Chapter 13 DEXTA Ndakapinda paden kwakunoudza mom's zvandaive ndaona. "Vachitongosvika ndotovapa kitchen handibikirwi nehure ini." "Yah shuwa ipapo mama coz vakazvibvisa vega pamuri saka ngavasadzoka." Devine naPrisca vakazosvika vakamhoresa mama but havana kudaira. "Eh makoti, kitchen yenyu iyo mochizvionera mave vanhu vakuru imi." Vakadaro mama vakafamba vachitonokiya kitchen yavo kwakunozvivharira muroom mavo. Ini ndakabva ndatongobudawo kwakuenda kuden kwanaTeddy kunotandara zvangu. Ndakazodzoka manheru nekutorara zvangu ndaive ndadya kwanaTeddy. Mangwana acho ndakamukira kubasa ndikawana Teddy atoveko kwakutanga kushanda zvedu. Chikafu taipiwako so takabva tadya ndokuzoenda kumba. Mazuva akafamba zvawo ndichishanda kwanaNyaradzo ndichitokwanisawo kuraramisa amai vangu vese naDorcas. Avawo Dexta naPrisca vaiitawo zvavo kukitchen kwavo. Ndakazonzwa kuti Nyaradzo akabatsirwa mwana mukomana ndikabva ndatofunga kunotora mwana wangu. Ndakataimira auya naye kuzotaridza Mai vake ndikaendako. "Nyaradzo xaa ndakuda mwana wangu." "Upi?" "Uyu waunaye kaa." "Ndaive ndatambura nenhamo paya xaa that's why ndakazoti inhumbu yako ndaingoda kuti undiroore nhamo yedu ipere." "Aiwa Nyaradzo xaa ndaingorambawo paya but mwana ndewangu hako." "Mwana haasi wako Dexta buda uende kumba kwenyu!!" Ndakada kuita nharo achibva andideedzera imbwa ndikabuda ndichimhanya. PRISCA Takatanga kubika tega zvedu Kukitchen kwedu ko hanty chikafu taive nacho here. Vamwene vangu vaisada kana kundiona vaitozviswededza kure chaiko. Uyuwo Dexta aienda kubasa nxaa ndaisada kuti aende ini. Ndaida kuti asaenda kubasa Mai vake vamame nenhamo vagozondikumbira chikafu ndichivanyima but zvakaramba. Chikafu chakazosvika pakupera apa ini mari ndaitora ndichinopa vabereki vangu kusvika yapera. Takatanga kunetsana naDevine nekuda kwenzara and kuti tikumbire vamwene vangu vaiti havanawo but ndichiona vachidya nyama yehuku everyday. Ndakatozofunga kuramba Devine ndidzokere kunaDexta ini coz zvekugarira nhamo ndaive ndisisadi. Ndakataimira iri Sunday vana mom vaenda kuchurch uyuwo Devine hameno kwaaive aenda. Taingove two chete ini naDexta. Ndakabva ndaenda kuroom kwake kwakuwana akatorara zvake achitamba nephone yake. "Urikudei muno Prisca?" Ndakafamba ndichienda paaive kwakusvika ndichigara paside pake. NYARADZO After mwana wangu apembererwa ndakazoenda naye kunamama kuti vanomuona ndopakauya Dexta achiti anoda mwana wake. Ndakaramba naye iye kwakuramba achida kunetsa ndikamudanira imbwa akazotiza. Ndakangoita two days ndirikumba kwamomz kwakuzodzokera kwedu kwandakaroorwa. Mwana wemurume wangu ndaimubata semwana wangu iye achiitawo zvimwechetezvo kunewangu. Mazuva akafamba akava makore mwana wangu aikura zvaiyevedza uye nemurume wangu taidanana zvinonwisa mvura. Mwana wangu akazotanga kuenda kuchikoro zvake rimwe zuva akauya achiti, "Mama." "Nhanha." "Dady vangu varipi?" "Varikubasa." "Ndikureva dady vangu chaivo chaivo." Ndakavhunduka. Ko azviwanepi futi zvaari kutaura? "Wazviwanepi izvozvo ndati dady vako varikubasa!!" Ndaive ndatotsamwa ini "Pandanga ndichibva kuchikoro ndasangana neumwe murume achibva andiudza kuti ndirimwana wake. Hanzi dady vandikugara navo havasi vangu chaivo chai---." "Nyarara Tawana!! Ndati dady vako varikubasa!!! Hauna vamwe dady iwe!" Akabva anyarara. Kana kudya haana akanozvivharira muroom make. Ndakabva ndafonera murume wangu ndichimuudza zvaive zvaitika. Akabva auya akanditora tikaenda kwanaDexta ndaida kunotaura naye asiyane nemwana wangu. Takasvika Mai vake vakagara pamumvuri tikaenda pavaive tikavamhoresa. Ndakavaudza kuti ndoda kutaura naDexta vakamudeedza akauya. Paakationa akaita kakuvhunduka but akazvivanza. Akauya akagara pataive tikamumhoresa. "Dexta ndokumbirawo usiyane nemwana wangu. Wakamuramba kare achiri nhumbu zvino nhasi unomudii? Wakandirwadzisa zvakakwana Dexta chisiyana neni" "Ndipe mwana wangu uone kuti handinetsani newe." "Ingomupa mwana wake chete iwe unomudii mwana wake?" Vakadaro Mai vake "Ave wake nhasi ko pese pandaitambura ndine nhumbu aisaziva kuti ndakatakura mwana wake here? Makaramba mwana uyu pamberi pamaid vangu muchiti tinoda zvinhu zvenyu tikasiyana nemi imi chakukutadzisai kusiyanawo neni chii?" "Izvo hazvina basa iwe mupe mwana wake chete!" "Handidi naye!" Ndakadaro ndichitosimuka nemurume wangu tichienda kumota. "Tichaona kunowira tsvimbo nedohwe!!" Akadaidzira Dexta handina kumupindura ndakapinda mumota. Takadzokera kumba tikanoudzawo vamwe zvaive zvaitika tikawirirana kuti Tawana atsvakirwe driver anomuendesa nekunomutora kuchikoro. The End