CHAPTER 1️⃣0️⃣ VAMACHINGA Ndaiva ndavakuseka nokuda kwekuona baba Tambu achiseka ndakanga ndakapedzisira kuvaona vachiseka kare. "VaMachinga! Kuona kwenyu imi nezera randava iri ndigotorana nomwana mudiki akadai achiri kuzvinzwa ini ndapera basa kudai munoona zvichibuda here? Ndoswera ndavakumatare nokuda kwemudzimai wechidiki uyu munoona zvichiita here izvi? Veronica munin'ina wemudzimai wangu. Hongu ndinobvuma ipapo kwete zvekusvika pakuroorana naye nokuti ndakatarisa ini ndachembera iye achiri kunzwa zvinozonetsa Mangwana ndavakuona akuita gumbo mumba gumbo panze ndonga ndaita sei uye ndinonga ndabatirira munhu zviri nani aende kune wechidiki asiye isu madhara." Kutaura kwakaita baba Tambu pane amwe maonero andakaita. Maonero aya akaita ndidzidze zvakawanda uye kuramba ndichida kutamba nawo nokuti mashoko avo akanga anedzidziso mukati yandakanga ndisingaone. Hongu isu madhara tinoda vana vadiki tozotadza kuita zvavanoda Mangwana ndisu tavakuchema mukadzi avakuita chipfambi nokuti isu hatichina simba rakanyanya ringaita sewe chidiki ava. Kudai zvakanga zvichibvira ndaizovatora kuvaita mukurukota vangu nokuda kwemazano avo aya. Takapedza tavakuseka vakazotaura zvavaiva vafambira kumba kwangu. Ndakaona kuti zvataura izvi uye ndini ndakaputsa dzimba dzavo. "Baba Tambu! Mukore uno injozi hombe kwazvo kuti murambe muchigara muimba yehuswa iyo? Tarirai Baba Ngoni zvavakaita makore aya maiva muripo imi. Pakatsva imba vana vari mukati umwe akapiswa padama umwe mumusoro nanhasi zvivanga zvacho zvichingoripo." Pandakataura izvi ndakaona misodzi yavo pameso pavo handina kuziva zvakanga zviri zvii. "Machinga! Umwe vangu zvauri kutaura ndirikunzwa zvakanaka ini. Asi dambudziko rangu unoziva kuti handina imwe pfungwa kunze kwekuita izvi, ndinoshuvira zvakanaka kurara pakanaka sezvamuri izvi. Asi zvose zvinoda mari kana mari pasina mari hapana zvandinokwanisa kuita nokuti ndoita zviripo zvacho." Akataura ini ndakamubata ruoko rwangu ndikaenda kuseri kwemba yangu uko kwakanga kune zvidhinha pamwe chete nemarata akanga ariko anosvika kuma13. "Baba Tambu ndauya newe pano kuti uone! Hakuzi kuti ndiri kubhadhara zvitadzo zvandakaita asi zvose izvi zviri kubva pakati pemoyo wangu. Ndinoda mutore zvinhu izvi munovaka kumba kwenyu nokuti ini zvakaita kumba kwenyu hazvikomborere zvachose uye zvidhinha izvi zviri kuma 1600 handizive monoda kuvaka imba yakaita sei nokuti zvekuita imba yehuswa hazvichaite." Ndakadaro ndakaona murume mukuru ava kuita kutura mafemo kuratidza akanga apererwa nezvandaiva ndamuudza izvi. VERONICA Ndakafara nokunzwirwa nyasha kwaiva kwaitwa mwana wasisi vangu. Kana mufaro vababa vake vakanga vavepo zvavo. Chinhu chakanga chichindinetsa zuva nezuva ndochokuti baba mukuru vaive vasingandione here kuti ndiri munhu wenyama ndinodawo munhu rume? Ndaiva nepfungwa iyi ndisingazive zvakanga zviri mupfungwa dzavo uye kutaura chokwadi ndakanga ndavada nomoyo vose nokuti mazuvano hakuna varipachokwadi kunze uku. Kubva zvandakarasiswa ndipo ndakatanga kuda Bamukuru zvekurevesa, asi mazano ndipo pakanga pasina ekuti ndingakwanise kuita. Rimwe zuva Maria akaenda kumba kwevabereki wedu ini ndakazviudza handingaenda kunourava nechembere iya yandakatiza yada kundiuraya makore akadarika ayo. Ndakanzwa baba Tambu vavakuti.... "Mainini Veronica! Munin'ina wenyu anonga ava murudo naSimba chete nokuti pose ndinongovaona vari vose. Ndakasekerera mumoyo ndichiziva ndakanga ndichivada baba mukuru ava apa nyaya yakazonetsa pakuti tose taiva tichirara muimba imwe chete kubva Tambu achiripo nokuda kwekuti imba yaiva iri imwe yakapera iri zuva raenda Maria handina kuda kuita dzungu ndakati ndichaita zvose zvichaita baba mukuru vanzwe kuda chaiko ndinoziva havangarambe semunhu ava nemakore. Ndikaona voramba ndinonga ndakuziva pane kwavari kubikirwa bopa kunze uku chete. Chifumi chamangwanani apa ndaiva ndisingade zvekufamba ndakaswera zuva rose ndiri pamba kusvika kumanheru pakauya Baba muk uru vaiva nemufaro vakanyanya ndakashaya kuziva ndiani akanga avaita vafare zvakadai. Ndakanzwa votaura zvose zvaiva zvataurwa naVaMachinga ndikanzwa kufara zvokuti ndakavapa chikafu vakapedza ndokuvapa mvura yokugeza muviri wavo vakaenda kunogezera kuchimbuzi zuva iri nokuti ndimo maiva muchiri kuita kakuchena ini hapana chandakaziva sezvo ndakaisa mvura muchiimba chataiti ndicho chekugezera. Ndakati zvino ndakunzwa kuda kuenda kuchimbuzi ndakabuda ndiri muspeed yaisaita ndakati ndapinda mutoilet ndimo maiva nabamukuru avo vakaramba vakashama muromo wavo ini ndaiva ndavhura maziso ndakatarisa zvavaiva panguva yacho ndakatosvika pakukanganwa ndaiva ndafambirei nokuda kwekuyewedzwa kwezvandakaona apa. Kuti ndidzokere ndakatadza chaiko ndakaerekana ndango......... TAMBUDZAI ndakabviswa mukati mendangariro neumwe musikana vataishanda naye apa. " Tambudzai shamwari? Nhasi ndiri kuitirwa party nemukomana wangu kumba ndaiva nebirthday kuswera zuro iye akanga asipo saka ati nhasi ndipo anonga aripo pamwe nemashamwari ake. Kana uchizvipira tinogona kuenda tose then iwe unorara ikoko zvako." Aitaura mashoko aya ini ndizive zvemaBirthday izvi taisazviziva ndingoziva ndakazvarwa musi vakati chete pasina kana zvimwe zvinhu. Ndakabvuma zvaiva ataura neni ndakataura namai vandaishandira vakanditendedza sezvo vakanga vachigara neni. Musikana zita rake akanga achinzi Kimberly aiva asina kunyanya kukura zvakanyanya. Takasvika kumba kwaigara apa akanga achigara ega vabereki vaiva vakafamba. "Tambu dear! Ndiri kuona chiruzevha chichiri chakakupinda zvakanyanya apa unogara kuchema mari nguva dzose idzi? Tarisa kubva zvavabva kumusha ukugeza zvakanaka, asi varume varikukuona iwe uri kukuvafuratira ivo uri mukana wekuti uite mari ivovo." Aitaura ndakanga ndakaterera hangu zvose zvakanga achitaura. "Kimberly! Unorevei kana uchitaura mashoko akadai aya? Kugeza kwangu ndiko kuno unzwa mari here kana kutii?" Ndakabvunza ndichida kunzwa kwakanga kuchida kuenda nenyaya yake ndaiva ndakarasika chaiko. "Tambudzai! Unofanirwa kuchinja zita rako iri, chepiri unofanirwa kusekerera munhu wese anonga akusekerera dear nokuti vakanakisa iwe. Haungatadza kuita mari nokunakwa kwavakaita uku, varume vose vanoita kukurwira chaiko." Akadaro ini ndaiva ndaita kunyarara. Zuva rakati ravira apa vanhu vaiva vazara vakomana nevasikana vakapfeka tumadress twaiperera mumabvi zvokuti ndakanzwa nyadzi nerandaiva ndapfekedzwa rakanga rakaita kubatirira nenyama yangu kusvika pakutadza kufamba nekubata kwaraiita. Vanhu vose vaitamba radio nekunwa doro kusiya kwangu chete zvokuti pane umwe mukomana akauya pandiri akada kuenda kutaura neni achitaura zvima sweet nothing hake pasina nguva ndakaona ozevezerana naKimberly. Mukomana andakaona mafambiro ake nokudira drink kwakaita akaisa zvimwe zvinhu mudrink akauya achindipa ndokuenda. Kusara kwandakaita ndakachinjanisa neraKimberly, vaifunga ndakanga ndakapusa zvekusvika pakuitiswa vasingazivi ndakanga ndatokura. Ndakanyepera kuita kunge ndadhakwa ndokunyepera kurara ndakanzwa zvakunzi naKimberly... "Fatso! Vapinda machena APA wena rega ndipedzise drink rangu iwe Enda unoita chivanhu chacho kumwana uyu achangobva kumusha hapana chaanoziva uyu." Akadaro Kimberly ini zvose zvaiva munzeve zvokuti pandakasvitswa muroom ndokukiya mwana komana akapedza ndakanzwa okatanura hembe dzake akapedza uye akauya pandaiva ndaradzikwa akada kuita zvisina kunaka ndakangoita zviya zvoku..... To be continued on chapter 11