CHAPTER 1️⃣ SOLOMON "Melisa! Siyana nekundibvunza mibvunzo isina kana nebasa rese, zvauri kuita izvi? Unoti zvandiri kurwadziva kundiri kuitwa kushoma? Why usinganzwe kurwadziva kwandiri kuitwa uku. Unoda ndisvike kupi ndichitambura sezvandiri kuita? urimunhu rudzii asina kana hunhu zvavo. Ndizvo zvatakataurirana here izvi?" Ndakanga ndichitaura ndakabata tambo mumaoko angu ndaiva ndafunga kuenda kunozvisungirira ndife zvipere zvekutambudzwa izvi. "Solomon! Unoshura chaiko nezvaunoda kuita izvi? Unofa here ukarega kuregererwa nemunhu? Ndiudze chokwadi kuti uchiri kuda nezvepfambi yako nokuti ini hauchina kana basa neni nokuti zvavakanga uchida vazviona" aitaura akaita kumira mberi kwangu akabata muchiuno achitambisa gumbo rimwe chete akaruma muromo vake. Hapana kuita nguva yakakura. Pakasvika mai nababa pamwe chete naVaMachinga vachiita kumhanya kunge vari kudzingirirwa nemunhu kana isu taiva takamira panze takamhanyira mumba naivo wakanga vachitevera kumashure kwedu tose ndokupinda mumba. Mumba makamboita runyararo pasina akanga achitaura neumwe munhu kunze kwekunzwikwa kufemurika kwakanga kuchiita vanhu zvose nekutura mabefu. "Baba kwakanaka here kwamunosvika muchiita zvakadai?" Ndakabvunza ndichida kunzwa zvakanga zvichitora nzvimbo. "Kunonaka sei iwe vakatiparira? Kudai usina kumitisa kamwana aka pasina zvose izvi zvatiri kuita izvi. Zvino isu mhuri yekwaMunetsi tongoonekwa tichimhanya kuita sevanhu vasina dzakakwana." Vaitaura havo, asi ini mashoko avakataura akanga andibata bata. Ndini ndakanga ndakonzeresa here kana ndivo vaiva vakandikanganisira hupenyu hwangu. "Baba! Mashoko amuri kutaura hakodzere nokuti ini handizini ndakaita izvi? Tambu ndaimuda zvakanyanya hapana munhu aizvitadza izvi. Asi imi vabereki ndimi Maku...." TAMBUDZAI Ndaiva ndine hasha dzakanga dzakawanda. Handina kuziva simba rakanga rabva kupi rekutandanisa vanhu vose ava nekubata danda kwandanga ndakaita. Ndakaona vaenda ndikadzokera kumba kwaiva nevamwe ndakasvika baba vachiita kubuda misodzi mumaziso avo pavakandiona vakandidana ndikafamba ndichienda pavakanga vari. "Tambudzai mwanasikana wangu? Zvavaita hazviitwe izvi kudai vasiya vanhu vakadaro nekuda kwemabasa avo" vaitaura ndaiva ndakaterera pose pavaive vachitaura. Ndakazovati.. " baba muchiona kudai zvandiri kuita ishungu dziri kundipa zvose izvi? Sei vanhu ava vasingade kunzwa vanongoda kuuya kuzotiwedzera umwe mutoro ndosaka nhamo dzisingapere pano pamusha baba." Ndakadaro ndakaona baba vaita kunyarara kana vari Mainini Veronica vaiva vakanyarara pasina zvavakataura kubva pamashoko akataurwa nababa. Mainini Maria ndivo vakatanga kutaura. "Tambudzai! Hauna kunge vatiudza nezvevaenzi vaviri ava nekuti tiri kuda kutoziva isu" vakadaro Mainini vangu ini ndaiva ndavakunyara nezvakanga zvaitika. Zvekumhanyisa vanhu pamberi pemunhu akanga achida kundiroora. "Baba, nemi zvakare Mainini Veronica and Maria. Ndinoziva ndimi baba vangu nemi anamai vangu ndati ndikuudzei nezvaKuda. Kuda aripakati pedu mukomana vangu tiri kufunga kuroorana mumazuva arikutevera aya." Ndakadaro ndichivazivisa ndaida kunzwa maonero avo nekufunga kwavakanga vachiita vabereki vangu ava. "Mwanasikana vangu zvavataura ndazvinzwa ini ndine mibvunzo muviri mitatu inoda mhinduro yako chete. Mukomana uyu zvaati anoda kukuroora vaiva vakamuudza here tsaona dzavakasangana nadzo nekuti iwe hauchiri mhandara vatova mai pachezvako. Anokugamuchira mose nemwana wako here? Mangwana handidi uzochema nekuda kwangu ndiwe mwana wangu umwe chete asara ndinokudisisa zvakanyanya nekuti pauri ndipo pane hupenyu hwangu. Kutambura kwako neni kutamburawo kwangu zvakare nekuti handidi kuona misodzi pauri nokukosha kwavakandiitira kwandiri." Vakataura baba vangu ini handina kudaira zvaiva vabvunza. "Nokuti unobvuma kunyengedzwa munhu achireva manyepo masvika mberi varaswa vakunzi unoona zvakakodzera kukuroora ndigare newe nemwana uyu, wadii vamuendesa kuna baba vake." Vaita kutaura vachibudisa misodzi, iye Kuda akadairira kuratidza akanga achizvifarira. Handina kubvira ndakatarisira mubvunzo uyu kubva kuna baba vangu wavakabvunza Kuda wekuti...... KUDA Hupenyu hwaiva hwakaoma kwandiri. ndakanga ndichishuvira muhupenyu hwangu kuti ndichazoroora, asi hapana. Pandakazo sangana nemusikana uyu akanga achinzi Tambudzai. Vamwe vanhu ndovakanga vachitaura mashoko akaipa pamusoro pake. Asi ini handina kuzvibvuma kana kudii. Nokuti ndakanga ndichiona pameso pake munhu akanaka uye anoyemurika zvose zvakanga zvichitaura vanhu ndakanga ndichiona kuti kwaiva kunyepa. Ndakanga ndisina zvandinazvo zvokuti ndingakwanise kumupa nokuti ndaiva murombowo. Uko kwandanga ndakasangana naye KwaMr Mazvimba yakanga itoriwo shamwari yangu. Ndokwandaito wanza kutambirawo mazuva acho. Ndichingo wana tumabasa kuti zvinhu zvangu zvinake. Ndiri paMutoko center. Chimwe chinhu chakanyanya kundirwadza ndichekuti baba vake vakanga vachipomerwa mhosva yavasina kuita. Zvakandirwadza nekunyepa kwakazoita Tambu achinyepera baba vake kuti ndawana basa ikokuri kuda kuwana kuda kusara achiva nenguva neni. Zvinhu zvakandirwadza pakati pemoyo kusvika ndazoti "ayiwa izvi zvauri kuita hazviiti, wadii wateera baba vako." Ipapo Tambu akabvumirana nezvandaiva ndataura tikatevera baba vake avo takasvikona vakara baba vacho. Ndakasvika pakuvaperekedza nemota yatakakwira kusvika tasvika pamba pavo. Tichisvika kumba kwacho zvinhu zvaiva zvakaoma ndakanga ndichifunga kuti nhamo yedu ndiyo chete yatinayo, ndisinga zivi kunze uku kutoriwo nevanhu vari kunze uku vakafanana nesu. Kozoitawo vamwe vanhu vasina kana nemoyo wese. Zvokuti ndakatarira mukomana akanga ataurwa naTambu ainzi Solo akanga amurasisa Kuma last minute asina kutarisira ndakanzwa kuda kubuda misodzi.Nokuti kuita kwese kwaTambu kwakanga kuchikonzereswa nevanhu vekumusha. Zvokuti ndakamuvimbisa kuti ndiri kudzoka ndichikutora kuti titange kugara tose. Hazvina basa kuti vanhu vachati kudii ndichakutora uye kuchengeta mashoko akanga ataurwa nababa vake ayiwa andibaya pamoyo pangu chaipo kwete zvekutamba, " Apa ndinoda kutanga ndazivisa vabereki vangu kwaRukau uko. Ndozodzoka ndokutora." Ndapedza kuudza Tambu kudaro ndakakwira mota ndokuenda kumusha kwedu kwaRukau ndakasvika ndikaona. Baba namai vangu vaine mufaro, asi pane zvandakaona kuti paive nezvimwe zvaivadya moyo nokuti madzikoma angu mamwe ose akanga akabudirira. Asi vashoma vacho ndovakanga vasina chavainacho kusanganisira inini. Ndakanga ndichiedza, asi zvakanga zvichiramba. Kusvika kwandakaita ndakamhoresa baba namai vangu nemunin'ina wangu akanga aripo. Baba vangu vakatanga kubvunza kuti "kwakanaka here mwana wangu? Nhasi kwaunouya nemufaro kudai." Ini ipapo ndakatanga kunyemwerera nemufaro wakanga usinga bviri nokuti ndakanga ndaona chido chemoyo wangu. Mushure memakore nemakore ndichitsvaka munhu ndichitadza kumuwana. "Hongu! baba kwakanaka; ndauya kuzokuudzai kuti. Mumazuva mashoma nana arikuteera ndichazouya nemusikana wangu ndikuratidzei. Asi musikana wangu haapindi church yatino pinda iyi. Nokuti baba vake naiye havanamati Mai vake vakashaya kare." Ndakadaro ndichitozvininipisa baba vangu ndakaona vachinja kumeso kwavo. "Nai mwana wangu Kuda? zvauri kutaura kuti musikana wako uyu haasi wemuchurch. Handiti unoziva kuti vashoma vekunze vaunowana vakakwana? Nokuti hatizodii zvematambudziko Mangwana. Zvakanga zvakadii kuti uroore muchurch wosiyana nekuroora kunze uku? Zvaunoda kuita izvi." "Ndino vimba kuti munhu waunoda kuroora iyeye haana mwana wake? Hatizoiti dambudziko naye pano. Nokuti zvekuzoswera tava mumatambudziko nemumadare hatingazvigoni mwana wangu." Baba vangu vakadaro ini ndakanga ndatsikitsira pasi. Ndakaona kuti zviri nani ndovaudze chokwadii baba vangu. "Baba muchiona kudai, handidii kureva nhema munhu aneruremekedzo anerukudzo. Asi dambudziko akamitiswa akasiiwa. Ini handioni pane chakaipa kuroora nokuti ndizvo zvandada. Kana mwana wake ndinokwanisa kumuchengeta. Handina hangu dambudziko nazvo." Ndakadaro, asi baba vangu vakaratidza kubatikana nazvo zvandainge ndataura izvi. "Kuda mwanangu zvauri kutaura hazviiti nokuti zvinonetsa. Inga kuchurch kwakazara vasikana? Vakanaka vasati vava nevana, manje zvaunoda kuti tangira izvi tinozozvigona? Wadii wasiyana nazvo zvichiri pedyo zvaunoda kuita izvi handioni riri gwara rakanaka kana sarudzo yakanaka yaunoda kuita iyi! Nokuti mangwana zvichati netsa zvichatiomera. Gara hako watsvaka mumwe musikana ini pamba pangu munhu akadaro handikwanisi kumutambira. Asi kana usisadii zvekugara pano pamba torana nemunhu wako iyeye moenda kure kwandisinga kuonei." Izvi zvakataurwa nababa vangu zvakandinetsa nekuti handina kubvira ndakatarisira minduro yavo iyi. Yavakanga vachitaura iyi ndakanga ndichitofarawo kuti ndaudzawo baba vangu kuti ndawanawo munhu wekuroora zvino ndichaita sei zvavataura kudai izvi? To be continued on chapter 2