Chapter 11 DEXTA Pandakawana Prisca namkoma Dee vachinakirana musango ndakarwadziwa handide kunyepa. Prisca ndaimuda nemoyo wese and handina kumbofungira kuti achandirwadzisa zvakadaro. Pavakapedza vakapukutana zvavo ndakatarisa ndikanzwa dzimwe hasha kwakuenda zvangu kumba kutonogadzirira hondo naDevine nxaa anojairira shuwa. Akazosvika ndatopedza kugadzira mboma yangu ndikatomumhanyira asati apainda mumba. "Dzuura ndipinde Dexta." "Handidi! Wanga uchiitei nemukadzi wangu?" "Mukadzi wako wausingakwanisi kutengerwa bhurugwa here? Saka urimurume pachii usingakwanisi kuitira mukadzi wako zvaanoda?" "Hanty handina mari here?" "Chirega isu vane mari titore." Ndakanzwa dzimwe hasha ndikamudira mboma achibva anhonga dombo akanditema ndaro musoro. Mama vakanzwa noise vakamhanya vachibuda mumba ukuwo Prisca achisvika. Takazomira kurwa mom pavakamira pakati pedu. "Munorwirei nhai vanangu? Chii chanetsa??" Ndakavaudza nyaya yose. "Wazviitirei Devine? Mukadzi wemunin'ina wako uyu wanga usingafanirwi kuita zvinhu zvakadaro." "Ndozvamunongobhowera mama imi! Makutotsigira Dexta ipapa! Babe tora hembe dzako tiende!!" Ndakaona Prisca akumhanya mumba akadzoka nebag rake. Dexta aive atoisa rake mumota nechekare. Ndakamhanya kuti ndinobata Prisca but akandisairira kure ndikadonha akapinda mumota vakaenda. Ndakasimuka ndikazvipukuta mavhu kwakunozvivharira muroom mangu. Mama naDorcas vakapedza kundimutsa kuti ndizodya but andina kumuka ini ndaive ndisitorina appetite yacho. Kana kurara handina ndichichema. Ndaingopinduka pinduka. Ndaisazvibeliever ini kuti Prisca kundiramba achida mkoma vangu nekuti ini handina mari. Wani pamuchato akati munhamo nemumatambudziko achange aneni but nhasi andirambira nhamo yacho wani. Ndakazobiwa nehope kwakutoedza ndikapepuka kuma 10. Ndakamboramba ramba chikafu but mom vakazondinyengerera kusvika ndadya. Mazuva akafamba tichidya chikafu chataive tavigirwa namukoma Devine. Pachakapera manje ndopakatanga kuoma upenyu. Kuti nditsvakewo basa pamashops ndaingoshanda two days ndotodzingwa apa vana mama kumba vachida kudya. Mama vakafonera mukoma Devine kuti vavaudzewo kuti tofa nenzara kuno vakanzi, 📞👈 : Devine ariko ngaashande akuchengetei. Basa rake nderei angada kungodya akarara? Phone yakabva yatokatwa ndokupusa takadaro. Taive tisisina kana chekudya ndopakauya Teddy shamwari yangu achiti kwanaNyaradzo kunodiwa vanhu vanogadzira garden. Ndakamboda kuramba but mom vakandimanikidza ndikazongoenda but ndaishanda ndisiri comfortable zvachose. Ini ndakambodadira Nyaradzo ndozonoita maricho kumba kwavo futi. Paive pasina zvekuita asi kutotamba irikurira. PRISCA Pandakaona mom vamira pakati padexta naDivine ndakabhowekana shame. Ndaitoda kuona match Boyka naGeorge but zvakazongokona. Ndakazofara Devine paakati nditore hembe dzangu tiende ndakaita kumhanya ndikanotora kwakudzoka ndakatonanga kumota. Dexta akada kundibata ndikamunakurira kure uko ahh munhu wepi. Angada kundiregesa kuenda kudhorobha shuwa. Divine akarova mota takananga kuguta tikasvika kwatodoka. Taive takaneta saka takangosvika nekurara kudya taive tadya muroad tichiuya. Mangwana acho takamuka tikambotenderera zvedu tichiona nzvimbo kwakuzodzoka kumba kwakudoka. Mazuva akafamba zvawo then rimwe zuva taive takatogara zvedu nadevine tichiona tv pakaringer phone yake. Akandipa phone yake.. "Daira." "Ndiani?" "Ndimama." "Ah daira iwe." Akabva adaira zvavakataura handina kuzvinzwa ndakangonzwa iye akuti Dexta ngaashande avachengete ndikanyemwerera zvangu. Ko hanty murume ndaive ndatomuhwinha here. "Vanopenga ava babe vanoda kutidisturber." "Shuwa dady vanoda kutoblockwa." "Yah une plan rega nditozviita izvezvi." Yah ndandadiwa wena. Kudiwa kusvika pakuparadzanisa vanhu vaiwirirana. Ndaizvibhiga zvangu nechemumoyo ko kutyei ini ndigere bhoo kudai. NYARADZO Ndaiita kufara kuti ini Nyaradzo chaiye kuchata. Takaita zvemuchato then tapedza ndakabva ndaenda paive naDexta, Dorcas, Devine namai vavo ndikati, "Makaita basa makandidzinga kumba kwenyu nekuti dai musiriimi dai ndisiri pano nhasi." Vakabva vangonyara nyara ini kwakupfuura zvangu. Apa zvaive zvakapfekwa zvacho waingoona wega kuti nhamo yakavagara bhamba. Zvekuhoneymoon ndakaramba ini mudiwa wangu akamboda kundinyengerera but ndakarambisisa. Kana vari Mai vangu vaiita kunge ndivo varoorwa coz mufaro wavaive nawo waive wakanyanyisa. MAI PRIDE Pandakadzoka kumba ndakabva ndatoisira chikomba changu message kuti chiuye sezvo Baba Pride vaidzokera kunze zuva iroro. Ndakanovasiya paAirport kwakudzoka zvangu kumba uko kwandakawana ndatomirirwa nechikomba changu. Takabva tatopinda mumba tikadya kwakunogeza. Takatotanga kuita chikaranga chacho mubathroom imomo kwakuzonopedzisa tave kubedroom. Hatina kurara husiku tichitogadzira chimunhu. Chikomba changu chakaita mazuva chiripo kwakuzoenda zvacho. Baba Pride vakazodzoka after some weeks vakawana ndakatovamirira nemaresults enhumbu vakaita kufara chaiko. The End