ČĤĂРŤĔŔ 1️⃣6️⃣ TAMBUDZAI. ndakanzwa misodzi ichibuda pakanga achitaura zvakasangana nazvo kuburikidza nokusadiva kwakanga achiitwa namurume wamai vake. "Tambudzai! Iwe vakararama hupenyu huri nani paneni zvangu. usaona kuonekera kwandiri uku hakuzi kuda kwangu, asi kwandakabva ndiko kure nokuti ndakapindana nezvakawanda handikwanise kuzvitaura nhasi ndikapedza." Aita kutaura achiita kubudisa misodzi kana neni ndakatoona zvaive zvakaoma kumuona achidai ndakazviudza kuti regai ndisiyane nazvo ndimubvunze nezvemuroyi uyu. Pandakanga ndoda kuziva zvakawanda ndakaona Farai naKim vachisvika pamba pake nemapurisa maviri ndakatoziva zvakanga zvarongwa apa. "Officer ndiye munhu vandiri kutaura auraya murume vangu uyu." Akadaro asati aona Pardon akanga amuka. Mupurisa akafamba achida kuuya kuzondisunga, ipapo Pardon akasimuka zvakashamisa Kim naFarai wakanga wakuita kuhuta huta. "Farai ndaikuona seumwe vangu apa ndisingaziwe vaiveuchinyepera kundida uku uchidya musikana wangu nekuseri?" Akadaro Pardon Ipapo Farai akafamba achiuya paiva pana Pardon achisvika kumuti "Pardon! Vakagara usingade Kimberly iwe? Saka chashamisa chiii ipapa uye handina kutanga kurara naye nhasi even nhumbu yarikuti ndeyako haizi yako ndeyangu apa manga muchibatsirana kurova munhu anenhumbu?" Mashoko akataura akandivhundutsa uye Pardon ndakaona oita kupererwa nezvakanga audzwa naFarai. Shuwa kana vamubatsira uchiita hutsinye hwakadai hunobatsirei. Ndakaona Pardon aita kupererwa chaiko. "Manje tichaona uchakapei kamunhu kaukuvhaira nako aka. Ziva tisu takaita uonekere pauri ipapa uye iwe Tambudzai madam varikukuda kubasa uko. Iwe Pardon uchatambura zvako wait and see zvichaitika unoti baba naMai vako zvavakakuramba vaive nechinangwa. Pakataurwa zvakawanda zvakandirwadza uye ndakaona voenda zvavo handina kuzosungwa. Ndakabata Pardon kuti tisimuke tiende kwavaigara imomo mamurehwa. Ndakatanga ndaenda kunoona mai vandaishandira. Kusvika kwandakaita ndakaona vakaita kufuta nehasha vakamira padoor. "Tambudzai zvavauya kudai zvanaka nokuti zvavakaita handina kana remuromo chairo uye handidi kurwisanisa vanhu pano the best way yekuita tora twekwako urove pasi zvako nokuti hunhu hwako hunongooneka kuti uri mharadzi." Vakataura zvakawanda ini handina kupiwa mukana wekutaura zvokuti ndakanotora kabag kaiva karasirwa kure ndikatanga kufamba zvishoma nezvishoma uku ndakanga ndichizvishingisa hangu. Ndakaona ndabatwa ruoko ndakatarisa ndikaona ari Pardon. "Tambudzai! Ndinoziva zvaitika uye usachema nerimwe zuva Mwari achanzwa kuchema kwako uye une kupfugama uchinamata kwete kutendedza satani kupinda mauri kuburi kudza nekuchema vanhu vanoshandisa mukana ivo nokuti vanoona iri iyo wikinesi yako." Akadaro achitora kabag kandaiva nako ndokutanga kufamba tichienda zvekuti takasvika pamba pambuya nasekuru vake varipo. Mbuya nasekuru vakandigamuchira zvakanaka zvavo havana kubvira vandidadira. "Tambudzai! Ava ndivo mbuya nasekuru vangu uye uchagara pano kusvika zvanaka dear. It's not kuti urikumanikidzwa kuti undide unozotaura kana zvichikuitira nyatsotora nguva yako kufunga nezvazvo uye mbuya nasekuru uyu ndiTambudzai, ane mwana arikumusha. Asi ini ndamuda nokuti ndaona akakodzera kuita mudzimai vangu kwete Kim aikutukai zuva nezuva." Akataura kudaro ndakaona mbuya vachibudisa misodzi zvakaita ndiende pavaiva ndakavabvunza chaitora nzvimbo. "Muzukuru vangu! Hupenyu mutoro kwazvo usaitira varombo zvakashata kana uchiziva unobva kumhuri inowana. Hakuzi kuda kwedu kuva varombo uku? Tinonga tichitodawo kuva vafumi, asi zvinoenda nepamwe saka ngatisasekanei. Uchiona mukomana uyu ndakamuchengeta kubva ari grade 2 kusvika form 2 ndipo akaperera pasina mari yekuti aenderere mberi nechikoro, ndipo akaonana neshamwari yake Farai pamwe nemusikana Kim uyu aiti achiuya pano aitaura zvekunhuhwa kwenhamo yedu pano pamusha. Asi ndakangozviudza kuti ndozvinoita vanhu wemari, Pardon arasiswa neshamwari yake yamudzingisa basa nokuda kwezvaitika izvi." Vaita kutaura vachichema chaiko uku sekuru wakanga vakaita kutsikitsira chaiko. "Mbuya kutaura chokwadi handina hunhu hwakadaro nokuti ndakakurira munhamo handingazvichinja kana kurasa hunhu nokuti nhasi ndavakuwana? Haizi nzira yakanaka iyoyo yakaitwa naKim ini ndauya kuzokuchengetai nokuti ndinoda muzukuru wenyu Pardon iye andida nezvandiri izvi saka hapana chinochinja kwandiri kana kwamuri ndichikuonai kudai muri vabereki vangu chaizvo." Ndakadaro ndokunzwa vachinditi. "Muzukuru ndanzwa kuti vakasiya mwana nababa uye kunetsana kwako naMbuya zvanga zvakadii tiende kunoona hama dzako mumusha uku mangwana?" Apa ndakaona zvakanaka nokuti ndakanga ndoramba ndorwadzisa vanhu iko kutonga kwakanga kuri kwaMwari kwete kwedu vanhu isu. Makuseni ndakanzwa mbuya vachindibvunza kana ndaiziva wekwaMachinga aiva Sabhuku kwedu uku. Ipapo ndakarohwa nehana nokuti Machinga akanga ari iye Sabhuku wemudunhu redu uye vakangoti vaizoda kutaura naye. Ndaive ndorohwa nehana kano kuti kwaive kwaitikei. Takakwira imwe mota uku mbuya nasekuru vaiva nemufaro vakazara kwazvo zvokuti taizomirira Bus tiri paMutoko center apo ndakati regai ndinotsvakire mbuya nesekuru chekudya ndakasanganidzana naKuda neumwe mukadzi aiva ane nhumbu zvakaita ndifungire akanga ari mudzimai vake uku Mai Melisa vaive pedyo. "Tambudzai! Kuoneka here uku?" Akadaro Kuda achindimhoresa akanditi ndimhorese mudzimai vake zvokuti ndakamuudza nezvaPardon akafara nazvo, asi ndaive ndaita kusuwa nokuda kwembuya vainzi hameno hameno kumusha uku ipapo ndakaona kuti akafa vasina kundiona chitema chinosara kwandiri.... KUDA ndaiva ndotadza kuziva zvekuita kuti ndoita sei. Simba akanga andiudza mashoko akanaka uye ndaiva ndatoona zvakafanana nekuroora umwe munhu nokuti uyu akanga arambwa nevabereki vangu. Kwaiva kwapera mwedzi miviri ndichingotaura naSimba achiti Tambu aive asati adzoka kumba ipapo ndakaroora umwe musikana asiri wevanhu ndatsvakirwa nevabereki. Rimwe zuva baba vakauya kuzogara pandaiva ndakagara ndichifunga nhamo dzangu dzandaiva nadzo. "Mwanangu! Ndinoziva ndakaita chitema kuna Mwari nezvandakaita paya. Hongu! Ndakada kuita sarudzo kumwana wangu,Asi zvakashata nokuti ndakakuvharira makomborero akanga achida kuuya mumusha muno umu. Kana vavana Tambu uye naye nokuti ndakaita zvinhu ndakatsamwa zvavakundirwadza kuona usingataure neni pamusha pano." Vakataura vachidaro ini handina kudaira nekuda kwekutsamwa ndakangosimuka kuenda mumba ndichivasiya varipo. Kupera kwakaita mwedzi mitatu apo ndaitenderera nemudzimai vangu paMutoko parank, mushure mokunge tabva kwaMaponga and Muchi masupermarket ndipo ndakasangana naTambu aine umwe mukomana akanga asiri wechikuru zvake, asi mazera anaSimba. Takakuru-kura zvakawanda kusvika Bus ravaida rasvika uye kumuudza kwandakaita nezvambuya vake vakanga vakabatwa neurwere zvakanyanya ndakaona Oita ku.... To be continued on chapter 17