Chapter 5 Dexta Hupenyu hwangu hwaitofaya Nyaradzo asisimo mulife yangu. Ndaive ndakudanana naPrisca. Prisca aive akanaka zvandaida plus aigona kugeza. Ndaizoita manyemwe pandaifunga kuti achiri mhandara. Ko hanty aive akandiudza here. Ndaive ndangomirira kuti ndipedze chikoro iye achipedzawo ndobva ndamuroora. Mai vangu vaive vakutomuziva sezvo ndakavaratidza uye vakati anokodzera kuita muroora wavo. Ndakazonyora form 4 yangu ndikafoira asi baba vangu vakati hazvina basa. Takaenda tikanoroora Prisca vabereki vake pamwe naiye Prisca vakaita kufara. Takakumbira muchato zvikanzi tizochata after 2 weeks. Iye Prisca akasarako kumba kwavo kuti agozouya after muchato toenda kuhoneymoon. Ndaida kunozvivhurira poto yangu ndakasununguka. Prisca Zita ndinoitwa Prisca Muchadei ndine makore 24 ekuberekwa. Vakawanda vanondidana vachiti Pee and i like it. Mumba medu tinozvarwa tiri 4. Kunotanga ini kotevera hanzvadzi yangu Trynos kouya munin'ina wangu Pride kozopedzisira mukomana Trive. Ndiri return soldier and ndinodada nazvo. Kana ndichiti ndiri return soldier ndinoreva kuti ndakadzoka kumurume. Ndaidanana naTafadzwa anogara musame area neni kupurazi riri kumhiri kwerwizi uko 👉. Ndikati ndaidanana naye ndingatonyepa coz aive akatondiroora ndikazomuramba ndawana imwe mbinga. Mbinga iyi ndakadanana nayo nekuda kwekuti yaive nemari yakawandisa. Akabva andiroora tikachata kwakutanga kugara tese. Chaindinetsa aive neimwe room yaaiti isavhurwa. Ndakazongoita nharo ndikavhura asi zvandakaonamo ndozvakandipedza simba. Ndakaona rino zinyoka raive nemaColour asinganzwisisiki apa rakakura. Rakabva rwasededza musoro waro kwandaive kwakutanga kundinanzwa richibva rarutsa mari yaiva yakaita kuwanda apa ari ma100 ega. Ndakatora mari iya kwakunoyiisa mukati mehembe dzangu kwakubuda ndonobikira murume wangu asi mumoyo ndaive nezvakawanda zvekumubvunza. Kuti murume uyu akaromba here? Imwe pfungwa yaiti akaromba imwe ichiti haana. Ndakatozopedzisira ndonzwa musoro nekufunga kwakusiyana nazvo. Prosper akadzoka kubva kubasa ndichibva ndamubvunza kuti, "Ko nyoka iri muroom maunoti musavhurwa ndeyani nhai Puro?" "Hamuna nyoka umo beb, wabikeiko ndine nzara ini?" Akadaro prosper ndikaziva kuti pane zvaaivanza chete. "Tanga wapindura. Ndati inyoka yani irimuroom maunoti musavhurwa?" Ndakadaro achibva ati, "Unoda kuziva kaa?" "Yes ndoda kuziva dad." Ndakadaro akati, "Follow me." Ndakangotevera kumashure kwake kwakunopinda muneimwe room yaive nerima. Prosper akabatidza light ndikaona murume aiva akagara parupasa akapfeka hembe dzechinyakare apa aityisa kumeso. Mumba macho maive nezvirume zvipfupi pfupi zvaive nemazindebvu. Ndakavhunduka ndichibva ndada kufamba kudzokera kumashure prosper achibva andibata ruoko akati........ Nyaradzo Mazuva akafamba ndichidanana naTafadzwa uye aiuya kumba kwedu kuzondiona everyday. Kushanda kupurazi aive andiregesa achiti achatipa zvese zvatinoda. Aive akuda kuroora ndikati ambomira sezvo ndaida kutanga ndatsvaka bamunini vangu avo vainzi vakaenda kuHarare. Mama vaisava nenumber dzavo izvo zvakaita ndive worried. Mufaro shamwari yangu itsva akandibvunza zvaindinetsa ndikamuudza achibva ati, "Ah Nyaradzo unganetsekana nezvinhu zvidiki izvi? Zita ravo unoriziva here?" "Ehe! Ndinoriziva zita ravo. Vanonzi Edward." Ndakadaro Mufaro achibva ati, "Ndinoda nesurname yavo Nyaradzo. Ita fast." Ndakamuudza akabaya baya phone yake achibva ati........ The End