Chapter 9 PRISCA Ndakazongonzwa munhu oti, "Zvawaiti uchiri mhandara wani? Saka chii chirikuitika?" Ndakavhunduka but ndakakurumidza kuzvidzora kwakuzomupedzera ndichiti, "Iwe uchiri jaya here?" Takazongomutamba mutambo wacho asingadi achida. Kana kunakidza hakuna kuzombonakidza kuside kwacho takatozobvako nguva isati yakwana kwakuenda kumba uko kwatakasvika kune mashura. Hanzi hameno bamunini vaDexta vainzi vakapondwa havana kufa vapenyu saka vakutoda zvinhu zvavo zvese. Ndiko kutotanga kwenhamo kauku haaa ndozozvigona here zvekurarira mangai ini? NARRATED Baba Devine pavakaenda kujeri vakaona zvakanaka kuti vafonere munin'ina wavo vamukumbire ruregerero. Ruregerero rwavaida rwaisava rwekuti vasasungwa asi vaida kuti mukadzi wavo asatorerwa mota neimba necompany. "Officer." Vakadaro baba Devine "Hmmm." Akadaira mupurisa "Ndokumbirawo phone yako nditaure nemunin'ina wangu." Vakadaro baba Devine vachinzwisa tsitsi. Mupurisa akavapa phone vakafona. BABA DEVINE : Hello munin'ina. HIM : Ndyn? BABA DEVINE : Ndini mukoma wako. Ndiregererewo munin'ina ndokumbirawo hangu. Vaitaura neizwi rainyengerera. HIM : Endai kujeri imi munokudeserver! BABA DEVINE : Ndokumbirawo urege Mai Dexta nevana vake vagare ipapo pavanga vachigara uye usavatorera mota necompany. Munin'ina wavo akaita kuseka zvake achibva azoti, HIM : Why? BABA DEVINE : Havana kana pekutangira kana ukavadzinga ipapo havana kwekunogara. Vanzwirewo tsitsi munin'ina. HIM : Makuda kunzwirwa tsitsi nhasi ko pamaida kundiurayisa makambonzwa tsitsi here? Maiti wangu mukadzi anosara achirarama sei ndafa? Baba Devine vakashaya kana mhinduro kwakungopusa vakadaro. Vakazoindwa navo kujeri uko kwavakanonzi life in jail. Hazvina kuvarwadza asi vairwadziwa nekuti mhuri yavo ichazorarama sei. KUMBA KWABABA DEVINE Munin'ina wababa Devine akaenda paive naMai Devine akati, "Ndipei mapepah emota idzi pamwechete neecompany." Mai Devine vakamboda kutaura but munin'ina wemurume wavo akavanyaradza. "Ndati ndikuda mapepah chete zvamakutaura handinei nazvo ini!!" Paakadaro Mai Devine vakavhunduka coz voice rake raive rakazara hasha uye richityisa. Vakamhanya mumba vakanotora mapepah vakamupa. "Sezvamunoona kuti pano hapachina chenyu, torai zvinhu zvenyu muende!!" Mai Devine vakamboda kukumbira kumbira but vakatozoona kuti hapana chavo sezvambotaurwa vakatora tunhu twavo vakaenda nemwanasikana wavo Dorcas. Zvinhu zvavo zvese nezvaDexta naDevine vakatora vakaenda nazvo. Vakaenda kunogara paimbogara baba vababa vababa vaDevine vasati vafa. Paive padongo and zvidzimba zvacho zvaive zvakaita kukotama nekusakara zvimwe zvakutowira matenga asi sevanhu vaisava nepekugara vakangoshingirira kwaku cleaner ipapo. Dexta naPrisca pavakabva kuhoneymoon vakauya vakananga pamba pavaimbogara kwakuwana pachitova nagarden boy akavaudza kuti hapachasi pavo vakamboramba but vakazobvuma vaperekedzwa kwaive kwakugara Mai vake naDorcas wavo. Prisca haana kumbofarira kugara paden paive pakugara Mai Devine nevana vavo but paisave neplan coz ndizvo zvaitovepo. Dexta akazofonera Devine achimuudza zvaivepo Divine akavimbisa kuuya kuzovaona achivavigira grocery. NYARADZO Weekend yakazosvika ndaneta nekumirira ini. Kana vari samama vaiita kufara hanzi, "Zvino Dexta achadii achinzwa kuti waroorwa iye akakusiya achiti uriwenhamo?" "Ah hameno zvake ini ndakatomukanganwa zvangu ndakutoda uyu anondida nenhamo yangu." "Ko kana akati huya tidzokerane unodii?" "Ndoramba zvee nhai mama ndingadzokera kumunhu akandirwadzisa kudaro ndichisiya uyu andida nemoyo wese kudai?" Takazotaura dzimwe nyaya zvedu tichiseka. Takazongonzwa kuti Dexta akachata. Hanzi zvinhu zvavaive nazvo zvaisava zvavo zvaive zvabamunini vavo. Ndakatomboseka zvangu pandakaudzwa kuti vanogara padongo rasekuru vake kkkk ko zvaaimboti hee munotambura munotambura zvino nhasi zviripi. Weekend yakazosvika ndikaroorwa zvakadadisa. Muchato wakakumbirwa vakabvumirana tikanzi tozochata mwedzi waitevera wacho. Bamunini vakati mari handitori coz handisini ndakarera mwana maiguru vakarera vega. Vakazonyengererwa namama vakatora Mari but after some days ndakazoshamisika ndichiona vachisvika nezimota rekudriller zvibhorani ndikashaya kuti vakufungei futi. The End