Chapter 1 Baba Devine Kubva ndichiri mudiki, zvekushanda ndaisazvida zvangu. Vabereki vangu vaive nevashandi saka ndaiitirwa zvese nevashandi. Chikoro ndakasiya pandaive grade 6. Ndaigochidii hangu chikoro chacho vabereki vangu vaindipa zvese zvandaida. Zvino pakafa vabereki vangu vakabva vasiya vaisa zvese zvavaive nazvo muzita raClive Hungwe anova mukoma wangu. Izvi zvakandirwadza kusvika pamongo chaipo. Shuwa vabereki vangu vaiziva kuti kuzvishandira kwaindinetsa ivo kwakupa Clive zvinhu zvose vaiti ndinosara ndichirarama sei? Ndakabva ndafunga zano raitozondiitisa mari. Ndakabva ndatobuda paden kwakunotsvaga mamonya acho kwakumawana. Ndakamapa mari yaaida nekuvaratidza mifananidzo yake nekuvapa address yekwaigara Clive. Ndandatoona zvirinani kuti afe zvangu ndisare ndichidya mari yacho ndega. Team rakaenda rikadzoka richindiudza kuti raive ramuuraya. Dambudziko rakazouya pakuhafurirana zvandaive ndatora nechisimba izvi. Mota dzaive 10 ivo vakatora 6 vachindisiira 4. Dzimba dzaive 3, 2 dzaive kudhorobha 1 irikumusha. Ini ndakapiwa yekumusha ivo kwakutora 2 dzekudhorobha. Macompanies aive 2 uye aive ikoko kudhorobha reHarare, vakatora 1 kwakundisiira 1 iyo yaingopinza mari ndichidya nemhuri yangu. Zita ndinoitwa Calvin Hungwe ndakaroora, ndine mukadzi nevana vatatu, vakomana vaviri Dexta naDevine nemusikana mumwechete Dorcas. Makore ndine 45 ekuberekwa ndichiteverwa nemunin'ina wangu Clive uyu wandaida kuurayisa. Back to my story Takahafurirana zvinhu zviya nepakati vakomana vaye kwakuenda nezvavo kudhorobha uko kwavaigara. Narrated Baba Devine [Calvin Hungwe] havana kuziva kuti pamamonya avatsvaka kuti anouraya Clive vaive shamwari dzake. Varume ava vakaona zvakanaka kunoudza sahwira wavo zvaairongerwa uyezve vanomupa mazano kuti apone. Vakaenda kumba kwake kwakunomuudza zvaairongerwa. Iye Clive akaona zvakanaka kuti ambubuda munyika aende kunogara kuUK uko kwaive neimwe company yevabereki vake. Varume ava vakasiya vamukwidza ndege iye nemukadzi wake nechimwana chavo kwakudzokera kunaBaba Devine. Kutora kwavakaita zvinhu vaisada zvive zvavo asi kuchengetera sahwira wavo kut paanodzoka awane zvese zvirimugwara. Zvese izvi zvekuti varume ava vakatora zvinhu kunaBaba Devine havana kumuudza Clive coz vaida kuzomusurpriser. Pese pavaisangana naBaba Devine vaivarecorder zvavanenge vachironga vachida kuzopa Clive paanodzoka. Clive Pakauya team rangu richiti ratumwa namkoma vangu kuti rizondiponda ndakambotanga ndichiti manyepo. Ndakatozonzwisa audio yavakamurecorder achitaura ndikaona kuti chaive chokwadi. Mukoma wangu zvekushanda kubva achiri mudiki aisada aingoda zvemahara. Pakafa vabereki vedu vakasiya Will. Zvinhu zvese zvaive zvakaiswa muzita rangu izvo zvakarwadza Baba Devine asi handina kumbofunga kuti vangandiuraya kuti vatore zvinhu zvacho zvive zvavo. Years Later Baba Devine Ndaiita kufara ndichifamba nemota yangu. Mhuri yangu yaifara ko vaigosuwa nei ivo baba vemusha vaive mbinga. Ndakaendesa Devine kuchikoro akadzidza kusvika apedza kwakunoita doctor kudhorobha. Ndandasara naDexta naDorcas, Dexta aive form 3 Dorcas aive grade 7. Mukadzi wangu pamwe nevana vedu vese vaiita kufara nekuda kwehumbinga hwangu. Vaidada zvaionekwa chero nenhunzi chaidzo. Mvura vaisanochera kupublic vaiiwana pachibhorani chaivapo pamba. Vainyima nemvura chaiyo zvekuti vaiti kungokumbirwa mvura chaiyo munhu iyeye aitukwa kunge apara mhosva hombe iye asina chaapara. Kungoda kumutsiura Mai Devine wainzwa oti, "Tingawirirane naanatsuro varimuno muvillage ava kuti vanotipei? Tingasazadzirwa tsikidzi pamasofa edu here?" Pavaidaro ndaizongosiyana nazvo zvangu ko hanty vaisada kuudzirwa here. Clive Ava makore ndirikuno kuUK zvino ndakuda kudzokera kuZimbabwe uku kwandisingazivi kuti ndichanosangana nei. Team rangu rikundisimbisa hanzi huya usatya. Chasara chikundinonotsa kudzokera iPassport yangu sezvo yandaive nayo yakaexpire. Kana ikangoita ndakutoflier ndodzokera Zim ndimbonodealer nemuvengi wangu and ndoda kumusiya asina kana chinhu. Dexta Ndaitove kuchikoro zvangu ndakatochilla neteam tichitotaura tunyaya twakasiyana siyana pakazongopindawo yemabebie. Ndaingonzwa vachiti 'hee Nyaradzo kanoshupa hee hakaiti zvisina basa' ndikati ndimuonewo mubebie wacho ainzi haatoreki zvepondo. Ndakamuratidziwa kwakuona kachitovawo kamunhu kaitoratidza kuti kanozvitamburirawo kwakuudza team kuti ndaizokahwina chete. Patainge takubaya paden ndakabva ndaenda kwaaive Nyaradzo kwakutanga kutaura naye. Ndakamukanda shoko kwakuitwa zvandaive ndisati ndakamboitwa kana nebebie one zvaro. Ese andaikanda shoko aindibvuma Ipapo manje uyu akabva andituka zvekuti vanhu vese vakandiseka. Ndakarwadziwa nazvo ndikati ndaizorevenger chete. Ndakaona riri zano rakanaka kutuma Chenai friend yake Nyaradzo kuti amunyengerere andide. Ndaive ndatomugaira hora yaizomudzikamisa manje. After 2 days Chenai akauya achiti apedza deal ndikamupa mari yake yandaive ndakamuvimbisa. Ndakazonoona Nyaradzo wank akandiudza zvaanoda nezvaasingadi asi hapana chandakamboteerera kana 1. Mazuva akafamba ndichingodanana naye Nyaradzo. Rimwe zuva ndakamuti auye tisangane kusango haana kuramba. Paakauya takangoita zvemazuva ose kwakubva ndamupinza ruoko muskirt yake. Akamboda kuramba ndichibva ndati, "Saka haundidi Kaa?" "Aiwa." Akadaro ndichibva ndati, "Kana uchindida chiitaka zvandinoda kana usingadi usimuke uende kumba kwenyu asi uchiziva kuti zvangu newe hapachina." Ndakadaro ndikaona oeredza misodzi. "Ita hako." Akadaro achiwedzera kuchema. Ndakamubvisa hembe kwakumuita zvandaida apa achichema nekurwadziwa asi handina kumbozviteerera ndaitonakirwa zvangu ini. Apa kaive kavirgin. Pandakapedza ndakazvipukuta ndokuenda kumba zvangu. Zvakazosara zvoitika handizivewo ini. The End