Chapter 4 JESSICA Handina kufungira ndichasvika pakutaura mashoko akadai kuna mbuya vangu, ndakaona vachiita kutadza kugarisika nezvandakanga ndataura. Handina kana kuda kuenderera mberi ndaona misodzi yavo yavakuda kubuda, kunze kwekuti ndakatanga kukumbira ruregerero pane zvandanga ndataura izvi.. "Gogo! Ndinoziva ndatadza kutaura mashoko makukutu kwamuri asiri ezera rangu ini, hongu moyo vangu uri kurwadziva nokuti ndiri kuona hapana achaticheuka chaiko kubva zvafa mai nababa vangu zvinhu zviri kuita kuchinja handizive chii." Ndaiva ndaita kubata maoko aGogo avo wakanga voshama muromo wavo kuda kutaura neni. "Muzukuru wangu! Ndinoziva zviri kunetsa kana neni zviri kunetsa kuzvigamuchira kuti Mai vako vaenda vachikusiyai muri vana kudai? Kudai zvaiva nani kwakafa umwe chete zvake kwete vose seizvi zvinorwadza. Hongu ndaiva ndatadza kufunga pakutora zvinhu zvose zvaMai vako, ndaida kugara nazvo kuitira kana makura mozowana pekutangira kunyanya pamombe apa handizi kunzwisisa wemhuri yenyu iyi muzukuru kana iwe varamba kuenda ndinowirirana nepfungwa yako nokuti apana zvandingakwanisa kuita kunze kwekutedzera zvauri kuda zvacho." Vaitaura ini ndakanga ndakuita kubudisa misodzi yekufunga chaiko. Chokwadi ndizvo zvamatisiyira here vabereki kuti tingoita chiseko chenyika yose? Ndiani achasara achititarira isu mhuru dzenyu tiri diki kudai. Ndiani achanzwa moyo akatibatsira pane zvose zvatichada. Zvamakatisira zvikapera ndiani achakwanisa kutiona kunyanya Gogo pavachaenda apa. Ndakanga ndichifunga zvakawanda mumusoro mangu kuburikidza nekutoona kuoma kwehupenyu hwangu. Kwaiva kutoguma kwangu kuenda kuchikoro, asi handina kuzvishora nokuti nguva kana ichinge yakwana haina basa uri pai, kana une mota dzakanaka sei zvadzo. Ndakasimuka pandaiva ndiri uku zuva rakanga rati kwirei ndokufamba ndichienda muimba yai chengeterwa chikafu. Ndakasvikoona pasina kiyi pakaita kusungwa newaya zvayo ndakaibvisa ndokupinda mukati. Ndakaita kupererwa kushaya kana nesimba rose nezvandakanga ndaona umu. Makanga musina kana chinhu zvacho kusiya kwemasanga aiva asina chinhu yangova mhepo. Zvandakaona handina kuudza mbuya nezvazvo nokuti zvaizonetsa. ndakanga ndichifanirwa kuita sekunge zvinhu zvose zvakanaka zuva iri. Ndakaenda kunogara naGogo nokuti Chipo naChido vainge varara. "Gogo! Ndiri kuda kunochera mvura kurukowa uko ndinodzoka manje manje mondiudza ngano pamwe tingakanganwa nhamo idzi." Ndakadaro ndichitora kabucket kadiki kandaikwanisa kutakura, hongu bucket hombe ndaigona kuritakura.Asi kuzvitakudza ndega ndakanga ndisingakwanise. "Ndinenge ndiripo muzukuru wangu, uye Mangwana unofanirwa kutanga kuenda kuchikoro neumwe vako Chido ini ndinosara naChipo nokuti hazviite ndiende ndichikusiyai muri mega manyanya kuita vana vadiki ndichaenda kana mavhara ndonopedzisa kukohwa ndodzoka zvakare kuno uku kuzogara nemi." Vakataura kudaro ndakada kuramba zvose zvaisaita uye zvakanga zvichizotibatira isu kunyanya ini ndakanga ndapererwa chaiko. Handina kuda kupedza nguva ndakavaudza ndakanga ndichidzoka ndobika kudya kwemasikati. Ndakanga ndichifamba ndichiimba nziyo dzekumadzibaba imwe yainyanya kufarirwa namai vangu pavaiva vari vapenyu yekuti. "Kana manditora nhai Mwari." Pandakanga ndoda kusvika parukowa paiva nechigoronga, ndakanzwa mazwi evanhu kadzi akanga achitaura vachiseka zvavo ndakati handizi kuda kuchera kana vachiripo. Ndakapota neseri kwedombo ndokuona vaiva Mai Tapiwa naMai Kelly Mukadzi vabamukuru vangu. Ndakaita kuhwanda paseri pekatombo ndaitya kuonekwa nokuda kwekuti ndaizotangwa kutukwa. "Asikana! Zvakaoma hazvo kani? Ivo baba Tapiwa vakazvitirei zvavakataura nababa Kelly." Ava vaiva Mai Kelly vaitaura. "Mukuda kutaura nyaya yezvekusara kwevana here? Ini zviri kutondinetsa kuti chembere iyi ichiri kudei chaiko pamba pemukuwasha apa? Vana baba Tapiwa nababa Kelly vanofanirwa kuvaudza vaende nokuti vachatitadzisa kukohwa zvirimwa izvi zvokuti pavanodzoka vana ava vanowana yavanzvimbo yega yega zvayo pasina chekubata." Vakadaro mai Tapiwa, ini ndakanga ndakanyarara ndaida kunzwa zvimwe zvakanga zvichitaurwa apa. "Idzo mombe dzaida kuenda vakasira vana ava, isu tichatora tongoti dzakadyiwa nemapere isu tatengesa zvedu nokuti twaita tuvana tudiki hatuna kana simba zvaro rekunotaura kumapurisa kana kwasabhuku kwacho. Baba Tapiwa ndivo vakabvumira kuti vana vaende kuti tisare tichita madiro ose uye musavaudza baba Tapiwa kuti takatora chikafu chose kumba kwabamukuru uku." Ndakaita kunzwa kurwadziva ndichinzwa mashoko akanga achitaurwa apa handina kufungira zvinhu zvingasvika pakudai. Zvakawanda zvakauya mumusoro mangu umu. Ndakanyahwaira ndichibva pandakanga ndakagara ndichidzokera kunusoro kwandaiva ndasiya bucket. Kana nemvura handina kuda kuchera ndakasvika kurisimudza nekubata skirt yangu ndokumhanya ndichienda kumba. Ndakaita kusvika ndichiita kufemurika padenga chaipo. "Kwakanaka here muzukuru kwaunoita kumhanya zvakadai? Apa maziso ako akaita kutsvuka kuratidza vambochema, vaitwa sei chaizvo?." Kubvunza kwakaita Gogo kwakaita nditange kuchema nokuda kweshungu dzekurwadziwa nezvandaiva ndanzwa zvichitaurwa. Ndakatanga kuzvitongesa mupfungwa dzangu nekuda kwezvakawanda pamusoro pababa Tapiwa. "Musoro ndiwo uri kundirwadza Gogo ndinoda kurara, handina kukwanisa kuchera mvura ini." Ndakadaro nekuti ndaisada ndivaudze zvandakanga ndanzwa zvichitaurwa izvi. Ndakafamba ndichienda mandairara ndakaona Chido naChipo vachakangorara zvavo moyo vangu vakarwadziva chaiko nokuti kufa kwevabereki vangu kwaiva nechiripo chihombe. Ndakatanga zvakare kuimba uku ndichiita kuchema ndakavhara door zvekuti ndakasvika pakubatwa nehope ndakadaro. Ndakazomuka mushure mokunge nda..... MAI JEFF Ndakanzwa tsitsi nezvandakanga ndichifunga kuda kuita. Zvakanga zvisingakomborere kuenda ndichisiya Jessica nevana ava nokuti hama dzake ndakanga ndisingadzionerwe zvakanaka kunze kwekuti vaida zvirimwa nemombe pamwe chete nembudzi dzakanga dziri pamba apa. Mashoko akataurwa naChipo naJessica akandirwadza uye kuona ndiri mbuya rudzii chaizvo? Ndaifanirwa kumira nevazukuru vangu ava kusvika vakura pamwe vana vangu wangafare kwavari ikoko. Ndakafara kunzwa Jessica achiti aizoda kuudzwa ngano. Ndakashaya kuziva chaiva chii kubva kwaita uku anoratidza pane zvaanzwa chete hangasvike nekurara zvakadai pasina zvimwe zvaitika. Kupinda kwakaita mumba ndakamira pamusiwo weimba yavairara ndichiterera kana pane zvainge zvaitika kwaainge abva. Ndakangonzwa kuchema chete chete kusvika abatwa nehope ndipo ndakati regai nditenderere zvangu ndichiona munda uyu vaiva nemafunde nechibage chaiva choda kukohwiva ichii. Ndakasangana neumwe mukadzi akanga achibva kuchigayo ndakashaya kuziva ndiani aiva andiziva uyu. "Mhamha munofara here! Ndini shamwari yamai Jessica Mhamha." Akadaro mukadzi uyu, ini ndakafamba ndichienda kwakanga ari kunzira. "Ndinofara mwanangu vakadiiwo iwe." Ndakadaro iye akati haazi kumira kwenguva yakakura zvake. "Mhamha! Ndati ndikuudzei zvishoma kuti , mukatakura vana ava kana kusuduruka pedyo nawo chete munoona vaurava nekuti vanhu ava vakatozviplan kare uye ndanzwa zvichitaurwa newemhuri yacho." Haana kupedza kutaura akaoneka nokuti akanga aona mai Tapiwa vachiuya. Ini ndakatadza kuziva aive achida kuedza kutaura kutii? Paanga achiti ndisabve pane vana ava? Ndakabviswa munezvandaifunga naMai Tapiwa vakasvika nokunditi... End of chapter 4 Be blessed 🙏