Chapter 5️⃣ TAMBUDZAI Pandaida kutaura ndakanzwa Mai vaKuda vachiti kuna baba vaKuda. "Baba vaKuda! zvamuri kuda kutaura izvi hazviiti,? mwana ayita sarudzo dzake. Hamukwanisi kurambira mwana pasarudzo yake yaita nokuti ndipo panenge pane moyo wake. Kunyangwe akatora munhu anemwana kana chii? ndizvo zvinenge zvada moyo wake. Isu ngatiregei kupindira rudo rwevana nokuti mangwana zvikaoma zvinozotinetsa. Zvamaita izvi zvokuti munotsvakera Kuda musikana mangwana zvinokuremerai. Tarirai shamwari yenyu yakazviita izvezvi vakungo gara nemuroora wavo pamba. Vachiti mwana wavo achauya, asi mwana wavo haana kuuya akaenda nekuda kwekuti vakamanikidza mwana kuda kuroora mukadzi waakanga asingadii. Izvi ndopamunozoona mwana akukuudzai kuti baba ini mukadzi uyu handina kumuroora imimi ndimi makamuroora saka mukadzi wenyu. Munoona zvakanaka here kuti mozoitwa zvakadaro nemwana wenyu wamakabereka. Handioni ririgwara rakanaka kuti mudaro. Zviri nani kuti tosiya mwana aroore munhu waanoda. Ini hangu ndatenderana nepfungwa yaKuda. Nokuti ndanga ndakamirira kuona mukadzi waKuda kubva kudhara izvezvi akura! munhu atova Kuma 30 something years asati avane mwana kana mukadzi. Ndanzwa kufara kuona izvi uye sununguka zvako Tambu kuva pano pamusha. Handioni chinokutadzisa kuti uroorwe nemwanakomana wangu, nokuti ini ndakugamuchira saMai vaKuda. Kana vari baba vaKuda ava siyana navo nokuti vanoda kuti Kuda aroore mwana weShamwari yavo. Ini handina kumbobvira ndafarira pfungwa idzodzo. Iwe Kuda wosarudza kuti uchada upi pava viri ava. Asi ndiri kuona moyo wako uri kuda Tambu handikwanisi kurambirana nazvo. Asi kana uchinge wafunga kuda mwana weShamwari yababa vako uyu ini newe handioni kuti pane chakanaka nokuti iwe wakanga watopinda murudo nemwana uyu. Unenge wotobudira mumwe wako pachena kana achidzokera odzokera zvake. Asi ini saMai ndafarira uyu wawauya naye uyu nokuti anotaridza kuti haana kufanana neuyu, washamwari wako uyu agere apa. Haadi kushanda anenge achigoda kungodai nokuti ndakagara ndamuona pose pandaienda kumba kwava shamwari yababa vako. Anenge asingadii kushanda anenge achingoda kutiza tiza kuda kudya agere achingoda kushandirwa. Ndinoona achizotadza kundishandira kune ramangwana." Paitaura mhamha zvese ndakanga ndakateerera ndokuona kuti "aaa mhamha vanenge vari kundifarira, asi baba vakanga vasina kundifarira." Ndakaona baba vasimuka vachibuda panze Havana zvavaka kwanisa kutaura nokuti vakanga vaudzwa chokwadii chizere. Nomukadzi wavo inini naKuda takasara takangotarisa. Ndakanga ndine mibvunzo yakawanda yakanga ndichida kubvunza Kuda, asi ndakazobvunza mhamha. Ndakazokwanisa kuti kuna mhamha, "mhamha muchiona kudai musafosa zvinhu kana zvisingaiti. Hazviiti ndinokwanisa kudzokera . Ndomirira kusvika nguva yangu yakwana. Kana zvinhu zvichidai zvinenge zvichiratidza nguva yangu haisati yakwana ini ndauya mune zvakanaka. Kana ndakubva pano pamusha muchinge maramba kundigamuchira semuroora wenyu mukadzi wemwana wenyu panenge pasina chakaipa. Nokuti ndizvo zvinenge zviripo." "Mwanangu iri harisi dambudziko iri? Idambudziko rinokwanisa kupedzwa nokutaurirana. Nokuti ini ndamirira Kuda kunzwa Kuda kuti anosarudza kuti kudii anotaura kuti kudii nezvazvo. Nokuti handioni riridamudziko", vakadaro Mai vake ipapo Kuda akadairira achiti, "mhamha inini kuuya naTambu pano, zvinoratidza ndiye aripa moyo pangu. Uyu wamandiunzira handina kumbobvira ndadanana naye zvinonetsa. Nokuti ini mangwana zvichazondinetsa tava kuswera kunetsana tave mumatambudziko nekuda kweizvi. Zvakanaka kuti ndiroore munhu wandiri kuda uyu. Asi kana imi nababa muchinge mati hamukwanisi kumugamuchira semuroora. Ini hapana chandinga kwanisa kuita kunze kwekuti ndoramba ndakadaro ndisina mukadzi. Odzokera zvake kumba kwevabereki vake pane kuti ndogara nemwana wevanhu ogosafa panoapa. Imi muchiziva kuti hamumudi? izvezvi kutaura kudai kwandiri kuita ndiri kuona baba vangu havasi kuda kubvuma. Saka zvakakodzera hazvo kuti nditore mwana wevaridzi ndimudzosere. Pasati paitika chimwe chinhu chakashata. Zvakanaka kuti ndimudzosere. Tambu kana zvichiita totopinda munzira tiende" akadaro Kuda. Asi inini ndakanga ndarwadziwa nokuita kwavo nokuti ndakanga ndichida mukomana wangu. Nemoyo wese chokuita pakanga pasina zvapo. Nokuti baba vacho vakanga vachiramba kutaura, pavakapinda padoor vakanga vachiona tavakuda kusimuka. Vakangoti Kuda chimbosara muno mumba titaure. Ini kusara kwavakaita naKuda ndichibuda panze ndakatobuda ndine bag rangu. Handina kuda kuswerera kumirira zvese izvi nokuti misodzi yangu yakanga yakutobuda. Ndakatongo famba ndichienda kusvika ndasvika kuroad . Ndasvika kuroad handina kuda kumirira Kuda kuti azouya kuzonditora ndakabva ndakwira ndakafunga kuenda kumusha, asi ndakaona kuti zvakango fanana. Zviri nani hangu ndiende kunotsvaka basa ndoona chekuita ndava mberi ikoko. Hakuna chakaipa nokuti zvinhu zvakanga zvaramba ndimbowanawo kuzorodza pfungwa. Ndiri kunze ndisiri pamba, ndakakwira mota yakanga ichienda kwaMurehwa. Ndokukwira mota iya sezvo ndakanga ndine mari shoma yandakanga ndinayo handina kunge ndataurira Munhu zvake kuti ndiri kuenda kupi Yakanga ingori fungira mumoyo rwendo rembwa. Ndakabvunzwa kuti "muri kuda kusarira papi?" "PaMurehwa" ndakango daidzira kuti "ndiri kuda kusarira pa turn off chete." Sezvo vakanga vasingapindi mukati. Zvekuti mota yakarohwa dzamara tasvika ndakasvika ndikasarira pandaida kusarira nokuti ndakanga ndisingazivi ndaingoziva kuti pa turn off. Ndasvika paya ndakaona vanhu vaiva vachitengesa. Ma fruits nezvimwe zvakango siyana siyana . Apa kwandakanga ndichienda ndakanga ndisina kana hama imwe chete zvayo yaizokwanisa kundibatsira. Ndakango bvunza bvunza vanhu vakandiudza vachiti, "asi kana uchida basa pana Mai vari kutsvaka Munhu anovatengesera ariapa taura navo." " Makadii zvenyu amai! ini ndinoitwa Tambudzai ndichangobva kumusha, kuno uku hakuna wandoziva. Ndiri kutotsvaka basa kutaura kudai kuti ndikwanisewo kurarama. Mwana wangu akwanise kuwana chekubata kwaari uko." Ndakadaro ndichitaura naMai ava. Mai ava vakanditarisa vakati. "Mwanangu chimiro chauri, ndachiona chinonzwisa tsitsi. Hongu! basa rauri kuda riripo kana uchikwanisa hako kutengesa usina dambudziko nokuti ini kutaura chokwadii handidii Munhu anozoita hutsotsi. Ndamusiya pabasa nokuti ndine misika yakawanda. Uchiona kudai ini ndine musika urimukati maMurehwa chaimo mu center. Kozoita ndine kandini yangu iri mukati maMurehwa ininge ichida Munhu anoita zvekubika achisuka ma plate. Kana iwe wakazvipira kushandamo hazvina kuipa ndinoti uende unoshandapo." Ipapo ndakabvumira ndikati "mhamha hongu ndinoda basa iri, asi ruzivo rwekuti ndakamboshanda handina. Asi ndinokwanisa kukuvimbisai kuti ndiri Munhu akanaka handina zvakaipa uye ndinoedza kuchengetedza nekubvuma kudzidziswa. Handina mhoswa nazvo kusvika ndakugona." Ipapo vakanyemwerera Mai vakati "zvakanaka" vakanditarisa ma fruits. Matatu, two ma apple ne one Orange takamirira Munhu arikuuya panoapa tozosumuka toenda . SIMBA Ndakasara ndichi shungurudzika nokuenda kwakaita Tambu. Ndakanga ndakugara ndichienda kumba kwana Tambu ndichingo bvunza kuti Tambu haasati adzoka here? Uye kuzosvika kwakaita Kuda kumba kwana Tambu achibvunza kuti Tambu. Haana kuuya kuno here zvakatondinetsa iye ari iye akanga aenda naye zvakaita ndinzwe hasha panguva iyi.? Kuno nokuti angomukira kungobva kumba zvisina kana kuoneka. Pose paitaura akanga achiita kuti ndinzwe hasha nezvaitaura. Ndakaona Mainini Veronica vaiva vaita kusimuka vakatarisa Kuda vakamuti.. "Kuda! Ndiwe vakabva nemwana wedu pano nhai vava kutibvunza izvi kwakanaka here? Ziva Tambu akawanikwa akapondwa ndiwe uchapinda panguva yakaoma" vaitaura zvavo izvi. Zvokuti ndakanzwa baba Tambu vavakuti " Handipe munhu mhosva pane zvose izvi? Kana achinge apondwa ndizvo zvinenge zvakarongwa naMwari". Mashoko aBaba Tambu akanga achisvika kubaya pamoyo pangu zvokuti ndakasvika pakubata kuda pahuro ndichimutora..