Chapter 16 Narrated Mai Nyaradzo pavakati vabude vatore mwana paange ari achitamba vakavhunduka vachiona pasina munhu pachingove nematoy ake. Vakatenderera chivanze chese vachimutsvaka asi vakamushaiwa. Vakatarisisa paange achitambira vakaona panetsoka but dzaisadhinda seshangu. Vakadzitevedza kusvika vanobuda gate. Pavakasvika pagate vakagamhiwa nemavhiri emota yaive yaturner pagate pavo uye shoka dzaive dzapinda mumota yacho. Vakamhanya mumba vakanotora phone yavo vakafonera Nyaradzo. "Hello mama." "Eh mwanangu kuno hakuna chakanaka mwana wako ndamushaiwa panze paanga achitamba asi ndaona tsoka dzaenda nekugedhe dzikapinda mumota." Nyaradzo haana kupindura asi akaridza mhere. Murume wake ndiye akatozoti, "Ok mama tirikuuya." Murume waNyaradzo akamutsa mota akaimhanyisa semupengo. Pasina nguva vaive vatosvika. "NdiDexta chete hakuna umwe!" Nyaradzo akadaro achingochema "Yah, arikutaura chokwadi. Handeiko now! Mafonera here mapurisa?" Murume waNyaradzo akabvunza. "Eh ndamafonera mwanangu ati akutosvika. Ah awo atosvika handei." Mai Nyaradzo vakadaro vachienda nemapurisa kwanaDexta. Vakasvika mapurisa achitonobata Dexta naJabu kuti vasarwa. "Ukutsvakei pano Jabulani?" Murume waNyaradzo akabvunza akatarisa Jabu "Nda- Ndau- Ndi- ah sorry sir ndachikumbira pompi vhiri raponcha." Jabu akadaro achikakama. Murume waNyaradzo akatongoona ega kuti pane zviripo but haana kuita dzungu. "Mwana wangu aripi Dexta?" Nyaradzo akabvunza achichema. "What! Aitasei mwana wangu Nyaradzo?" Dexta akabvunza zvekuvhara ma1. "Manje makusungwa moenda kujeri asi anenge ataura chokwadi anosara." Murume waNyaradzo akadaro akatarisa Jabu naDexta. Jabu aida kutaura asi Dexta akamutarisa neziso rinotaura. Jabu haazvitarisi zvese izvo akabva ati, "Kutaura chokwadi Dexta ndiye andituma kunoba mwana nekuti Ini andijaira haangamborambi kuuya kwandiri." Jabu akarondedzera zvese hapana chaakasiya. Murume waNyaradzo akamhanya achinobata Jabu collar achimusimudza nehuro. "Ndaikutruster Jabu. Wazviitirei izvi??" Murume waNyaradzo akabvunza "Ati achandipa mari yakawanda kana ndikamuunzira mwana uyu." Jabu akadaro akangoremberera "Yandinokupa ishoma here Jabu??" Murume waNyaradzo akabvunza. Jabu haana kupindura nekuti akadzvinyiwa huro. Haakwanisi kutaura. Murume waNyaradzo akamuregedza achinowira pasi seshamba. Murume waNyaradzo akaenda paive naDexta achimupa one chematsenga nzungu. Dexta akadonhera pasi. "Aripi manje???" Murume waNyaradzo akabvunza. "Patabuda mumba tawana asisimo mumota. Tamutsvaka nzvimbo yese tamushaiwa." Jabu akadaro achipisa tsitsi. Murume waNyaradzo akatarisa mapurisa. Mapurisa akaisa vaviri ava njema akanovaisa mumota. Sezvo kwaive kwadoka Nyaradzo naMai vake pamwe nemurume wake vakaenda kwamai Nyaradzo vakanorara. Mangwana acho makuseni vakamukira kunotsvaka Tawana. Vakatanga nekuenda kwamai vemurume waNyaradzo. Vakasvika vakabvunza panext door. "Takamuona mwana iyeye akasvika kuno achimhanya akadikitira." Mai vepanext door vakadaro. Vakafara vachisimudzira rwendo rwavo vachienda pamba pambuya vaTawana(Mai vemurume waNyaradzo). 🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁🦁 Mbuya vaTawana vakamuka makuseni vachingonzwa kuneta. Vakabika chikafu chavo vakadya. Vachangopedza kudya vakaona mota yemwanakomana wavo vakaimhanyira. "Titambirezve mwanangu! Titambire muroora!! Ah nasevere muripo. Kwakadiiko kwabviwa?" Vakanogara pasi vakatanga kukurukura. "Aripiko Tawana watisiri kuona?" Murume waNyaradzo akabvunza. Mai vake vakavhunduka. "Ah uyo, handina kumuona ini. Akauya kuno?" Gogo vakabvunza. Nyaradzo naMai vake vakatarisana. "Tabvunza panext door kukanzi akauya pano nezuro wani?" Nyaradzo akabvunza. Gogo vakavhunduka asi vanoedza kuzvivanza. "Handina kumuona ini. Kuti havana kukanganisa kuona here?" Gogo vakabvunza. "Kana musina kuiona hapana chakaipa mhai. Regai tiende isu." Nyaradzo akadaro misodzi ichierera. Vakanopinda mumota vachienda mberi nekutsvaka. "But dady." Nyaradzo akadaro "Hmmm." Murume wake akadaro "Mama vanenge vane zvavanoziva." Nyaradzo akadaro. Murume wake akachinja face. "Ukuti Mai vangu vari involved mukushaikwa kwemwana wako?" Murume wake akabvunza. "Ehe." Nyaradzo akadaro. Murume wake anowedzera kutsamwa. "Why wadaro Nyaradzo?" Murume wake akadaro. "Vanga vachivhundukei pawati mwana akauya kwavari?" Nyaradzo akadaro. Haana kuziva kuti adenha mago. "Saka unopumha Mai vangu mukushaikwa kwegora rako? Ndozvawakavinga izvozvo kuzondiparadzanisa naMai vangu nxaa shiit mhaani!!" Murume wake akadaro. Nyaradzo haana kupindura akawedzera kuchema . "Kana kunotsvaka gora rako handichadi! Enda wega kana uchienda!" Murume waNyaradzo akadaro achiturner achidzokera kumba. Akasvika achisiya Mai Nyaradzo naNyaradzo wavo kumba kwavo iye akaenda kwake. Aive akatsamwa zvakanyanya. Nyaradzo akasvika nekuzvivharira muroom make achichema zvekutotesa pillow. Mai Nyaradzo vaive vakuzvipa mhosva pakushaikwa kwemwana wemwana wavo. Vaive vakugara vakazvivharirawo muroom mavo. Mazuva akafamba Nyaradzo nemurume wake vasingataudzane chero pafone zvapo. Vaive vakatsamwirana. Vakazofonerwa nemunext door wagogo vaTawana achivati vaendeko. 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Baba Pee (munin'ina wababa vaDivine) vaive vadzokera kuUK pane zvavaida kunoitako. Vakafunga kumbonoona doctor wavo akambovatester kana vachiitisa vana. Matests aya vakamaita kudhara pavaive vasina mwana paya. Mukadzi wavo paakazongoita pamuviri vakabva vatosiyana nezvemaresults asi apa vakanzwa kuda kunomaona. Vakaita sevachadonha vachiona vaneproblem yekusazvarisa. Vakacheukira kunadoctor. "But ndatove nemwana kaa." "Mwana? Sei?" "Usada kutamba nepfungwa dzangu doc!" "Ok. Ok. Ndokumbirawo muende kumwe munotest(wa) then mozondiudza kuti zvikufamba sei. Kana kuti endai munotaridza mukadzi wenyu maresults aya. Muchaona reaction yake then mozotangira ipapo." Baba Pee vakabudamo vachimhanya. Vakatonokwira plane vodzokera kuZim sezvo raive zuva ravo rekudzokera. Vakawana mukadzi wavo akatovamirira vakapinda mumota vakananga kumba. Vaisazvivanza kuti vane zvirikuvanetsa. Vakasvika kumba kwakuburuka mumota vachipinda mumba umo maive makadecorate(wa) zvakanaka. "What is the meaning of this?" Baba Pee vakabvunza Mai Pee semunhu aive nesurprise kumurume wake havana kupindura vakabata murume wavo ruoko vachinomugarisa pasi. Vakatora maresults vachimupa. Baba Pee vakasunga face vachitarisa Mai Pee. Mai Pee zvakavashamisa kuti why murume wavo asiri kuratidza kufara. "Hausi kufara wani? Chii?" Mai Pee vakabvunza Baba Pee vakabuditsa maresults avaive vabva nawo vachimutambidza. Mai Pee vakaita sevachadonha nezvavaiona. Ipapo vakanzwa simba richipera mumajoin. "Sorry murume wangu handina kuzviita ndichida please." Mai Pee vakadaro vakagwadama pasi vakabata tsoka dzemurume wavo. The End