Chapter 17 Narrated Prisca semunhu aive aneta nekumhanya hope hadzina kunonoka kubata. Paakangopedza kudya akabva atorara ipapo. Akazopepuka achinanairwa nenyika akaita kuvhunduka zvekusvika pakuscreamer. Paakascreamer nyoka yakabva yatiza ukuwo prosper neteam yake vakamunzwa vakaendako vachimhanya. Prosper paakaona kuti ndiprisca akafara zvake sezvo aitomutsvaka. "Waiti wakangwara nhai?" Prosper akadaro. Prisca akasimudza musoro akavhunduka achiona ari Prosper. "Sorry Prosper nekukuuraya please forgive me!" Prisca akadaro. Prisca sezvo aive asiya aisira prosper poison paakatiza kuHarare akabva atofunga kuti afa but prosper haana kufa coz mushonga wacho waive wakaexpire. Paakaona prosper akafunga kuti pamwe chipoko but aive asiri. "Handina kuzofa sezvawaida sorry hako." Prosper akadaro. Prisca akatanga kubvunda aitoona ega kuti pake pamuperera. "Ndiregererewo Prosper ndaiti ndi-----." Haana kupedza kutaura. "Handidi sorry yako. Wakandiruzisa zvinhu zvakawandisa.....Boys batai munhu." Prosper akadaro. Vakomana vaaifamba navo vakabatirana prosper vakamuchinjana kusvika vaneta vakazosiya vamuponda. 🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇 Tawana paakatorwa nevarume vaive nepfuti vakaenda naye kusango kwaive naboss wavo. Vakasvika vakamuburutsa mumota kwakumuisa pavanouraira vanhu. Umwe aive akabata dish rekugashira ropa umwe akabata banga. Paaive oda kugura huro pakaita mhepo yaityisa vese vakamuregedza vachinowira kwakadaro uko. Ipapo phone yaBoss vavo yakarira. Boss : Hello ________ Boss : Ok I'm coming "Let's goo now!!!!" Boss vakadaro. Vese vakamhanyira mumota vachienda. Tawana akatanga kumbeya musango achitsvaka nzira inoenda kumba asi akaishaya. Akabva angotsvaka pekurara akarara akazomuka mangwana osimudzira rwendo but aishaya road. Akaita mazuva achitsvaka nzira kusvika azoiwana. Paakasvika kumaraini kwavo haana kuenda kwagogo vake asi akaenda panext door. Akavakumbira kuti vafonere mapurisa plus vafonere vabereki vake. 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Boss nemaguards avo pavakasvika kumba kwaboss vakapera simba vachiona imba ichitsva. Vakabuda mumota vachiti vabatsire kudzima moto but vachingobuda mumota mota yakabva yatanga kupfuta moto. Ipapo ipapo boss vakareceiver call kubva kunasahwira wake aimumanejera macompanies ake achimuudza kuti macompanies ese aive atsva. Akanzwa voice ren'anga yakamurombesa richitaura munzeve dzake, "Ndakati uraya hama yako kwete munhu chero. Mwana wawaida kuuraya vadzimu vake vanesimba ndiye aita kuti zvinhu zvive zvazviri. Uchiri kurangarira zvandakakuudza pawakauya kuzoromba hanty." Ipapo boss akatanga kupenga. Akabva atobuda achimhanya achikumura hembe dzese...... 🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁 Mapurisa ndopakatanga kusvika nyaradzo, Mai vake nemurume wake vakazosvika later. Vakabva vaenda kwamai vemurume waNyaradzo. Vakasvika vachitungamirwa naTawana. Akasvika akadeedza gogo vake vakabuda. Vakavhunduka vachimuona. "Eh gogo, ndadzoka kwamaive manditengesa. Murikushamisika nekundiona hanty? Manje ndoda kuti muudze vanhu ava chokwadi chezvamakaita." Tawana akadaro. Gogo vakashaya kwekunyarira. "Ichokwadi here mama? Makati hamuna kumbomuona kuno wani?" Murume waNyaradzo akadaro. Gogo vaive vangotsikitsira. "Zvatave kuita gogo, taurai chokwadi. Kana mukataura chokwadi hamuendi kujeri." Mupurisa akadaro. Gogo vachinzwa izvi vakabva varudunura chokwadi chese. Murume waNyaradzo akanzwa hasha dzakanyanya. Akasimudza ruoko achida kurova mai vake asi mupurisa akamubata. "Maita basa mama nechokwadi chenyu. Vasunge." Mupurisa akadaro achitarisa mumwe wake. Gogo vakasungwa. Vakamboedza kukumbira ruregerero but hapana akavateerera. Mapurisa akavatora akaenda navo. 🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷🍷 "Zvii zvawakaita usingadi?" Baba Pee vakabvunza "Pride haasi mwana wako nenhumbu yandinayo haisi yako." Mai Pee vakadaro vachichema "Whaaat!!!!!? Wakazviitirei mai pee?" Baba pee vakabvunza. "Ndaida kuchengetedza marriage yedu neku---." Mai Pee havana kupedza kutaura. "Shut up!!! Shut up Mai Pee!!!!" Baba pee vakadaro nehasha. "Ndevani vana vacho?" Baba pee vakabvunza. "Ndevangu." Rakadaro voice raibva nekudoor. Vakacheukirako vakaona murume nemukadzi vachipinda. Vaive Tobias naRose. Mai Pee vakavhunduka vachivaona. Vakasvika vakagara pasi. "Ndavinga mwana wangu." Tobias akadaro. "Tora uende hako." Baba Pee vakadaro misodzi ichierera Rose aive atofonera police kare. Mapurisa akasvika akatora Mai Pee akaenda navo. 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Husiku ihwohwo mvura yakatanga kunaya. Prisca akazobatsirwa nemvura iyoyi sezvo aive afeyinta. Akamuka kwakuedza kusimuka but akatadza. Aive akuvara zvakanyanyisa saka kusimuka kwainetsa.. Akaramba akarara ipapo achiniwa nemvura kusvika kwaedza. Akaedza kumuka akagona kwakugwesha kusvika asvika kuroad. Akazobatsirwa nevamwe vana vaive nengoro vaiziva kwaanogara vakamusenga vakaenda naye. Vakanomusiira Devine vachibva vaenda. Divine akamubvunza zvaive zvaitika akamuudza. Devine akabva aenda kwaive kwaponderwa Prisca akanotora zvinhu zvake. Mari yaaive abira Dexta ndoyakatozoshandiswa kunomurapisa. The End