CHAPTER 3 BABA TAPIWA Zvandakanga ndichifunga mumusoro mangu zvakanga zvichizobudirira nokuti vainge vabvuma pfungwa dzandaiva ndataura, Asi mumoyo mangu makanga muchirwadza kuburikidza nokushaya kuziva vana ava vaiva kupi nguva iyi. Nguva yekuda kukohwa ndiyo inonyanyo rura nyoka dzakawanda uye handidi kuti baba nemudzimai vakaenda vana zvakare voita zvimwe chete zvekuti zvinoshoresa mangwana. Hurongwa hwakafamba zvakanaka, vanhu vainge vodzokera kudzimba dzavo kukasara mbuya vaJessica vaizoona kwemazuva matatu then voenda kumba kwavo. Ndakasvika kumba ndine mufaro vakanyanya nekuti zvinhu zvandaizotarisira zvaingona kubudirira. "Baba Tapiwa? Muri munhu rudzii chaizvo izvo heeee? Usandiudza vatonzwira vana ava tsitsi wakanganwa zvatakaronga nemhuri yenyu here. Zvataiva takamirira zvaita iwe ndipo votaura zvisina kana nemusoro wese." Aitaura zvakanga achinzwa kuda mudzimai uyu handina kubvira ndadaira zvaibvunza kunze kwekumuti.... "Mai Tapiwa! Mapedza zvamanga muchida kutaura here." Ndakadaro ndichiratidza kuti handina kubatikana nemashoko anga ataura aya. "Hongu! Ishe wangu ndapedza kutaura zvandanga ndichida." Akandipindura ini kuti ndisabatwa ndaifanirwa kuita sendinonzwisisa zvavanoda. "Unoona chii? Vana ava havana simba nokuti ndisu tiri kuvatonga uye kuronga kwandaita kuti vaende nambuya wavo zvemwedzi mitatu ndaitira kuti pavanodzoka isu tinenge tapedza kutora zvose kukohwa mumunda nemombe dzinenge dzava mumaoko edu zvakare ndiyo pfungwa yandapa anamukoma" ndakadaro ndikaona shasha yavakuita kusekerera ini nechemumoyo ndakangoti uchaona zvako mberi uku. Munoti idzo nherera ndidzo dzisingade mufaro here. Kutomirira zvirimwa zveumwe munhu muchitadza kuzvishandira pachezvenyu yenyu. Ndakaona shasha yakuti yaKuenda kwaMai Diana uko ndaiziva vaviri ava kana vachinge vasangana panenge pasina chisvinu chinotaurwa kunze kwemakuhwa chete. Hapana kuita nguva Tapiwa akadzoka akatii. "Baba zvamakandituma kuti ndinopa Jessica nevana vaMai vake akazviramba uyu, hanzi tinopfeka zvatakasirwa nevabereki wedu." Ndakaita kupererwa chaiko pandakada kuti nditaure ndakanzwa inzwi raibvunza richitiii.... "Ndizvo zvamuri kuita baba Tapiwa....?" Ndakacheuka ndokuita kupererwa ndakaona vari..... JEFF Ini kurohwa nekamwana kadiki diki aka kakazvarwa ndakatarisa zvangu, hazvingaite ndichakaona chete pakanouya kachifunga ndadzora moyo. Ndakadaro ndichivhura goni kuti ndipinde ndirare apa ziso raiva raita kuvhara richiita kurwadza. Ndakapinda nekuzvivharira mumba kana kugezana nemaropa pakanga pasina zvekuti ndakabatwa nehope ndikazomuka kuma 9am apa zuva raiva rati kwirei. Kubva kwaiva kwakaroorwa Mai Jessica kuuya kuno kwaiva nekamufambo kakakura nokuti isu takanga tichigara mumaVhurazi ivo vaiva vachigara kwavo kuchisambiro ikoko. Ndakati regai ndizvitarise pakagirazi ndione kana ndakakuvara zvishoma. Ndakaona, hezvo? Ndaiva ndakatokuvara zvakanyanya Kani uku ziso raiva raita kuzvimba. Ndakazviudza kuti nhasi handiende kumashamwari ndinogara pano kusvika ndapora. Hapana kuita nguva pakasvika Tadzi neumwe vake vari vaviri. "Aaaaa! Jeff? Ndiani akakuponda zvakadai izvi nhai iwe?" Aiva Tofi akanga achindibvunza ini kuona zvisingakodzere kutaura zvekuti ndakarohwa nemwana vaSisi. "Shaaa! Ndakarohwa kubhawa kwandaiva ndaenda ndichinzi ndarasa doro remunhu rinodhura, ini nekuda kuita nharo ndakazviti handibvumi. Asi ndini ndakazorohwa." Ndakadaro uku dai vaizova nhema dzandakanga ndataura apa. Iko zvaisaita nditi ndakapondwa nemwana mudiki uya. Kudai Mhamha vakauya vakasabvunzwa nezvazvo nokuti Tofi anoda kuziva zvakawanda kunge anobatsira. Zvino ndakanga ndamirira Mai vangu kuuya kwavo ndaida kuvaudza zvinovarwadza vakangouya nevana ava chete nokuti ndaisada zvisina basa. Mhuri yekwavo inovachengeta ikoko. Chimwe chandakafarira kuzoenda kunotora mombe idzi ndaita kubata denga nekuti dzakanga dzichizouya kuno. Ndaifunga kuda kuvaka danga remombe, asi zvakanga zvichiramba nekuda kweziso rakanga richirwadza zvose nemusoro pamwe chete nemusana vainge uchirwadza. JESSICA ndakanyatsoisa mwana wamai vangu pasi, ndokufamba zvishoma nezvishoma ndichiita kunyangira uku ndaiva ndakabata zidanda zihombe. Pandakarisimudza ndakaona ari Tapiwa akati... "Ndini Jessica usandiponda ndauya kuzokubatsira." Ini misodzi yakatanga kubuda ndorangarira zvandakanga ndasirwa nevabereki vangu izvi. Handina kuziva pavakanga vachitaura mashoko avakataura zuva ravabva pamba akanga atori ekuonekedzana musi wacho. Ndakatarisa Tapiwa aiva akabata hembe mumaoko ake uku ini ndaiva ndakumunzirwa tsitsi nekuti mai vake vaisada kuona ndichitamba naye. "Tapiwa!bunodei kuno uku? Hauzi kuona kuti husiku here uhu? Uye vaziva sei kuti tauya kuno?." Ndakadaro ndichida kuziva nekuti paiva paitika izvi takanga tingori vatatu chete. "Baba vangu ndivo vakuona vakandipa izvi nokuti vanzwa tsitsi nezvauri." Paitaura ndakatoona kuti uku ndiko kuda kuteyiwa chaiko ndakangoti mumoyo mangu usabvuma zvakadai. "Tapiwa thanks for the offer and I can't accept it hanzvadzi yangu." Ndakadaro ndichitotendeuka kuenda pakanga pakarara Chido ndichibvisa chihembe chaiva chabvarurwa nemunhanga kuti ndipukute ropa raiva razara. Uku kwaiva nekachando kasingate. Ndakazviudza ndega kuti handizi kuzotendera ani nani zvake kuti aise ruoko pavana vaMai vangu achida kuvarova. Kana umwe munhu kuuya nechikafu achida kuvapa. Ndakasvika pakubatwa nehope ndazembera kamuti uku ndakaisa vana wamai vangu pakati pemakumbo angu ndokuvafukidza nejira randaiva ndakaberekesa mwana ndokubatwa nehope. Ndakapepuka nekuda kwezuva rakanga rabuda ndokuona rati kwirei. Ndakamutsa vana wamai vangu vakamuka. "Chido! Zvazvadai zvskutoda kushinga mwana wamai vangu. Hatiziwe vanotida nevasingatide ndizvo tinofanirwa kugwarira kuti vanhu vasatipusisa nokuti hatichina achaticheuka. Tikarega kuzvifungira isu pachezvedu hakuna umwe angakwanisa kuti cheuka nokuti vanhu vanenge vane mhuri dzavo." Ndakadaro ndokumubata ruoko rwake nekubata zvakare ruoko rwaChipo ndokumabatanidza ari matatu. "Kuparadzaniswa kwedu hunge umwe wedu afa pasina rufu hatitendere umwe abvume kufurirwa kana kudya chinhu chasina kubika." Ndakataura zvakawanda ndikaona Chido agutsurira musoro vake kuratidza akanga anzwa. Ndakavati ngatidzokerei kumba handifunge kuchine vanhu uku. Chido aiva mberi ini kumashure ndakabata Chipo aiva achitosekerera zvake kudai akanga achiziva zvaiva panzvimbo iyi angadai akachema. Ndakanga ndatozvigamuchira nemakore angu nokuti mai vakabvira kundidzidzisa zvakawanda ndichiri grade 3 ndipo ndakatanga kudzidzira kubika sadza ipapo. Panguva yacho ndakanga ndichiona kunge mubereki ari kundibata nekuseri kweruoko, Asi yakanga iri dzidziso kwandiri yandava kuona izvezvi pafa vabereki. Nokuti havarambi vari vapenyu zvino ini ndatova mai nekusirwa kwandaita vana ava ndichaita zvose kuti vamwe vangu vakwanise kudya chese chavanoda nenguva. Handina kuona ndakasvika kumba nguvai ndiri mukati mendangariro ndakaona mbuya varipo pavakationa vakaratidza kufara. Vakafamba vachiuya kuzoda kubata Chido uyo akaita kuramba kubatwa zvakaita ndinzwe tsitsi. "Muzukuru wangu Chido! Vaitwei mwana wemwanasikana vangu." Vakadaro mbuya vachimubvunza chaitora nzvimbo. "Hatina kurara pamba nekuda kwasekuru, imi mukavasiya vachindirova. Tikarara panze nekuda kwavo." Munoziva ndakashaya kana remuromo nekuda kwezvakataura Chido. "Chido! Enda mumba ndinoda kutaura naGogo unozodzoka kana hope dzapera ini ndinenge ndapedza kubika." Ndakadaro ndichiitira asanzwa zvandakanga ndichida kutaura apa. "Thank God vauya nevana muzukuru ndanga ndakushaya kuziva ndotangira papi chaipo." Vakadaro ini ndakaramba ndakavatarisisa chaiko nekuda kwemashoko avakanga vachitaura aya. "Mbuya! Ini ndinokudai zvakanyanya kwete zvekureva nhema? Muri mai wamai vangu imi. Ndinoda kubvunza chinhu chimwe chete kuti imi kana muchitadza kuudza sekuru zvavarikuita muchida kuenda nesu tinonopona here zvinhu zvichitangira pano? Pamwe kufa kwaita baba naMai vangu kwaita mufare kuburikidza nekuwana pfuma yamanga muchida. Ndinoda kuziva kuti munokoshesa pfuma kudarika vanhu? Munofungirawo here vana wemwana wenyu vasara ava kana imi muchizvifungira mega Gogo? Hongu ndiri mudiki pamakore nepamhumhu, asi papfungwa mai vangu vakandidzidzisa zvakawanda. Kudai mune moyo maisa kokorodza midziyo muchiziva pane vazukuru ava vasinga kwanise kushanda." Ndakanga ndaita kugumbuka chaiko nekuti kuona Chido avakutaura zvakaona zvinenge zvamurwadza. "Hazvisi rizvo muzukuru! Kukutorai kwandiri kuita kuda kuti muende kunozorodza pfungwa musafunga vabereki wenyu ava kwavari vanoda zororo." "Vanozorora sei isu tisina mufaro? Munoti maishaya motangira papi kuti tsvaka muchida kutinzwa zvenyu? Zvamuri kutaura zvekuenda kumba kwenyu hazvingaite, zvirinani tirambe tiri pano tichiona nhamo nekuti ikoko tikaenda tinodzoka mumunda musisina kana chinhu zvacho." Ndakataura kudai ivo ndakanzwa vakunditi...... End of chapter 3