Chapter 8 PRISCA Pandakafonerwa naDexta achiti vashaya mari ndakadhinhiwa zvangu handidi kunyepa. Shuwa ndatodadira village rese kuti ndikuenda kuhoneymoon kuDubai ndozongonzwa munhu akuti hapachina mari saka hatichatoendi. Ndaizonyarira pai nhaimi chero ndimiwo. Ndakangomudira rough kwakutonopinda mumagumbeze kuchipisa kudaro ko BP yanga yatove muhuro kaa. Ndakazonzwa phone yangu yakuringer ndikamboignowa kwakuzodaira zvangu. Ndakaita sendichatunga roof nemufaro paakanditi mari yavepo saka takukwanisa kuenda kuhoneymoon kwedu. Ndakabva ndatomhanya kunoudza mama good news sezvo ndandambovaudza kuti tazotadza kuenda. Vakafara Mai vangu kwakuti, "Wotorongedza hembe kaa mungazosiiwa nendege." Ndakamboda kuseka but ndakazvidzora ndichibva ndati, "Hatiendi nehembe sharu idzi mama. Tonotenga new one kuHarare." "Ko tombohozviziva here zvechirungu? Saka ndobika mutakura here mugozonobatsirika plus kukurongedzerai nzungu nechibage monopawo Honeymoon wacho iyeye?" Pavakadaro ndakatadza kuzvidzora ndikatanga kuseka. "Aiwa mama musazvinetsa henyu. Chikafu tonotenga ikoko." "Hapana chakaipa mwanangu. Undivigirewo zviya zvinonaka izvi zvonzi zvii gara? Izvi mhani zvichena zvinonaka zviya. Kwanzi kwanziiko? Yah ah, izvi mhani izvi kwa---." Ndakavagurisira panzira coz vaisatoziva zvavaitaura. "Ice cream 🍦?" "Ehe iyoyo price kirimu." Chero kuseka ndakatadza. "Inonzi ice cream mama." "Chero waiziva." "Hooky munoizivirepi?" "Ndakaipuwa naMai Dexta pandakaenda kumba kwavo. Ihh inonaka iwe kunyanya chiya ichi kwahi chiiko ichi chekuzasi ichi?" "Howo ndokuvigirai." "Good mwanangu ndosaka ndichikuda." Takazotaura dzimwe nyaya dady vachibva vasvika vachibva kubhawa vakaita kupera zvavo nedoro. "Maswerasei baba." Vakadaro mama vachipa dad chituro kuti vagare. "Ndichinwa hwahwa." Vakadaro dad vachitogara zvavo pasi. Mama vakabva vanyarara kwakupakura zvekudya tikadya. Tichidya mama vakabva vatanga imwe nyaya yandaisada kana kunzwa. "Zvino nhaiwe Purisika, wanga wakatomuudza here Dexta kuti wakamboroorwa kaviri kese uchiramba varume?" Ndakaona dady vachiita kuvhunduka zvekuti doro rese rakapera. "Zvabva nepi izvozvo nhai mama?" Ndakadaro "Kwazvabva hakuna basa. Zvandirikutaura ndozvine basa. Pindura tinzwe." Vakadaro mama. Kana sadza racho handina kana kuzodya ndakangobuda ndakanyarara ndikaenda kunorara. Ndakazonzwa phone yangu yakuringer ndikadaira. Aive Dexta aindiudza kuti aripagate auya kuzonditora kuti ndinorara kumba kwavo tisazononoka kuenda. Ndakabuda kwakunoudza vana mama ndikazoenda kumba kwana Dexta. Aitoda zvekurara neni musi uyoyo ndikamurambira ndichiti tozonozviona kuhoneymoon. Mangwana acho takazoenda kuhoneymoon kwacho then nguva yekuti tichiita mutambo wacho yakasvika ini hana yaive yorova zvekuti ndandangopusa pusa sehuku yanaiwa. "Are you ok baby?" Akabvunza Dexta "Yah yah I'm ok kungoti ndikunzwa musoro." "Haa manje chero zvooma sei nhasi ndikutorima gombo rangu." Akadaro achisekerera nechemumoyo ndichiti 'dai waiziva kuti ndakatomboroorwa kaviri kese waisadaro iwe.' Ndakazongoona munhu akundibata bata iniwo semunhu anga ave nenguva asina kumbokwenyiwa ndakatomubatsira kwakuzongonzwa munhu oti.........ha ndakapera strong kwakuzomupedzera ndichiti...... DEXTA Ndakaromancer munhu wangu bho bho then pakunopinda apa wakazongova mutserendende. Haaa guys ndakapera strong manzwa chero junior Dexta akabva atozvipeta zvake kwakutorara hope. Ndakanzwa hasha dzakanyanyisa kwakuti, "Zvawaiti urimhandara wani? Saka chii chirikuitika?" Ndakapera power nemhinduro yaakandipa. Hanzi, "Iwe uchiri jaya here?" "Saka ukuda kukwikwidzana neni here?" "Handisi kukukwikwidza coz handis pacompetition newe. Iwe wakamitisa Nyaradzo wani. Ndakambokubvunza here ini nxaa. Pedzisa zvawatanga uko!!" Ndakazongoitawo zvekuti ndingonziwo ndaita but hapana kana chandaimbonzwa ini. Kana iko kwakazombonakidza here. Takatozobva nguva isati yakwana kwakusvika kumba takatomirirwa nemashura chaiwo hanzi bamunini vaya vekupondwa paya gore riya havana kufa saka varikutoda....... Haaa ndakapera power zvekusara padiki kudonha kwakuzongoti....... MUNIN'INA WABABA DEVINE Ndakangomirira kuti Dexta aende kuhoneymoon then ndobva ndaenda kunamdara wake kunomupa surprise. Ndaida kutongoenda nepolice ka1 kuti vangonosungwa vaende kujeri coz vanodeserver kugarako. Mkadzi wangu ndaisamuudza maplans angu coz ndaimuziva aitozonditi ndivaregerere saka ndakatongoita madeals angu chinyararire. Team rangu ndaitaura naro paphone tichironga kuti tozvifambisa sei sezvo ririiro raive neproof. Zvepolice handina kumbozvinetsa nazvo sezvo team raive rati ndisiire zvese mumaoko aro. Day rekuenda rakasvika tikapinda mumota takananga kumusha. Takasvika baba Devine vakatogara zvavo panze team rangu nemapurisa vakasara panze. Nechavaisarira handichizivi sezvo ndaisava ini ndaizvironga. Pandakapinda mugate ndakafamba ndichienda kwaive nababa Devine uku ndichiti, "tisvikewo!" Baba Devine pavakangonditi baa vakaita kuvhunduka zvekusara padiki kudonha vachibva vamhanya mumba vakadzoka vakabata pfuti vachibva va........ Haa ndakapererwa.........achiti....... NARRATED Munin'ina wababa Devine paakapinda gate team rake rakasara rakahwanda pagate mapurisa akangomirawo kunzwa kuteam rake. Baba Devine vakavhunduka pavakaona munin'ina wavo achisvika pamba pavo. Vakatongoona kuti team ravakatuma kuti rimuuraye rakavapandukira. Vakamhanya kumba kuti vanotora pfuti vamuuraye. Pavakadzoka vakanongedzera pfuti kumunin'ina wavo. Pavakada kuregedzera bara vakanzwa pfuti kurira. Pavakada kuzvidonhedzera pasi kuti vasapfurwa it was already too late. Bara rakauya rikapinda muruoko rwavo. Vakabowa nemarwadzo uku misodzi neropa zvichierera pavari. Team remunin'ina wavo rakapinda nemapurisa. Vakaita sevachazviwetera pavakaona vanhu vavaive vatuma kunouraya munin'ina wavo variivo vakapinda nemapurisa. Vakaona pavo pavaperera. Team remunin'ina wababa Devine rakaplayer maAudio ese arairecorder pavaitumwa nababa Devine. Mai Devine vaive vangovhura meso kuri kupererwa. Kana ari Dorcas aive aita kupusa zvekushaya kana pekupinda nenyadzi. Vanhu vaive vaita kuzara paruzhowa vachiteerera nekuona zvaitora nzvimbo. Vemakuhwa vainge vakutoteya nzeve chaiko kuitira pavanozofambisa information. Baba Devine vakazoiswa njema kwakuendwa navo. Mai Devine vaive vongoeredza misodzi nonstop zvainzwisa tsitsi. Pakaenda baba Devine kujeri munin'ina wavo akasara akati.......Mai Devine vakedza kukumbira ruregerero asi zvakashaya basa. NYARADZO Takamhanyira bamunini Tawanda tese namama tikanovambundira. Takamhoresana kwakutakura zvinhu zvavaive vativigira takunoisa mumba. Takavapa zvekudya vakadya kwakuzobvunza kuti, "Ko nhai bamunini, ko mainini varipi vandisiri kuona?" "Long story Nyari." "Make it short." FLASHBACK NARRATED Mukoma vaTawanda vasati vafa Tawanda namaiguru vake Mai Nyaradzo vaiwirirana zvakanyanya. Pakazofa mkoma waTawanda anova iye baba vaNyaradzo Tawanda aive aroora uye akugara kuHarare. Tawanda akaona zvakanaka kutora gulez vake nemwana wamkoma vake kuti vambonogara kuHarare vachizorodza pfungwa. Akavatora akaenda navo kuHarare. Mukadzi waTawanda anova iye Mitchell haana kufara nekuuya kwakaita Mai Nyaradzo nemwanasikana wavo. Akaedza nepaanogona napo kuvashungurudza achiti vachabva vega asi havana kubva. Akazoronga kuvadzinga saka akataimira Tawanda aenda out nebasa for a week kwakudzinga Mai Nyaradzo nemwanasikana wavo asina kana kuvapa mari yebus kana yechikafu zvayo. Mai Nyaradzo nemwanasikana wavo vakatanga kudzungaira murank muya kusvika vazobatsirwa nemumwe murume akavapa mari yebus pamwe nekuvatengerawo grocery. Mai Nyaradzo naNyaradzo wavo vakazoenda kumusha vakanogara zvavo. Tawanda paakadzoka kubasa akashamisika achiona Mai Nyaradzo nemwanasikana wavo vasipo pamba. "Ko nhaiwe Mitchie, Mai Nyaradzo vandisiri kuona pano varipi?" Akabvunza Tawanda Mitchell akatanga kuchema nhema zvake. "Chii babie ukuchemei?" Akabvunza Tawanda achipukuta Mitchie misodzi. "Mai Nyaradzo vamuka vasimo mumba. Vaba mari yangu yakawanda yandanga ndichida kuhodhesa mabhero angu." Akadaro Mitchell achiwedzera kuchema. Tawanda akazomunyengerera kusvika anyarara. Mazuva akafamba Tawanda aripamba pake sezvo aive paoff. Rimwe zuva akafonerwa neshamwari yake iya yekupa Mai Nyaradzo naNyaradzo mari yebus plus kuvatengera grocery achiti anoda kumuona. Akaenda kwavaive vati vanosangana kwakunogara pasi. "Wakadzinga Mai Nyaradzo?" Ndomubvunzo waakatanga kubvunziwa nasahwira wake. "Aiwa. Why wadaro?" Akaratidzwa video rezvakaitika Mai Nyaradzo nemwanasikana wavo pavaimbeya murank vasina mari yebus. Misodzi yakaerera yega pana Tawanda. Akaziva kuti ndiMitchell chete aita izvi. Akasimuka kuti aende kumba. Aida kunopedzerana namitchie but sahwira wake akamubata. "Usaita dzungu." "But why Mitchie akadaro?" "Don't worry, ita zvinhu zvako low low." "Ndoita sei coz ndikuda kutonomuramba?" Sahwira waTawanda akaswedera pedyo naTawanda kwakumuzevezera kuti...... "Plan yako yakanaka wangu ndichaita sekudaro." Akadaro Tawanda vachionekana. Tawanda akasvika Mitchie achitopedzisa kubika achibva auya nechikafu vakatanga kudya. Tawanda aingonyemwerera nonstop. "Chii nhai dady zvamunongosmiler mega kudaro?" Akabvunza Mitchie. "Ndikufara baby. Problem inozviti Mai Nyaradzo haisisipo pano. Vaindibhowa Mai vaya." Tawanda paakadaro mkadzi wake akanzwa kufara zvekuti akatozopedzisira akurudunuka. "Shuwa dady kana ndiri seni kuvapo kwavo pano kwaitondimara wena." "Vakagona zvavo vakaenda coz vaizondikanganisira mufaro wangu." "Shuwa dady. Ndakaona zvanyanya ndikavadzinga ini. Kuda kundidisturber pamba pangu ini?" "Ah ko ndiwe wakavadzinga?" "Yes dady!" "Urimuroi Mitchell!! Vaive vakutadzirei gulez vangu? Hee tell me?" Mitchell akanga atozvipeta mukona kare kuri kutya kurohwa. Ko Tawanda anga atsamwa zvee. Tawanda akazofambira nyaya dzedivorce hanzi handigari nemunhu asingadi hama dzangu. Imba yavaigara naMitchell nezvese zvaivemo akasiira Mitchell. Chaakangotora imota yake chete achibva atenga imwe imba. Akatanga kugara ikoko achitsvaka number dzamai Nyaradzo achida kutaura navo asi aidzishaya. Rimwe zuva akazifonerwa nenew number akadaira. Akazoita kujamba nemufaro paakanzwa vari Mai vaNyaradzo. FLASHBACK END "Zvakaoma bamunini. Mainini vane hutsinye hunosemesa shuwa." "Zvakaoma mwanangu. Ndinongofara kuti mandiregerera." "Hamuna mhosva bamunini." Takazotaura nyaya yekuroorwa kwangu vakati paweekend. The End