Chapter 7 DEXTA Takasara tisisina option asi kutongodzokera kumba. Zvaisagamuchirika kuti ini munhu anga ari mbinga manje manje apa ndakutotambura. Mari yaive isisimo muaccount mangu zvandakashaira pazvo kana ka1. Kuti yaendepi mari yatakapedzisira kushandisa tichigadzirira zvemuchato apa? Haa aya ndoma1 manje aya and chikundinetsa ndechekuti tichazoiwanepi mari kuti tiwane kurarama. Takadzokera kumba kwakunopira vaive vasarako nyaya yataive tanosangana nayo kwataive taenda. Mama vakangodzedzereka ndiye dhii pasi. Takavadira mvura vachibva vamuka misodzi ichierera nematama avo. "Zvino tichararama sei?" Vakabvunza amai. "Handinawo plan." Vakadaro dady. "Tadii kutengesa imwe mota?" Akadaro Dorcas hanzvadzi yangu tikadaira tese pamwechete tichiti, "Good plan!" "Zvino muroora wanga wamuudza?" Vakabvunza mama ndikavatenda kwakufonera mudiwa wangu ndichimuudza nyaya yaivepo. ME : Hello babe. HER : Hello dad matodzoka? Mafamba boe here? ME : Tadzoka babe tafamba boe but mari taishaya. Ham---. Handina kupedza kutaura aive andigurisira panzira. HER : Saka kwanzi moiwana riinhi? Mangwana here? Ndakaita kupererwa chaiko. Ndaive ndakutotya kurambwa. Ndakazongorovera moyo padombo kwakumuudza. ME : Hakutorina zvachose babe. Hameno kuti zvakafamba sei. Pakaipa mudiwa. Akaita imwe sound yandisina kunzwisisa. Akaita nguva akanyarara kwakuzoti, HER : Saka kuhoneymoon todii? Dai zvikasava zvandikufungira. ME : Pakaipa babe. Mari hapachina saka hatichakwanisi kuenda. HER : Whaaat! Urimbwa Dee! Saka wambozvitaurirei zvekuhoneymoon zvacho kana wanga usingadi? Wandirwadzisa zvako!! ME : Kwete babe ndandichitodawo kuenda but kushaikwa kwemari ndokwazokonzeresa. Woto----. HER : Ndotodii Dexta? Kana iri nyaya yekuti ndiuyeko kanganwa zvako! Zvangu newe zvaperera pano Dexta don't waste your time uchindifonera kana kundiisira mamessage coz handifi ndakupindura! Nekudaro akabva akata foni. Ndakangosara ndavhura maziso angu mahombe ndatarisa dad namoms. After some time takaona mota ichipinda pagate pedu. Makaburuka umwe murume airatidza kuti ane mari dzake. Akatimhoresa akapinda mumba nadad isu tikasara panze. After some time dad vakazobuda vakumuperekedza smile ichisvika kugotsi chaiko. Pavakadzoka kunomuperekedza vakauya vakagara pataive. "Ah nhai dad, boe here smile iyo?" Ndakabvunza vachibva vawedzera kunyemwerera vakati, "Smile boe son, mukuona murume auya pano uyo?" "Yes!" Takadaira tese pamwechete tave kuda kunzwa chanakidza rume guru iri. "Anga ane chikwereti changu saka auya kuzondipa mari yangu." Takajamba tese nemufaro ko hanty ndandakubudirira kuenda kuhoneymoon here. Ndakafonera Prisca ndichimuudza good news akaita kufara zvandakanzwa paphone ipapo. HER : Hiiii thanks dad ndandoti gwendo gwedu gwagugwa negugwe kaa! ME : Haa maya babe, dad havapererwi wazviona kaaa? HER : Yes dad haa wandifadza mumwe wangu. Takazoonekana tambotaura tunyaya twakasiyana siyana. Takazoenda kuhoneymoon kwedu uko kwandakanosangana nemashura chaiwo. Prisca anoita zvekutamba neni shuwa. Munin'ina waBaba Devine Passport yangu yakazoita and tym yekuti ndichidzokera kuzim yaive yakwana sezvo ndaive ndanzwa neteam rangu kuti mwana wemukoma wangu ave kuchata. Ndakaenda kuzim day remuchato risati rasvika kwakufanoplanner zvekuzoita kuti ndiwane zvinhu zvangu back. Ndakafara team parakanditi rine maAudio arairecorder paraitumwa nablaz vangu kuti vandiuraye. Day remuchato ndaitovakowo kumuchato kwacho but ndaive ndakavhara kumeso kuti ndisaonekwa. Ndakanzwa vakuplanner kuenda kuhoneymoon hanzi kuDubai here what what. Ndakabva ndaenda kubank kwakunotora mari yese yaive muaccount mamkoma vangu nevana vake pamwe nemukadzi. Ndaida kuita zvinhu zvangu fast vasati vafungira saka ndakabva ndatoenda kupolice kunoreporter coz ndaitoda kuti vasungwe. Ndakazongonzwa nemakuhwa kuchinzi Dexta akazoenda kuhoneymoon hameno kuti mari vakazoiwanepi. NYARADZO Phone yabamunini yakabva yapinda ndikapa mama phone kuti vataure navo. HIM : New number hello. MAMA : Hello bamunini ndimai Nyaradzo. HIM : Hiii gulez murcy. Ko muriko henyu ndandoti pamwe makatondikanganwa kaini. MAMA : Ndiriko bamunini eh eh ndine nyaya kaa. HIM : Inyaya yei gulez iribho hayo? MAMA : Nyaradzo akuda kuroorwa bamunini zvino ndandichida muvepo paanoroorwa. HIM : Ndizvo chete here gulez kana zviri izvozvo chete haisi problem regai ndigouyako toronga tiri pamwechete. MAMA : Iiih maita basa bamunini toonana mauya. Ndokuonekana kwavakaita tikarovana maoko namama nemufaro. "Zvaita mwanangu haa bamunini vako vachinja shuwa." "Chokwadi imi mukati mainini vachiriko here haa vanenge vakazoenda." Takazotaura dzimwe nyaya zvedu kwakuzonorara. Mazuva akafamba kusvika zuva rakazouya bamunini apa vaive vega ndikashaya kuti ko mainini varipi. The End