CHAPTER 4️⃣ Unedited..... TAMBUDZAI Ndaiva mdazvipira kuenda kunoona vabereki wemukomana wangu Kuda. Chakanga chichizondiwana kana chaizoitika mberi ndicho chandaizoonana nacho. Ndakaudza Simba nezvazvo ndakaona pameso pake paiva pasina mufaro zvavo zvakaita ndibatikana even be side that Simba aiva achinja asisaita zvaivanzo iti zvokuti ndakamboda kumubvunza ndikaona zvisina kunaka zvokuti ndakasvika pakuenda ndichimusiya asina mufaro zvachose. Ndakaonekedzana nababa nemwana wangu Ropafadzo, akanga achondirwadza kumusiya nokuti akanga achiri mudiki asati akura zvakandirwadza, asi chekuita pakanga pasina zvapo. Ndakaonekana newese vaiva pamba pababa vangu kusanganisira Mainini Veronica naMaria nokuti ndakanga ndichienda kunoita Vhiki imwe chete ndiri kumba kwanaKuda ndozodzoka kumba kwedu. Makuseni seni ndakaonekana nababa vangu kasingapere uku pameso pavo paiva pazara misodzi yakandirwadza,asi chekuita pakanga pasina chekuita kunze kwekuita zvakanga zviripo. Mubhazi ndaiva ndakanyarara ndichifunga ndaizonotangira papi ini ndakanga ndakakura ndisina Mai kana tete zvavo wakanga vachikwanisa kundiraira. Ndaizonyarira kupi? Rwendo runo ndagurwa kunorira chaiko. Ndaiva ndiri mukufunga ndakanzwa zvakunzi tasvika ngatiburuke. Zvokuti hatina mutanho vatakafamba vakakura zvavo taiva tasvika pamusha pavo. Kumba kwana Kuda kwaiva neimba dzezvidhinha,asi dzakafirirwa nehuswa zvakanga zvakasiyana nekwandaiva ndabva kwakanga kune imba dzematanda kusina dzezvidhinha izvi.. Ndaona kahanzvadzi kake kakauya kwataiva kakatanga kutaura nezvemukadzi vaKuda aiva achiti ari mukati kwandiri akafinyamisa kumeso kwake uku ndipo pakabuda mai nababa. VaKuda avo vakanditarisa kubva kutsoka kusvika kumusoro zvakatondinetsa kuti chaiva chiri chii ichi.. Ipapo ndakanzwa baba vaKuda vavakuti.. "Kuda mwanakomana wangu, pindai mumba nevamwe vako vamauya nawo ava nokuti hatinga taura nevaenzi pano panze hazvina kunaka." Mashoko avakataura akaita ndinyewenuke pameso pangu kunyangwe ndisina kuziva zvakanga zvichida kutaurwa apa. Ndakangoti kuna Kuda ndipo kapu nemvura ndakanga ndakaudzwa zvimwe naMainini Veronica zvandakanzwa. Vaitova mutemo wekuti kana ndasvika ndaipa baba naMai vaKuda mvura yekunwa iri mukapu sechirango. Ndakagwesha nemabvi ndichienda kwaiva nababa vaKuda zvokuti havana kuitambira vakaramba vakatarisa kudivi ndakangoti zvinani izvo. Ndakagwesha nayo mabvi ndichienda paiva naMai VaKuda vakatambira vakanwa. Ndapedza ndakagara pasi paiva nesaga rakanga takavaridzwa ndakatanga kumhoresa baba vake havana kubvira vadaira zvokuti pandakapedza kukwazisa ndakanzwa baba vake vakutaura. "Kuda! Ndiye vavaitaura anemwana wake here uyu? Unoda tiite sei naye pano pamusha, tarira uyu ariapo ndiye vako chaiye kwete uyu" vakadaro paiva pakuda kudaira Mwana wavo, ndipo ndakati.. Pamusoroi baba naMai. Muchiona kuuya kwandaita kudai hakuzi kuda kwangu uye kutaura kwamuri kuita kuratidza kuti inini handizi munhu anokodzera kuroorwa nemwana wenyu. Asi ndine mubvunzo wandinoda kubvunza kuti. Kwaiva kuda kwangu here? Imi pamuri mune mwana sikana akamitiswa nemistake inganzi imhosva uye hachakodzera kuroorwa here? Ndinoda kubvunza zvakare kuti....." Handina kupedzisa kutaura ndanzwa Mai vacho vava kuti kune murume wavo..... MELISSA Zvinhu zvakanga zvandiomera handina kuziva kuti Solo angasvika pakudai. Nekundi vimbisa zvinhu zvose zvaakanga aita. Ongomuka zuva raakaonana naTambu achitadza kumuregerera . Akatotora tambo yekuzvisungirera. Asi zvakatondi shamisa zvokuti kana mashoko akataurwa naTambu. Handina kutendirana nawo ini pache zvangu. Kunze kwekuti ndakanga ndichida kuenda kunoona Mai vangu chaivo kuti vandiudze chokwadii chose. Chezvakaitika izvi kuti chaiva chokwadii hr kana kuti ayiva manyepo. Kuna kuti Tambu ayida kuwana kudzokera nenzira isina kunaka kuna Solo. Achida kushandisa Mai vangu. Mazuva akanga afamba ndakakumbira amai nababa Solo naSolo akanga asingadii kutaura neni mazuva acho kuti ndokumbirawo kuenda kumba. Ndaida kuzonotaura namai vangu pane mashoko muviri matatu andakanga ndichida kutaura navo. Nokuti akanga achindirwadza nokuti ndakanga ndichiona kuti Tambu akuda kuenderera ndakaita zvekutamba Tambu anokwanisa kutora murume wangu ndakatarira. Ndakamuka mangwana makuseni ndokuenda kumba kwaigara sekuru nambuya vangu. Ndikavaudza kuti ndoda kuenda kunoona Mai vangu pane zvandiri kuda kunotora ko. Havana kuramba vakabvuma mangwana makuseni ndakakwera bhazi ndichienda kwaigara mhamha ndakasvika vari pamusika pavo. Pandaka buruka bhazi vaiva vari pamusika. Mai vangu vakafara vachindiona asi pane chimwe chandakaona kuti kufara kwavo hakusi kufara semauyiro avakamboita ndiri kumusha. Vakafara zvisingaiti vakataura vachiti mwana wangu Melissa kusimba hr?uku usandiudze kuti mukati umu mava nemuzukuru. Ndinoda kubata muzukuru kubva kwauri ndiwe mwana wangu wega iwe ndinoita zvese nokuti ndiwe wandinoda. Vakadaro vachibvunza kuti ko Tambu aripi? Akasvika kumusha hr? Nababa vake hapana zvawakataura here? Ini ndakango pindura ndichivati mhamha nyaya yaTambu iyi ndiyo yaita ndiuye kuno nokuti pane mashoko akataura. Pamusoro penyu ivo vakati mwana wangu kutaura chokwadii vanhu vanofambisa nyaya dzenhema. Uye handina kubvira ndakaonana naTambu hongu baba vake vakanga vari mujeri. Nekuda kwenyaya dzavo asi handina kubvira ndakaonana naye kana. Havana kuzokwanisa kupedzisa kutaura nekuti pakasvika umwe munhu akanga akamira kumashure kwavo. Akati Mai Melissa udzai mwana chokwadii chose chakaitika. Nokuti zvamuri kuita izvi muri kutsvaka ruvengo kuvana vachazovengana nokuda kwenyu. Zvakakodzera kuti mutaure chokwadii nokuti zvamuri kuda kuita izvi zvachakanganisa zvimwe zvinhu. Nokuti imi makabva kumusha muchitaura kuti baba Tambu vakaba mwana. Mwana wemukadzi mukadzi wacho akanga auya akaroorwa anemwana wake. Vakasungwa vakarohwa kuita sevachafa nekuda kwenyu imi. Izvezvi munamato yavo haikwanisi kukukomborerai. Asi kutaura chokwadii Tambu akauya akakuitai sei kusvika makukumbira ruregerero nhasi ndizvo zvomoudza mwana hr? Izvi murume uya akataura zvakawanda mashoko akataura akanga achindibata. Handina kuziva kuti Mai vangu vanga svike pakudaro. Ndasvika pakubuda misodzi ndokuona kuti Tambu akanga achitaura chokwadii. Chaicho sezvachiri ini ndakanga ndisina kumuvimba ndakanga ndatora side ramai vangu. Nokuda kwekuita zvakanaka. Nokuti apa ndakutoona kuti amai vangu ndivo hodzeresi yazvose handina zvimwe zvandakataura. Kunze kwekutora murume uyu ndiye akanga achikwanisa kunditsana ngurira zvese. Ndakaenda naye padivi pakanga pasina Mai vangu ndakasvika ndikati. Nai baba mungakwanisa kundiudzawo zvese zvakaitika hr? Nokuti ini ndiri murima kuti ndisvike panapa kuda kwaTambu nokuti ini naTambu takanetsana achinditi Mai vako iwewe vakasvika vakareva nhema. Vakasungisa baba vangu izvezvi baba Tambu nyama dzavo dzinogara dzichingorwadza nguva nenguva. Zvokuti ukavatarisa unotodzwa tsitsi chaiko ini hazvindifadzi izvozvo. Kuti munhu okuvadzwa nekuda kweumwe munhu nokuti mangwana tinoshaya pekunyarira nokuti ivo vavakidzani vedu kumusha uku. To be continued on chapter 5 More LIKES and comments plz.. Stay blessed😘😘