Chapter 7️⃣ KUDA kupinda kwandakaita mumba nababa vangu vaida kutaura neni. Handina kuziva Tambudzai achasara achienda kumba kwavo ini ndaiva ndati andimirire. Hongu baba vakaramba vakaomesa musoro zvakandirwadza ini ndaive ndichida munhu vangu nemoyo wangu wose. Ndakabuda panze ndichitarisa ndakaona pasina munhu ndakabvunza kahanzvadzi kangu kaiva panze Kandiudza zvimwe zvokuti ndakangobuda ndichienda kumashops ndasvika ndakatora zvimota zvaindisvitsa paKapondoro ndozoona yokutamba mberi. Ndaingonamata kuti kudai pakasava nechinowira kumwana wevaridzi nokuti ndakavavimbisa kumubata zvakanaka izvi zvazvadai vachati ndizvo zvandaida. Handina kuona ndaive ndasvika nguvai paKapondoro ndokutora nzira inogurira netsoka kuenda kumba kwavo. Ndakasvika zuva ropinda muna mai varo uku ndaiva ndanzwa nokufamba tsoka dzaive dzisina kuzvijaira zvekufamba. Ndakatambirwa zvakanaka apa ndaiva ndichishaya pekutangira kutaura nyaya yangu uku baba Tambu vaive vanemufaro kana vazive zvaiva mufungwa dzangu zvakanga zvisipo. "Baba muchiona ndauya kudai pano nehisiku uhu hwakadai. Inyaya iyi yaita ndisvike kuno, hongu ndakareva nhema pamberi penyu. Asi hazvina kureva ndakanga ndisingade mwana wenyu ndaifunga kuti pamwe ndikaratidza vabereki vangu vanofara nekumuona, asi zvose zvakaenda nepamwe nokuti Tambu pandaida kuuya naye ndikadanwa mumba ndokuzobuda ndakaona asisipo." Ndakataura zvose uku ndaitya kutukw, asi hapana zvakaitika kunze kwekunzi... "Tambu pane kwaari achauya zvake usazvinetsa kana zvisingaite hazviite mirirai nguva kukwana kwayo chete" ndomashoko akataurwa nababa vacho ndisina kutarisira. Nguva iyi pakasvika mukomana akanga achinzi Simba, maitiro ake handina kumaonerwa zvakanaka akandizvuxvurudza akandidzipa muhuro kuenda neni pasango. "Bamukuru tinoda kubudirana pachena patiri pano nokuti imi ndimi madiwa nemoyo wemusikana kudarika ini nokuti zviri mumoyo mangu zvakaoma." Akadaro ini ndakatadza kuziva kwakanga kuchienda nyaya misodzi ndiyo yaive yongobuda yega yega pasina zvakanga aitwa. "Simba! Taura zvizere ndikwanise kuziva nokuti ukada kuita zvekundirova hapana chinobuda zvachose nokuti neni ndiri mutorwadziwa zvakanyanya uchiona kudai." Ndakadaro ndakaona anditarisa kumeso kwangu chaiko. Ndakaona Simba andirova mapfudzi angu zvimwe zviya akatanga kuti. "Kuda! Kutaura chokwadi musikana wava katora anova Tambu ndakanga ndichimuda,Asi ndaishaya ndomuudza sei kutaura chokwadi ndaiti ndikaona anewe ndaonzwa kurwadziwa zvose nokuita godo kumunhu wandisati ndakaudza shoko. Kuuya kuzondiudza kuti arikuenda newe zvakawedzera kundirwadza zuva racho and pandakasara ndikagara pasi ndokuona zvandiri kuita hazvina kufanira ndakaedza kuzvibudisa mukati nendangariro dzangu zvose zvakaramba." Akataura mashoko aya ndopandakaona kuti pose aingovanetsitsi dzekubatsira achiziva zvaari hake. Ipapo takazobva tavakuwirirana uku ndaifunga haana kumwe kwaenda kunze kwekuenda kuna mai Melisa iyi ipfungwa yaiuya mumusoro mangu. Ndakaonekana naSimba ndavakuenda husiku uhu nokuti ndaisada kurara kana ndisina mwana wevaridzi. naSimba takapanana manhamba ndokupinda munzira kuenda kana kuda kudzoka kuzooneka baba Tambu nenyadzi zvaisaita chaiko... MARIA Rimwe zuva ndakanga ndatumwa kumashop ndichitozvifambira uku ndichifunga Tambudzai mwana wasisi vangu akanga avakuzvishandirwa kwasina kutaura ikoko. Ndakasangana naSimba hameno kwaiva achitobva akanga akabata demo rake muruoko, kuratidza akanga anekwaida kuenda ndakaita kunge ndisina kana kumuona akatanga kundidana. Handina kuramba kumira ndaida kunzwa nyaya yake nokuti ndakanga ndichiziva yaiva shamwari yaTambudzai kubva ndichitanga kumuziva. "Maria shaaa! Kuita kunge usiri kundiona apa kunge usingandizive hako. Kudai vaiziva zviri pamoyo wangu usingaite maitiro ako auri kuita aya. Kutaura chokwadi ndofarira kuita Shamwari yako sezvo Tambudzai asisiko handina umwe munhu wekutamba naye apa madziSekuru angu avakugara achingondinetsa netsa hameno ndoita sei." Aitaura ini nekuziva zvaiedza kuda kureva paive pasina. Ndakamusiya kwakadaro andimirira sezvo ndakanga ndichida kusiya zvinhu ndomboenda kunoona baba naamai sezvo pakanga pavanenguva pasina kuvaona. Ndichisvika pamba baba mukuru wakanga vakazvigarira apa mwana aiva aenda kwaMbuya vake. "Mainini! Ndiri kuona matowana wekufambidzana naye uyu uye handione pane chakashata nokuti munhu akanaka uyu anemoyo kwavo apa munoda kuenda kupi?." Vaidaro havo Bamukuru ini nenyadzi dzandaiva nadzo kuti ndivaudze ndaiperekedzwa naSimba kunoona vabereki zvaiva zvisingaite ndakangoti.. "Bamukuru! Ini naSimba hapana anongondiona samai vaTambu chete uyu. Ndinganonoka regai ndimhanye muchakachena ndinodzoka Mangwana makuseni seni." Ndakadaro ndichitobuda kuenda nekabag kandaiva ndenako zvokuti ndakasvika pandaiva ndasiya Simba . Ndakaona asisipo ndakamutevera kumba kwavo ndakaona atochinja chinja kuratidza aiva achida kundiperekedza. Simba akaramba akanditarisa kwechinguva akavhaati.. "Maria! Vachinja chaiko runako here urwu ruri pauri? Handina kuziva vakaumbwa zvakadai,Asi kuumbwa kwako kwaita moyo wangu utorwe nerunako rwako urwu.maziso angu apofomara nokuona iwe handizive ndichakwanisa kutaura zviri pamoyo pangu here nokuti ndinotya kutaura kuburikidza nokutukwa." Pose pakanga achitaura ndaiva ndakamutarisa uye mashoko akanga achitaura acho. Akandibata ruoko akanditi " Tinganonoka kufamba nokuda kwenyaya dear, ngatiende." Aitaura achindibata ruoko rwangu, ini ndichibatwa hameno zvakanga zvichingoitika pandiri zvokuti kusangana kwatakaita naSolomon uyo akati kuna Simba. "Simba mafunga kupi naMainini ava?" Ipapo Simba akadaira achiti... "Solomon shaaa! Ndikuenda kumba kwavo nokuti kumusiya achienda ega ini kuperekedzi ndiripo." Akataura achiisa ruoko rwake muchiuno changu zvokuti takatanga kufamba takadaro kubatana. Patakayambuka karukova ndakamira ndokuti kuna Simba.............. To be continued on chapter 8