Chapter 8️⃣ MARIA "Simba! Vakandiudza kuti wakanga uchida Tambu kaaa iwe? Izvi zvavazvipi zvavakuita pandiri nokuti iwe kana uchida Tambu ini ndinopinda papi." Ndakabvunza ndabvisa maoko ake aiva muchiuno changu. Hongu kutaura chokwadi Simba ndaiva ndamuda, asi dambudziko raiva pakuti akanga achida Tambudzai ndipo ndaida kunyonyoziva zvakawanda. "Maria! Zvauri kutaura ndiri kuzvinzwa, handina zvandingakwanisa kuita nokuti Tambudzai aive pamoyo panguva sekutaura kwandakaita kwauri. Dambudziko riri pakuti ndaimuda mukati memoyo wangu pasina kubvira ndakamuudza sezvandakaita iwe izvi zvinoita azive. Handione pane dambudziko kuroorana kwangu newe nokuti Tambudzai kana akadzoka anoita move on nezvimwe uye ngazvisasvika munzeve Make kuti ndaimuda. Apa ndakasiya pfungwa yokumuda nokuti ini naSolomon tiri mashamwari ozoona ndichiroora Mai wemwana vake anonzwa sei? Ndosaka ndada iwe kunyangwe ukandiramba,Asi ndakuudza chokwadi chiri pamoyo pangu ichi." Akataura zvandakanyatsonzwa ndega. Ndakamuudza kuti kana neni ndaimuda, asi ndakanga ndisingade munhu aizorwadzisa moyo wangu sezvakaita Solomon kuna Tambudzai uyu. Takazoenderera mberi nerwendo rwedu zvokuti takasvika kumba kwevabereki vangu uku ndaingonzwa munhu akanga achigomera muimba yekubikira. Ndakashaya kuziva murwere aiva pamba pedu apa akanga ari ani. Ndakapota neseri ndichitsvaka mai nababa, asi handina kukwanisa kuwana munhu. Ndakazvishingisa kupinda muimba yokubikira ndimo ndakaona amai vangu vachiita kugomera ipapo ndakasiya zviya zvavakanga vakambondiita ndokutanga kubuda misodzi ndichiona zvavakanga vari izvi. Chokwadi chimwe nechimwe chine nguva yacho hapana chisingaperi chinoshura chaiko. Mai vaiva vakaita kupera uku makumbo akazvimba nemeso avo ose wakanga vasinga kwanise kana kutaura zvako ndakabuda panze ndokuona baba vangu avo vaito buda zvavo muhozi. Umo ndaiziva iri imba yekuisirwa chikafu, asi musi uyu ndakaona vachiisa magumbeze imomo hameno vakanga vorara mumatura echikafu here. "Maria mwanangu zvavauya kudai zvanaka kwazvo. Ndaishaya kuziva ndotuma ani kuzokudanai netsaona yakasangana naMai wenyu iyi inondirwadza kwazvo nokuti ndakanga ndisingatarisire zvakadai. Mai vako vakazviparira nokuda kwrhurombwa hwavo pamwe chete neruchiva rwavainarwo urwu.ndihwo hwaita vasvike apa. Ndivo vakauraya Mai Tambu pamwe chete naMai vake anova Maiguru vako iwe mudzimai wangu wekutanga." Vaita kutaura vachibuda misodzi yandakaona nemaziso angu kana waya vaiti nhamo haisvike pamba pedu zvaiva zvakaoma. "Izvozvi ndinoda uende kuna sisi vako ndinoziva hachade kuona Mai vako, asi Mai ndimai kunyangwe akaita muroi hazviite urase mai nokuti ndimai vako chete.." mashoko avakataura akandirwadza uku kuvanzwira tsitsi nezvavanga vachisangana nazvo. Ipapo vakanditi.. "Maria ndiri kuuya mwanasikana vangu ndinoda kugadzirisa Mai vako ava kuitira mukwanise kupinda mumba nemuenzi uyu. Kuti mupinde amai vako vakadai hazvikomborere chaiko" vakataura vachitora kabhaketi kaiva nemvura nokutora dish resimbi raiva panze ndokufamba vachipinda mumba vakavhara musuwo kuitira tisaona zvaiva mukati. Munoziva kana pakaita zvakadai unonga uchida kuona chii chiri kuitika. Ndakadongorera nepakawindow kaivapo ndichiona zvaiva mukati. Hama dzangu ndakaperera kana remuromo ndakarishaya kunze kwekubuda misodzi chete. Baba vaiva vachigezesa mai vangu vakanga vazviitira svina, handina kuziva ndipo pasvika zvinhu kuoma kudai? Ndakanga ndichiona kutambudza kwavo vamwe vanhu ndisati ndavakuona kwavo uku baba ndivo vaiva vakuita kunge ndivo vaitambudza vanhu. Hapana kuita nguva yakakura, ndakaona baba vachivhura musuwo ndokubuda vachinorasa mvura muchimbuzi. Zvose izvi ndakanga ndakatarira maziso achibuda misodzi. "Maria unochemei mwanasikana? Mai vako havasati vafa ava vachiri vapenyu usavachema kushuridzira rufu rwavo." "Ayiwa baba! Chiri kundirwadza ndochokuti imi mobatana nesvina isu tiripo here? Ndinoziva makaona Moto kwenguva yakakura, asi kwete kusvika apa zvakatanga rinhi izvi zviri kuitika pana Mhamha." Ndakabvunza ndakuita kuchema kana ivo zvakatovanetsa zvokuti ndakazopedzisira ndonyaradzwa naSimba akanga andiisa pachifuwa chake. Akatanga kundipukuta misodzi yakanga ichibuda. Ndakanga ndavakunzwa kuti pano zvavakuita zviri nani ndokudzokera mumba ndakasvika kugara paiva pakagariswa amai vangu vainge vakaita zvokuunganidzirwa magumbeze akawanda ndokuzembera. Ndakatarira maziso avo ndikaona akaita kupindira mukati kana dziri shaya dzaiva dzakaita kuoma chaiko, ndakashaya zvokuita ndokutarisa baba vangu avo ndakaona vachizvishingisa ku..... TAMBUDZAI Ndaiva ndisisagaya kuti kunze kunei ndisina kana basa nomunhu kunze kwekufunga Kuda zuva nezuva. Rimwe zuva Mai Mucharwa vakauya pandaiva ndokunditi. " Tambudzai mwanasikana! Wadii kuchinja zita rako iri pamwe ndiro riri kukupa munyama wese uyu? Tarira zvose zvavakandiudza kubva uchiri kumusha." Vakadaro havo ndakaramba ndakavatarisa kumeso kwavo ndokutanga kuvati.. "Mhamha! Ini vabereki vakandipa zita iri? Kunyangwe richireva hurombo hwangu handina dambudziko naro nokuti ndizvo zvinonga zviripo. Kana iye munhu achandida achandida nezita rangu iri hapana chinochinja kana chimwe zvacho. Handinga chinja zita nokuda kwekuti ndizoonekera hazvingaita izvi. Muchiona kudai ndakasiyana nevamwe mhamha! Ndinoziva kwandakabva nokwandakakurira. Kusatenga bhutsu kana hembe hazvirevi kusada kudzitenga,Asi mwana nababa vangu vakanga vakwana zvose ndipo ndichatenga. Zviri nani ndifambe ndichirumwa mwana apfeka nokudya achiguta ini handina basa zvangu." Pandakataura zvose izvi ndakaona vaita kugara pasi vakaterera zvandaiva ndataura. Ndakanzwa vakuti....... To be continued on chapter 9