NEXT BOOK "ZVAMATISIYA" MARIA "Muroora ndinotenda nekubata mwanakomana wangu zvakanaka nekumudzora kwaunoita zuva nezuva." Ava vaiva vari atezvara vangu.. "Baba! Ndakaropafadzwa kupiwa mudzimai akaita saMaria uyu. Kudai pasina iye ndisina kukuzivai, ndaitoti makafa imi maitova mupenyu zvenyu. Asi ndinoda kutenda Mwari nekutisanganisa uku uye kuchengetwa naMwari chaiko uku. Inyasha kune avo vane vabereki wavo vapenyu pamusoro pazvo vasingazive kukosha kwavo. Uyo asina vabereki vari kurarama ndiye anoziva kukosha kwemubereki achiona muvakidzani achitambudza baba naMai vake." Mashoko akataurwa naSimba murume vangu akasvika kundibata bata pakati pemoyo wangu ndakanzwa kuda kuchema chaiko nokuda kwavo mashoko aya... SIMBA Hupenyu hwakanga honakidza, ndaiva ndavaona munhu akanga achizonyaradza moyo wangu zuva nezuva. Ndaiva zvakare ndasanganiswa nababa vangu kunyangwe ndakazogara nawo vakazvitambira zvekuti MARIA akanga asingakwanise kuita umwe mwana nokuti akanga akakanganisika ari mudiki zvakaita zvindirwadze, asi chekuita pakanga pasina kunze kwrkugamuchira zvakanga zvaitika zvacho. Uku Tambudzai aiva avanemufaro kunyanya pakaita mwana mukomana aitedzana naRopafadzo akamupa MARIA kuti agare naye ndaita kunge ndiri kuona mwana wangu vandakazvara izvo akanga ari muzukuru zvinhu zvacho zvaitonakidza chaiko. Hanzi naMaria.... "Daddy muchiri kurangarira muchiti muri kuda kuroora Tambudzai here nhasi mavakufara mava nemwana anonga muzukuru uyu" aitoseka zvake mudzimai vangu kana kumutsamwisa kwaiva kutopedza nguva zvako nokuti akanga asina nguva yekutsamwa kana kunetsana nemunhu zvake. Mazuva akanga afamba zvokuti taiva tofara nevavakidzani wedu kunyanya naSolo taiva tisingawirirane nekuda kwekuti pane mashoko akataura kune mudzimai wangu achida kumunyenga, asi zvose zvakashaya basa kusvika ndaudza mudzimai vake MELISA kuti asungirire imbwa yake isaruma vamwe vanhu.... MAI MELISA "Zvamataura VaMazvimba ndazvinzwa, handina zvimwe zvandingakwanisa kuita nokuti ndakaita mwana awenge Tambudzai nokuda kwangu. Manje ndavakushaya kuziva ndoita sei? Sezvo zvinhu zvaita mamiriro akadai aya hapana imwe nzira yandingakwanisa kuita ingandisunungura here nokuti kana business rangu raparara chaiko handichaziva ndoita sei zvino." Ndaita kutaura ndichichema ndaiva ndotambudzika nokushaya mari kwandakanga ndoita ndakuda mari yekuti ndiende kunokumbira ruregerero kune vose vandakatadzira. Ndakawana kamari kashoma ndokuenda kumusha ndakatanga kusvika kumba kwababa Tambudzai ndakasvika kwaiva nemudzimai ivo vaiva vachinzi vaenda nekwaSabhuku ndakavamirira kusvika vauya nemwanasikana wavo. Ndakapfugama mberi kwavo ndikatanga kukumbira ruregerero.. "Baba Tambudzai nemwana wenyu. Ndaiti kwamuri kuzokumbira ruregerero pane zvose zvandakaita ndinoziva ndakatadza zvikuru kwamuri ndaiva ndashandiswa nasatani ndisina kuzvitarisira plz plz forgive me pane zvandakatadza kwamuri pamwe nekukusungisai nekuda kwemanyepo andakataura." Ndakataura zvakawanda ndakaona ndabatwa nemaoko aTambu ndakaita kunge ndichazvitira weti nokuda kwekurangarira zuva randabatiswa svina yemunhu. "Mhamha kutadza ndekweku vanhu uye anotadza akakumbira ruregerero, ngaregererwe nokuti kwaisava kuda kwake. Asi mweya yerima ndiyo yakanga ichimushandisa paari ndosaka zvichinzi vanhu ngavapote vachipfugama kuitira mweya iri pavari ipote ichibuda nokuti baba naMai vangu vakandipa zita iri nokuda kwezvinhu zvakawanda, asi raiva nechirevo zita iri vanhu vaiti zita rangu rinonyadzisa hariite ini ndiro randakanga ndichotoda chaiko." Akataura mashoko akasvikobaya pakati pemoyo wangu umu vakanga anaye ainge achitoratidza akanga ari murume vake nokuti moyo vaiva nawo wakanga wakanakisa kwazvo. Ndakazobva ndikaenda zvakare kumukuwasha ndakakumbira ruregerero zuva rimwe chete ndokupedza nekuoneka zuva iroro husiku zvekuti handina kutsvaka zvakawanda nokuti ndakanga ndasunungurwa. VAMACHINGA "Zvamauya kudai zvanaka baba Tambudzai sahwira vangu," ndakadaro ndiine mufaro vakazadza. Ko, ndakanga ndichitadza nei ini ndakanga ndiri mumafaro uku ndakanga ndakuvirirana neumwe vangu uyu. "VaMachinga ndinoona mutori nevaenzi kwakanaka here uku? ini ndauya kuti ndikutorei tinopedzisa kuisa marata pamba pangu." Akadaro baba Tambudzai ndikamuti. "Imbomira shamwari izvi rinozviita Mangwana makuseni hazvingatora nguva yakakura kuzviita pane zviri pano zvatiri kuda kutaura." Ndakadaro uye ndakaona sekuru naMbuya vaPardon vakutii.. "Muzukuru wedu Pardon! Ndinoziva une shuviro yekuda kuziva rudzi rwako pamwe matambudziko ako ose angakwanise kupera kana uchinge vaona baba wako. Ndinoti muzuva ranhasi Mwari vaita usangane nababa vako vari vapenyu uye baba vako ndivo vagere apa ava zvavo." Wakanga vapedza kutaura ndakaona mwanakomana achifamba kuuya pandakanga ndiri. "Ndafara nekukuzivai baba vangu? Hazvina mhosva kuti zvakanditorera makore akawanda kuti ndizive baba vangu, asi ndafara kukuonai muri mutano uye muri mupenyu zvakare. Handina zvakawanda zvekutaura kunze kwekukukuudzai nezvemudzimai vangu Tambudzai uyu." Akadaro achibudisa misodzi yemufaro ini ndakanga ndoita kuubudisa zvakare ndakushaya kuziva pekutangira chaipo kutaura ndakaona zvakakodzera kutaura chokwadi sezvachiri. "Ndinotenda uye kuita zvinhu zvakanaka kuuya kuzondiratidza muroora wangu uyu. Ini ndine zvandinoda uzive zvandakaita kumashure uku zvausingazive iwe." "Taurai baba makasununguka zvenyu handitsamwe nokuti ndinoziva inzira yemunhu wese wenyama kuti anopanototadzavo zvake." "Pardon? Uchiona kudai, ndakamboda kubata Tambudzai chibharo kuda kumurape chaiko. Asi zvose zvakaramba kuedza kuvadzinga nekumutambudza zvose zvakashaya basa izvii." Ndakadaro ndichitaura zvose uye ndakanzwa obvunza Tambudzai akati hongu ndizvozvo asi hapana chakaitika chakaipa. "Nyaya yenyu ndainzwa uye haingandibata kana kubata mudzimai vangu zvakare, nokuti zvakafanana nevanhu vakadanana kare vakasarara vose kana kurara wese kana ndichinge ndaroora or kuroorwa zvose zvakaitika kumashure zvinofanirwa kurasirwa kure nokuti hazvisi kanwe. Ini pachezvangu ndazvigamuchira ndisingaziwe imi baba pamwe naTambudzai." Akadaro mwanakomana zvakaita moyo vangu unyevenuke. "Ini ndinogamuchira mudzimai vako semuroora vangu nokuti izvo zvakaitika kare kare hazvina basa." Ndakadaro ndomunzwa Tambudzai achiti. "Neni ndafara chose nokuti ndakanga ndisnga fungiri zvinhu zvichasvika pakudai apa." Munhu wese akanga avakufara. Zvokuti yakava mwedzi kukava kwapera makore matatu ini ndichinzwanana neshamwari yangu baba Tambudzai. TAMBUDZAI ndakanga ndichiita kufara nemufaro vakanyanya ndichiita kuzvibvunza kuti ndakanga ndiri ini here ndaitambudzwa ndaroorwa ndakagarika zvakadai. Hongu Pardon ndakamuda nezvakanga Ari uye baba vake vakabhadhara mombe nomwe kwakakurira Pardon nokumuchengeta kwavakaita uye taiva togara navo kwedu kwaMutoko vasisagare KwaMurehwa. Rimwe zuva ndakanzwa tsitsi nekuperakwaiva kwaita Melisa ndakambobuda misodzi chaiyo ndichiona chimiro chake apa akanga achiti kumba hakuna chekubata murume aingoswera ari pamashops asingade kunoshanda nokuti akanga avaka kwake ega abuda pamba pa mai naBaba vake. Taipota tichimubatsira apo neapo kunyanya rimwe zuva raaka uya achiita kunzwisa tsitsi akakuvara kumeso kwake kwese. "Ko, why kurohwa zvakadai usingakwanise kuenda kumapurisa asungwe?" Aiva murume vangu Pardon akanga achibvunza ini ndaiva netsitsi nokuti ndakanga ndakazvitakura ndine nhumbu. "Ndikamusungisa ndinozoita sei? Hongu murume vangu ndinomuda Tambudzai plz ndiwe unokwanisa kutaura naye kani. Izvezvi ndikabika chikafu hadye anorasira kwakadaro uko handizive pandinotadza pamwe kwaiva kuitira vamwe hutsinye here." Akanga achitaura achiita kunonzi kuchema ndakati hazvinetsi izvi takatorana ini naPardon nevabereki vake pamwe chete nasabhuku tikaenda kumba kwaMelisa naSolo uyu. Takasvika nekupinda mumba mavairara, takaita kunonzi kupererwa tichiona Solomon akanga akazvisungirira chaiko mumba umu pasi paiva nebepa jena raiva raka tarwa tarwa nebhiro itema mavara madiki. "Melisa! Ndinokumbira ruregerero pane zvose zvandakakutadzira uye ndakanga ndichishuvira kuva newe, asi handizive mweya rudzii vakandibata kusvika pakuita hutsinye kwauri. Ndinoziva unondida ini ndinokuda, asi dambudziko rakatanga pandakaona Simba aroora Maria ndokuona zvakare Tambudzai achiroorwa zvinova zvakarwadza moyo wangu kusvika pakati nepakati.plz forgive me pane zvandaita izvi uye undichengeterewo vana vangu avo zvakanaka." Takaita kupererwa chaiko nekuita uku. Chekuita pakanga pasina zvapo. Mazuva akanga afambidzana kusvika pakukanganwa nhamo dzedu dzose uye Mainini Veronica vaiva vabatsirwa nemwana mukomana ndakaita kufara Kani ndaiva Ndava nehanzvadzi yaikwanisa kumira neni pazvinorema. Ini kubatsira mwana komana ndikaona akura ndakamurumura ndokupa Mainini Maria vaiva vashaiva mbereko vakafara kuti mwana aizigara nawo kwemakore ose Isu tiri kumba kwedu pamwe chete naRopafadzo wangu. Hwakava hupenyu hwakanaka tiri paruzevha tichidya nekurima garden iro raiva nezvakawanda ndiro raiva basa redu ratakanga tichiita rinoyemurika remaoko edu. End of Tambudzai Ndinotenda hama NESHAMWARI dzakafamba neni munzira yakanga yakadai kuoma uye ndinoti murambe makadaro zvakare muchinyorwa chino tevera ichi. ZVAMATISIYA IBOOK RINOTAURA PAMUSORO PEVANA VAKAFIRWA NEVABEREKI VACHIRI VADIKISA UYE RINONZWISA TSITSI ZVAKARE.. M.P AKA PATRICK STORIES LOVE'S YOU GUY'S.😍😍😍