CHAPTER 1️⃣2️⃣ MARIA ndakashaya kuziva nechakanga chichitora nzvimbo ini. Pfungwa dzakamhanyira kuti pamwe Bamukuru vakanga vaita zvimwe zvinhu. Ndakabvunza chaitora nzvimbo ndaingonzwa vachiti, " Bamukuru kani! Maria. Bamukuru Maria." Zvakaita hana yangu itange kurova ndofunga chii chaiva chaitika kunabab mukuru vangu ava. Ndakamhanyira kunopinda mumba ndokuona Bamukuru vakatozvigarira vachinwa zvavo tea uku muviri vavo vainge vakanyorova kuratidza vachangobva kugeza. Ndakashaya kana pekutangira nditi chii chaiva chichitora nzvimbo. "Maswera sei Bamukuru" ndakavasweresa nechityora muzura kuratidza rukudzo kwavari ini ndaiva ndine zvandaida kubvunza. Vakadaira zvakanaka ndokuti.... "Mainini Maria zvamauya kudai zvanaka nokuti pano pamusha panga papinda Satan chaiye kutaura kwandiri kuita kudai sisi wenyu wanga vapindwa nemweya vakaipa handizive ndotangira papi kutaura nyaya iyi mamiriro ayakaita." Vakadaro Bamukuru ini ndakanga ndanonokerwa nokuda kunzwa zvakanga zvaitika apa. "Bamukuru! Handizi kunzwisisa zvamuri kuda kuedza kutaura? Muri kuda kuti sisi vanga voda kuzvitema kana kuzvipfuudza here? Ndiudzei zvizere ndinokwanisa kubatsira nokuti ivo vangonditi Bamukuru havana zvimwe zvavakwanisa kutaura zvakazara." Ndakadaro ndoita kushaya kuziva ndipo pakapinda sisi Veronica vachiti... "Maria! Kutaura chokwadi ndapinda muchimbudzi ndisina kuziva Bamukuru vaiva vari kugezera umu. Ndatadza kuzvidzora mushure mokuvaona vakashama ndaramba ndichifamba kuenda kwavari ivo vanga vasina kuzviona nokuda kwekuvhara maziso avo ayo aiva nesipo kumeso ini ndasvika nokutanga kuvabata ndipo vavhunduka vachivhura maziso avo ini ndsinge ndatoshaya zvokuita nekuda kwenyadzi plus semunhu akanga a..." Havana kupedza kutaura baba Tambu vaive votaura zvavo kwandiri ipapo ndakatanga kuseka zvakaita vaviri ava vanyarare vose uye sisi vavakundibvunza chaisekesa. "Unosekei Maria?" Vakadaro vachindibvunza. "Aaaah! Munoti zvamuri kutaura hazvisekese here vaviri imi? Kudai ndaziva ndizvo zvamuri kuchemera kuti mapindira Bamukuru ndakurovai chaiko nokuti zvamuri kutaura handione zvichichemedza nokuda kwekuonerera munhu asina long Musina zvamaita chete handione pane dambudziko ini. Kuona chete usina kutora haaaaya! Mandisekesa ini zvenyu. Bamukuru nemi kuita kunge mwana mudiki zvakadai kuteedzera mudzimai wenyu." Ndakanga ndoita kufa nekuseka nezvandakanga ndanzwa apa chokwadi zvakanga zvichisekesa. "Sisi Veronica! Munoda Bamukuru handiti?" Ndakadaro ndichivabvunza vakatarisa Bamukuru zviya zvekuratidza vanoda. "Bamukuru! Imi zvamaona mobatwa pasuru dzenyu maita sei? Uye ndine mubvunzo kuti munoda mainini wenyu here muwe baba naMai kana muri kutya mashoko emwanasikana wenyu Tambu?" Ndakavabvunza vakatanga kuti. "Mainini Maria! Ndiri munhu wenyama kufanana nemi, uye handingajudge munhu nezvaitika nokuti hakuzi kuda kwake uye zvaitika zvaitika yaisava mistake iyi nokuti neni ndakagara ndakada mainini ava kare pakaita dambudziko munopaziva imi zvenyu." Vakataura kudaro ndakatanga kuseka zvakare ndichirovanisa maoko angu ndokuti. "Saka vaviri imi munoita zvinoshura chaiko after mapedza kudya bota renyu muchigeza mavakuchemedzana umwe ari panze umwe mumba achinwa tea zvake. Ndafara kana masangana nokuti hamungagare Musina mukadzi Bamukuru kudai musina kuenda kuna sisi Veronica ndingadai ndatouya kwamuri, Asi nokuda kwekuti ndakuita nezvaSimba." Ndakadaro uye kutaura chokwadi chaiva pamoyo wangu. Ndakasvika pakunyarara ndakunzwa vaviri vaiva vakukumbirana ruregerero. Ipapo ndakatanga kubuda misodzi pameso angu ndikatanga kufamba nemabvi angu ndichienda pamberi pabamukuru vangu. "Bamukuru! Ndinoziva mune ronda pakati pemoyo wenyu uye hamukasike kuregerera pane zvose zvakaitika kwamuri, hongu! Ndinoziva zvakarema chose uye zvakakutorerai makore nemakore kuti mukwanise kuzvigamuchira mumoyo menyu zvakanga zvaitika. Ndinoziva makaona moto kurara nenzara nokuda kwekushaya chekudya nozvakanga zvaitika, asi kwaisada kwavo vaiva vachishandiswa nasatani. Zvandiri kutaura ndinokumbira nemoyo wose kuti imi naTambu ndimi munokwanisa kusunungura mai vangu vadai kurwara zviri siriyasi. Kana kudya havazi kukwanisa Kani." Ndakataura izvi ndakapfugama mberi kwavo. Ipapo ndakanzwa sisi Veronica votaura. "Maria! Unoziva kuti hupenyu hwababa Tambu nemwana wavo Tambu hwakakonzereswa naMai wedu here? Nguva yavo yekuti varegererwe aisati yakwana uye ukanzwikwa naTambu uchitaura izvi handifungi munganzwanana ini." Vakadaro ini ndaiva ndapererwa uku Bamukuru vakaramba vakanyarara pasina zvimwe zvavakakwanisa kutaura kunze kweku.... TAMBUDZAI ndakaona akanga ari mukomana vaKim akanga akapinda achindiona asati aona zvaiva mukati akatanga kutaura nezvekuti akanga achindida aishaya kuziva ondiudza sei nokuti akanga achishaya masvikiro uku Kim akanga achiti aiva ane dzungu rakanyanya nokuti aiva asingade zvekuroorwa kunze kwekudya mari yake chete. Pardon akataura zvakawanda asina kuona Fatso naKim vaiva vari umu. Ndakamubata ruoko kuti apinde ndokuvhara musuwo ndokukiya ndakafamba imwe step ndichiita kupiringisha makumbo angu ndichienda paiva naPardon akavhura maziso ake achiona vanhu vaiva vakazvimoneredza nemachira. Ini ndakasvika ndokumubata ndichimugarisa pachair yaiva mumba umu ndokutora Kim aiva mumagumbeze achingobudisa misodzi yake akatarisa mukomana wake. " Pardon! Urikuona irikutambika handiti? Uye ndinokumbira kubvunza kuti zvauya kunhare yako vazviona here?" Ndakadaro ndichimubvunza you ndichitsonya Kim nerimwe ziso zvekuti ndakaona akubudisa nhare yake akavhura kuapp akaona video rakanga ratumirwa. Ndakaona avhura maziso akaita kusimuka nehasha achida kurova Kim nembama. Ipapo ndakasika kumubata. "Pardon! Unoda kurova Kim kuti zvidii? Hapana nguva apa vabva kutaura kuti Kimberly haumudi Saka hasha dzabva kupi iwe usingamude musikana uyu?" Ndakamubvunza ndichimubata kumugarisa pasi apa aiva akukwenya musoro vake vaive usina kana vhudzi. Ndakamugarira pamakumbo ake ndokutanga kumupuruzira zvimwe zviya zvekurwadzisa Kim. "Pardon! Musikana vako haana kurara neshamwari yako achida uyu. Arara naye nekuda kwechikonzero chimwe chete.. iwe Kim taurira Pardon zvavaita ndisati ndamuudza." Ndakadaro ndichibata Bata Pardon zviye zvekuda kurwadziswa Kim. "Plz ndiregererewo Pardon. Handizi mweya rudzi vandanga ndafunga kuita pana Tambu wekumuisira zvinodhaka mudrink ndikazonwa ini kusvika ndaitwa mukadzi kaviri naFarai uyu uku ndaita nokuti ndaitya kusungiswa." Akadaro achibudisa misodzi pameso ake. Ndakaona Pardon achiita kufuta nehasha ndokutii.. "Saka zvose izvi maiva makazvironga uye iwe Fatso ndaikuona seumwe vanhu nhasi ndipo vatanga kuita zvakadai izvi kwandiri uye musikana wako aripanze akazviziva ndizvo zvavanga uchida kuita munonzwanana here?" Akamubvunza ini ndakanga ndongoseka chete ndikapedzisira nokubvunza Farai kuti... "Farai! Zvavanga uchida kuita pandiri sezvo vazviita pana Kim zvanga zvichiendeka here uye sezvo...." Handina kupedza kutaura apo Pardon avakubvunza Kim kuti" pamaita mutambo manga makadzivirira here?" Ini ndavhandatanga kuseka zvangu panguva yakanga ichinzi "ehe" naKim. Uye ndipo pazotangira nyaya yose Pardon aita kundibata muchiuno apa Kim achiona uku ndakuitwa ku...... To be continued on chapter 13