Chapter 15 Dexta After 3 days ndakaona yave nguva manje yekuti ndichitora mwana wangu. Ndakabva ndafonera Jabulani anowirirana nemurume waNyaradzo. "Eh wadii jabu." "Eh boss madii.....Yave nguva here?" "Yah yave nguva xaa. Nhasi woenda kuzopedza basa." "Ok boss." Ndakakata call kwakurara zvangu ndamirira good news. Narrated Kwaive kwakudoka Jabu paakaenda kumba kwamai Nyaradzo. Nyaradzo nemurume wake vaive vamboenda kudhorobha saka vakasiyira Mai Nyaradzo mwana wavo Tawana. Jabu aizviziva zvese izvi that's why akaendako. Akasvika akamisa mota pagedhi akanyahwaira achipinda mukati. Mutsoka aive akapfeka masekesa akamasungirira pagumbo. Akafamba kusvika asvika panaTawana uyo aive achitambisa matoy ake. Akasvika achimusimudza achienda naye kumota. Tawana sezvo aiziva kuti Jabu ishamwari yababa vake haana kunetsa. Akanoiswa mumota vachibva vaenda kumba kwanaDexta. Varimunzira Jabu akabva afonera Dexta achimuudza good news. Tawana ainzwa zvese and akabva atocalculater akaona kuti atobiwa but haana kuzviratidza. Mota yakasvika ikamira pagate panaDexta. Dexta akauya akaona zveshuwa arimo mwana. Akamhanya mumba kunorongedza hembe vachibatsirana naJabu. Tawana akasara akabuda mumota akatiza achienda nekwagogo vake(Mai vababa). Haana kutora nguva aive asvika. Akarondedzera gogo vake zvaive zvaitika nechemumwoyo vakati dzawira mumukanwa hadzichanetsa kutsenga. Gogo vake vaive vabva kutaura nemumwe murume akapfuma zvakanyanya muvillage umu achiti anoda mwana mukomana waanoda kuitisa masacrifices ake achavapa mari yakawanda kana vakamuwanira mwana wacho. Zvino pavakazoona Tawana asvika vakabva vatomhanya mumba kunomufonera akati akutouya kuzovapa mari vachimupa mwana. Mbuya ava chavaive vakavengera Tawana ndechekuti haasi mwana wemwana wavo asi mubvandiripo saka havana kurwadziwa nekumutengesa. After some time mota inosvika. Mumota munoburuka varume vakapfeka zvitema vakavhara kumeso uye vane pfuti. Vakaenda panagogo vakatora Tawana vakanomuisa mumota vasina kupa gogo mari. Gogo vanoti vataure vanotendekwa nepfuti vobva vanyarara. Kutya kwaive kwavaputira and vakasara padiki kuzviitira. "Usafa wakati bufu zvawaona zvichiitika muno. Kana vakabvunza kuti aendepi unoti haana kumbosvika pano. Shuwa ungatoshinga kutengesa muzukuru wako nxaaa manje hakuna mari yatinokupa!!" Man 1 akadaro vachisiya varova gogo nekusure kwepfuti vachibuda vachimhanya vachinopinda mumota. Mota yakamutswa neimwe speed ichibva yaenda. Gogo vakasara vakangoti rabada pasi vakazoti pengenu after some minutes. Vakabva vangorara mukitchen imomo vachitya kana kubuda panze. 🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇 Dexta naJabu pavakapedza kurongedza vakaenda kumota kuti vaende but vakavhunduka zvekukanda mabag avaive vakabata pasi pavakaona Tawana asimo mumota. Vakatanga kumhanya vachimutarisa asi vakamushaya. Vakadzoka paive nemabag avo kuti vamatore vatize panzvimbo but vakashamisika vachiona mabag akavhurika. Dexta akamhanya kunotarisa mari yake akaita seachadonha achiwana musina. "Chii Dee?" "Mari haimo." "Haa ita urikutamba. Mari yataisa manje yaendepi?" "Neni handizivewo." "Manje Mari yangu ndoida." "Unoda mari yei iye atiza?" "Asi ini rangu basa ndanga ndapedza kaa?".. "Wanga usina!" Dexta naJabu vakatanga kurwa. Vachirwa kudaro mapurisa akasvika achivasunga. 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Prisca akagamuchira shoko rekuti vabereki vake vafa uye vafa nekupfurwa nepfuti. Prisca naDevine vakamhanyirako vakawana vabereki vake vakarara pamusoro peropa. NdiProsper uya aimbove murume waPrisca aive auya achida pfuma yake sezvo mwana wavo aive amutiza. Baba vaPrisca vakaramba kumupa vachiti havadi mukadzi wavo(Mai Prisca) akapfurwa kuri kurwadzisa baba Prisca nekuramba kumudzorera pfuma yake. Paakapedza zvese izvi akabuda neteam rake vakanohwanda musango vachiitira kuzoenda kunogara Prisca vanomutora. Prisca paakasvika pamba pevabereki vake akaona nemask yaive yadonha kuti ndeyaProsper. Haana waakaudza nezvenyaya iyi akamhanya kwana Dexta achida kunotora mbatya dzake abve munzvimbo iyi. Paakasvika kwanaDexta akashamisika achiona mabag nemota. Akabatwa nemweya weumbavha kwakuvhura mabag. Akatanga nekuhomwe diki akasangana nemari. Haana kuda kupedza nguva akamhanya kunorongedza hembe dzake akajamba ruzhowa achitiza sezvo aive anzwa Dexta achitaura. Prisca akamhanya nemugwagwa kusvika aneta. Akapinda munerimwe sango akagaramo. Aive amirira kuti kudoke agoenda kunokwirirwa mabhazi. Nzara yakatanga kumubvunza mutupo akati zvirinani aende pamashops anotsvaka chekudya. Akanotenga akadzoka paaive asiya zvinhu zvake akagarapo kusvika kwadoka. The End