Chapter 6 Prisca "Unoda kuendepi? Hanty wati unoda kuziva here? Saka mira ndikuonese nekukuudza zvese uzive usazondinetsa!" Akadaro prosper akasunga face zvakandityisa. Handina kupindura ndakaramba ndakanyarara makumbo nemaoko zvichibvunda. "Muno ndomunogara n'anga yangu yandinoita nayo masacrifices. Ava vaunoona ndidzo nhume dzayo dzainotuma kunzvimbo dzakasiyana siyana." Akandibata ruoko akaenda neni kuneimwe room yaive navana vasikana vakasungirwa. "Muno ndomunogara vasikana vacho vandinoitisa masacrifices angu nevamwe varikuchinjwa kuitwa zvidhoma zven'anga yangu zvinozoibatsira pabasa." Ndakatya nezvaaitaura zvekuti ndakawedzera kubvunda zvaakanzwa iye achibva ati, "Hatisati tatanga bebs. Chilla coz tine kwakawanda kunoda kuendwa now!" Takabuda muye kwakuenda kwaive nevamwe vasikana vaive vakageziswa zvakanaka vakapfeka zvakanaka achibva ati,. "Muno ndomunogara mhandara dzandotengesa kunedzimwe nyika. Ndidzo dzaunoona dzakagara apa idzi dzakatomirira kuenda mangwana manheru." Akandibata ruoko tichienda mune imwezve room. "Muno ndomunogara madrugs angu andinotengesa. Ndiwo aunoona ari apo ayo." Akadaro achitendeka. Akaenda neni kuneimwezve room aiwa ndaneta ini but hapana plan kutongopedza zvandatanga. Yooh muno munototyisa ndamunzwa tichingopinda kuti hamusi right. Akabva abatidza light ndikavhunduka ndichiona pfuti type netype. "Urichigeven'a Prosper?" Ndakadaro ndakazara kutya mumuviri mangu uku ndawedzera kubvunda. Ahh nemagrenades arimo futhi? Haa this is too much ahh zvandaona zvawandisa izvi. Akandibata futi akaenda neni kuneimwezve room ahh handingafire mumoyo kana rega nditaure. "Awuu zvandaona zvakwana prosper!" Haana kupindura akandidhonza achienda neni muroom yaive nevakadzi vakawanda. "Ava vaunoona vakadzi vandakakidnapper. Ndivanamai vevana vandinoitisa masacrifices kana kutengesa. Varume vavo vanoda kuzivisa saka dzungu revarume vavo richaperera pavari." Akadaro achiburitsa pfuti achiitendekera paneumwe mukadzi mabara achiperera mumusoro make. Vamwe vake vakaridza mhere vachinozvipeta pacorner ini ndandatowira pasi kare. "Ndozvandinoita munhu wese anenge atyora mitemo yangu." Akadaro achindibata ruoko achienda neni kubedroom. Akasvika akandiita rough sex apedza kwakubuda zvake achienda kubhawa. Akazodzoka kumatwelve midnight akadhakwa kwakusvika achirutsira machira kwakuvata zvake. Ini ndakabva ndabuda kwakunorara kuguest room. Sandinyore kurara wakatsamhira marutsi apa asiri ako imi ndakavata kwakumuka makuseni ndokuita basa rangu. Ndapedza ndakapinda mumba ndichiti ndinobika kwakuwana akagara mudining akatsamwa. "Wakararepi madeko?" "Muguest room." "Why?" "Waida ndirare pamarutsi here?" "Ukutaura nani uchidaro?" Akabva atora bhandi pabhurugwa rake kwakundizhaka apedza kwakuti, "Enda unobika ndoda kubuda!" Ndakaenda ndichimhanya kwakunobika ndikamuisira poison muchikafu chake kwakunomupa akadya chese kusvika apedza. Akabva abuda kwakuenda iniwo kwakupeka hembe dzangu kwakuba mazimari hobho kwakutiza ndoenda kumusha kwevabereki vangu. Ndakasiya ndavhurira vakadzi vaive vakakidnapper(wa) vese nevana. Ndopandakatanga kugara nevabereki vangu. Kuti ndasiya ndaisira prosper mushonga handina kuvaudza ndakangozvichengeta ndega. Ndakabva ndasangana naDexta achitondida zvekudaro ndikabvumira mudenga kwakutanga kudanana achibva atondiroora. Back To My Story Nhasi ndirikufara guys. Ndiro zuva randiri kuchata. Zvese zvakagadzirwa zviri mugwara. Vabereki vangu varikuita kufara nekudada neni. Hama dzese dzaunganidzwa kuti dzizoonawo ndichichata. Dexta Ndinemufaro wakapamhidzwa nhasi. Ndirikuchata nechido chemoyo wangu kwete zvaNyaradzo izvo zvekumanikidzira rudo. Soon Prisca anenge ave Mai Hungwe ndakugara naye ndisingachaperi tsoka nekufamba ndichinomuona kumba kwavo. Takaita zvemuchato tikapedza tapedza kwakuenda kutown taida kunowithdrawer mari yekuti tiende kuhoneymoon kuDubai kwakuwana kuchinzi muaccount mangu hamuna kana cent. Ndakafonera mdara kuti auye azotryer yake asi zvaingova zvimwe. Ndakafonera mkoma Divine ndichivaudza vakashamiswawo nazvo. Nyaradzo Ndaive ndongoita kamunamato kangu nechemumoyo kuti sahwira wangu adziwane number dzabamunini vangu. Ndakaita sendichajamba nemufaro sahwira wangu paakandiudza kuti adziwana number dzacho. Akandipa hedzo kwakutomhanya kunamhamha kunovaudza good news. "Mama number dzabamunini ndadziwana!!!" "Hiiii mwanangu!! Wadziwanepiko? Ululululu!!!" Vakadaro mama vachipururudza. "Ndapiwa nasahwira wangu mama hanzi ndadziwana kuFacebook!" "Ihhh mwari kudziwai shuwa!!!" Vakadaro mhamha vachitaridza kufara pachiso chavo "Chitofona titaure navo izvezvi!" Vakadaro mhamha. Ndakafona ichibva yadairwa ndikati........ The End Of Chapter 6