CHAPTER 5 MAI JEFF "Mhamha! Ndirikuona muri kubva mumunda kwakanaka here?" Akanga ari mai Tapiwa kana ndizive nezvakanga achida paindibvunza mubvunzo uyu. Ndakaerekana ndamudaira ndichimuti. "Ndinotadza kuona zvakasiya zvarimwe nevana vangu kuti zvidii? Handiti zvasirwa vana ava zvichireva ini ndavakuda kuzvikohwa any time from now." Ndakadaro ndichitarisa tarisa kune rimwe divi raiyewedza kuona rakanga rine mapfunde akawanda.. "Ndizvozvo chaizvo mhamha; Asi hamuone munenge makurumidza here kukohwa zvinhu izvi? Nokuti ndakatarisa ana baba wevana ava ndivo vanofanirwa kupa mvumo yekuti zvirimwa zvikohwive kwete imi zvenyu, imi hamuna simba nokuti muri pasi pevakuwasha wenyu kana takutaura pane izvi." Ndakaramba ndakanyarara pawakanga vachitaura ndakanga ndisingade zvekutaura ndaiva ndichiziva nyaya yacho. "Ndinovimba kunyarara manzwa zvandataura amai? Kudai muri umwe machitakurana nevazukuru wenyu nokuti isu hapana chatichavapa kunze kwekunge yakohwa zviri mumunda izvi tovapa. Chitodzokerai kumba kwenyu nokuti mazuva enyu awanda vana tinosara tichichengeta tinozvikwanisa.." Mashoko akataurwa nemukadzi uyu akaita ndione mamwe maonero akanga asina kunaka kubva mumashoko ainge ataura. "Mai Tapiwa! Ziva iwe neni tiri vatorwa mumusha umu? Kunyangwe uite sei haufe vakachengeta vazukuru vangu ndiri mupenyu kana kuti vazukuru wangu vatambure ini ndiripo mark my words. Chandinoziva chimwe nechimwe chine nguva yacho, zvose zvichabuda pachena kana makauraya vaviri ava muchida hupfumi hwavo. Imbozviona uri iwe mai Tapiwa vasiya vana nezera rako iri. Vachiitwa sezvauri kuita vana wevamwe izvi? Unoti zvinokomborera here? Why usina moyo Mai Tapiwa." Ndakataura zvakawanda ndakaona mukadzi mukuru avakushaya pekutarisa. Haana zvimwe zvaakataura kunze kwekuti.... "Tichaona muchasvika kupi muchichengeta vana wembwa ava. Munoti idzo imbwa dzakafa nei kunze kwekuurayiwa nemishonga yadzo." Akataura zvakawanda zvakaita ndinzwe kurwadziva pakati pemoyo vangu. Ndakasvika pakugara pasi ndokutanga kuchema kani. Chokwadi vanhu vainge vasina kana tsitsi zvadzo. Pandakasimuka ndokuenda kumba ndichisvika ndakaona misuwo yaiva yakashama mukati musina kana munhu. Jessica nevana vaive vasipo hameno kwavainge vaenda.. Kunze kwakasvika pakusviba pasina kana munhu auya kunze kwa...... Baba Tapiwa Kusvikirwa kwandakaitwa naMai Tapiwa, ndakavhara vhara nyaya isaenda kure nokuti ndaiziva kwazvaizosvika. "Mai mwana! Hazvisirizvo mukadzi vangu. Nokuti ndanga ndiri kutaura naTapiwa aiva aenda kunoona shamwari dzake akauya nehembe idzi." Ndakadaro kuitira asafungire zvakawanda. Ndakaudza mai Tapiwa avo wakanga vachienda kunochera mvura . Ini ndakati ndiwo vaiva mukana wekuenda kunoona Sadunhu wedu. Ndakatora katemo kangu ndokuita sendino enda mugomo. Mupfungwa dzangu dzainditi pfuura nekumba kwasabhuku umuone pamwe anokwanisa kukubatsira nezvazvo. Munzira ndakanga ndichifamba ndichishaya zvekuita nekurwadziva chaiko. Handina kuona ndakanga ndasvika nguvai pamusha vaSabhuku. "Tisvikewo pano Shumba" Ndakadaro ndichidzikisa demo rangu rakanga riri papfudzi ndichiriisa mumaoko angu. Sabhuku Mangwenje haana kunonoka kudaira zvake... " Aaaah Tembo mukauya makabata demo mumaoko kudai, tinodzoka tavakutya kuti kwaitikei zveee." Akadaro Mangwenje achitora chituro chake chmuti ndokunditi ndigare iye achigara pane kamwe kacho. "Tembo maswera zvakadii nhasi! Ndinovimba kwakanaka kwamauya pano kudai zuva radai kuda kupinda muna mai waro." Akadaro achindibvunza, ini ndakashaya kuziva ndotangira papi nyaya yangu. "Shumba! Muchiona ndadai kukutsikai zuva rodai kuda kuwira, ndine nyaya diki diki haizi zvayo hombe. Munoziva takasirwa pwere idzi nevakadai kuti siya ava. Ndosaka muchiona ndasvika pano." Ndakadaro ndaiva ndazvipira kuudza Sabhuku kuitira Mangwana. "Ndanga ndiri kufunga kuti sezvo muri imi Sabhuku mukohwe zvinhu izvi mogara nazvo mozopa vana ava nokuti vamwe vangu varikuda kubira vana ava nekuda kwezvakawanda. Ndatadza ndovabatsira sei nekutya vakuru kwandiri ini." Ndakadaro ndaita kupererwa chaiko. "Mashoko amataura ndamanzwa baba Tapiwa! Ini sekuona kwangu hazvigone here tideedze madzikoma enyu pano tionesane tiri pamwechete nokuti ini handingapinda mumunda zvisina vhumo yenyu mose nokuda kwekuti Mangwana zvinodzoka zvondiomera." Kutaura kwavaiita ndakatoona kuti hapana zvakanga zvichifamba zvinopedzisira zvondikuvadzisa. "No need Shumba! Regai ndinotaura nawo nd3ga kana ndatadza kunzwanana nawo ndipo ndichauya nawo kuno." Ndakadaro ndatoona kuti kuzvivhara ndiyo yega nzira yakanga iri korekiti. Ndakafamba ndichibva pamba pavo ndiine rimwe zano randaifunga. Pandakasvika kumba ndichiona Tapiwa achiratidza kusuruvara. Ndakafamba ndichienda pakanga ari ndakanga ndichida kunzwa chakanga chichitora nzvimbo. Pandakamubvunza nezvakanga zvichimunetsa. Uye ndakapererwa nemhinduro yake nokuti ndakanga ndisina kutarisira mashura akaita seaya zvangu.. JEFF zvakanga zvatondirambirira chaiko, mamwe mavanga akanga apora chaiva chasara iziso raisanyatsoona zvakanaka. Mazuva aive afamba Mhamha vasati vadzoka kumba ndakanga ndingori umwe chete zvinova zvakandirwadza mumoyo nekuda kwekuti ndakatarisa ziso rangu ndainzwa hasha dzakanyanya kwazvo. Zvakanga zvakonzerwa naiye muzukuru wavo ivo votaura zvekuda kuuya naye kuno manje anofira mumaoko angu chete. Ndakabuda ndichienda kunotsvaka mbanje kune mashamwari angu nokuti ndakanga ndichidzifarira zvakanyanya. Ndakudzoka vanhu vaindiseka kuburikidza nekuda kwezvakanga zvakaita ziso rangu iri, ini handina zvandakakwanisa kuita kunze kwekunyarara chete. Kusvika kwandakaita kumba ndakatanga kurova mbanje dzangu ndiri ndega zvekuti ndakaona Mhamha vachisvika wega pamba sezvo aiva makuseni seni kuratidza vainge vamukira kubata bhazi raimukira. Ndakanga ndichine kabhabharasi mumusoro kakanyanya. "Jeff! Unosvika rinhi uchinwa doro rako iri? Hazvina zvazvinobatsira zvauri kuita izvi better usare wega ini ndauya kuzotora zvinhu ndinoda kudzokera kuvazukuru vangu uku." Vakadaro ini ndakavati. "Mhamha! Hapana zvamuri kutaura nokuti ini ndakaurayiwa nemuzukuru wenyu? Tarirai ziso rangu iri? Hapana kwamuri kuenda kana ini ndiripo pano." Ndakadaro ndichida kufamba ndakaona ndasundidzirwa ndichinorovera kumadziro. Ndakamuka nekuvasaidzira painge panesimbi vachisvika kurovera negotsi ipapo. Ndakaona munhu angonyarara ndakafamba ndichisvika kuvabata ndakapererwa nekubata ropa kwandaiva ndaita apa Mhamha wakanga va ..... End of chapter 5