Chapter 3 Dexta Pandakasvika kumba ndakashamisika ndichiona Nyaradzo namai vake vakagara namoms vangu padivi pavo pane mabag. Ndakafamba ndoenda kuroom kwangu asi ndisati ndapinda ndakadeedzwa namoms kwakuenda pavaive kwakunogara pachair yaivepo. "Ko haumhoresi vamwe?" Vakabvunza moms vakarova serious. "Makadii Mai Nyaradzo." Ndakadaro vachibva vati, "Ndofara zvangu, wakadiiwo iwe." Vakadaro ndichibva ndati, "Ndofara zvangu, hec Nyaradzo." Ndakadaro Nyaradzo achibva ati, "Hec Dee urisei." Akadaro achinyemwerera apa achinyaririra ndichibva ndati, "Ndiriboe." After some minutes ndakaona mota yamukoma Devine ichipinda pagedhe ichiteverwa neyaDady. Vakaburuka mumota kwakuuya vachigara pataive. Dorcas akasvikawo achibva kumashops kwakuzogara pataive. Amai vakabva vati, "Muchiona ndakudeedzai kudai pane nyaya iripo sezvamurikuona amai Nyaradzo naNyaradzo vakagara apa. Munokwanisa kutaura zvamafambira henyu Mai Nyaradzo." Vakadaro moms vachitarisa Mai Nyaradzo avo vaive vakagara muvhu chaimo. "Muchindiona ndauya pano kudai, ndauya nemwanasikana wangu Nyaradzo uyu. Arikuti ane nhumbu yaDexta zvino ndati ndi-----." Havana kuzopedza kutaura baba vangu, Devine naDorcas vaive vakuhukura izvo zvakaita Mai vaNyaradzo vanyarare. Amai vakabva vati, "Dai manyarara tambonzwa kunoenda nyaya!" Pavakadaro vakabva vanyarara amai vaNyaradzo vakaenderera mberi vachiti, "Ndizvo zvandange ndauya kuti ndizokurukura nemwi tiri pamwechete kut----." "Kuti muroodze mwana wenyu nguva isati yakwana?" Akabvunza Dorcas amai vaNyaradzo vakaramba vakanyarara. "Saka manga mafunga kuti zvoitwa sei nhai Mai vaNyaradzo?" Vakabvunza baba Mai vaNyaradzo vachibva vati, "Ndanga ndati otongosara zvake nemurume wake ko ndandichae----." "Nyaradzo haana murume!" Akadaro Devine. "Varombo munonetsa mhani mukaona vanhu vane Mari dzavo makutoda kuroodza tuvana twenyu tusingagoni kana nekugeza kose. Munoti chero iye Dexta angadeiwo ipapa." Akadaro Devine achitarisa Nyaradzo kubva kutsoka kusvika kumusoro "Nhai! Ngavatibvire uko! Pamuviri pamuviri kudiii? Ibvai pano!" Akaidairirawo Dorcas. "Pamusoroi varidzi vemusha, hazvina kuipa hazvo kana musingadi mwana wangu pano. Ndinoda tinzwisisane ndisati ndaenda kuzoitira mangwana. Murikuti nhumbu iyi haisi yemwanakomana wenyu here?" Vakabvunza Mai Nyaradzo. "Haisi yangu." Ndakadaro ndaona vamwe vese varamba vakanyarara vatarisa ini. "Hapana chakaipa, muchamufunga nerimwe remazuva. Chandoziva ndechekuti muchamu......" Havana kuzopedza kutaura ndakavagurisira panzira... "Kana hanya naye handina!" Ndakadaro nezwi riripamusoro. "Hapana chakaipa, regai tiende." Vakadaro vachitora saga raive nehembe dzaNyaradzo voenda kumba kwavo. Moyo wakamborwadza asi ndakazvibudisa mupfungwa kwakupinda mumba ndombonotaura nemusikana wandaive ndasangana naye kumashops. Ndakamukanda shoko rerudo akatobvuma ipapo ipapo. Nyaradzo Ndakarwadziwa nekurambwa naDexta pamberi paamai vangu apa ndine pamuviri pake. Amai vangu vakangotora saga rangu kwakufamba ini ndichitevera kumashure. Takanosvika kumba misodzi ichiita rwizi pamatama angu. "Wazvionaka zvandaikuudza mwanangu. Zvino nhasi zvakusvitsa papi?" Vakadaro amai vangu vachitaridza kurwadziwa kwakanyanya. "Ndiregerereiwo mama, ndaitiwo Nyarai sasahwira wangu haangandirase asi andirwadzisa." Ndakadaro ndichiwedzera kuchema. Amai vakandipukuta misodzi vakandisimbisa vachiti, "Usazvinetse mwanangu, yakatodeuka haichadzorerwe. Ngatichifunga zvemberi kwete kupedza nguva tichiita zvisingaunze sadza mumba." Ndakatoona zvavaitaura zvichimaker sense. Ndakabva ndati, "Saka toita sei amai?" "Kutengesa hembe hakungatipi mari here tikawana kurarama?" Vakadaro. "Eh zvinoita amai, zvino mari yestart toiwanepi?" Ndakadaro. "Tonoita maricho kupurazi rekuseri kwegomo uko mwanangu." Vakadaro amai ndichibva ndati, "Ndizvo chaizvo amai, saka totanga kuenda mangwana Kaa." Ndakadaro. "Ehe mwanangu, totomukira ruchiri rungwanani chairwo." Vakadaro amai. Takabika zvemanheru tikadya kwakunorara. Handina kurara husiku hwese ndichingochema. Ndakatozobiwa nehope kwakutoedza chaiko. Ndakangoti rare rare kwakumutswa takuenda kupurazi. Takasvika makuseni-seni kwakupiwa ndima yataizosakura kwakusakura. Tapedza kwakupiwa mari yedu ndokuenda kumba. Takanotenga zvaive zvisiko kumba kwakubika. Takadya kwakumborara pamumvuri. Zuva rodoka ndopatakamuka ndokubika zvemanheru. Takadya kwakunorara. Husiku uhwu ndakangonosvika nekurara sezvo ndainge ndisina kunyatsorara last night. Mangwana makuseni takamuka kwakuenda kupurazi. Takashanda kusvika tapedza. Amai vakaenda kunopiwa mari yedu ini kwakusara nemwanakomana wemuridzi wepurazi. Akabva andiudza kuti anondida ndikamuramba. Ndakaona agwadama pasi ndichibva nda--....... The End