here uhwu? Musati kunyarara kupusa kana kushaya zvekutaura, kuedza kukupai ruremekedzo Mhamha. Asi kana musisade ruremekedzo rwacho zvakanakai. Hapana munhu akafa nenzara ndinoenda kwaSabhuku vanokwanisa kundibatsira zvakanaka." Ndakasaro ndotaura nemhepo munhu aiva apinda mumba akauya kuzorasira hupfu pamberi pangu ndakatarisa nemeso angu aya. Izvi hazvina kundirwadza nokuti ndizvo zvakanga zviripo panguva yacho paive pasina yekutamba. Ndakatendeuka ndichitanga kupesanisa makumbo angu ndichienda kumba. Ndakanga ndichiseka pachinzvimbo chekuti ndirwadziwe nazvo izvi. Kusvika kwandakaita kumba ndakaona Chipo ari ega achiita kuchema zvake, handina kuziva Chido akanga aenda kupi achiita mwana uyu. Ndakasvika nekuwesa moto ndokutora mafunde ndikamaisa mupoto ndokutora mvura ndikadira nekuisa pamoto. Ndakanga ndisina imwe pfungwa kunze kwekuita izvi. Ndakatora huyo yangu ndikatanga kukuya mafunde mamwe ndakanga ndichida kugadzira hupfu. Hapana kuita nguva yakakura ndakaona Chido achisvika akaita kuzvimba kumeso kwake uku muromo vakanga vakaita kurembera zvakandinetsa. Ndakamhanya kwaiva ndikamubata ndakaona mazino maviri epamberi asipo uku pameso paive pakazara misodzi zvekuti ndakarwadziwa kuona mukanwa makazara ropa rega rega. Handina zvandakataura kunze kwekubura poto ndokuisa mvura pamoto ndikaisa munyu mushoma shoma. Ndakaramba ndakamutarisa achibudisa misodzi kudaro ini ndakanga ndakuita kurwadziwa nekutadza kumuchengeta uku. Zvose zvakanga zvakonzereswa nesu isu.. Ndakamutowa nemvura inodziya zvekuti akageza mukanwa Make zvakare ndokurara akadaro. Mafunde pakanga aibva ndakavamutsa kuti vadye iye nemwana. Ndipo ndakanzwa Chido ava kundibvunza nezve.... BABA TAPIWA ndakasvika pakutsikitsira musoro vangu pasi nekuda kwezvakanga zvaitwa nemudzimai vangu. Ndakashaya kuziva moyo mukukutu vaiva navo akanga autora kupi? Avakukanganwa akauya pano pamusha achinzwisa tsitsi kwazvo nhasi ndiye avakutambudza nherera idzi? Haonewo akaita sei kuti izvi ndizvo zvaakanga ari nhasi aona kugarika kwake ava kutanga kutambudza vamwe...? Kuita kwake ndakazviudza kuti kana ndichizourava ngandiurawe ndaedza nepandinogona napo, nokuti hapana zvazvinobatsira kuona mhuri ichitambudzwa kudai. Ndakarara ndichimuka ndichiti ndiende kugarden. Ndakaona Kelly achisvika apa akanga ava mhandara yabva zera zvekuti kana itwo tukomana twakanga twoona mwana sikana uyu dundundu rake kutunga hembe vakaziva akanga ayaruka vomhanyira kwaari.. Akanga atumwa kuti ini ndiende kumba kwavo ndakatoona uri ivo mukana wacho nekuti handizokwanisa kuuwana. Ndakapinda munzira kuenda kumba kwamukoma sezvo kwakanga kusiri kure uko ndakanga ndingori ini naiwo chete. "Munin'ina! Zvandakudanira vazviziva chose kuti ndezvipi? Toita zvekunzwa nevatorwa isu hama tisingazvizive? Ko, mhosva yatakatadza ndeyei kuti unoenda kunoudza sadunhu zviri kunetsa isu madzikoma tiripo hauone unenge vakuenderera here?" Vakadaro mukoma wangu ini ndakavatarisa maziso angu akanga azara nemisodzi yekurwadziva nezvaitwa nherera idzi. "Zvandakaita ndakagona nokuti ndiri kurwira kodzero dzevana ava? Munoda vakure vachizivei chaizvo nezvamunowaita? Vana vachiri kuchema imi matotanga kuvanetsa kare ndizvo zvinoitwa here? Muri baba vakaita sei vasina tsitsi neropa ravo? Mushakabvu haizi hama yenyu buda ndibudewo here? Kwenyu kuri kuda zvirimwa nehupfumi hwakashandwa nevamwe vana imi muchitadza kushanda zvenyu? Kana muchida zvose torai zvenyu, asi kwete kutambudza vana nekuda kweizvi? Kana zviri izvo neni zivai tichaita tichekane ukama nekuda kwevana ava nokuti moyo wangu unorwadziva kuona zera rakaita seriya richitambudzwa." Ndakataura zvakawanda ndokuona shasha yaita kukotamisa meso ake pasi uku ndiyo nguva yakasvika Tapiwa achiita kuchema chaiko. "Daddy! Plz endai muno Batsirai Chido anoda rubatsiro rwenyu now mwana arikurohwa naKelly achiita kukandirwa pasi zvekuti hachatarisika kumeso nekubuda ropa." Ndakarwadziwa nekutaura kwaiita Tapiwa zvekuti ndakatanga kutarisa baba vacho ndokubuda ndichienda.. Ndaita kufambisa Tapiwa achitevera kumashure zvekuti ndakasvika pazvaive zvaitika pasisina munhu ndakatevera kumba kwamukoma baba Jessica ndakasvikoona Jessica achiita kubuda ziya zvose nekuchema vamwe vaviri vakanga vakarara pamasaka zvakandirwadza kuona kumeso kwaChido kwakazvimba uku poto yemafunde iri pamoto Kani. "Jessica! Vashayei kuita zvakadai ini ndakakuti zvose zvaunoda unouya kumba?" Ndakabvunza ndisati ndapedza ndakanzwa Tapiwa avakuti. "Daddy! Haizi mhosva yake iyi, mhosva ipai Mhamha vamutuka zvinorwadza uye anga achida upfu akarasirwa kumeso kwake namhamha." Kutaura kwakaita Jessica kwakaita ndinzwe kurwadziva apa ndakanga ndakuda kuziva chakanga chaitika zvakare kuti Chido azorohwe naKelly.. End of chapter 9 BE BLESSED 🙏