Chapter 18 Narrated Nyaradzo akazokumbirwa ruregerero nemurume wake akamuregerera. Vakaenderera mberi nerudo rwavo zvavo. Mai Nyaradzo vakazotsvaka umwe mushandi aizotsiva Dexta vakamuwana. Muriwo, matomatisi nezvimwe zvairimwa mugarden mavo vaizvitengesa vachiwana Mari yakawanda. 🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁 Mai pee vakagara mazuva varimo mujeri vachiti pamwe murume wavo achauya akavaburitsa but haana. Baba Pee vakafonera hama dzamai Pee vachivaudza zvaive zvaitwa nehama yavo. Hama dzamai Pee dzakauya dzikatora zvinhu zvehama yadzo dzikaenda. Pride (Pee) akaenda nababa vake Tobias. Tobias naRose vaive varoorana vave kutogara vese. Baba Pee vakaudza Rose kuti avadzorere imba nemari yaaive apiwa namai pee but akaramba. Baba pee vaive vatopererwa voshaya kuti vomuita sei kuti adzose zvinhu zvavo. Vakazoudzawo sahwira wavo Tawanda(bamunini vaNyaradzo) "Ah inyaya diki iyo wangu. Munhu iyeye atoriwo nedzake saka don't worry." "Umm bho wangu saka tinenge takuita sei?" "Siira zvese kwandiri." "Ok wangu." Baba Pee Ndakarwadziwa nezvandakaitwa namai pee. Mukadzi wangu ndaimutruster zvakanyanya and ndaisambofungira kuti angandidaro. Paakaenda kujeri handina kana kumborwadziwa kana kumbozvinetsa nekumutevera. Ndakabva ndatofonera hama dzake ndichidziudza kuti dzizotora zvinhu zvake uye kuvaudza zvaaive aita. Nyaya yakazova pakudzorerwa zvinhu zvangu zvaive zvatorwa naRose. Airamba nazvo ndakabva ndaudzawo sahwira wangu tawanda akati achandibatsira. After two days Rose akandifonera achiti ndiuye ndizotora and zvese zvakafamba bhoo. Tawanda akazoti ndimuperekedze kumusha kuna gulez vake ndikabvuma. Pandakazoona gulez vacho manje ndakabva ndatonzwa kuvada....... Narrated Prisca akangoita mazuva mashoma arikuchipatara achibva aburitswa. Aive atova right zvake. Akauya vakaenderera mberi nekudanana naDevine. 🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇 Prosper akatanga kupfukirwa nevabereki vaPrisca. Akamboti pamwe zvichapfuura but zvaitowedzera. Akaenda kun'anga but ainonzi atsvake hama dzavo anoripa. Akambotanga achiti akunyeperwa but kun'anga dzese dzaaienda kwadziri dzaingomuudza zvinhu zvimwe izvozvo. 🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷 Mai Dexta naDorcas vaive vakutambura kubva pakasungwa Dexta. Vaiedza kukumbira kuvanhu but hapana kana aida kuvabatsira. Vaive vakutopona nemaricho. 🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷 Baba Pee vakazoudza Mai nyaradzo kuti vanovada. Mai nyaradzo vakamboda kuramba but vakazobvuma. Vakazonoroorwa nababa Pee vakanogara vese kuHarare kwaigara baba Pee. Pamba pavo vakasiya vanhu vaigarapo. 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Nyaradzo nemurume wake vakazoita umwe mwana mukomana. Vaisadanana zvinochiviwa nevanhu vese muvireji mavo. Vakazonzwira gogo tsitsi vakavabudisa kujeri. 🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷 Devine naPrisca vakazokumbira ruregerero kunamai vavo vakaregererwa. Ndivo vakasiyiwa vakarinda musha wamai nyaradzo. Mari yavanowana vanopa Mai vavo votenga zvinodiwa mumba imwe vachichengeta. 🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁 Boss vachiri kupenga nazvino vanongopengereka nenyika vachidya mumabin. Mhuri yavo yakatsvira mumba payakatsva. 🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇 Prosper akazotsvaka hama dzevabereki vaPrisca akadziwana. Zvakambonetsa hazvo asi akazodziwana. Akabhadhara zvese zvaidiwa akadzokera kuHarare. The End Book redu raperera pano. Thanks for your support guys 👏 👏👏👏.