CHAPTER 1️⃣8️⃣ VAMACHINGA Ndakatoshaya kuziva ndiani akanga andishanyira husiku hwakadai. Ini ndainge ndarara nemudzimai vangu. Ini nemukadzi vangu taiva tisina mwana tose nokuti kubva zvakarasikirwa nemwana achiri mudiki mbereko yakaramba kutamba pamazuva acho. Ndakabuda ndakaisa mupini wedemo kumashure ndaisaziva akanga ari ani uye zvaizondibatsira kubuda ndakabata mupini uyu. Ndakasvika panze ndokuona mbuya nasekuru vaive vakagara pasi, zviso zvavo zvakanga zvisingaoneki kuti ndivanani. "Ooooh! Mavakumutswa marara VaMachinga?" Akadaro murume uyu aiva wechikuru ini paakadana zita rangu ndakatadza kumutondera kuti akanga ari ani sezvo ndakangoti ndiri Sabhuku pamwe vanhu vaive vauya kuzotsvaka pekurara nokuti munhu akanga wirwa nezuva ashaya kwekuenda vanhu wemudunhu vanotya kubirwa saka vachiuya kuno kwandiri Sabhuku. "Ayewa baba! Hamungagmdaro nokuti handisati ndarara. Kwaiva kungotandara chete uye handichatondera mazita enyu." Ndakadaro ndichida kuona matangiro enyaya yangu. "Zvakanaka mwana wedu! Isu tinoitwa vana Kezari tinobva kwaMurehwa uye chaita tisvike pano inyaya yatakaudzwa naJessica nokuti mwana adai kukura anoda kuroora achiziva baba vake." Pavakataura zvaJessica nesurname ndakavhandamuziva uye ndaiva ndakamitisa mazuva andazotizirwa nemudzimai vangu. Ndakatanga kubuda misodzi ndofunga ndakanga ndiri baba rudzi vaisiya mwana achitambudzika. "Ndatondera baba naMai." Ndakadaro ndichiuchira maoko angu uku ndakanga ndichiti mudzimai achandigumbukira nekuda kweizvi. Asi zvose akafara nazvo akapinza vaenzi mumba nokuti kuramba tiri panze kwakanga kusisaita. Takakwazisana zvakanaka nokubvunzana mufaro ndakaona kuti vaviri ava vane zvavakanga vachida kutaura nekuona kwemeso angu. "Zvataura kudai maziva nyaya yacho nzou? Nokuti mwana wenyu akura minyama yanosangana nayo yakaoma uye hatina kunge tamuudza nezvekuti tiri kuenda kunoona baba vako nekutaura navo sezvo takauya naTambudzai." Vakataura vachiita kutura mafemo Ini pandakanzwa zvekunzii TAMBUDZAI ndakarohwa nehana ndakutadza kugarisika. "Matii mauya kuno naTambu? Vandinoziva here?" Ndakadaro ndichida kuziva kana ari mwana wavaChitiyo uyu. "Hongu? Anogara apo anababa nemwana vake Ropafadzo ndiye aenda nemwana komana wenyu nokuti amhanyira kuna mbuya vake isu tikati ndivo mukana wekuti tikwanise kutaura nemi tisati tazivisa mwana komana uye kufara nokuburikidza kugamuchira nokuti madzimai mashoma anofara neizvi. Ndaona mukadzi wenyu atendera nokugamuchira Pardon mwanakomana wenyu." Ndakafara nazvo zvose zvekuenda naTambu ndaiva ndisisina basa nazvo uye chandakanga ndotya kuti ndaiva ndakamboda Tambu apa ava muroora wangu ndinozvitambira sei kana iye anozvigamuchira here kuti ndini baba wemwana uyu?. Ndakatenda ndokuzorara tamirira kunze kuedze tione tingaita sei nezvazvo uye tingatora matanho api kana ari mudzimai aita kufara nokuti iye akanga achingoda mwana haana basa nokuti ndevani zvake. MELISA kutaura chokwadi ndaita kunzwa rinonzi godo chairo ndichiona Tambu achisvika pamba pedu mahusiku. Ndakangoti akada kurara pano handimutendedze nokuti ndaiziva baba wekwangu wakanga vachiri kuda Tambu, ndaiona nemaziso angu . Akasvika akakwazisa munhu wese ini nemurume vangu hatina kukwanisa kudaira nokuti ndakanga ndichirwadziva uye kugara kwaiita mwana wake pano ndaiva ndine mufaro mushoma handizive chakanga chiri chii chaizvo. Ndakazofara pakaenda nemwana wake ndakati regai ndinzwe Mhamha ava. "Nhai Mhamha! Ropafadzo kutoenda zvamuchose here kana achadzoka?" Ndakadaro ndichiona vakubudisa misodzi pameso pavo. "Muroora wangu! Ropafadzo haachadzoke nokuti ndiri kuona arikukushaisa mufaro pano pamba uri kuziva here kuti kuswera zuro vakasara naye uchitaura zvisina kunaka kumwana mudiki akaita sauya? Unoti achinzwa izvozvo anofungei? Mashoko ako pandakamanzwa akandirwadza kwazvo ndaiva ndakamirira nguva iyi uye ndakanga ndisisa musiye kwauri nokuda kwehunhu hwako uhu." Vakataura zvakawanda ndakaona ndaiva ndaudzwa chokwadi uye Solomon akandibata ruoko akapinda neni mumba medu mokurara umo akasvika achinditi. "mweya rudzii vaunoitira mwana wangu? Sei une godo ndakakuudza ndiwe vandinoda ukanganwe nezvaTambu? Unoti hazvindibhohwe kuramba uchingotaura nezvake siku nesikati uchitadza kuita move on nezve upenyu hwedu uyu munhu vauri kuitira godo hatorina basa nesu arikurarama hupenyu hwake iwe simbiri simbiri naye zvako." Ndakaita kuudzwa zvandakanzwa ndakabuda panze ndichisvikonzwa amwene vangu vachi... TAMBUDZAI Kupinda kwandakaita hameno chembere iyi yakaziva sei ndini ndakanga ndapinda. "Tambudzai muzukuru wangu!" Vakadaro ini ndaiva ndaita kugara muzasi memoto ndakagara chirume. Ndakanga ndichiti ndikaona chembere iyi ndainzwa kurwadziva kuita kunge chironda chakanga chapora chadzokedzana pahunyoro zvakare. "Ehe taurai zvamunoda kutaura nokuti ndauya kuzokuonai chete kuti ndimi here makanga muchitaura mazuva aya amaida kundiuraya mavakunzwisa tsitsi kudai? Zvandaiti munhu anobata bata anemushonga haarware izvo ndaizvinyepera mufungwa dzangu. Ndaiti zvimwe zvamaida kundiuraya paya pamakandisira mushonga muchikafu ndaiti muri Mwari? Ko, sei masvika pakudai kana mishonga yaikunakirai kwamuri muchiita kunge musisapfukirwa nevakafa." Handina kupedza kutaura zvandaida ndanzwa sekuru kupinda kwavakaita mumba umu. "Muzukuru zvavauya kudai zvanaka nokuti hondo iri pano haina kunaka tanzwa nayo pamwe ungakwanise kuvanzwira tsitsi nezvavri izvi." "Sekuru! Zvamuri kutaura hazvikwanisike nokuti ini handizi Mwari uye handinzwire munhu anobata mushonga tsitsi. Kudai vaiziva zvavari kuita zvakashata vakadii kugara varega? Ivo vakaurava ndivo vaisafanirwa kunzwirwa tsitsi here? Munoti ndakanga ndisingade kukura ndichiona Mai vangu pamwe chete nababa vachindipa Rudo vari pamwe chete, asi nokuda kwekuti vakavauraya ndikasara ndichiona moto. Nekutambudzwa nemi." Ndakataura zvakawanda ndavakuita kuchema zvokuti vamwe vose vaiva vakarara vakamuka vachiuya mumba umu. Vakaedza kundinyengerera zvavo, asi hapana chakashanda nokuti ndaiva ndakarwadziwa moyo wangu nezvakaitwa nechembere iyi zvekusvika paku....... To be continued on chapter 19