Chapter2️⃣ SOLOMON "nhasi ndimi makundipandikira kuita kundikavira nyoka mhenyu zvakadai. Hamuzi rimi makaita zvose izvi zvisvike apa here? Kana Musina zvamakaita chiregai ndipedze nyaya dzangu ndega, asi imi baba munoziva mukadzi wenyu ndiye akanga akandisunga kuti ndisatora Tambu. Ndimuone semunhu asina basa sesvina chaiyo nhasi zvavakundipinza mumatambudziko." Ndakataura ndaita kutsamwa uku muruoko ndakanga ndakabata tambo iyo ndaiva ndichida kunozvisungirira. Ndakaona Melisa avakuseka akati. "Zvinoshura chaiko kuona munhu anga achida kuzvipfuudza achitotiza kupinda mumba akabata tambo yake. Wadii vangogara panze urohwe ufe zvako handiti vaiva uchida kuzviuraya hako?" Akataura ndakatoziva aiva achiudza inini. "Zvine basa rei newe? Kuzviuraya kwangu akutadzise hupenyu hwenyu kuenda mberi ndichingofuchirwa matokanganwa nezvangu makutodzokera pamagariro enyu. Hazvinei newe zvekutiza kwangu nekuti anga achida kuzviuraya ndini kwete iwe." Ndaiva ndichimuudza ndikaona Mai nababa vakumubvunza zvanga zvaitika pandanga ndoda kuzvipfuudza akataura zvose ndakaona mai vangu vave kubuda misodzi pasina mashoko avakanga vataura ava sabhuku ndivo vakataura mashoko maviri matatu vasati vaenda kumba kwavo. TAMBUDZAI Ndaiva ndoshaya zvekuita kana pekutarisa nekuda kwemibvunzo yakanga ichibvunzwa nekutaurwa nababa vangu yandaive ndisina kubvira ndakatarisira zvachose kuti wanga bvunza izvi. "Tambu mwanasikana wangu? Handikwanise kukuparadzanisa nemunhu wako vaunoda nemoyo wese uyu? Asi ndinoda kukuudzai mashoko maviri matatu anedzidziso kuitira Mangwana nekuti vashoma vanoita sezviri kuda kuitwa nemukomana wako uyu. Ndakatarira nemeso angu iwe mwanasikana unoigaona here hondo iri mberi uko yaunoda kunotarisana nayo nekuti handidi kuona uchizochema zvakare nekuti ndakatadza kukuraira. Hongu hakuna umwe angakwanisa kukuudza mashoko akaita samai nokuti ndini ndinoziva situation yandakapindana nayo kusvika usvike pauri apa. Haizi nyore kuti usvike apa nekuda kwavavengi wedu wakanga vachida tisapfuure tikwanise kusvika apa. Ndakatarisa kumusha kwemukomana uyu kunoratidza vanopinda chitendero isu hatipinde nokuti iwe ndizvo zvimwe zvichaita urasike. Kana uchibvumirana nazvo hapana chakaipa chandinoda mufaro wenyu chete kana ari muzukuru wangu Ropafadzo hakuna kwaanoenda ndinochengeta ini sekuru wacho ndinoziva how hard it is kwauri kuenda uko. Hakuna mubereki angade munhu aroore mukadzi anemwana vake iye ongotanga kumuchengeta zvinoita kuti naiye murume apedzisire oona kunge ari kuitiswa avakutanga kunetsa mwana wako ndosaka ndaramba." Vaiva vachitaura uku misodzi yakanga ichiita kubuda chaiko kwete zvekutamba zvokuti ndakazoperekedza Kuda kunomusiya kwaikwirirwa dzimota kusvika aenda ndakadzoka munzira yose ndichiita munhu anopenga ndipo ndakasangana naVaMachinga wakanga voda kutiza ndikavati.. "Musatiza zvenyu zvamuri kufunga handizvo uye imi handichina dambudziko nemi. Ndinokumbira ruregerero pane zvandaita kumba uko kwaiva kuri kutsamwa handina kunge ndafunga zvichasvika pakudaro." Ndaiva ndakapfugama ndichiita kuombera, vakauya vakandibata ndokusimuka ndakamira vakatanga kutaura. "Ndini ndakakutadzira nokuti ndiri kuona nyaya yako nemhuri yekwaMunetsi yakakura kwazvo,asi ndinoti Mwari vachapindira zvavo." Vakadaro ndokuzoonekana ini ndavakudzokera kumba ndakushaya kuziva chii chakanga chichiita pandiri ndega ndega ndichazoroorwawo here ini? Handina kuona Simba akanga amira mberi kwangu ndakamupa hug ndokugara muzasi menzira tikatanga kuits nyaya dzakasiyana siyana zvokuti ndakapedzisira ndoseka kuratidza zvandaiva ndiri kufunga zvatobuda mufungwa dzangu. Ndakanga ndotamba naSimba zvokusvika pakutarisana kumeso kwedu toshaya kana mashoko ekutaura ini ndai pedzisira ndonyara nekuramba ndakatariswa mumaziso. Hongu Simba ndakanga ndichimuona sehanzvadzi yangu kubva tichitanga kutamba tose hapana paakaita zvakaipa hake. SIMBA Zvandainga ndichigara ndiri ndoga.siku,nemasikati ndakanga ndichinamata. Kuti hupenyu hwangu hufambe zvakanaka. Hongu Gogo vakanga,vandisiya, handina kubvira ndakwanisa kutengesa zvose zvavaiva vandisiira. Asi, ndakanga ndichirwadziwa nekurarama kwaTambu nababa vake. Nekuda kwevanhu. Mweya, wakanga wandiudza kuti, udza Tambu zviri pamoyo pako, asi ndakazvishingisa, ndikati, "handidii kumurwadzisa." Rimwe zuva ndakarwadziwa, ndichinzwa kuti mukomana waakanga auya naye ndiye waakanga achida kuroorwa naye. Zvinova zvakandirwadza pamoyo pangu. Zvekuti ndakatadza kudya nekurara, ndichichema, kuna iye musiki kuti, "nei vaita izvi? zvandiripo wani, ndinokwanisa kumu chengeta Tambu. Zvamava kuda kumuisa, mumaoko asina kufanira ndizvo here? Zvandaka vimba wani naye, ndikati ndiye achazova munyaradzi wangu. Hongu handina, kumuudza zvandakanga, ndichinzwa ndichitya. Asi kana zviri izvo zvinenge zvakarongwa hazvina hazvo mhosva ndichamirira. Kusvika misi nenguva kana zvichinge zvakwana." Ndakarwadziwa zvisingaiti ndakanga ndakungo nyepera zvangu kunge zvose zvakanaka mumoyo ndichiziva chokwadi. Rimwe zuva ndakamuona achibva Kuma shop, ndakambundirana naye tikatanga kutaura nyaya, kuitira kuti akanganwe nokuti ndakanga ndaona kuti anezvinhu zvakawanda zviri kumu netsa. Andina kuda kumubvunza nezvemukomana wake, nokuti ndakaziva anogona kutanga kuchema kana kumufungidzisa zvinenge zvakapfuura. Asi ndakanga ndichiona kuti akaenda kumurume wake handioni vachizogarisana zvakanaka nokuti hakuna murume anoda munhu akaita uyu! achinzwa kuti ane mwana wake kana ivo vabereki vake havanga kwanisi kuzvi gamuchira . Ndakasiya padiki kuda kuchema kubudisa misodzi ndaona zvaakanga ari, akanga akuita kunzwisa tsitsi. Hongu! akanga asina kundiudza pachena zvakanga zviri mukati nemoyo wake, asi ndakanga ndazviona. Ndakazoparadzana naye ndodzoka kumba. Ndichisvika ndakawana vana sekuru varipo hama dzagogo. Avo vakatanga kubvunza kuti " muzukuru musha uno, unodawo munhukadzi anokwanisa kusara pamba kuitira kana iwe uchinge wabuda uchienda kubasa. Zvemuno muruzevha. Ungodzoka uchiona pamba pakashongedzeka. Pachiratidzika panogara vanhu, manje izvezvi panoita kunge pasango. Hongu! isu hatina chatinga kwanisa kuita nokuti hupfumi hwese hwawakasiirwa uhu, makwai nembudzi nemombe nhatu idzi, dziri mudanga wakasiirwa nagogo vako. Hatina kutora nokuti tine zvedu, asi chatinokurudzira, pari zvino tinoda kuti utsvake hama dzababa vako kuti dziri kupi. Pamwe baba vako vangadai vari vapenyu nokuti Mai vako vakafa hapana chavakataura. Kana Gogo vako hapana, chavakataura." Sekuru vakadaro pandakada ndibvunze kuti "nayi sekuru nhau yababa vangu vakanga vachishandisa surname yekuti chii?" Pavakanga vakuda kundidaira ndakaona Tambu achisvika achiita kumhanya, akasvika nekutanga kutaura zvinhu zvakanga zvaitika kwaakanga abva kumba kwavo. Tambu zvose zvaaitaura ini moyo wangu,wairwadza nokuti ndaimuda nemoyo wangu wose. Uye ndinoda kumuona achigara achifara kwete kumuona achichema kana kutambudzwa nevanhu. Nokuti mukati memoyo wangu ndakazviudza kuti Tambu ndiye wandichagara naye kweupenyu hwangu hwese, ndiye Mai vevana vangu. Saka kushungurudzika kwake kunondirwadza.Asi ndakazviudza handidii kukurumidza kumuudza zviri pamoyo wangu, nokuti ndinoda kutanga ndaona mukomana wacho arikuda kumuroora arikufungei. Zvese nekuona anomuda zvechokwadii here? Nokuti handidii kuona Tambu achitambudzwa nemunhu ini ndiripo. Ndiye munhu one arimukati memoyo wangu. Saka handidii naye kana mbuya vangu vari vapenyu vaimuda Tambu zvakanyanya, ndikaroora iye ndinoona kwavari vanofara nezvandenge ndaita.. To be continued on chapter 3