Chapter 10 MUNIN'INA WABABA DEVINE Pandaive ndatora mapepah andaida ndakabva ndadzokera kuHarare ndikanoudza mukadzi wangu good news. Akafara pandakamuudza mukadzi wangu achibva ati, "Saka tochiita hedu mwana kaa coz zvinhu zvave stable manje?" "Yah ngatichiita babe hapachina chingatimisa." Akabva atoswedera padhuze neni kwakutanga kukisana pedzisire hembe dzakubhururuka mudenga uku ini ziya rakuita hwemvura kumeso kwangu. Patakapedza takabva taenda kunogeza. "Dady ndokumbonoona shamwari yangu ndodzoka manje manje." Ndozvaaingobhowerawo Mai Pride. Kungodai ndoenda kunoona shamwari yangu nxaa zvobhowa mhani. "Okay." Akabva abuda zvake kwakutoenda akadzoka zuva radoka. MAI PRIDE Ndakaona kuti baba Pride havana kufara nekubuda kwandakaita but neniwo ndandisina option. Ndakapinda mumota kwakuenda kwandaifanirwa kusangana naRose. Ndakawana akagara padombo paakandiona akauya kumota achinyemwerera nxaa imbwa yemunhu. "Hec Mai Pee sahwira!" Iko kutozondimhoresa nemufaro nxaa iyi imbwa chete iyi. "Ndiribho." "Ah ukazoita kunge usiri kufara wani nhai sahwi?" "Unoti ndinoiwanepi mari yaunodemander everyday Rose? Imhosva here kuti wakandichengetera secret?" "Ukuda kutoita dzungu uchiziva kuti ndine secret yako? Chitodzikamai mhai kana muchida kuramba muri mumarriage iyoyo nekuti secret iyi ikangobuda wotorambwa coz hapana murume angada kugara nehure." FLASHBACK Ndaive ndane3 years ndaroorwa but mwana taive tisina. Nyaya yemwana yakanetsa zvekuti yaive yakutondishaisa mufaro ini. Hama dzaba Pee dzaive dzakutomutsvakira mukadzi hanzi waunaye ingomwa. Ndakabva ndaudzawo sahwira wangu akauya neplan yekuti ndirare nemumwe murume ndione kana ndikasaita nhumbu. Semunhu aida marriage yake ndakaita zvandaive ndaudzwa nasahwira wangu and zvakafamba sekuronga nhumbu ikabata. Ndakamutenda kasingaperi sahwi wangu coz ba Pee paakaziva kuti ndanenhumbu akawedzera kundida zvekuti pandakazobara mwana wacho ndakatengerwa imba nemota. Ndakabva ndafarisawo zvekukanganwa kuti kunaRose akandibatsira kusimbisa marriage yangu. Aiti akakumbira mari ndaiblueticker mamessages ake. Akazouya kumba rimwe zuva achiti, "But why uchidaro sahwira? Ndakakukumbira mari mai vangu pavairwara asi waiverenga mamessages angu wosiya zvakadaro zvako ikozvino mai vangu vafa nekushaya mishonga iwe mari unayo hako!" Akataura zvakawanda sahwira wangu kwakuzoti tigare tione mavideo pafone yake ndikavhunduka ndichiona riri video rangu nechikomba tichitamba mutambo. Ndakaona paive neplan yake ndichibva ndabvuta phone yake ndikaipotsera kumadziro ikaita mapieces. Akabva andiudza mashoko akandityisa. "Ndanga ndisinei newe but kuzoputsa phone yangu wabhaiza zvako. Zvino chausina kuziva ndechekuti ndine 20 mamemory cards andakaisa mavideo ako saka usatya." Ndakademba chandaive ndaputsira phone yacho kwakuedza kumukumbira ruregerero but akangobuda nekuenda asina kutaura neni. FLASHBACK END "Okay sorry kwacho wanga uchida ndikuitire chii?" "Wazvipira kundiitira here zvandinenge ndada?" "Eh xaa taura ukutononoka." "Isa imba yawakatengerwa naba Pee pawakabara Pee muzita rangu uise ne2k USD xaa nhamo yacho ma1." Paakadaro ndakarwadziwa handidi kunyepa. Imba iyi ndaiida zvaaiziva iye but ndandisina option. Ndakabva ndaita zvaaida akati achadzoka kana oda zvimwe futi. NYARADZO Bamunini vakasvika vakaisisa chibhorani pamba pedu vakadzokera zvavo kuHarare kwavo vakazodzoka futi rimwe zuva nemabuilding materials vakavakisa imba yaive yakakura. Mama vakamboedza kuvadzivisa but vakaramba. Ndakati pamwe zvichagumira ipapo but vakauyazve newire vakatsvaka vanhu vanogadzira garden. Ndakashamisika ndichiona umwe wevanhu vaigadzira garden ari Dexta. Ndakamboda kuseka zvangu but ndakazongoona kuti ndingazomunyadzisa coz aive asina kugadzikana nechekare. Mazuva akafamba zvawo nemumwe wangu taionana apo neapo kusvika zuva remuchato rasvika. DEXTA Kaupenyu katainge takurarama kaitobhowa zvako apa ndandisina kumbozvijaira ini. Vanhu vemuvillage vaizotiseka manje haa ipapo ndopandakaona kuti kudadirwa kunorwadza sei. Vanhu vaibva vati kana vachibva kumashops vopfuura nepaden pedu vachikumbira mvura vakarembedza zvinhu zvavo. Devine akauya kubva kubasa kwake akauyawo nechikafu mazuva iwayo zvakamboita nani and prisca ndaive ndisingachamunzwisisi manje. Aiti kana mukona Devine vakabuda iye ototora madhende hanzi ndoenda kuhuni. Rimwe zuva ndakatevera kwakunoona mashura chaiwo. Ipapo ndakabva ndaona kuti vaya vakati 'ukatsvaka makudo mugomo unomawana' vairevesa. Ndakawana Prisca akaita kukotamiswa namkoma Dee vachitotamba mutambo musango imomo. Ndakabudikira ndichiti pamwe vakandiona vachavhunduka but vakatoramba vachienderera mberi zvavo sevasingandioni. PRISCA Divine paakauya kubva kudhorobha ndakaona zvakanaka kudanana naye coz airatidza kuva nemari dzake kwete zvaDexta zvekungongwarira kuita bonde neni asingagone kutsvaka mari. Ndakatanga kuactira Divine and iye akazvionawo akandipfimba ndikabvuma ko ndairambirei hangu. Takabva tatanga kudanana zvedu vanhu vasingazivi. Divine ndiye aitanga kubuda then ini ndotevera sendinoinda kuhuni tonotamba mutambo wedu zvedu. Rimwe Dexta akabudikira tiri pakati pekunakirana tikaita setisingamuoni zvedu kwakuita kusvika tapedza. Patakapedza ndakaenda kunotsvaka huni dzangu kwakutevera kumba uko kwandakawana Dexta naDivine vachirwa The End