Chapter 14 MAI PEE Mazuva akafamba zvawo vana vangu vachikurawo uyuwo baba Pee aienda UK achidzoka zvake. Ndaitove ndega paden zvangu pakapinda call kubva kuchikomba changu. 📞👉 : Hello Tobias 📞👈 : Handina nguva newe iwe hure ndoda vana vangu!!! 📞👉 : Wauri kuti hure ndiani iwe? Vana ndovandisingafi ndakakupa shamwari usazvinyepera. Gomba harina mwana! Akaseka zvake achibva ati, 📞👈 : Ukurevesa here? 📞👉 : Ehe ugodii nxaaa! Ndakabva ndakata call kwakutomboenda paWhatsapp apo pandakasangana nemashura. Raive video rangu pandaibaya Rose nebanga. NARRATED Mai Pee pavaibaya Rose havana kuziva kuti Tobias aiona zvese achitora video. Mai Pee pavakamhanya kumota vakaimutsa vakaenda Tobias akamhanya pana Rose akamutora akaenda naye kuchipatara. Rose akarapiwa akapora but haana kuda kumhanya aida kutamba zvinhu zvake low low. Vaive vabatana naTobias vakaplanner kuwana mari yemahara zvavo. Tobias paakafona achiti anoda vana vake aida kunzwa kuti Mai Pee vanoti kudii ivo kwakutodhomoka zvavo. Akabva avasendera video ravo pavaibaya Rose achibva atodzima phone yake. DEXTA Yaive Sunday ndaisaenda kubasa saka ndakanozvivharira muroom mangu zvangu ndichitamba nephone yangu pakapinda Prisca. Ndakamuti abude but akaramba ndikamurega zvangu akagara paside neni. Akada kundibata bata but ndikamumisa asati asvika kure. Akaramba achida kundibata ndikamuregedzera mbama. "Ukundiroverei Dexta?" "Buda muno uende murume wako anokuwana urimuno ukandipinza busy!" "Murume wangu ndiwe Dexta takachata uzvizive." "I'm no longer your husband! Buda muno!!" "Bu--." Haana kupedza kutaura ndaive ndamukwapaidza nebhandi. Akabuda achimhanya uku achiridza mhere. Mazuva akafamba zvawo Ini ndaive ndakungofunga mwana wangu arikuna Nyaradzo. Ndaiedza kuzvibisa mupfungwa dzangu but ndaitadza. Ndakabva ndasangana naye achibva kuchikoro. Ndakabva ndatowana mukana wekutaura naye. "Hey nhanha." "Makadii." "Ndiribho, pane zvandinoda kukuudza." "Ndakateerera." "Baba vauri kugara navo havasi vako. Ini ndini baba vako vemashuwa." "Makaparadzana sei namama?" "Mama vako vakandiramba pavaive nenhumbu yako nekuti ndaive ndiri murombo." Ndakaona ave kumhanya achienda kumba. Zvandaida zvaive zvaita saka ndakadzokera kumba zvangu. Pasina nguva ndakaona Nyaradzo nemurume wake vasvika. Nyaradzo aive asingajairiki. Aive akatsamwa zvakandityisa. Akapopota zvake but ndaisambozvinzwa ini. Ndaingoda mwana wangu chete. Ndakafara mama pavaindibatsira kutaura naye nezvemwana. Ndakarwadziwa achiramba nemwana wangu but handina kuzviratidza. Ndandatoronga imwe plan. Ndandangomirira mangwana kuti ndiite zvinhu zvangu bhoo. The End