Chapter 2 Nyaradzo Zita ndinoitwa Nyaradzo Chinotimba. Ndinogara naamai sezvo baba vakafa ndichiri Grade 5. Tinogara tiri two namai vangu uye ndini ndega mwana wavanaye. Tinorarama hupenyu hwekukumbira vamwe sezvo tisina chatinacho. Kuti ndiende kuchikoro uye kuti tirare tadya amai vanotoenda kumaricho. Hembe ndinopfeka dzakabvaruka. Kuchikoro ndinoenda netsoka sezvo shangu dzacho dzekupfeka ndisina. Ndaive ndakati handiite mukomana ndisati ndapedza chikoro asi zvakazoenda nepamwe. Dexta uyo anobva kumhuri yakabudirira akauya kwakundiudza kuti anondida. Ndakamutukirira pavanhu ipapo akafuratira avekuenda. Ndaiti zvimwe ndapedza naye asi ndaizvinyepera. Nyarai shamwari yangu akauya kwakundinyengetedza achindiudza kuti Dexta munhu bho anotondida zvakanyanya ndikashaya kuti akapinda sei mumoyo maDexta akaona kuti ndodiwa zvakadii. Ndakazongoti sezvo ari sahwira wangu wepamoyo haangambondifurire kuisa hupenyu mudondo. Ndakabvuma ndikaona akufara ndikashaya kuti ainyanyofarirei chaizvo. Takazoparadzana umwe neumwe oenda kumba kwake. Mangwana acho pataive kuchikoro ndakaona Dexta naNyarai vakamira vose ndikashaya kuti vaimboitei. Ndakaswedera padhuze kwakunzwa Nyarai achiti, "Deal redu rakaita wank now bbie rarako." "Haa ukurevesa here xaa?" Akabvunza Dexta "Ndikurevesa xaa tondipa mari yangu uko." Akadaro Nyarai akabva agamuchidzwa mari kwakumutenda. Ndakashaya kut bbie rairehwa apa nderipi uyezve mari yaaipiwa yaive yei. Takuenda kumba Dexta akauya kwakundiperekedza tichitaura tichiseka zvedu sevanhu vaive murudo. Patainge takuparadzana akati ndimuhage apa Ini ndaisaziva kana kuti kuhaga kwacho kudii. Akandihaga ariiye kwakundikisa. Ndakakurumidza kuzvibvisa paari kwakuenda zvangu kumba. Mazuva akafamba ndichidanana naDexta wangu. Rimwe zuva akati ndiuye tisangane kusango ndikaenda. Ndakasvika akatogara zvake padombo kwakumuhaga Iye kwakundikisa achindibata bata. Paaive apinza ruoko muskirt ndakabva ndamumisa iye kwakuti, "Saka haundidi Kaa?" Ndakaona pasina plan sezvo munhu wangu ndaimuda. Ndaive ndamboudzwa naNyaradzo kuti mukomana anoitirwa zvaanoda kuti asazokusiya. Ndakazvipira kumupa humhandara hwangu. Paakapedza akazvipukuta kwakuenda zvake. Ndakasara ndakuzvipukutawo kwakusenga huni ndoenda kumba. Kufamba kwaitondinetsa zvekuti sedhadha chairo. Ndakaita luck kuti pandakasvika mhamha vaisavapo pamba. Ndakasvika ndikabika kwakudya ndikanorara. Pakazodzoka mhamha ndakanyepedzera kuridza ngonono ndikanzwa vogwedebudza mapoto ndikaziva kuti vakudya. Pavakapedza kudya vakauya kwakupinda mumagumbeze. Makuseni ndakanyepedzera kurwara kwakunzi, "Zvino zvaunorwara unokwanisa here kuenda kuchikoro?" Vakabvunza mhamha ndichibva ndati, "Aiwa handikwanisi mhamha." "Saka wosara zvako wakarara. Ini ndakumboenda kumaricho. Usaita basa kana kubika ndouya ndozviita ini. Zorora ndokuti ugokurumidza kupora." Pavakadaro ndakanzwa mufaro mumoyo mangu. Plan yangu yaive yashanda manje. Dexta Pandakabva kusango kwandaive ndina Nyaradzo ndakaenda kumba. Ndakanogeza ndikadya kwakunorara. Ndakazomuka makuseni ndakugadzirira kuenda kuchikoro. Pandakapedza ndakadeedza driver akandiendesa kuchikoro. Takasvika akandisiyako iye akudzokera kumba. Ndakafamba kwakuenda kuclass. Ndisati ndasvika ndakaona Nyarai achimhanya achiuya kwandaive. Akasvikoti, "Ah ndyp Dee. Wadii madhiri angu?" Akadaro achicheuka-cheuka. "Hec Nyarai, ahhh madhiri eiko aungamukirira makuseni ano?" Ndakabvunza sendisingazivi zvangu. "Haa sadaro Dee. Hanty ndakakubatsira kuti Nyaradzo akubvume here?" Akadaro Nyarai "Eheka ndikakupa Mari yako. Saka ukudei?" Ndakadaro ndichifinyamisa chiso. "Yawakandipa ndeyekuti akubvume. Hanty takazowirirana kuti kana abvuma kurara newe unondipa imwe futi here?" Akadaro Nyarai "Haa maya wank. Shandisa pfungwa iwe. Unoti munhu ari normal angafurira shamwari yake kuita zvinhu zvisiri izvo kuti apiwe mari. Wakamufurira Nyaradzo ikozvino humhandara hwake hwaenda nemunhu asingamude. Hausi shamwari yakanaka Nyarai. Mari iyoyo handisi kuzokupa uende unoreva kwaunoda. Une hutsinye Nyarai." Ndakadaro akafamba achienda apusa pusa. Ndakafamba kwakuenda kuclass kwangu kwakunodzidza zvangu. Nyaradzo handina kumbomuona anenge anga arovha. Ndakazoenda kumba after tanzi tiende asi muroad mese Nyaradzo handina kumuona. Mazuva akafamba ikava mwedzi. Rimwe zuva pandaitobva kumashops ndakasvika kumba kwakuona ahhh....... Nyaradzo Mhamha vakazodzoka kumaricho masikati kwakubika vapedza vakauya nechikafu tikadya. Ndakazoswera navo tichitaura nyaya dzakasiyana siyana. Takazobika zvemanheru kwakudya tapedza ndokunorara. Mangwana acho makuseni ndakamuka ndokugeza ndapedza ndokudya. Ndakazora cooking oil yangu kwakupfeka uniform yangu iyo yainge yaita kutsvukuruka kuratidza kusakara. Ndakaenda kuchikoro uko kwandakawana Nyarai atoveko. Aingonditarisa achinyara ndaishaya chii chikutora nzvimbo. Zvisinei mazuva akada ikava mwedzi hupenyu hwakangotiomera. Ndakazoti rimwe zuva ndichisuka amai vakauya vakamira pedyo neni kwakuti, "Une pamuviri kaa Nyaradzo?" Vakabvunza vakanditarisa. Ndakaita kakuvhunduka ndafunga kuti ndaive ndanemazuva ndisingaendi kumwedzi. Ndakada kuvanyepera asi vakazviona kwakuti, "Handimbokurovi Nyari mwanangu. Ndiudze chokwadi ndione zvekuita nguva ichipo." Pavakadaro ndakaona zvirinani kuvaudza chokwadi. Ndakavatsanangurira zvese zvaive zvakaitika vachibva vati, "Nyarai ane utsinye husingaiti. Mwari ave naye. Wandirwadzisa nwanangu, ndaiti unondinzwa pese pandaikuraira kusaziva kuti ndaitambisa nguva yangu iwe una Mai vako Nyarai vaunoteerera. Chirongedza hembe dzakotiende kwanaDexta wacho." Vakadaro vakarova serious. NaDexta wacho tatave nenguva tisingatauri tese izvo zvakaita hana yangu irove ndotya kuti ndichanorambiwa ndikanyara uye kutambura nemwana. Ndakarongedza hembe dzangu kwakuenda kwanaDexta uko kwatakawana Mai vake vakagara pamumvuri vachidya mabiscuits. "Ah ah ah, kwakanaka here kwakashanyirwa nanatsuro?" Vakabvunza tichiri kugedhe chaiko tikangofamba tichiendako tisina kuvadaira. Takasvika kwakugara pasi tikavakwazisa amai vachibva vati, "Amai Dee muchiona tauya kudai zvinhu hazvina kumira mushe. Mwana wangu Nyaradzo uyu ane pamuviri pemwana wenyu." "Heeede! Seka zvako mancube! Haasi mashura here aya? Ndiani mwana wacho?" Vakabvunza Mai Devine. "NdiDexta." Ndakadaro vachibva vati, "Wanyepa ipapo coz Dexta mwana wangu wandinoziva haangaiti izvozvo. Asi kana mune chokwadi nezvamukutaura, hapana chakaipa regai ndifonere hama dzedu namukoma wake Devine arikudhorobha uko." Vakadaro Mai vaDexta. Vakabayabaya phone yavo kwakufonera hama dzavo dzacho. Takagara kwekanguva kakati rebei ndopandakaona Dexta achipinda gedhe. Ndakamutarisa iye paakangondiona akastika kwakuramba akanditarisa seasingandizivi. Amai vakanditarisa kwakutarisa Mai vaDexta. Dexta akabva a......... The End