Chapter 4 Dexta Pakaenda nyaradzo namai vake kumba kwavo mumoyo ndakaita kufara chaiko. Ndandatotizirwa sekutamba but hama dzangu dzakamira neni. Shuwa kutizirwa nekamunhu kasingagone kana kugeza. Mkoma Devine vakazoenda kubasa kwavo kuHarare. Takadya zvemanheru tichitaura nyaya dzakasiyana siyana kwakuzonorara. Mangwana acho ndakaenda kuchikoro semazuva ose. Pandakasvika ndaingonongedzerwa nevanhu vese vachindiseka ndikashaya kuti vaisekei. Takudzwa friend yangu akauya pandaive achibva ati, "Wadii wank." "Boe wank ukuitasei." Ndakadaro "Low-low wank. Ndizvo here zvandikunzwa?" Akadaro "Zvekuti chii futi?" Ndakadaro "Hanzi wakamitisa Nyaradzo." Akadaro "Yah ndizvo wena." Ndakadaro "Saka ukugara naye?" Akadaro "Aiwa handisi kugara naye ini." Ndakadaro "Awu!!! Ndandoti pamwe mukutorara irimo kaa." Akadaro achiseka izvo zvakapa ndisekewo "Haa maya wank. Handigare nemunhu asingagoni kugeza ini." Ndakadaro "Wakamudirei kana waiziva kuti haagoni kugeza?" Akadaro "Usandibvunza zvinhu zvakapusa kudaro!" Ndakadaro nehasha "Aiwa, calm down wank. Andisi kuda kukutsamwisa but kukuonesa. Ndoda undipindure mibvunzo yandichakubvunza pano." Akadaro achibva ambogadzirisa pahuro "Ok." Ndakadaro "Pane akakutuma kupfimba Nyaradzo here?" Akadaro "Aiwa." Ndakadaro "Pane akakutuma kurara naNyaradzo here?" Akabvunza "Aiwa." Ndakadaro "Iye Nyaradzo akakukumbira kuti urare naye here?" Akabvunza "Aiwa." Ndakadaro "Wakamuwana akavhurwa here?" Akabvunza "Aiwa." Ndakadaro "Saka wakatorerei humhandara hwake." Akabvunza Handina kupindura. Akabva ati, "Kunyarara kureva kuti wakaziitira svoto hanty." Akadaro Handina kupindura zvekare akabva ati, "Zvino wakumusiya nhasi asi musi wawakabvarura humhandara hwake waiita kunakirwa wakanamirira paari usingadi kubva. Waisaziva kuti haagoni kugeza here?" Akadaro Handina kumupindura. Akaenderera mberi achiti, "Zvino kana zvakadaro zvakarongeka. Chienda unotora Nyaradzo uzogara naye kumba kwenyu nekuti mangwana uchazodemba. Ungati anotambura, haagoni kugeza but one day uchamutsvaka ugomushaiwa. Uchamu------." Haana kuzopedza kutaura ndakabva ndati, "Shut up! Shut up T1! Stop judging me! iLyf yangu kwete yako. Mind your own business.....From today onwards, usandifonere, usandishanyire kana kundiisira message. Ziva zvenhamo yekumba kwenyu." Ndakadaro akabva angopusa akadaro kwakungotsikitsira. "Chibva pano! Wagutisa mbuva yangu wakutaura nekwausina kuswera. Nxaaa!" Ndakadaro achibva asumuka kwakuenda kuclass kwake. Nyaradzo Mukomana uya akabva asimuka kwakuti, "Zvino ndodii kuti uone rudo rwandinarwo kwauri?" "Zvino rudo runotaridzwa nekugwadama here?" Ndakadaro "Aiwa." Akadaro "Saka?" Ndakadaro "Ndokuda Nyaradzo." Akadaro. Sezvo ndaive ndaona kuti aizogwadama futi ndakabva ndafunga kutongomuda zvangu. Ndakabva ndati, "Ok neni-----." Handina kuzopedza kutaura mhamha vangu vainge vasvika vachiti, "Zvaita mwanangu chihande." Ndakangobva paive nemukomana uya kwakuenda kumba namomz vangu Mazuva akafamba ndaive ndazomubvuma Tafadzwa uya wekupurazi kwataiita maricho. Taidanana zvedu uye zvekuti ndine nhumbu yemumwe mukomana akairamba ndakamuudza akati anongondida ndakadaro. Iye Tafadzwa akandiudzawo zvake zvekuti akamboroora then mkadzi wake akamuhurira vakarambana. Akandiudza zvekuti akasiirwa mwana pakaenda mkadzi wake. The End