Chapter 1️⃣5️⃣ MELISSA Kusvika kwandakaita ndichiona kamwana kaTambu karipo kachitamba nambuya vacho. Ndakaita kunzwa dzimwe hasha dzakanga dzisingaiti. Ndakatanga kutsvaka Solo handina kana kuwana nguva yekukwazisa mai nababa ndakangoenda muroom maiva naSolo ndakasvika. Akanga akatogara zvake ndakasvika nokugara handina kana kumumhoresa ndakangoti . Solo ndezvipi zvawava kutiitira izvi ndizvo zvatakawirirana hr? Zvekuti unounza mwana wako pano ndizochengeta ini usina kuwirirana neni. Ipapo Solo anotanga kunditarisa. Anotanga kuseka ini ndakaita kuvira nehasha ndichimubata kola. Solomon ndiudze kuti ndezvipi izvi ndibudire pachena kana uchinge wadzokerana naTambu kwete kuda kunditambisa sezvauri kuita izvi kana kutamba neni. Ini handisi kutamba ndiri kutotaura ndichirevesa pandiri apa. Nokuti handisi kuda zvekurwadziswa ndakadaro ndichitaura naSolomon. Asi iye akandibata maoko angu akanga akabata kola yake. Achibva arasira kwakadaro akatanga kunditi Melissa kusvika rinhi uchingofungira zvinhu zvakashata. Watadza kukwazisa vanhu vakuru kwauri wakaenda kwemaweek akawanda wadzoka nhasi wakutanga futi zvakapera kudhara. Hausati wanzwa pakatangira nyaya yese kuti mwana azosvika pakuuya pano. Akuudza kuti mwana iyeye ndiwe uchamuchengeta ndiyani? Uye achange achigara pano nokuti ndini baba vake. Kana iwe usinga fariri mwana iyeye achagara namai vangu . Nokuti ndivo mbuya vacho nokuti ndinoziva kuti zvinokurwadza kuti uchengete mwana asiri wako nokuti iwe naTambu hamuonani ndinozviziva. Asi edza nepose paunogonae kuavoidha izvi nokuti ini handisi kuda kutaura. Usandituma kutaura mashoko akashata. Pamusoro pako nokuti handisi kuda zvekutaura mwana uyu ndewe rudzi rwangu iropa rangu iri. Harisi ropa rako ndichamuchengeta ini kunyangwe iwe usingadii ini ndinomu chengeta. Ko ini ndinogotadza neyi ivo sekuru vacho vakamuchengeta muzukuru uyu kusvika akure paari apa. Nhasi uno ndopooda kutanga kuti haa. Iye Tambu wacho unomuvengerei akuudza kuti ndadzokerana naTambu ndiyani? Kutaura kwauri kuita ikoko. Solomon akadaro asi ini ndakanga ndobuda misodzi nekutaura kwaakanga achiita. Nokuti ndakanga ndakutoona kuti, apa kaa kana ndichida kuramba ndichigara pano ndofanirwa kufarira mwana uyu. Nokuti, hapana zvimwe zvandaikwanisa kuita kunze kwekugamuchira zvakanga zviripo. Nokuti ndakanga ndauya ndichiziva kuti akanga anemumwe musikana waakanga anemwana naye. Ndakanga ndashaya hunhu nekutaura kwakanga kwaitwa naSolo. Ndakatoona kuti ndini ndaiva ndiri wrong kufungira zvakaipa. Ndakanga ndichifanirwa kutanga ndagara naye pasi ndomubvunza. Ndakadzokera panze paiva pana baba namai ndikatanga kukumbira ruregerero. Pakushaya hunhu kwandanga ndaita ndokudzokera mumba. Ndakatanga kubuda misodzi ndakurangarera zvaiva zvataurwa nemurume wandaiva ndasangana naye. Kwandaiva ndaenda Solo ndinoziva kuti urikutaura chokwadii. Uye ndinokumbira ruregerero pane zvese zvandanga ndaita kwanga kusiri kuda kwangu handizivi kuti chii. Changa chandituma kudai ndinovimba kuti kufungira munhu zvakaipa kwakashata. Sekufungira kwandanga ndaita kuti pamwe wadzokerana naTambu. Ndakadaro misodzi yangu ichibuda. Iye Solo akati, Melissa ini ndakatozvigamuchira nokuti, hapachisina zvekuita iwe wakatouya mulife mangu. Totoita move on hapachina chimwe chandichakwanisa kuita. Ndinovimba kuti Tambu achawana mumwe achamuda nemoyo wese kwete ini zvangu. Ndakatoita kuti zvipfuure asi mwana wangu ndinomuda. Semadiro aanoitwa namai vake nasekuru vake. Ndichamuratidza zvose ndinomuda mwana uyu hapana zvandinga kwanisa kuita nokuti ndiye achandirangaridza zvose zvakaitika. Akataura achidaro Solomon akubudisa misodzi. Ndakamutsanangurira zvese mukufamba kwandakaita. Nezvandakanzwa nezvatakanga tichifungira Tambu kuti akanga achinyepa. Asi Tambu akanga achitaura chokwadii ndakamuudza zvose akasvika pakubuda misodzi. Nekunzwa zvakanga zvasangana nababa Tambu nekuda kwekunzi vakapara mhoswa ivo vakanga vasina vakarohwa. Kupotsa vafa ivo vakanga vasina zvavaiziva. Akanzwa tsitsi ndikamubata ndikamugarisa pasi. Ipapo ndipo pakapinda baba namai vachisvika vachiti gogo vaTambu....... MARIA Zvakanga zvichindirwadza kuona mai vari panguva yakadai. Ndakanga ndisisa zorora kubudisa misodzi zuva nezuva. Dai vakanga vachitaurawo neni ndanzwawo zviri pamoyo pavo hongu ndinoziva kuti vakaita zvakaipa. Kumashure uku hongu ndinoziva kuti zvakaoma kuzvigamuchira. Uye handisi kuda kurasikirwa namai kunyangwe vakanga vachiita zvakashata ndinova gamuchira kuti ndimai vangu. Kubuda kwakaita baba Tambu nababa panze nasisi Vero ndakasara ndinaSimba mukati namhamha. Mhamha vakanga vakaita maziso akanga akangovurika maoko avo akanga akaoma achiita kutonhora kuti tonho. Kuita kunge vakanga vasina ropa izvi zvakanga zvichindirwadza mukati memoyo mangu. Ndakaona kuti zvavo kunyangwe vasinga kwanisi kutaura asi kunzwa vainzwa. Ndakavaudza kuti mhamha muchiona mukomana uyu agere apa ndiye achava murume wangu ndinoda kuti mutipe makomborero musati taparadzaniswa imi neni. Hongu ndinoziva kuti panguva yamuri iyi hamukwanisi kuzvigamuchira. Asi ndizvo zvatongovapo ndiye achava murume wangu ndakadaro ndichibata ruoko rwaSimba ndokubata mai vangu maoko avo. Ipapo vakaedza kuda kushama muromo wavo asi vakatadza vaiedza kuda kutaura. Waitoona wega kufambisa muromo asi vakanga vasinga kwanisi kutaura. Misodzi ndiyo yakanga yakungobuda chete pamiso pavo. Izvi zvinova izvo zvakandiudza kuti idzi dzakanga dziri shungu. Asi chekuita ndipo pakanga pasina nokuti muromo wavo wakanga wakabatwa. Maziso avo akatanga kubuda misodzi hapana kuita nguva. Ndakanzwa ruzha ruzha panze kuratidza kuti pane chakanga chaitika panze. Kumhanya kwatakaita kubuda panze ndakaona sisi Vero vakamonererwa gumbo ravo nenyoka. Apo pavaiva vakagara paimba yamhamha. Ipapo baba vakanga vachiedza nepose pavanogona kuti nyoka iyi isakwanise kuruma asi zvose zvakanga zvisingaiti nokuti vakanga vakamoneredzwa gumbo. Apa vakanga vachichema izvi zvakatoita kuti ndishanisike kuona zvakadai izvi. Ndakabvunza baba, nayi baba chii ichi nokuti, nyoka iyi iri kuratidza kuti iri mukati memumba mamhamha. Mamunorara imi namhamha chii? Chakaitika. Ipapo baba vangu pavakada kuti vataure ndakanzwa kuchema muimba yekubikira. Avo vanga vari mai vangu vakangosheedzera kuti no. Pandakamhanya takawana vazviwisira pasi . Apa pedyo navo pakanga pakazara nyoka dzaiva dziripo. Handizivi kuti dzakanga dzabva kupi ipapo takatanga kushamisika . Kana mumba umu makanga musisapindiki nekuda kwekuona nyoka idzi zvakatondinetsa. Munhu wese akanga avakungo bvunda hana ndichiita kurovera padenga chaiko nekuona chiitiko chakanga chiri apa. Ipapo ndakanzwa inzwi rasisi Veronica richiti. Nyoka idzi ndomishonga yavaitora kwaka siyana siyana kun'anga izvi kuti zvikwanise kupedzewa izvi. Zvinoda mwana wemufi aripo ndiye anokwanisa kunzwisisa chichemo ichi. Pasina Tambu apa hapana zvamungakwanisa kuita nokuti nguva yavo yekuti vatorwe yakwana asi, nekuda kwezvinhu izvi ndizvo zviri kuvatadzisa kuti vakwanise kuenda. Kana vasati vareurura pamberi paTambu hapana kwavanoenda . Chatongovapo apa ndichekuti titsvake Tambu ndozvingakwanisa kuita . Nokuti nyoka yakanga yandimhonera kungoti no kwavaita handina kuzoona kuti yafamba sei. Ndazongoona door remuroom mavo ravhurika kana kuti ndizivi kuti ayiva arivhura ndiyani handizivi. Asi kuuya ndichiona izvi ndiri kuona kuti nyoka idzi hadzisi nyoka asi vanhu vavakauraya. Isu tiri kuona senyoka asi hadzisi nyoka vanhu vese vavakauraya ava. Asi kuti zvipere zvinotoda Tambu tapihwa mazuva mashoma nana ekuti tikwanise kutsvaka Tambu. Kana tisina kukwanisa kumutsvaka nenguva hapana zvatinga kwanisa kuita nokuti dambudziko iri harikwanisi kupera. To be continued on chapter 16