Chapter 12 DEXTA Takashanda bho tapedza Nyaradzo ndiye aitihoresa apa ini ndaive ndakushaya pekupinda nekunyara. Takapiwa mari yedu kwakuenda zvedu kumba ini ndakangosvika nekupa mama mari ndikanorara. Ndaive ndakaneta plus ndaive ndabva ndadya kwanaNyaradzo. Ndakamuka makuseni ndikageza kumeso kwakudya Teddy akazouya onditora toenda kwanaNyaradzo kumaricho. Mazuva akafamba tichiita maricho kwanaNyaradzo mari tichipiwa irinani zvekuti takatombokanganwa nhamo. Ndakazonzwa sendinotsva pandakanzwa kuti Nyaradzo arikuchata ndakabva ndati neniwo ndenditoriko. Ndaida kuona kuti ichokwadi here and chaitova chokwadi. After muchato Nyaradzo akazouya pataive ndikashaya kuti anodei kwakuzongosiya atisveverera akaenda. Takazobvako toenda kumba zvedu tikasvika nekurara sezvo taive tabva tadya kumuchato. Mangwana acho ndakamuka late zvangu day iri ndaisaenda kumaricho. Ndakazoona Teddy akusvika paden achiti kwanaNyaradzo kunodiwa vakomana vaviri vanozoita zvekurima muriwo. Ndakabva ndatoti neniwo ndoda achibva ati tiendeko tinotaura navo. Takaenda tikanotaura navo tikawirirana ndikazodzoka paden zvangu. Ndaizotanga basa mangwana acho. Ndichisvika kumba ndakaona Devine naPrisca vachibva nekumashop nemabag avo ndikashaya kuti mota yadii zvavakufamba netsoka. PRISCA Rimwe zuva Devine akadzoka kubasa akangopusa pusa ndikashaya kuti chii. "Chii nhai dady zvamungori low low kudai?" Akatura befu achibva ati, "Ndadzigwa basa xaa pakaipa." "Ko hanzi wadii futi?" "Hameno babe hazvinzwisisiki izvi." "Ok dady no problem tongoshanda nezviripo." Takatanga kushandisa mari yataichengeta tichiti tozoitawo something. Mari iya payakapera manje ndopatakachiona kuti hatina kungwara. Chikafu taichida apa magetsi achida kujuswa futi. "Todii nhai babe coz hapachina kana mari yekuti titenge chikafu?" "Ummm tadii tatengesa mota?" "Yah une plan xaa rega nditotsvaka mabuyer." Akabuda akazodzoka neumwe murume. Mota yakatengwa nemari shoma sevanhu vaive padambudziko. Zvinhu zvese zvaive zvave mugwara manje. Takaita mazuva tichirarama nemari yemota tikazosara pazero mari iya yapera. "Todii babe?" "Umm kutongotengesa imba totonogara kumusha." Takatengesa imba iya kwakuenda kumusha zvedu muroad kuenda kumusha ndaitomunyengerera kuti apewo vabereki vangu mari. Akatora imwe akandipa ndikanovapa tikasara neshoma. Takaenda kumba uko kwatakasvika nekutopiwa kitchen yedu. Devine akamboedza kutaura namai vake but vaimuignowa chero ini vaisadawo kutaura neni. MAI PEE Mwedzi yakafamba kusvika day rangu rekubatsirwa rasvika. Ndakabatsirwa matwins zvangu murume wangu akaita kufara achibva anditengera mota neimwe imba. Rimwe zuva Rose akandifonera achiti anoda imwe imba nemari ndikamuti auye tisangane patakambosangana. Ndaive ndatove neimwe plan yaizondibatsira pane kuramba ndichingopa munhu zvinhu zvangu. Ndakatora banga kwakuriisa muhandbag yangu kwakupinda mumota ndoenda zvangu. Ndakasvika atovepo kwakuburuka ndichinyemwerera. Ndakaenda paaive ndichimuhaga sendinomufarira kwakumunyudza banga nekumusana achibva adonha ndikamusiya akadaro. Ndakamhanya kupinda mumota mangu kwakuimhanyisa ndakananga kumba kwangu. Ndakasvika nekugeza ropa kwakurara zvangu.. NYARADZO Mazuva ekuti ndizvare mwana wangu akasvika ndikazvara mukomana. Mudiwa wangu akafara kuita kunge ndewake mwana wacho. Ndakazobuda muchipatara kwakuenda kumba uko kwandakawana kwakazara vanhu. "Nhai dady, asi pafiwa kahi vanhu vakazara kwese kwese kudai?" Haana kundipindura akandibata ruoko akanondiagarisa pasi. "Tiri kupemberera mwana wedu babe." Ndakazongoona misodzi yemufaro yoerera. Handina kumbozvifungira kuti mudiwa wangu achada mwana wangu zvakadai. The End