Chapter 9️⃣ Unedited TAMBUDZAI "Iwewe unelucky vakawana baba vakanaka vakakwanisa kumira newe panesu vamwe takatambura usaona kuita kudai kwatakabva kure chaiko mwana wamai. Ndikakuudza kuti Mai vakashaya ndiri grade 6 ndikasara nababa vakaroora umwe mukadzi ipapo ndipo pakaperera chikoro changu kana grade 7 handina kukwanisa kuinyora zvachose zvinotondirwadza. Asi handina dambudziko nazvo ndakangoti Mwari achaita kuda kwake. Nokuti ndivo vakanga varimberi pakudya mari yefuma yangu." Ndaita kunzwa tsitsi nokutaura kwavakanga vachiita zvokuti ndakapedzisira ndabuda panze kunofurwa nemhepo chaiko. Rimwe zuva ndakanga ndiri kubasa ndakagara panze ndipo ndakaona umwe mukadzi nemurume vake vaiva vane mwana wavo. Ndakavatarisa zvose zvavakanga vachiita misodzi yangu ikatanga kubuda chaiko ndakufunga vangu mwana kuti chokwadi okura inini naSolo tiri kwakasiyana tichitadza kumupa Rudo tiri pamwe chete ndizvo zvavakatirongera here Mwari izvi. Ndakabuda misodzi kani zvokuti ndakaona zvekuroorwa itori imwe nyaya yakanga yakuda kubuda mumusoro mangu nokuti hapana zvazvinobatsira ndoita umwe mwana neumwe murume opedza ondirasa Mangwana vana vangu vanotanga kurwa nokuda kwazvo zviri nani ndisiyane nazvo. Ndakazobva ndoenda mubasa mandaishanda ndakanga ndichishanda zvakanaka pasina kana mhere mhere zvapo ndainakidzwa uye handina kubvira ndakakanganwa mwana naBaba vangu ndakasvika pakuvatengera nhare yekuti ndipote ndichitaura nawo nguva nenguva kuitira moyo wangu usununguke. Baba nemwana vangu ndipo pakanga pane hupenyu hwangu ndakanga ndisingade kusiyana nawo kunyangwe zvidii ndakanga ndichivada zvakanyanya nokuti vakandipa rudo rwakanaka kupfuura zvinoitwa vamwe. Vashoma vanababa vanoti mudzimai akafa anosara achichengeta mwana ari umwe chete, vamwe vanotora umwe mukadzi otanga kuonesa moto mwana vake iyi anonga oudzwa manyepo. BABA VERONICA Handina kutsvakana nezvakawanda nokuda kwezvakanga zvasangana nemudzimai vangu. Zvakanga zvichidzimba Moyo zvoti kurwadza, asi semunhu akanga akavimbisa mudzimai vake kuti mose munhamo nemumatambudziko tichava tose kuti umusiye zvakanga zvosisaite. Ndakarwadziwa nokurwara kwavo handina kunetsekana nokuti ndizvo zvakanga zviripo uku misodzi yakambobuda mushure mokuputsa hari yakanga ine zvimushonga ndipo pakatangira zvose zvekuoma muviri vose nokutadza kutaura kana imo mumba makanga musisa rarike nokuda kwenyoka yakanga irimo yakaita nditange kurara muimba inochengeterwa chikafu inova Hozi. Ndakazvishaya nekwaiva kwabva nyoka iyi . Mazuva akafamba ndingori umwe chete aiona Mai Veronica vana vaive vatiza kare ndangosara ini. Hama dzavo ndakadzizivisa dzikaramba kuuya hanzi " mudzimai vako akataura kuti tiri varoyi! Nhasi akutida hatichisiri varoyi here sokutaura kwakaakaita? Nokuti avakurwara ndipo avakutida". Ndakashaya kana neremuromo ndikadzoka kumba nokuti pakanga pasina zvokuita. Ndaiva ndichiita zvose nokuvagezesa kana vazvitira svina nokuti chakanga changosara pavari kuti Mwari vatore mweya pamunhu akwanise kuzorora, asi hazvaikoneka nokuti pose vakanga vachingodana Chipo naiye mwana wake Tambu uyu akanga aramwa kuuya pamba pambuya vake nokuda kwezvakawanda. Zuva nezuva ndaiva nehushingi hwakanyanya handina kubvira ndaora moyo ndaita zvose nokumugezesa. Rimwe zuva ndakanga ndichibva kunopemha zvekudya sezvo mumba makanga Musina chokubata ndakaona mwanasikana aripamba neumwe mukomana vandisina kuziva ndakazviudza kuti handimudze kana kuzviratidza nozvakanga zvichiitika kusanganisira nonyoka yaiva mumba umu. Mwana akaratidza kubatikana nokuona mai vake avo vakanga vachigomera kuratidza kurwadziwa chaiko akafamba achienda pavaiva ndokutanga kuchema ini ndakabuda panze nokuti ndaisada aone misodzi yangu nekurwadziva kwaive pamoyo pangu apa Kani.. Ndaiva pakati pekuchema ndiripo panze ndakanzwa kubatwa mabendekete angu. Ndakasimudza musoro vangu zvishoma nezvishoma ndakaona ari mukomana akanga uya naMaria uyo akangonditi..... SABHUKU MACHINGA Handina kuziva Mambo vacharamba vakaomesa musoro zvakadai izvi? Ndaifunga zvimwe Tambu zvandiregerera naMambo vachindiregerera nevamwe vavo. Kwakanga kuri kurota kwangu kuti husabhuku huchadzoka apa ndakanga ndichifanirwa kuenda nababa Tambu kwaMambo zvakare ndivo vaiva vakamirirwa pamwe ndingadzoserwa pachinzvimbo changu. Ndaiva ndakungogara pasina kana chii uku mudzimai aive andinzwira tsitsi akandiregerera zvitadzo zvingu zvose. Ndaifunga pamwe achandiramba akaenda kumba kwavo, asi hazvina kuitika saizvozvo sezvandakanga ndakatarisira. Mazuva akanga apondana uku ashamwari vangu vandaita nawo madeal wakanga vakurwara zvaityisa ndakarwadziwa nazvo asi chekuita pakanga pasina nokuda kwekuti vaiva vakatadzira vanhu vakawanda pano panyika pamwe ndizvo zvakanga zvovapfukira kwavari. Ndaiva ndakagara pabvute kunze kwakanga kuchipisa zvakanyanya. Ndakaona baba Tambu achisvika pamusha pangu asina kana kupfeka bhutsu nezuva mapisiro arakanga richiita remuna October. Ndakabata muromo vangu kushaya zvekutaura kani. "Baba Tambu zvamunofamba musina kupfeka bhutsu kwakanaka here? Uye kuona imi mosvika pano pamusha wedu toziva zvinhu zvarema nokudzoka totya, kuti zvimwe tapara mhosva zvakare." Ndakadaro ndichiita kubvunda nokuti ndakanga ndakapedzisira kuvaona kare kare kana pasina zvemusangano vakanga usingavaone pano. "Baba! Kuona touya kudai zvinoreva kuti tauya kuzosandura( kuona)vakuru kwatiri vakwanise kutipa mazano maviri matatu atisina. Kufamba ndisina bhutsu ndatozvijaira ini." Vakataura kudai vachivhavapedzisira nekuseka. Izvi zvakaita moyo wangu ufare kuona baba Tambu achifara kudai. Ndakati regai nhasi ndinoda kumudenha kuti anogara naMainini vari viri pasina umwe munhu kuti havasi baba naamai here. "Zvakanaka kwazvo baba Tambudzai. Isu tiripo tichingofamba kuenda kumatare edu aya atakazvitandira aya uye ndinoda kukubvunza iwewe sahwira kuti vatosvika kufa zvakare usina umwe mukadzi here? Ko, kungotora mainini vako ava?" Ndakadaro uye ndakaona baba Tambu voseka vapedza vakanditi....... SOLOMON Ndakanga ndafunga kuzviuraya asi ndakazoona kuti hakuna zvakuno batsira.Nokuti mhuri yangu ndiyo inosara ichitambura.Uye zvakanga zvataurwa na Melissa zvakanga zviri zvechokwadii. Handina kuda kuramba ndine pfungwa yekuzviuraya ndakanga ndatobvisa pfungwa yacho.Nokuti nguva inenge isati yakwana yekuti ndife.Rimwe zuva ndakashamisika ndichiona mhamha vachisvika nemwana waTambu. Zvakatondinetsa kuti ko vamuwana kupi mwana uyu mangwana hazvizoiti muromo hr? NaTambu kuuya nemwana vasina kuwirirana. Ipapo vakandiudza kuti Solo mwanangu ini ndakuripira zvitadzo zvangu handizivi kuti ndichatangira kupi kuti Tambu akwanise kundirengerera. Asi munhu mumwe chete ndiye achasara kuti andiregerere asi haachisipo panyika.Hameno kuti ndomuwana kupi kuti ndikwanise kukumbira ruregerero. Zvinhu hazvina kundimirira mushe siku nesikati pandinorara ndinongo rota. Mbuya vaSimba chete. Saka handisi kuziva kuti ndoita sei kuti ndikwanise kupedza dambudziko iri. Pamwe kuti ndikwanise kuregererwa ndotoenda kuhama dzavo. Vonondiudza zvekuita nokuti ndakataura mashoko akashata pamusoro pavo. Kutaura kwamai vangu kwakandinetsa. Zvokuti ndakatobudisa misodzi nokuti pose pandaida kubata mwana waTambu ayindiramba. Handizivi kuti chaiva chiri chii? Zvokuti pose pandaiedza kumubata aitochema achidaidza sekuru vake. Baba vaTambu nezita zvose izvi zvakatora mazuva akawanda kuti andijaire pamba. Ndakapedzisira ndaenda kuna baba vaTambu. Ndiri munzira kuenda kwababa vaTambu ndopanda kasangana naSimba. Akanga ane munin'ina wamainini Veronica ndiye waaiva naye zvakatondinetsa kuti ko vanhu ava vava murudo hr? kana kuti chii? Asi sekuona kwandakaita ndakaona kuti vaviri ava vakanga vari murudo. Handina kuita basa nazvo nokuti ndakanga ndichida kuenda kuna baba vaTambu kuno kumbira ruregerero ndochinhu chihombe. Chandaifambira kuti upenyu hwangu hukwanise kuonekera. Nokuti ndakaona kuti ndikazoda kuno kumbira ruregerero Melissa auya zvinozoita kuti paite mutauro. Nokuti Melissa haachadii kundiona ndichienda kumba kwana Tambu. Nokuda kwezvikonzero zvaakaitirana NaTambu. Kunetsana kwavakaita vari vaviri . Melissa anenge achifunga kuti ndoda kudzokerana NaTambu asi kwete ndinenge ndichida kuedza kuti tibatanidze ukama. Zvinhu zvinonetsa kuti vanhu vatadze kuwirirana asi mose muri munzwimbo imwe chete. To be continued on chapter 10